Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
AUGUST 7-13
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 28-31
“Jehovha Akapa Vanhu Vakanga Vasingamunamati Mubayiro”
it-2-E 1136 ¶4
Tire
Kuparadzwa kweGuta Iri. Nebhukadrezari paakanga akakomba Tire, misoro yemasoja ake “yakaitwa miparavara” nekusvuurwa nengowani uye mapfudzi avo “akasvuuka” nekutakura zvinhu zvavaishandisa pakuvaka. Sezvo asina kuwana “mubayiro” wekushandira kwaakaita Jehovha pakuparadza Tire, Jehovha akamuvimbisa kuti aizomupa upfumi hweIjipiti. (Eze 29:17-20) Munyori wezvakaitika kare ainzi Josephus akati kukomba kwacho kwakatora makore 13 (Against Apion, I, 156 [21]), uye zvaiva zvisiri nyore. Nhoroondo dzezvakaitika kare dzenyika hadzinyatsotaura kuti Nebhukadrezari akakunda zvakadini, asi Tire rinofanira kunge rakaparadzwa zvakanyanya uye kwakafa vanhu vakawanda vemuguta iroro.—Eze 26:7-12.
it-1-E 698 ¶5
Ijipiti, muIjipiti
Pane chimwe chinyorwa cheBhabhironi chakawanikwa chakanyorwa mugore rechi37 rekutonga kwaNebhukadrezari (588 B.C.E.), chinotaura nezvekurwisa Ijipiti. Hazvizivikanwi kana chichitaura nezvekukundwa kwayakaitwa pakutanga kana kuti zvichida kumwewo kurwiswa kwayakazoitwa. Chinozivikanwa ndechekuti Nebhukadrezari akapiwa upfumi hweIjipiti semubayiro wake wekushandira kwaakanga aita Jehovha paakaparadza Tire yaishora vanhu vaMwari.—Eze 29:18-20; 30:10-12.
g86-E 11/8 27 ¶4-5
Mitero Yese Inofanira Kubhadharwa Here?
Kuti tipindure mubvunzo uyu, tinogona kufananidza kubhadhara kwatinoita mitero kuhurumende nezvakaitwa neMusiki. Kururama kwaJehovha kwakaita kuti afunge zvekuzoparadza guta reTire. Kuti azadzise izvi, Mwari akashandisa mauto aiva nesimba eBhabhironi aitungamirirwa namambo Nebhukadrezari. Kunyange zvazvo vaBhabhironi vakakunda, zvakanga zvisiri nyore. Saka Jehovha akasarudza kuvapa mubayiro nekushanda kwavakanga vaita. Mashoko aakataura ari pana Ezekieri 29:18, 19 anoti: “Mwanakomana womunhu, Nebhukadrezari, mambo weBhabhironi, akaita kuti uto rake rehondo riite basa guru rokurwisa Tire. . . . Asi hapana mubayiro webasa raakanga aita achirirwisa wakabva kuTire nokuda kwake iye neuto rake rehondo. Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarira ndichapa Nebhukadrezari mambo weBhabhironi nyika yeIjipiti, uye iye achatakura pfuma yayo, oitorera nechisimba zvinhu zvayo zvizhinji, oipamba kwazvo; uye zvichava mubayiro weuto rake rehondo.’”
Vaongorori veBhaibheri vanoziva kuti Nebhukadrezari aiva mambo aizvikudza, aingozvifunga uye akanga asinganamati Jehovha. VaBhabhironi vaizivikanwa nekuitira utsinye vanhu vavainge vatapa. Jehovha aisafarira zvavaiita, asi akazviona aine chikwereti kwaari, achibva avabhadhara.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 604 ¶4-5
Kusava nechivi
Mutadzi wekutanga uye mambo weTire. Kuita chivi kwakatangira kumatenga, sezvakataurwa naJesu pana Johani 8:44 uye munyaya iri muna Genesisi muchitsauko 3. Kunyange zvazvo rwiyo rwemariro rwakanyorwa pana Ezekieri 28:12-19 rwuchitaura nezveTire, rwunoratidzawo zvakaitwa nengirozi yaMwari yakatanga kutadza. Kuzvikudza kwamambo weTire, kuzviita mwari, kunzi “kerubhi” uye kutaurwa ‘kweEdheni, munda waMwari,’ zvinoenderana nezvatinoudzwa muBhaibheri nezvaSatani Dhiyabhorosi uyo akatanga kuzvikudza, akashandisa nyoka muEdheni. Satani anonziwo “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—1Ti 3:6; Ge 3:1-5, 14, 15; Zva 12:9; 2VaK 4:4.
Mambo weTire watisingazivi nezita, uyo aigara muguta raizviti ‘rakanaka zvakakwana,’ aiva ‘azere nouchenjeri uye aine runako [shoko rakafanana nerechiHebheru rekuti ka·lalʹ] rwakakwana,’ uye ‘asina mhosva [chiHebheru, ta·mimʹ]’ panzira dzake kubvira pazuva raakasikwa kusvikira kusarurama kwawanikwa maari. (Eze 27:3; 28:12, 15) Rwiyo rwemariro rwuri muna Ezekieri rwunogona kunge rwaishanda kumadzimambo eTire ese, kwete kuna mambo mumwe chete. (Enzanisa neuprofita hwaitaura ‘nezvamambo weBhabhironi’ asina kutaurwa nezita pana Isa 14:4-20.) Rwiyo rwacho rwunogona kunge rwuchitaura nezvekushamwaridzana kwaiita madzimambo eTire namambo Dhavhidhi uye Soromoni, Tire payakabatsira pakuvakwa kwetemberi yaJehovha paGomo reMoriya. Saka pakutanga madzimambo eTire hapana chakaipa chavaiitira vaIsraeri, vanhu vaJehovha. (1Mad 5:1-18; 9:10, 11, 14; 2Mak 2:3-16) Madzimambo akazotevera haana kuzoramba achibata vaIsraeri zvakanaka, uye Mwari akashandisa vaprofita vake Joeri, Amosi naEzekieri kuprofita nezvekuparadzwa kwaizoitwa Tire. (Joe 3:4-8; Amo 1:9, 10) Kunze kwekungotiratidza kufanana kwezvakaitwa “namambo weTire” nezvakaitwa neMuvengi mukuru waMwari, uprofita uhwu hunotiratidzawo kuti dzimwe nguva mashoko ekuti “kusava nechivi” uye “kusava nemhosva” anogona kushandiswa kune vanhu, asi zvisingarevi hazvo kuti havana chivi.
Chii Chakaitika Kwaari?
NOFI neNo mazita omuBhaibheri emaguta makuru eIjipiti aichimbova nembiri eMemfisi neThebes. Nofi (Memfisi) raiva makiromita 23 kumaodzanyemba kweCairo, iri kumabvazuva kweRwizi rweNairi. Zvisinei, nokufamba kwenguva, Memfisi haina kuzoramba iri guta guru reIjipiti. Zana remakore rechi15 B.C.E. parakazotanga, Ijipiti yakanga yava neguta guru idzva, No (Thebes), raiva makiromita 500 kumaodzanyemba kweMemfisi. Pazvicherwa zvakawanda zvematongo etemberi dzomuThebes pane zveKarnak, chivako chinoonekwa sechakakura kwazvo pazvose zvakambovakwa nembiru. Thebes netemberi yayo Karnak zvakanga zvakatsaurirwa kunamata Amoni, mwari mukuru wevaIjipiti.
Uprofita hweBhaibheri hwakafanotaurei nezveMemfisi uye Thebes? Mutongo wakaziviswa kuna Farao weIjipiti namwari wayo, zvikurukuru mwari wayo mukuru, “Amoni weNo.” (Jeremiya 46:25, 26) Boka revanamati vaienda ikoko ‘raizoparadzwa.’ (Ezekieri 30:14, 15) Uye ndozvakaitika. Matongo etemberi ndiwo chete angosara pakunamatwa kwaAmoni. Guta remazuva ano reLuxor riri kurutivi rwenzvimbo yeThebes yekare, uye mimwe misha miduku iripo pamatongo ayo.
Kana iri Memfisi, zvinhu zvishomanana zvangosara kunze kwemakuva ayo. Nyanzvi yeBhaibheri Louis Golding inoti: “Kwemazana emakore vakundi vechiArabhu veIjipiti vakashandisa matongo ainge akakura kwazvo eMemfisi senzvimbo yokuchera zvicherwa zvokuvakisa guta ravo guru [Cairo] rakatarisana norwizi. Jecha romuNairi rakagonesa kuti vavaki vechiArabhu vaite basa ravo nomazvo zvokuti guta racho rekare rakanga rakakura kwazvo zvokufukidza makiromita akawanda.” Chokwadi, sokufanotaura kwakaita Bhaibheri, Memfisi rakava ‘chinhuwo zvacho chinokatyamadza . . . risina anogaramo.’—Jeremiya 46:19.
AUGUST 14-20
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 32-34
“Basa Rinokosha Remurindi”
it-2-E 1172 ¶2
Murindi
Zvinofananidzirwa Neshoko Racho. Jehovha akaita kuti pave nevaprofita vaiita sevarindi kuvaIsraeri (Jer 6:17), uye vaimbotaura nezvevarindi nenzira yekufananidzira. (Isa 21:6, 8; 52:8; 62:6; Ho 9:8) Vaprofita ava vaiva nebasa rekunyevera vanhu vakaipa nezvekuparadzwa kwaizouya uye kana vaizorega kunyevera vanhu, vaizopiwa mhosva. Asiwo kana vanhu vacho vaizorega kuteerera nyevero, yaizovawo mhosva yavo. (Eze 3:17-21; 33:1-9) Kana muprofita aizotadza kuita basa rake nemazvo, aifanana nemurindi bofu kana kuti imbwa isingahukuri.—Isa 56:10.
Rambai Muchiparidzira Umambo
Kudzivisa Mhaka Yeropa
13 Mutoro weZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha wokunyevera vanhu nezvorutongeso rwuri kuuya rwaMwari unogona kuenzaniswa nouyo waEzekieri munguva yake. Iye akagadzwa kuva nharirire kuimba yaIsraeri. Mugove wake wakanga uri wokunyevera vaIsraeri kuti kuuraya kwakanga kuchiuya kwavari kana vasina kubva panzira dzavo dzakashata. Kudai iye senharirire, akakundikana kuzivisa nyevero, kuuraya kwaizongouya pavanhu vakaipa, asi ropa ravo raizova pamusoro penharirire inoregeredza. Muna ikoku Jehovha anoratidza chimiro chake kurutongeso rwokuuraya: “Handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsraeri?”—Ezekieri 33:1-11.
Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera
NEI TICHIFANIRA KUKURUMIDZA KUPARIDZA?
3 Kana ukafunga kuti tinogona kuponesa vanhu vakawanda zvakadini nebasa redu rokuparidza, unogona kuona kuti tapererwa nenguva yokuudza vamwe mashoko akanaka. (VaR. 10:13, 14) Shoko raMwari rinoti: “Kana ini ndikati kumunhu akaipa: ‘Chokwadi uchafa,’ iye akatendeuka kubva pachivi chake, akaruramisira uye akaita zvakarurama, . . . chokwadi acharamba achirarama. Iye haazofi. Hapana zvivi zvake zvaakaita zvichayeukwa pamusoro pake.” (Ezek. 33:14-16) Bhaibheri rinotoudza vaya vanodzidzisa vamwe shoko roUmambo kuti: “Uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.”—1 Tim. 4:16; Ezek. 3:17-21.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Fambirana Nengoro Yokudenga yaJehovha
Haana Kudziviswa Nokusakendenga
16 Ezekieri akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokuteerera ndokusazvibvumira amene kudziviswa nokusakendenga kana kuti kunyombwa. Nenzira yakafanana, kupfurikidza nokufambirana nokukura kwomutauro wakachena, tinotsinhiraniswa norutivi runotorwa noMutasvi weNgoro youmambo. Nokudaro tinoshongedzerwa kuti tigamuchire mirairo yake, kusimbiswa kuti tisadziviswa nokusakendenga kana kuti kunyomba kwaavo vatinotaurira shoko raJehovha rorutongeso. Sezvakwakanga kwakaita naEzekieri, Mwari akadeya kutinyevera kuti vamwe vanhu vaizoshora nenzira yokushingaira, vachiva vakaoma musoro navane mwoyo mikukutu. Vamwe vaisazonzwa nemhaka yokuti havadi kuteerera Jehovha. (Ezekieri 3:7-9) Zvakare vamwe vaizova vanyengeri, sokutaura kunoita Ezekieri 33:31, 32, kuti: “Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inotevera pfuma yavo. Zvino tarira, iwe wakaita kwavari sorwiyo rworudo rwunoimbwa noune inzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.”
17 Chii chaizova muuyo? Ndima 33 inowedzera, kuti: “Zvino kana izvi zvichiitwa (tarirai zvinouya!), nenguva iyo vachaziva kuti muporofita wakanga ari pakati pavo.” Mashoko iwayo anozivisa kuti Ezekieri haana kurega nemhaka yokusagamuchira. Kusakendenga kwavamwe hakuna kuita kuti ave asingakendengi. Kana vanhu vakateerera kana kuti kwete, iye akateerera Mwari ndokuita basa rake.
Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa
3 Uprofita hwaIsaya 40:10, 11 hunoratidza kuti Jehovha anofudza vanhu vake nounyoro. (Pisarema 23:1-6) Paaishumira ari pasi pano, Jesuwo akabata vadzidzi vake uye vanhuwo zvavo nounyoro. (Mateu 11:28-30; Mako 6:34) Jehovha naJesu vaivenga vafudzi kana kuti vatungamiriri vaIsraeri vaiva noutsinye, vakanga vasingatarisiri makwai avo uye vaiadzvinyirira. (Ezekieri 34:2-10; Mateu 23:3, 4, 15) Jehovha akavimbisa kuti: “Ndichaponesa makwai angu, haazovi chinhu chinopambwa; uye ndichatonga pakati pegwai negwai. Ndichaamutsira mufudzi mumwe chete, uye iye achaafudza, iye mushumiri wangu Dhavhidhi. Achaafudza, uye achava mufudzi wawo.” (Ezekieri 34:22, 23) Munguva ino yomugumo, Jesu Kristu, Dhavhidhi Mukuru, ndiye “mufudzi mumwe chete” akagadzwa naJehovha kuti atarisire vashumiri Vake vose vari pasi pano, vaKristu vakazodzwa nomudzimu uye “mamwe makwai.”—Johani 10:16.
AUGUST 21-27
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 35-38
“Gogi weMagogi Ava Pedyo Kuparadzwa”
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Saka Gogi weMagogi ndiani? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kuongorora Magwaro kuti tione kuti ndiani acharwisa vanhu vaMwari. Bhaibheri haringotauri nezvekurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari ‘naGogi weMagogi,’ asiwo rinotaura nezvekurwiswa kwavachaitwa ‘namambo wokuchamhembe’ uye “nemadzimambo enyika.” (Ezek. 38:2, 10-13; Dhan. 11:40, 44, 45; Zvak. 17:14; 19:19) Kurwisa uku kwakasiyana here? Kunenge kuti hakuna kusiyana. Zvinoita sokuti Bhaibheri riri kungotaura nezvekurwisa kumwe chete asi richishandisa mazita akasiyana. Nei tichidaro? Nokuti Magwaro anotiudza kuti nyika dzose dzichabatana pakurwiswa kwokupedzisira kuchaitwa vanhu vaMwari uko kuchaita kuti hondo yeAmagedhoni itange.—Zvak. 16:14, 16.
Kana tikaenzanisa Magwaro ose iwayo anotaura nezvekurwiswa kwokupedzisira kuchaitwa vanhu vaMwari, tinoona kuti zita rokuti Gogi weMagogi harirevi Satani asi rinoreva mubatanidzwa wenyika dzakasiyana-siyana. Nyika idzi dzichange dzichitungamirirwa ‘namambo wokuchamhembe’ here? Hatisati tava kunyatsoziva, asi zvinoita sokuti ndiye achatungamirira. Tinodaro nokuti pane mashoko anoita seanoenderana nepfungwa iyoyo anotaurwa naJehovha nezvaGogi okuti: “Iwe uchauya uchibva kunzvimbo yako, uchibva kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe, iwe nemarudzi mazhinji auinawo, ose zvawo akatasva mabhiza, iri ungano huru, uye uto guru rehondo.”—Ezek. 38:6, 15.
Kuguma Kuchaita Nyika Ino
8 Pashure pokunge chitendero chenhema chaparadzwa, vashumiri vaMwari vachange “vachigara vakachengeteka” uye “vasina rusvingo.” (Ezek. 38:11, 14) Chii chichaitika kuboka iri revanhu vanoramba vachishumira Jehovha, vachiita sokuti havana kudzivirirwa? Zvinoita sokuti “marudzi mazhinji” achaedza kuvarwisa. Shoko raMwari rinotsanangura chiitiko ichocho sokurwisa kwa“Gogi wenyika yeMagogi.” (Verenga Ezekieri 38:2, 15, 16.) Tinofanira kuona sei kurwisa ikoko?
9 Kugara taziva nezvekurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari hakuiti kuti tizvidye mwoyo. Tinonyanya kukoshesa kutsveneswa kwezita raJehovha uye kurevererwa kwouchangamire hwake kwete kuponeswa kwedu. Jehovha akatozivisa kanopfuura ka60 kuti: “Muchaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezek. 6:7) Saka, tinotarisira nechido chakakura kuona kuzadziswa kwechikamu ichocho chouprofita hwaEzekieri, tichivimba kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 2:9) Panguva ino, tinoda kushandisa mikana yose kuti tisimbise kutenda kwedu kuitira kuti tikwanise kuramba takaperera kuna Jehovha pasinei nemiedzo yatingasangana nayo. Tinofanira kuitei? Tinofanira kunyengetera, kudzidza Shoko raMwari tichifungisisa, uye kuudza vamwe shoko roUmambo. Kana tikadaro, tinoita kuti tariro yedu youpenyu husingaperi isimbe, ichiita “sechinhu chinotsigisa.”—VaH. 6:19; Pis. 25:21.
“Zvino Mava Rudzi rwaMwari”
16 Pashure pokuparadzwa kweBhabhironi Guru, vanhu vaJehovha vacharwiswa zvakasimba, uye kuti tipone panguva iyoyo tinotoda kudzivirirwa naJehovha. Sezvo kurwisa uku kuri iko kuchava kutanga kwechikamu chokupedzisira ‘chokutambudzika kukuru,’ Jehovha pachake ndiye achaona kuti zvaitika sezvaanoda uye kuti zvaitika panguva yake. (Mat. 24:21; Ezek. 38:2-4) Panguva iyoyo, Gogi acharwisa vanhu vaJehovha avo vanofananidzwa ‘nerudzi rwakaunganidzwazve ruchibva kune mamwe marudzi.’ (Ezek. 38:10-12) Jehovha achabva aparadza Gogi nevatsigiri vake. Jehovha acharatidza kuti ndiye changamire uye achatsvenesa zita rake. Anoti: ‘Ndichaita kuti ndizivikanwe pamberi pemarudzi mazhinji; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’—Ezek. 38:18-23.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Dzidza Uye Dzidzisa Tsika dzechiKristu
12 Muapostora wacho akasimbisa chikonzero chikuru chokudzidza ndokushandisa mitemo yetsika yaunowana muBhaibheri. Kusazvibata kwevaJudha kwakaita kuti Jehovha aonekwe neimwe nzira: “Iwe, unozvirumbidza nomutemo, unozvidza Mwari here nokudarika kwako Mutemo? Nokuti . . ‘zita raMwari riri kumhurwa pakati pemarudzi nemhaka yenyu.’” (VaRoma 2:23, 24) Ndizvo zvazvakangoitawo nhasi kuti kana tikafuratira tsika dzechiKristu, tinozvidza Muridzi wadzo. Kusiyana naizvozvo, kana tikaomerera pamaitirwo ezvinhu anodiwa naMwari, tinoita kuti aonekwe zvakanaka, tichimukudza. (Isaya 52:5; Ezekieri 36:20) Kuziva kwako izvi kunosimbisa kutsunga kwako kana ukatarisana nemiedzo kana mamiriro ezvinhu ayo angaita kuti kufuratira tsika dzechiKristu kuite sokuti ndiyo nzira iri nyore zvikuru yokuita nayo zvinhu. Uyezve, mashoko aPauro anotidzidzisa chimwezve chinhu. Kunze kwokungoziva iwe pachako kuti mufambiro wako unoita kuti Mwari aonekwe neimwe nzira, sezvaunodzidzisa vamwe, vabatsire kuona kuti mashandisiro avanoita mitemo yetsika dzinodiwa dzavari kudzidza achaita kuti Jehovha aonekwe sei. Haisi nyaya yokungoti tsika dzechiKristu dzinokurudzira kugutsikana uye dzinodzivirira utano hwomunhu chete. Dzine zvadzinoratidzawo nezvaIye akapa tsika idzodzo uye anodzikurudzira.—Pisarema 74:10; Jakobho 3:17.
“Vachaziva Kuti Ndini Jehovha”
11 Pashure pokunge vakasarira vahwirira kuna Judha, nyika iyoyo yakaitwa dongo yakashandurwa kuva “munda [unobereka zvibereko] weEdheni.” (Verenga Ezekieri 36:33-36.) Nenzira yakafanana, chibviro cha1919 Jehovha akashandura mugariro wakambova dongo wavakasarira vakazodzwa kuva paradhiso yezvekunamata inobereka zvibereko, zvino inogoveranwa ne“boka guru.” Sezvo iyi paradhiso yezvekunamata yakagarwa navanhu vatsvene, muKristu akazvitsaurira mumwe nomumwe ngaashande kuichengeta yakachena.—Ezekieri 36:37, 38.
AUGUST 28–SEPTEMBER 3
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 39-41
“Temberi Yakaratidzwa Ezekieri Inokudzidzisei?”
“Rangarira Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!
16 Kuti tiwane mhinduro, ngatidzokerei kuchiono chacho. Ezekieri akanyora kuti: “Pane zvandakaratidzwa naMwari, wakandisvitsa munyika yaIsraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.” (Ezekieri 40:2) Nzvimbo yakaitikira chiono ichi, “gomo refu-refu,” inotiyeuchidza nezvaMika 4:1 inoti: “Namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri.” Uporofita uhu hunozadzika rini? Mika 4:5 inoratidza kuti izvi zvinotanga marudzi paanenge achiri kunamata vanamwari venhema. Chokwadi, mave muri munguva yedu isu, “mazuva okupedzisira,” pakakudzwa kunamata kwakachena, kuchidzorerwa kunzvimbo yako yakarurama muupenyu hwavashumiri vaMwari.
Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raEzekieri—II
40:3–43:17—Kuyerwa kwetemberi kunorevei? Kuyerwa kwetemberi chiratidzo chokuti chinangwa chaJehovha panyaya yokunamata kwakachena chichazadzika zvechokwadi.
Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raEzekieri—II
40:14, 16, 22, 26. Kutemerwa kwakaitwa mifananidzo yemiti yemichindwe pamadziro emokupinda namo mutemberi kunoratidza kuti vaya vane tsika dzakanaka chete ndivo vanobvumidzwa kupinda. (Pisarema 92:12) Izvi zvinotidzidzisa kuti Jehovha anogamuchira kunamata kwedu kana takarurama bedzi.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
“Marudzi Achaziva Kuti Ndini Jehovha”
“Handichazobvumirizve kuti zita rangu dzvene risvibiswe,” anodaro Jehovha. Vanhu vari kutosvibisa zita rake pavanomupomera kuti ndiye ari kukonzera zvakaipa. Sei tichidaro? Kakawanda, Bhaibheri parinoti “zita” rinenge richireva mukurumbira wemunhu. Rimwe duramanzwi rinoti zita raMwari rinoreva “zvinozivikanwa nezvake, kureva kuzvizivisa kwaanoita uyewo rinomiririra mukurumbira wake uye kukudzwa kwake.” Zita raJehovha rinosanganisira mukurumbira wake. Chii chatinoziva nezvaJehovha panyaya youdzvinyiriri? Anohuvenga! Anotonzwira tsitsi vaya vanodzvinyirirwa. (Eksodho 22:22-24) Vanhu pavanoti Mwari ndiye ari kukonzera zvinhu zvaanosema, vari kutosvibisa mukurumbira wake. Saka vanenge ‘vasingaremekedzi zita rake.’—Pisarema 74:10.
Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso
20 Asi zvakadiniko nezveshongedzero yose yehondo iyo marudzi achasiya shure? Nemhaka yokuratidzirwa kwokufananidzira kwourefu hwenguva kuchatora kurasa mativi anotsva azvo, huwandu hwazvo huchava hukuru. (Ezekieri 39:8-10) Vapukunyuki veAmagedhoni vangakwanisa kuchinjira zvinhu zvezvisaririra zvipi nezvipi zvehondo zvamarudzi kumadonzo anobetsera.—Isaya 2:2-4.