PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 42-45
Kunamata Kwakachena Kunotangazve!
Temberi yakaratidzwa Ezekieri yakaita kuti vaJudha vakavimbika vakanga vakatapwa vave nechokwadi chekuti kunamata kwakachena kwaizotangazve. Uyewo, yakavayeuchidza kuti Jehovha anoda kunamata kwakachena.
Vapristi vaizodzidzisa vanhu mitemo yaJehovha
Nyora zvimwe zvinhu zvatakabatsirwa kunzwisisa nemuranda akatendeka akangwara kuti tizive musiyano wechinhu chakachena nechisina kuchena. (kr 110-117)
Vanhu vaizotsigira vaya vaivatungamirira
Tinoratidza sei kuti tinotsigira vakuru vari muungano?