Shandisa Nzvimbo Yedu yepaIndaneti Pakudzidzisa Vana Vako
1. Chikamu chakanzi “Vana” panzvimbo yedu yepaIndaneti chinobatsirei?
1 Nzvimbo yedu yepaIndaneti yejw.org, yakagadzirirwa kuti ifarirwe nevanhu vemazera ose. Chikamu chakanzi “Vana” (enda pakanzi, Zvinodzidziswa neBhaibheri > Vana) chinobatsira vana vaduku nevabereki vavo kuti vave neukama hwepedyo uye kuti vaswedere pedyo naJehovha. (Dheut. 6:6, 7) Ungashandisa sei chikamu ichi pakudzidzisa vana vako?
2. Ungasarudza sei zvokudzidza zvinoenderana nemazera evana vako?
2 Nzwisisa Vana Vako: Mwana mumwe nemumwe ane zvaanoda kubatsirwa zvakasiyana nemumwe. (1 VaK. 13:11) Saka ungasarudza sei zvaungadzidza nevana vako zvinoenderana nemazera avo? Zvibvunze kuti: ‘Zvii zvingafarirwa nevana vangu? Vachanzwisisa zvakawanda sei? Vangada nguva yakareba sei yokudzidza?’ Unogona kushandisa nyaya dziri pakanzi “Zvandinodzidza muBhaibheri,” pakudzidza nevana vane makore matatu zvichidzika. Dzimwe mhuri dzinonakidzwa nokudzidza nyaya dzeBhaibheri dziri pakanzi “Dzidzisai Vana Venyu.” Onawo zvimwe zvinotevera zvamungaita.
3. Vabereki vangashandisa sei zvinobudirira nyaya nezvokuita zvavanowana pakanzi “Zvokuita Pakunamata Kwemhuri”?
3 Zvokuita Pakunamata Kwemhuri: Zvokuita pakunamata kwemhuri zvinobatsira misoro yemhuri pakudzidza nevana vavo. Baya pakanzi “Kopa,” woverenga “Mirayiridzo Inoshandiswa Nevabereki” yezvokuita zviripo, kuti udzidze kuti ungashandisa sei nyaya dzacho uye zvokuita. Shandisa nyaya dzokudzidzisa muchishandisa mifananidzo, dzakadai semapeji okupenda kuti udzidzise vana vaduku. Batsira vana vakura kuti vazadzise nyaya dzokudzidza dzevana. Zvokuita zviri munyaya imwe neimwe yokudzidza zvinobva panyaya yakafanana yomuBhaibheri kana kuti chidzidzo, kuitira kuti vana vemazera ose vave nezvavanoita pakunamata kwemhuri.
4. Zvii zvinowanikwa pachikamu chakanzi “Iva Shamwari yaJehovha”?
4 Iva Shamwari yaJehovha: Mavhidhiyo, nziyo, uye zvokuita zviri pachikamu ichi chenzvimbo yedu yepaIndaneti zvinobatsira vabereki kuti varoverere Shoko raMwari muvana vavo vaduku. (Dheut. 31:12) Vhidhiyo pfupi imwe neimwe inenge iine chidzidzo chinokosha. Zvokuita zvokuti mutsvake chinhu muchichiwana zvinosimbisa kukosha kwezvidzidzo zvacho. Sezvo vana vachifarira kuimba, uye nziyo dzichibatsira vana kuyeuka zvavanenge vadzidza, nziyo dzeUmambo uye nziyo dzinonyorerwa vana dzichagara dzichiiswa panzvimbo yedu yepaIndaneti.
5. Nei vabereki vachifanira kukumbira Jehovha kuti avabatsire kudzidzisa vana vavo chokwadi?
5 Vabereki, Jehovha anoda kuti muve vanababa navanaamai vanobudirira. Saka mukumbirei kuti akubatsirei kudzidzisa vana venyu chokwadi. (Vat. 13:8) Muchibatsirwa naJehovha, munogona kubatsira vana venyu kuti ‘vave vakachenjera kuti vawane ruponeso vachishandisa kutenda muna Kristu Jesu.’—2 Tim. 3:15; Zvir. 4:1-4.