KURARAMA KWECHIKRISTU
Vechidiki—Udzai Vabereki Venyu Zvese Zviri Mumwoyo Menyu
Nei uchifanira kuudza vabereki vako zvaunenge uchifunga? (Zvi 23:26) Nekuti Jehovha akavapa basa rekukuchengeta uye kukutungamirira. (Pis 127:3, 4) Zvinovaomera kuti vakubatsire kana ukavavanzira zvinenge zvichikunetsa. Uyewo hauzodzidzi kubva pane zvavakasangana nazvo muupenyu. Zvakaipa here kuchengeta zvimwe zvinhu mumwoyo mako? Hazvina hazvo kuipa, chero bedzi usingazoiti kuti vabereki vako vafunge zvinhu zvisiri izvo.—Zvi 3:32.
Ungataura sei nevabereki vako? Edza kutsvaga nguva yakakunakirai mese. Kana izvozvo zvakaoma, unogona kunyorera mumwe wavo tsamba uchitaura manzwiro ako. Ko kana vachida kutaura nezvenyaya yausingadi kuti itaurwe? Yeuka kuti vanoda kukubatsira. Ona vabereki vako seshamwari kwete sevavengi. Kuedza kwaunoita kuti ukurukure nevabereki vako wakasununguka kuchakubatsira kweupenyu hwako hwese, kweupenyu husingaperi!—Zvi 4:10-12.
ONA VHIDHIYO INONZI KUYARUKA KWANGU—NDINGATAURA SEI NEVABEREKI VANGU? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Esther naPartik vakasvika pakuzivei nezvavo pachavo?
Unodzidzei pana Jesu?
Vabereki vako vakaratidza sei kuti vane hanya newe?
Vabereki vako vanoda kuti ubudirire
Mazano api eBhaibheri anogona kukubatsira kuti utaure nevabereki vako?