Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
JANUARY 1-7
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 1-3
“Umambo Hwokumatenga Hwaswedera Pedyo”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 3:1, 2
kuparidza: Shoko rechiGiriki rekuti kuparidza rinoreva “kuzivisa vanhu nezvechimwe chinhu.” Kazhinji kacho kunenge kuri kutaura nevanhu pachena, kwete kupa mharidzo kuvanhu vakaungana.
Umambo: Ndipo pekutanga panowanikwa shoko rechiGiriki rekuti ba·si·leiʹa, iro rinoreva hurumende uye nzvimbo nevanhu vanotongwa namambo. Shoko iri rinowanika ka162 muMagwaro echiKristu echiGiriki. Muna Mateu rinowanika ka55 uye kakawanda kacho rinenge richireva kutonga kwaMwari kudenga. Mateu anoshandisa shoko iri kakawanda zvekuti Evhangeri yake inogona kunzi Evhangeri yeUmambo.
Umambo hwokumatenga: Mashoko aya anowanika muEvhangeri yaMateu chete kanosvika ka30. MuEvhangeri yaMako naRuka, mune mashoko akada kufanana naiwayo ekuti “umambo hwaMwari,” zvichiratidza kuti “umambo hwaMwari” hunotonga huri kudenga.—Mt 21:43; Mk 1:15; Ru 4:43; Dha 2:44; 2Ti 4:18.
hwaswedera pedyo: Izvi zvaireva kuti Mambo weUmambo hwekudenga akanga ava kuzouya.
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Zvaipfekwa naJohani Mubhabhatidzi Uye Zvaaiva Akaita
Johani aipfeka nguo yakanga yakagadzirwa nemvere dzengamera uye yaisungwa nebhandi reganda muchiuno, iro raigona kushandiswa kutakura zvinhu zvidiki. Muprofita Eriya aipfeka nguo dzakada kufanana naidzodzo. (2Mad 1:8) Nguo dzemvere dzengamera dzainge dzakakwasharara uye dzaiwanzopfekwa nevarombo. Vapfumi vaipfeka nguo dzakapfavirira dzaigadzirwa nesiriki kana kuti rineni. (Mt 11:7-9) Johani akaberekwa ari muNaziri, saka anogona kunge asina kumbobvira agerwa bvudzi. Zvaaipfeka uye zvaaiva akaita zvinogona kunge zvairatidza kuti airarama upenyu husina zvakawanda, achizvipira kuita zvinodiwa Mwari.
Mhashu
MuBhaibheri, shoko rekuti “mhashu” rinogona kureva mhashu dzakasiyana-siyana, kunyanya dziya dzinobhururuka dzakaita mapoka. Ongororo yakaitwa kuJerusarema yakaratidza kuti mhashu dzemugwenga dzine maprotein akawanda. Pavanodzibika vanobvisa musoro, makumbo, mapapiro uye dumbu. Zvinenge zvasara zvacho zvinodyiwa zviri zvimbishi kana kubikwa. Zvinonzi mhashu dzinonaka sezvinoita zvimwe zvipuka zvemugungwa zvakadai seshrimp kana kuti gakanje.
Uchi Hwemusango
Pikicha yekutanga iri kuratidza zinga reuchi uye yechipiri iri kuratidza uchi. Uchi hwaidyiwa naJohani hunogona kunge hwaigadzirwa nenyuchi dzinonzi Apis mellifera syriaca, dzinowanika kunzvimbo iyoyo. Nyuchi idzi dzinogona kurarama munzvimbo dzinopisa, dzakaoma dzemugwenga reJudhiya asi hadzikwanisi kuchengetwa nevanhu nekuti dzine ukasha. Asi kubvira mumakore ekuma800 B.C.E., vanhu vaigara muIsrael vaichengeta nyuchi mumikoko yaigadzirwa neivhu. Mikoko yakadaro yakawanikwa pakati peguta rava kunzi Tel Rehov, riri muBani reJodhani. Nyuchi dzaigadzira uchi mumikoko iyi dzinofanira kunge dzakabva kuTurkey.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 1:3
Tamari: Ndiye mukadzi anotanga kutaurwa naMateu mudzinza raJesu. Vamwe vacho 4 ndiRakabhi naRute, avo vakanga vasiri vaIsraeri (vs. 5); Bhati-shebha, “mudzimai waUriya” (vs. 6); uye Mariya (vs. 16). Vakadzi ava ndivo vega vanotaurwa nezvavo mudzinza iri rakazara varume nekuti pane chimwe chinhu chavakaita.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 3:11
bhabhatidza: Shoko rechiGiriki rekuti ba·ptiʹzo rinoreva “kunyudza.” Mamwe mavhesi ari muBhaibheri anoratidza kuti kubhabhatidza kuita zvekunyudza munhu mumvura. Mumwe musi, Johani akabhabhatidza vanhu pane imwe nzvimbo muBani reJodhani pedyo neSarimu “nokuti pakanga paine mvura zhinji kwazvo.” (Joh 3:23) Firipi paakabhabhatidza mukuru mukuru wekuItiopiya, vese “vakapinda mumvura.” (Mab 8:38) Shoko iroro rechiGiriki rinoshandiswa muSeptuagint pana 2Mad 5:14 Naamani paanonzi “akazvinyudza muJodhani kanomwe.”
JANUARY 8-14
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 4-5
“Zvatinodzidza paMharidzo yaJesu yepaGomo”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 5:3
Kufara: Hakusi kungofarawo zvako sekuya kunoitika kana munhu achinge anakidzwa nechimwe chinhu. Uku kufara kunoitika kumunhu anokomborerwa uye anofarirwa naMwari. Shoko iri rinoshandiswawo pachitaurwa nezvaMwari uye Jesu.—1Ti 1:11; 6:15.
vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvemweya: Muvhesi iyi, mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “vaya vanoziva,” anoreva “varombo (vanoshayiwa; vanopemha)” uye anoshandisirwa vaya vanonyatsoziva kuti pane chimwe chinhu chavasina. Mashoko iwayo anoshandiswa pana Ru 16:20, 22 achitaura ‘nezvemupemhi’ ainzi Razaro. Mune mamwe maBhaibheri, mashoko aya echiGiriki anoshandurwa achinzi “varombo pamweya” zvichiratidza vanhu vanonyatsoziva kuti vanofanira kutungamirirwa naMwari.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 5:7
vane ngoni: Kushandiswa kwemashoko akashandurwa kuti “vane ngoni” uye “ngoni” muBhaibheri, hakungorevi kuregerera kana kuti kurerutsa mutongo. Kazhinji kacho zvinoreva kunzwira tsitsi kunoita kuti munhu ade kubatsira.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 5:9
vanoita kuti pave norugare: Vanhu ava havangogumiri pakuita kuti rugare rwurambe rwuripo asi vanoita kuti rugare rwanga rusipo ruvepo.
Dzidzisai Mwana Wenyu Kutaura Nevamwe Zvakanaka
Vabereki vechiKristu vane chido chikuru chokudzidzisa vana vavo kuti ‘vatsvake rugare varutevere.’ (1 Petro 3:11) Panotova nebasa chairo kuti mwana akurire kufungira vamwe zvakaipa, kuvhiringidzika, uye kuvenga vamwe, asi zvinofadza zvikuru kana akabudirira.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 4:9
kunamata kamwe chete: Shoko rechiito rechiGiriki rakashandiswa pano rinoratidza kuti kunamata uku chinhu chaifanira kungoitwa panguva iyoyo. Kushandurwa kwarakaitwa richinzi ‘kunamata kamwe chete’ kunoratidza kuti Dhiyabhorosi akanga asiri kuti Jesu arambe achimunamata, asi aida kunamatwa kwenguva iyoyo chete.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 4:23
kudzidzisa . . . kuparidza: Kudzidzisa kwakasiyana nekuparidza pakuti mudzidzisi haangogumiri pakuzivisa vanhu asi kuti anorayiridza, anotsanangura, anotaura zvikonzero uye anopa umboo.
JANUARY 15-21
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 6-7
“Rambai Muchitanga Kutsvaka Umambo”
Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
12 Zvinhu zvine chokuita naJehovha Mwari zvinofanira kuiswa pokutanga muminyengetero yedu. Chokwadi tine chikonzero chokumurumbidza nomwoyo wose uye kumuonga nokuda kwezvinhu zvake zvose zvakanaka. (1 Makoronike 29:10-13) Jesu akapa munyengetero wokuenzanisira, wakanyorwa pana Mateu 6:9-13, paakatidzidzisa kunyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, kureva kuti riitwe dzvene. Kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwake kuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga ndizvo zvinotaurwa pashure paizvozvo. Jesu akazotaura nezvezvinhu zvinotidya mwoyo pashure pokunge ataura zvinhu izvi zvinokosha zvine chokuita naJehovha. Isu patinoisawo Mwari panzvimbo inokosha zvikuru patinonyengetera, tinoratidza kuti hatingofariri kugara kwedu zvakanaka chete.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 6:24
muranda: Shoko racho rechiito rechiGiriki rinoreva kushanda semuranda, munhu ana tenzi mumwe chete. Pano, Jesu aitaura kuti muKristu haakwanisi kuti uku akazvipira zvakazara kuna Mwari uku zvekare akazvipira pakuunganidza pfuma.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 6:33
Rambai . . . muchitsvaka: Mashoko aya muchiGiriki anoratidza chiito chinoenderera mberi. Vateveri vaJesu vechokwadi havatsvagi Umambo kwekanguva vozotanga kuitawo zvimwe zvinhu. Ndihwo hunofanira kugara huri pekutanga muupenyu hwavo.
umambo: Zvimwe zvinyorwa zvekare zvechiGiriki zvinoti “Umambo hwaMwari.”
kwake: NdiMwari ari kurehwa, “Baba vokudenga” vanotaurwa pana Mt 6:32.
kururama: Vaya vanotsvaga kururama kwaMwari vanoita zvaanoda uye vanoteerera mitemo yake. Izvi zvakanyatsosiyana nezvaidzidziswa nevaFarisi, avo vaiva nemitemo yavo yavaiti ndiyo yakarurama.—Mt 5:20.
Tsvaka Umambo, Kwete Zvinhu
18 Verenga Mateu 6:33. Vadzidzi vaKristu vanofanira kuramba vachiita kuti Umambo huve pekutanga muupenyu hwavo. Kana tikadaro, “izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa” kwatiri sezvakataurwa naJesu. Nei akataura kudaro? Akatsanangura muvhesi 32 kuti: “Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi,” kureva zvinhu zvinodiwa pakurarama. Jehovha anokwanisa kuziva zvinodiwa nemumwe nemumwe wedu pakurarama zvakadai sezvekudya, zvekupfeka uye pekugara, kunyange tisati tazviziva. (VaF. 4:19) Anoziva patinofanira kuva nedzimwe mbatya dzekupfeka. Anoziva chikafu chatinokwana uye kuti tinoda pekugara pakakura sei zvichienderana nekukura kwemhuri yedu. Jehovha achava nechokwadi chekuti tawana zvinonyatsokosha pakurarama.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza
14 Ngatitii wadavira foni asi wotadza kuziva munhu wauri kutaura naye. Munhu wacho anokubvunza kuti unofarira zvokudya zvakaita sei. Unonetseka kuti munhu wacho ndiani uye kuti ari kumbodei. Zvimwe ungati taurei naye zvishoma asi ungamuratidza kuti hausi kuda kuramba uchitaura naye. Asi ngatitii munhu wacho anofona otaura zita rake uye okuudza kuti anoita basa rokubatsira vanhu kuti vazive zvokudya zvinopa utano uye anokuudza kuti ane mashoko angangokubatsira chaizvo. Zvimwe waizomuteerera. Chokwadi tinofara kana munhu akataura zita rake paanotanga kutaura nesu. Tingaratidzawo sei tsika dzakanaka saizvozvo patinenge tiri muushumiri?
15 Munzvimbo dzakawanda, tinofanira kutanga taudza munhu zvatafambira. Ichokwadi kuti patinenge tiri muushumiri tinenge tiine mashoko anokosha atinoda kuudza saimba. Asi ngatitii hatina kutaura kuti ndisu vanaani uye tiri kudei, tongoerekana tamubvunza kuti: “Kudai maizokwanisa kubvisa matambudziko ari munyika, maizotanga nokubvisa ripi?” Tinoziva kuti patinobvunza mubvunzo iwoyo tinenge tichida kuziva zvinofungwa nemunhu tobva tazotaura zviri muBhaibheri. Asi saimba anganetseka kuti: ‘Munhu uyu ndiani uye ari kundibvunzirei mubvunzo iwoyo? Ari kumboita nezvei?’ Saka tinofanira kuita kuti saimba asanetseka. (VaF. 2:3, 4) Tingazviita sei?
16 Mumwe mutariri anofambira akaona kuti kushandisa nzira inotevera kunobatsira. Pashure pokunge akwazisana nasaimba, anobva amupa turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? obva ati: “Tiri kupa munhu wose womunzvimbo ino turakiti iri. Rinopindura mibvunzo mitanhatu inobvunzwa nevanhu vakawanda. Renyuwo iri.” Hama iyi inotaura kuti vanhu vakawanda vanoti sunungukei pavanoziva kuti tavingei. Kana saimba akanzwa asununguka, kazhinji zviri nyore kuti mukurukurirane. Mutariri anofambira uyu anobva abvunza munhu wacho kuti: “Pamibvunzo iyi pane wamakambofunga nezvawo here?” Kana saimba akasarudza mubvunzo waari kuda, hama iyi inovhura turakiti racho yokurukura naye zvinotaurwa neBhaibheri pamubvunzo wacho. Kana akasasarudza mubvunzo, hama iyi inobva yamusarudzira yokurukura naye isingamubvunzi mibvunzo yokumuomesera. Ichokwadi kuti pane nzira dzakawanda dzokutanga kukurukura nemunhu. Mune dzimwe nzvimbo, saimba angatarisira kuti titange tambotevedzera dzimwe tsika tisati tataura zvatafambira. Saka zvinongoda kuti tiite kuti mharidzo yedu ienderane netsika dzevanhu vomunzvimbo yedu.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 7:28, 29
rakashamiswa: Shoko rechiito rechiGiriki rakashandiswa pano rinogona kureva “kushaya neremuromo.” Rinoratidza kuti vanhu havana kumbokanganwa zvakadzidziswa naJesu.
madzidzisiro ake: Mashoko aya anoreva nzira iyo Jesu aidzidzisa nayo, kusanganisira zvacho zvaaidzidzisa paMharidzo yake yepaGomo.
kwete sevanyori vavo: Panzvimbo pekutevedzera zvaiitwa nevanyori, avo vaidzidzisa zvaitaurwa navanarabhi, Jesu aitaura semumiririri waJehovha, semunhu ane chiremera, achidzidzisa zvinobva muShoko raMwari.—Joh 7:16.
JANUARY 22-28
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 8-9
“Jesu Aida Vanhu”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 8:3
akamubata: Mutemo waMosesi waiti vanhu vane maperembudzi vaifanira kugara kwavo vega kuitira kuti vasatapurira vamwe. (Re 13:45, 46; Nu 5:1-4) Asi, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vane mitemo yavakazowedzerawo. Semuenzaniso, munhu aisafanira kusvika pedyo nemunhu ane maperembudzi. Aifanira kunge ari kure nemamita anenge 1,8. Kana kuine mhepo mamita aya aiwedzerwa kusvika ku45. Mitemo yakadaro yaiita kuti vanhu vane maperembudzi vaitirwe utsinye. Zvinonzi pane mumwe rabhi aihwanda vanhu vane maperembudzi uye mumwe aivatema nematombo kuti vasasvika padhuze naye. Asi Jesu akasiririswa chaizvo nemurume uyu ndokumubata, chinhu chaisazombofa chakaitwa nevamwe vaJudha. Aigona kunge akaporesa murume uyu asina kumubata.—Mt 8:5-12.
Ndinoda: Jesu akanzwa chikumbiro chemurume uyu achibva amuudza kuti aida chaizvo kumubatsira. Haana kungozviitira kuti ndiro raiva basa rake.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 9:10
akatsenhama patafura: Kutsenhama nemunhu patafura kwairatidza kuti munowirirana. Ndosaka vaJudha vemunguva yaJesu vakanga vasingatsenhami kana kuti kudya pamwe chete nevanhu vakanga vasiri vaJudha.
vateresi: VaJudha vakawanda vaishanda sevateresi vehurumende yeRoma. Vaivengwa chaizvo nevamwe vaJudha nekuti vaishandira hurumende yaidzvinyirira uye vaichaja mutero wakakurisa vachitora imwe mari. Vateresi vaionekwa vakafanana nevatadzi uye mahure.—Mt 11:19; 21:32.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 9:36
akasiririswa: MuchiGiriki, shoko iri ndisplag·khniʹzo·mai uye rakada kufanana neshoko rinoreva “ura” rekuti splagʹkhna, zvichiratidza manzwiro emukati-kati chaimo. Ndiro rimwe remashoko echiGiriki anonyatsoratidza kunzwira tsitsi.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
“Ndakuitirai Muenzaniso”
16 Saizvozvowo, apo mumwe mukuru wemauto—zvimwe weVemamwe Marudzi, muRoma—akaenda akakumbira Jesu kuti arape muranda airwara, Jesu aizviziva kuti murwi wacho aiva nezvikanganiso. Mukuru wemauto wemazuva iwayo zvimwe aizodaro aizivikanwa nezviito zvechisimba zvakawanda, kudeura ropa, nokunamata kwenhema. Asi Jesu akaisa pfungwa dzake pane chimwe chinhu chakanaka—kutenda kunoshamisa kwomurume wacho. (Mateu 8:5-13) Pane imwewo nguva izvi zvapfuura, Jesu paakataura nomutadzi akanga akaturikwa padanda rokutambudzira pedyo naye, Jesu haana kutuka murume wacho nokuda kwoutsotsi hwake hwaaiita asi akamukurudzira netariro yomunguva yemberi. (Ruka 23:43) Jesu ainyatsoziva kuti kutarisa zvakaipa zvevamwe nokuvatsoropodza zvinongoshanda kuvaodza mwoyo. Hapana mubvunzo kuti kuedza kwake kuwana zvakanaka zviri mune vamwe kwakakurudzira vazhinji kutoita zviri nani.
Nei Vadzidzi vaJesu Vasingatsanyi?
Jesu ari kubatsira vadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi kunzwisisa kuti vateveri vaJesu havatarisirwi kutevedza tsika dzinoitwa pachitendero chechiJudha dzakadai sekutsanya. Haana kuuya kuzoisa zvigamba kuti kunamata kwasakara, kwava kutoda kuparara kurambe kuripo. Kunamata kuri kukurudzirwa naJesu hakusi kwechitendero chechiJudha netsika dzacho dzevanhu. Haasi kuedza kuisa chigamba chitsva panguo tsaru kana kuti waini itsva muhombodo tsaru yakakokonyara.
JANUARY 29–FEBRUARY 4
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 10-11
“Jesu Akazorodza Vanhu”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 10:29, 30
shiri duku: Shoko rechiGiriki rekuti strou·thiʹon rinoreva chero shiri duku, asi raiwanzoshandisirwa dziya dzinonzi masparrow dzaitengeswa nemari shoma shoma.
mari isingakoshi: Yaiva assarion imwe chete. Mari iyi yaiva mubhadharo waipiwa munhu anenge ashanda kwemaminitsi 45. Jesu paakati shiri duku mbiri dzinotengwa neassarion imwe chete akanga ari muGarireya parwendo rwake rwechitatu. Papera rinenge gore Jesu paaiita ushumiri hwake muJudhiya, akati shiri duku 5 dzaigona kutengwa nemaassarion maviri. (Ru 12:6) Nyaya mbiri idzi dzinoratidza kuti shiri duku idzi dzakanga dzisingakoshi zvekuti ukatenga 4 waipiwa imwe sembasera.
kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose: Musoro wemunhu unonzi une bvudzi rinopfuura 100 000. Kuziva kunoita Jehovha zvinhu zvidiki zvakadaro kunoita kuti tive nechivimbo chekuti anoda muteveri wese waKristu.
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Shiri duku (Sparrow)
Masparrow ndiwo aiva akachipa kupfuura shiri dzese. Munhu aigona kutenga 2 nemari yaanenge ashandira kwemaminitsi 45. Shoko rechiGiriki rinogona kureva shiri diki dzakasiyana-siyana kusanganisira house sparrow (Passer domesticus biblicus) uye Spanish sparrow (Passer hispaniolensis), idzo dzichakawanda kuIsrael.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 11:28
makaremerwa: Vaishevedzwa naJesu kuti vauye ndevaya vainge ‘vakaremerwa’ nekuzvidya mwoyo uye vaishanda zvakaoma. Kunamata Jehovha kwakanga kwava kuvaremera nemhaka yetwumitemo twevanhu twakanga twawedzerwa kuMutemo waMosesi. (Mt 23:4) Kunyange Sabata raifanira kuvazorodza rakanga rava kuvaremera.—Eks 23:12; Mk 2:23-28; Ru 6:1-11.
Ini ndichakuzorodzai: Shoko rechiGiriki rekuti ‘kuzorodza’ rinogona kureva kuzorora (Mt 26:45; Mk 6:31) kana kuti kurerutsirwa pakushanda zvakaoma kuti munhu awanezve simba (2VaK 7:13; Fir 7). Kuri kuenda nenyaya yacho kunoratidza kuti kutakura “joko” raJesu (Mt 11:29) kwaireva basa, kwete kuzorora. Mashoko aya anoratidza kuti Jesu anopazve simba kune vakaneta kuti vade kutakura joko rake rakareruka uye remutsa.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 11:29
Takurai joko rangu: Jesu akashandisa shoko rekuti “joko” kufananidzira kuzviisa pasi uye kubvuma kutungamirirwa. Kana aifunga nezvejoko revanhu vaviri, riya raakatakuriswa naMwari, aikoka vadzidzi vake kuti vatakure joko racho pamwe chete naye uye aizovabatsira. Kana zvakanga zvakadaro, mashoko acho anogona kunzi: “Ngatitakurei tese joko rangu.” Asi kana joko racho richireva raanotakurisa vanhu iye pachake, mashoko acho anenge achireva kuzviisa pasi pake, uchibvuma kutungamirirwa naye semudzidzi wake.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu
Asi mubvunzo iwoyo uri kumborevei? Johani murume akazvipira pakunamata, uye makore maviri adarika akaona mweya waMwari uchiburuka pana Jesu paaimubhabhatidza akabva anzwa inzwi raMwari raitaura kuti mwanakomana wake. Saka hatingati kutenda kwaJohani kwadzikira. Kudai zvakadaro Jesu aisazotaura nezvaJohani sezvaanozoita musi iwoyo. Saka kana Johani aine chokwadi nazvo, chii chaita kuti abvunze Jesu mubvunzo uyu?
Johani anogona kunge ari kungoda kuti Jesu ataure pachake kuti ndiye Mesiya. Izvi zvingamusimbisa paari kuyaura ari mujeri. Uye mubvunzo waJohani unogona kunge une zvimwewo zvauri kureva. Anonyatsoziva uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Akazodzwa waMwari achava mambo uye mununuri. Asi Johani ari mujeri apa Jesu wacho atova nemwedzi yakawanda abhabhatidzwa. Saka Johani ari kubvunza kana pachizova nemumwezve achauya, achaita seachatsiva Jesu, achazopedzisa kuzadzisa zvimwe zvakanzi zvaizoitwa naMesiya.
Rwune Nhamo Rudzi Rusingateereri
Jesu anoremekedza Johani Mubhabhatidzi zvikuru, asi vanhu vakawanda havadaro. Jesu anoti: “Chizvarwa chino . . . chakafanana nevana vaduku vagere mumisika vanoshevedzera kune vavanotamba navo, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takaungudza, asi hamuna kuzvirova nemhaka yeshungu.’”—Mateu 11:16, 17.
Jesu ari kurevei? Anotsanangura achiti: “Johani akauya asingadyi kana kunwa, asi vanhu vanoti, ‘Ane dhimoni’; Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, asi vanhu vanoti, ‘Tarirai! Munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi.’” (Mateu 11:18, 19) Johani ararama semuNaziri, achitorega kunwa waini, asi chizvarwa ichi chinomuti ane dhimoni. (Numeri 6:2, 3; Ruka 1:15) Asi Jesu anorarama sezvinongoita vanhu vese. Haadyisi kana kunwisa asi ari kupomerwa kuti anopfuura mwero. Kugutsa vanhu kwakaoma zvechokwadi.