Nakidzwa Nokugadzirira Chirangaridzo
1. Mwaka weChirangaridzo inguva inokosha yokuti tiitei?
1 Chirangaridzo chichaitwa musi weChipiri 26 March , chinotipa mukana wakanakisisa wokuratidza kufara nokuda kwezvatakaitirwa naMwari kuti atiponese. (Isa. 61:10) Kunyange zvazvo musi weChirangaridzo usati wasvika, kuva vanhu vanofara kuchatibatsira kuti tive vakanyatsogadzirira. Tingazviita sei?
2. Chii chinoita kuti tigadzirire Chirangaridzo?
2 Kugadzirira Chirangaridzo: Kudya kwaShe Kwemanheru chiitiko chinokosha zvikuru asi chinoitwa nenzira isingashamisiri. Pasinei naizvozvo, chiitiko ichi chinoda kugadzirira pachine nguva kuitira kuti zvinhu zvose zvinokosha zvinyatsoitwa nomazvo. (Zvir. 21:5) Nguva uye nzvimbo yakakodzera ichaitirwa Chirangaridzo zvinofanira kuzivikanwa. Chingwa newaini zvinokodzera zvinofanira kutsvakwa. Nzvimbo ichashandiswa inofanira kunge yakachena. Mukurukuri akasarudzwa anofanira kunyatsogadzirira uye vachafambisa chingwa newaini pamwe chete nevarindiri vanofanira kupiwa mirayiridzo yakajeka. Ichokwadi kuti pari zvino zvakawanda zvacho zvakatoitwa. Kuonga kwedu simba rine rudzikinuro kunoita kuti tide kunyatsogadzirira chiitiko ichi chinokosha.—1 Pet. 1:8, 9.
3. Tingagadzirira sei mwoyo wedu nokuda kwoKudya kwaShe Kwemanheru?
3 Kugadzirira Mwoyo: Zvinokosha kuti tigadzirire mwoyo yedu kuti tinyatsonzwisisa zvinorehwa neChirangaridzo. (Ezra 7:10) Kuti tiite izvi, tinofanira kuva nenguva yekuverenga magwaro akarongwa pakuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo uye tofungisisa zvakaitika kuna Jesu mumazuva ake okupedzisira ari pasi pano. Kufungisisa nezvekuzvipira kwakaita Jesu kuchaita kuti tide kumutevedzera.—VaG. 2:20.
4. Chii chinonyanya kuita kuti ufare nemhaka yorudzikinuro rwatakapiwa?
4 Rufu rwaKristu runoreverera uchangamire hwaJehovha. Rwunotisunungura pachivi uye parufu. (1 Joh. 2:2) Rwunoita kuti vanhu vave noukama hwakanaka naMwari uye vawane tariro youpenyu husingaperi. (VaK. 1:21, 22) Rwunotibatsirawo kuti tinyatsotsunga kurarama maererano nokuzvipira kwedu kuna Jehovha uye kuramba takasimba sevadzidzi vaKristu. (Mat. 16:24) Mufaro wako ngauwedzere sezvaunogadzirira kupinda Chirangaridzo chiri kuuya!