Usatyira Kure—Kurira Dambudziko Rokuzviona Sousingakwanisi
1. Sei vamwe vachizeza kuudza munhu kuti vanoda kudzidza naye Bhaibheri?
1 Unozeza kuudza munhu kuti unoda kudzidza naye Bhaibheri uchifunga kuti haukwanisi kunyatsodzidzisa here? Pane dzimwe nguva vamwe vashumiri vakatendeka vakararama kare, vakadai saMosesi naJeremiya vakambozviona sokuti vakanga vasingakwanisi kuita basa ravakapiwa. (Eks. 3:10, 11; 4:10; Jer. 1:4-6) Kunyange nanhasi vakawanda vanonzwawo saizvozvo. Tingakurira sei dambudziko rakadaro?
2. Sei tisingafaniri kugutsikana nokuita ushumiri hwepaimba neimba tichiti vamwe ndivo vachaita basa rokutsvaka vokudzidza navo Bhaibheri?
2 Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haambotiudzi kuti tiite chinhu chaanoziva kuti hatichigoni. (Pis. 103:14) Saka basa ratakapiwa rokuti ‘tiite kuti vanhu vave vadzidzi,’ ‘tichivadzidzisa’ ibasa ratinogona. (Mat. 28:19, 20) Jehovha haana kungopa ropafadzo iyi kune vaya vava neruzivo kana kuti kune vane matarenda acho. (1 VaK. 1:26, 27) Saka hatifaniri kugutsikana nokungoita ushumiri hwokuparidza paimba neimba tichiti vamwe ndivo vachaita basa rokutsvaka vokudzidza navo Bhaibheri.
3. Jehovha anotibatsira sei kuti tikwanise kudzidzisa vamwe Bhaibheri?
3 Jehovha Ndiye Anoita Kuti Tinyatsokwanisa: Jehovha ndiye anoita kuti tigone kuita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (2 VaK. 3:5) Achishandisa sangano rake akatidzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri chisingatombozivikanwi nevaya vanonzi nenyika vakadzidza. (1 VaK. 2:7, 8) Akachengetedza nhoroondo yenzira dzokudzidzisa dzoMudzidzisi Mukuru Jesu, kuitira kuti tizotevedzerawo uye anoramba achitidzidzisa achishandisa ungano. Uyezve, Jehovha akatipa zvokuti tishandise pakudzidzisa Bhaibheri. Akatipa mabhuku akadai saBhaibheri Rinombodzidzisei?, anodzidzisa chokwadi nenzira yakarongeka uye iri nyore kunzwisisa. Kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri hakuna kunyanya kuoma sezvatingafunga.
4. Chii chinoita kuti tive nechivimbo chokuti Jehovha achatibatsira?
4 Mosesi naJeremiya vakakwanisa kuita basa ravakanga vapiwa nokuti Jehovha akavabatsira. (Eks. 4:11, 12; Jer. 1:7, 8) Isuwo tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire. Izvi zvakakodzera nokuti patinenge tichidzidza nemumwe munhu Bhaibheri tinenge tichimudzidzisa chokwadi pamusoro paJehovha, izvo zvinofadza pamberi paMwari. (1 Joh. 3:22) Saka vavarira kuti utsvake vanhu vokudzidza navo Bhaibheri. Iyi ndeimwe yenzira inonakidza pakuita ushumiri uye inoita kuti uwane mubayiro.