RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 January p. 8
  • Tanga Waita Kuti Uve Norugare Nehama Yako—Ungazviita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tanga Waita Kuti Uve Norugare Nehama Yako—Ungazviita Sei?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Chokuita Apo Unotadzira Vamwe
    Mukai!—1996
  • Unopedza Sei Misiyano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ratidza Rudo Paunenge Uchiedza Kuyanana Nevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Musagumbura “Vadiki Ava”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 January p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tanga Waita Kuti Uve Norugare Nehama Yako—Ungazviita Sei?

Murume anosiya mbudzi yake patemberi odzokera kumbonotanga aita rugare nehama yake

Ngatitii uri kurarama panguva yaJesu uye uri kugara kuGarireya. Waenda kuJerusarema kuMutambo Wematumba. Muguta racho makazara nevamwe vashumiri vaJehovha vabva kure. Uri kuda kunopa Jehovha chibayiro chembudzi. Saka unobva watanga kufamba nayo nemumigwagwa yakazara vanhu wakananga kutemberi. Paunosvika, unowana patemberi pakati maku nevamwe vauya kuzopawo zvibayiro zvavo. Mukana wako wekuti upe mbudzi yako kuvapristi unozosvika. Panguva iyoyo unobva wayeuka kuti hama yako, iyo inogona kunge iri ipapo kana kuti muguta racho, ine chigumbu newe. Unobva wayeuka zvakataurwa naJesu. (Verenga Mateu 5:24.) Iwe nehama yako mungaita sei kuti muve nerugare sezvakataurwa naJesu? Pamabhokisi maviri ari pasi apa, tika mhinduro yechokwadi.

UNOFANIRA . . .

  • kungotaura nehama yako kana uchifunga kuti pane chikonzero chine musoro chakaita kuti agumbuke

  • kumuratidza kuti haafaniri kungogumbuka nezvinhu zvidiki-diki kana kuti kumuratidza kuti naiyewo ane zvaakanganisa

  • kunyatsoteerera hama yako painenge ichitaura, uye kunyange usiri kuinzwisisa, kumbira ruregerero nekumurwadzisa kwawakamuita kunyange wakazviita usingazivi

HAMA YAKO INOFANIRA . . .

  • kuudza vamwe vari muungano nezvenyaya yacho

  • kukutuka, kudonongodza zvese zvawakaitadzira, uye kukuita kuti ubvume kuti une mhosva

  • kuona kuti wazvininipisa uye waratidza ushingi hwekuenda kunotaura nayo, yokuregerera nemwoyo wese

Kunyange zvazvo tisingachapi zvibayiro zvemhuka, Jesu aida kutidzidzisei nezvekubatana kwakaita kunamata kunodiwa naMwari nekuva nerugare nehama yedu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe