Purogiramu Yevhiki yaMarch 11
VHIKI INOTANGA NAMARCH 11
Rwiyo 68 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 6 ¶13-18, bhokisi riri pap. 74 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mako 13-16 (10 min.)
Nha. 1: Mako 14:22-42 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Chirangaridzo Chinorevei?—rs p. 47 ¶1–p. 48 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Chingwa Newaini Zvinoshandiswa paChirangaridzo Zvinomirirei?—rs p. 48 ¶2-3 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Tinodzidzei? Kukurukurirana. Verengai Mateu 10:7-10 uye Ruka 10:1-4. Kurukurai kuti ndima idzi dzingatibatsira sei muushumiri.
10 min: Nzira Dzokuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako—Chikamu 1. Kukurukurirana pachishandiswa bhuku raTakarongwa peji 111, ndima 1, kusvika kupeji 112, ndima 2. Bvunzurudzai muparidzi mumwe chete kana kuti vaviri vakatamira kunzvimbo inodiwa vaparidzi kana kuti vakadzidza mumwe mutauro kuitira kuti vawedzere ushumiri hwavo. Matambudziko api avakasangana nawo uye vakaakurira sei? Mhuri yavo kana kuti ungano yavo yakavabatsira sei? Makomborero api avari kuwana?
10 min: “Nakidzwa Nokugadzirira Chirangaridzo.” Mibvunzo nemhinduro. Dzokororai urongwa hweungano nezveChirangaridzo. Taurai kuti basa romushandirapamwe pakukoka vanhu rava papi.
Rwiyo 8 Nemunyengetero