PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 6-8
“Akaita Izvozvo Chaizvo”
Chimbofunga basa rese raifanira kuitwa naNoa nemhuri yake pakuvaka areka vasina maturusi nezvimwe zvinhu zvekuvakisa zvavako mazuva ano.
Areka yacho yainge yakakura chaizvo—yakareba anenge mamita 133, yakafara anenge mamita 22, uye yakakwirira anenge mamita 13
Miti yaifanira kutemwa, kuchekwa uye kutakurwa
Areka yacho yaifanira kunamwa netara mukati nekunze
Zvekudya zvegore rese zvaifanira kuunganidzwa kuitira mhuri yaNoa nemhuka
Basa racho rinofanira kunge rakatora makore 40 kana kuti 50 kuti ripere
Nyaya iyi ingatibatsira sei patinoomerwa nekuita zvatinenge takumbirwa naJehovha?