RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 3 p. 13
  • Makomborero Atinowana Kana Tikabatsira Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Makomborero Atinowana Kana Tikabatsira Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
  • TINGABATSIRA SEI VAMWE?
  • Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Unobvuma Kubatsirwa naJehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 3 p. 13
Murume ari kuratidza mumwe murume nzira achishandisa mepu.

Unokwanisa kubatsira vamwe here pasinei nezera ravo, rudzi rwavo kana kuti chitendero chavanopinda?

Makomborero Atinowana Kana Tikabatsira Vamwe

Pasi rese vanhu vakawanda havana zvekudya uye pekugara. Vamwe vavo vanogona kunyaradzwa nekungonzwa mashoko anovapa tariro. Mwari anoda kuti titsvage vanhu vakadaro tovabatsira uye tikadaro achatikomborera.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha, uye iye achamuripa zvaanoita.”—ZVIREVO 19:17.

TINGABATSIRA SEI VAMWE?

Jesu akataura imwe nyaya yemurume akarohwa nemakororo akasiyiwa ava kuda kufa. (Ruka 10:29-37) Mumwe murume akanga achingozvipfuurirawo akamira achibva abatsira murume uyu ainge akuvadzwa zvakaipisisa. Akamubatsira pasinei nekuti vakanga vari verudzi rwakasiyana.

Murume uyu aiva nemwoyo wakanaka haana kungogumira pakumusunga maronda uye kumubhadharira mari yekuti arapwe, asi akamunyaradza.

Nyaya iyi inotidzidzisei? Jesu airatidza kuti tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tibatsirewo vamwe. (Zvirevo 14:31) Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari ava pedyo kubvisa urombo uye kutambura. Asi tinogona kuzvibvunza kuti achazviita riini uye sei? Nyaya inotevera inoratidza makomborero awakachengeterwa neMusiki wako ane rudo.

“MWARI HAANA KUMBONDISIYA”!

Zvakataurwa nemumwe murume wekuGambia

“Pandakasvika kuEurope, ndakanga ndisina kana chinhu, ndisingashandi, ndisina mari, kana pekugara. Zvandakadzidza muBhaibheri zvakandidzidzisa kuti ndisagarire maoko, ndishande nesimba uye ndibatsirewo vamwe panzvimbo pekungomirira kubatsirwa. Mwari haana kumbondisiya uye ndiri kuona kukomborera kwaari kundiita!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe