RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 3 pp. 14-15
  • Unogona Kuwana Makomborero Anobva kuMusiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuwana Makomborero Anobva kuMusiki
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Tinodzidzei Pazvishamiso zvaJesu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Aida Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvishamiso—Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ingano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 3 pp. 14-15
Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vachifara pamwe chete muparadhiso.

“Nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.”—PISAREMA 67:6

Unogona Kuwana Makomborero Anobva kuMusiki

Mwari akavimbisa Abrahamu kuti mumwe wevana vake aizoita kuti “marudzi ese epanyika” awane chikomborero. (Genesisi 22:18) Mwana iyeye aiva ani?

Anenge makore 2 000 akapfuura, Mwari akapa mumwe wevazukuru vaAbrahamu ainzi Jesu, simba rekuita zvishamiso. Zvishamiso izvi zvairatidza kuti vanhu vaizowana makomborero akavimbiswa Abrahamu pachishandiswa Jesu.—VaGaratiya 3:14.

Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvakabatsira vanhu kuti vazive kuti ndiye akanga asarudzwa naMwari kuti akomborere vanhu, uye zvakaratidzawo makomborero achazopiwa vanhu naMwari mune ramangwana. Ngatimboonai kuti zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aiva munhu akaita sei.

Aiva nemwoyo wakanaka—Jesu akarapa vairwara.

Mumwe murume aiva nemaperembudzi akakumbira Jesu kuti amuporese. Jesu akamubata achibva ati: “Ndinoda!” Maperembudzi acho akabva angonyangarika.—Mako 1:40-42.

Aiva nerupo—Jesu akapa vanhu zvekudya.

Jesu aisada kuti vanhu vafe nenzara. Kaviri akaita chishamiso chekuti zvingwa zvishoma nehove diki shoma zviwande. (Mateu 14:17-21; 15:32-38) Zviuru zvevanhu zvakadya zvikaguta uye vakatosiya zvimwe.

Aiva netsitsi—Jesu akamutsa vakafa.

‘Asiririswa,’ Jesu akamutsa mwanakomana weimwe chirikadzi. Chirikadzi iyi yaingova nemwana mumwe chete.—Ruka 7:12-15.

MAKOMBORERO ACHAUNZWA PANYIKA

Jesu akaratidza kuti Mwari ane simba rekukomborera vanhu. Kwasara nguva pfupi kuti Jesu adzoke sekutaura kwaakaita, uye Mwari Wemasimbaose achamupa simba rekuita zvishamiso zvakawanda pasi rese.

Upenyu huchange hwakaita sei panyika Mwari paachazadzisa zvaakavimbisa Abrahamu? Vanhu vanoda Mwari uye vanomukudza “vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.” (Pisarema 37:11) “Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvakazarurwa 21:4.

Zvichange zvichinakidza chaizvo kurarama upenyu hwakadai nekusingaperi panyika! Kuti unzwe zvakawanda nezvemakomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari tinokukumbira kuti uende pawebsite yedu inonzi www.pr2711.com.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe