KURARAMA KWECHIKRISTU
Nei Uchikoshesa Kunamata Kwakachena?
Temberi yakaratidzwa Ezekieri yakasimbisa vaJudha vakanga vakatapwa nekuti yakaita kuti vave nechokwadi chekuti kunamata kwakachena kwaizotangazve. Mumazuva ano ekupedzisira, kunamata kwakachena ‘kwasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo,’ uye tiri pakati pevanhu vari kutsigira kunamata ikoko. (Isa 2:2) Unogara uchifunga nezveropafadzo yauinayo yekuziva Jehovha uye yekumushumira here?
MAKOMBORERO ATINOWANA PAKUNAMATA KWAKACHENA:
Zvekudya zvekunamata zvakawanda zvinotipa mhinduro dzemibvunzo yatinayo muupenyu, mazano atinogona kushandisa pakurarama, uye tariro yechokwadi.—Isa 48:17, 18; 65:13; VaR 15:4
Hama dzine rudo dziri pasi rese.—Pis 133:1; Joh 13:35
Ropafadzo yekushanda pamwe chete naMwari pabasa rekuparidza.—Mab 20:35; 1VaK 3:9
“Rugare rwaMwari,” urwo runotipa simba patinenge tiri mumatambudziko.—VaF 4:6, 7
Hana yakachena.—2Ti 1:3
“Kuva shamwari yepedyo yaJehovha.”—Pis 25:14
Ndinoratidza sei kuti ndinokoshesa kunamata kwechokwadi?