RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/15 p. 2
  • Tevedzera Kutenda Kwavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Tsamba Inobva kudare Rinotungamirira
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • ‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • “Rakazadzisa Nzvimbo Yakanga Isina Chinhu Mumwoyo Mangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Zvatingaita Kuti Tiwane Simba Kubva muBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 9/15 p. 2

Tevedzera Kutenda Kwavo

1. Tichadzidza bhuku ripi paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano kutanga vhiki ya19 October, 2015?

1 Kutanga nevhiki ya19 October, 2015 tinenge tava kudzidza bhuku raTevedzera Kutenda Kwavo paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Bhuku iri rinotsanangura nyaya dzemuBhaibheri dzevarume nevakadzi 14 vaiva nekutenda. Rinoita kuti tifungidzire upenyu hwevanhu ivavo vakatendeka, zvotibatsira kuona kuti vanhu chaivo vakamborarama vakasangana nematambudziko pavaishumira Jehovha. Bhuku iri rinotiratidzawo zvatinodzidza kubva munyaya idzi zvatinogona kushandisa mazuva ano.​—VaH. 6:12.

2. Tsanangura zvimwe zviri mubhuku raTevedzera Kutenda Kwavo.

2 Zvarakaita: Bhuku iri rine chati nemamepu zvinotibatsira kuziva kuti munhu mumwe nemumwe anotaurwa imomo akararama riini uye kupi. Chitsauko chimwe nechimwe chine chikamu chakanzi “Zvokufunga Nezvazvo . . . ,” chinotibatsira kufungisisa nezvenyaya dzacho uye kushandisa zvatinenge tadzidza. Bhuku racho rinewo mifananidzo yakawanda. Mifananidzo yacho inoyevedza uye pakaitwa tsvakurudzo kuti itibatsire kufungidzira zvaiitika panguva yacho.

3. Tingaitei kuti tibatsirwe nekudzidza bhuku iri?

3 Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa? Tsamba yeDare Rinodzora iri kwekutanga kwebhuku iri ine mashoko anokurudzira okuti: “Ita souri munyaya dzacho. Edza kuva nemanzwiro evanhu ivavo vanotaurwa muBhaibheri, uchiita souri kuona zvavaiona. Enzanisa zvavakaita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana nezvaungadai wakaita.” Izvi hazvirevi kuti tinofanira kufungidzira zvinhu zvisina musoro asi tinofanira kufungidzira zviri kutaurwa nenyaya yacho, toona sekuti ndisu tiri kutotaurwa. Izvi zvinoda nguva uye kufungisisa. (Neh. 8:8) Kana chidzidzo chacho chichitangira pakati pechitsauko, muitisi anofanira kutanga nekumbodzokorora zvakadzidzwa vhiki yapfuura kwemasekondi 30 kusvika ku60. Muitisi anogona kubvunza mubvunzo mumwe chete kana miviri yekudzokorora, kana chidzidzo chemusi iwoyo chisina chikamu chakanzi “Zvokufunga Nezvazvo . . . ”

4. Nei tichifanira kudzidza bhuku raTevedzera Kutenda Kwavo?

4 Pakurarama kwatinoita zuva nezuva pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kuparadza kutenda kwedu. Bhuku iri rine nyaya dzakatorwa muNharireyomurindi dzine musoro unoti, “Tevedzera Kutenda Kwavo.” Bhuku iri pamwe chete nenyaya idzi dzichiri kubuda muNharireyomurindi zvipo zvatakapiwa naJehovha kuti tisimbise kutenda kwedu. (Jak. 1:17) Kuti tibatsirwe nechipo ichi zvizere tinofanira kupinda Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano nguva dzose, topindurawo kakawanda sezvatinogona patinenge tichidzidza bhuku iri pamwe chete!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe