Usatyira Kure—Zvaungaita Kana Une Zvakawanda Zvokuita
1. Sei vamwe vachizeza kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri?
1 Vamwe vanozeza kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri nokuti vane zvakawanda zvokuita muupenyu. Ichokwadi kuti kutarisira mudzidzi weBhaibheri kunoda nguva. Panodiwa nguva yokugadzirira chidzidzo chacho, kuchiitisa uye kubatsira mudzidzi kuti akunde matambudziko aanosangana nawo muupenyu. Muapostora Pauro akati akapa mweya wake kuti abatsire vanhu vokuTesaronika kuti vazive Jehovha. (1 VaT. 2:7, 8) Tingakwanisa sei kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri kunyange tiine zvakawanda zvokuita muupenyu?
2. Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tishandise sei nguva yedu?
2 Kushumira Jehovha Kunotoda Nguva: Chokwadi chiri pachena ndechokuti kunamata kunotoda nguva. Somuenzaniso, tinogara tichironga kuti tive nenguva yokuenda kumisangano, kunoparidza, kuverenga Bhaibheri uye kunyengetera. Munhu anenge akaroora kana kuroorwa anotoona kuti awana nguva yokuva newaakaroorana naye pasinei nokuti ane zvakawanda zvokuita uye anozviita achifara. Kana tichiita izvi, ko kuzoti nguva yokunamata Jehovha? Tinotofanira ‘kutenga’ nguva nokuti tinomuda. (VaEf. 5:15-17; 1 Joh. 5:3) Maererano nezvakataurwa naJesu, chinhu chinokosha pakunamata kwedu ndiro basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Kufungisisa nezvenyaya iyi kuchatibatsira kuti tisazeza kuita basa rokudzidza nevanhu Bhaibheri.
3. Tingatarisira sei munhu watinodzidza naye Bhaibheri kana mamiriro ezvinhu akavhiringidza purogiramu yedu yokuparidza?
3 Zvakadini kana purogiramu yedu ichivhiringidzwa nebasa, urwere kana kuti mamwe mabasa okunamata? Vamwe vaparidzi vanoshandisa foni kana kuti dzimwe purogiramu dzepaIndaneti pakudzidza pavanenge vasingakwanisi kuonana nevavanodzidza navo Bhaibheri. Vaya vanoona kuti purogiramu yavo inovhiringidzwa nemhaka yourwere vakaronga kuti mudzidzi weBhaibheri auye kuzodzidzira kumba kwavo. Vamwe vakaronga kuti pange paine mumwe muparidzi anogara achiwanika wokuti kana ivo vasipo muparidzi uyu azoenda kunodzidza nevanhu ava Bhaibheri.
4. Zvikomborero zvipi zvatinowana kana tikaita basa rokudzidzisa vanhu Bhaibheri?
4 Pauro akawana mufaro mukuru pakushandisa nguva yake nesimba kuti abatsire vamwe kuti vadzidze chokwadi. (Mab. 20:35) Paakafunga nezvevanhu vaakabatsira kuTesaronika, akanzwa achida kutenda Jehovha. (1 VaT. 1:2) Mufaro wedu uye kugutsikana muushumiri zvinogona kuwedzera kana tikasabvumira zvinhu zvakawanda zvatiinazvo muupenyu zvichitivhiringidza pakudzidzisa vanhu Bhaibheri.