RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w21 October pp. 14-17
  • Gadzirisa Ushamwari Hwako naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gadzirisa Ushamwari Hwako naJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NDEAPI MATAMBUDZIKO AUNGASANGANA NAWO?
  • IVA NEZVINANGWA ZVAUNOGONA KUZADZISA
  • USAKANDA MAPFUMO PASI!
  • “Shevedza Vakuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Tevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jehovha Anokukoshesa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Vakuru—Rambai Muchitevedzera Muapostora Pauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
w21 October pp. 14-17
Hama iri kuratidza kuti yapererwa pairi kufunga nezvenguva inodiwa uye simba pakuvakazve imba yayo yakaparadzwa.

Gadzirisa Ushamwari Hwako naJehovha

GORE negore, makwai akawanda anodzorerwa muungano yechiKristu. Chimbofungidzira ‘mufaro mukuru unovapo kudenga’ panodzoka mumwe nemumwe wavo! (Ruka 15:7, 10) Kana kuri kuti wakadzorerwa, unogona kuva nechokwadi chekuti Jesu, ngirozi, uye Jehovha pachake vanofara chaizvo kuti wakadzoka muungano. Asi paunenge uchigadzirisa ushamwari hwako naJehovha, unogona kusangana nematambudziko. Mamwe acho ndeapi, uye chii chingakubatsira?

NDEAPI MATAMBUDZIKO AUNGASANGANA NAWO?

Vakawanda vanoramba vakaora mwoyo kunyange pavanenge vadzorerwa muungano. Zvimwe unonzwisisa manzwiro aiita Mambo Dhavhidhi. Kunyange paakanga aregererwa zvivi zvake, akataura kuti: “Zvitadzo zvangu zvandipedza simba.” (Pis. 40:12; 65:3) Pashure pekunge munhu adzoka kuna Jehovha, anogona kuramba achizvipa mhosva kana kunyara kwemakore akawanda. Isabelle akaita makore anopfuura 20 akadzingwa.a Akati, “Zvaindiomera chaizvo kubvuma kuti Jehovha angandiregerera.” Kana ukaora mwoyo, ushamwari hwako naJehovha hunogona kudzikira zvakare. (Zvir. 24:10) Usarega izvozvo zvichiitika kwauri.

Vamwe vanotyira kuti vanogona kuzotadza kuita zvese zvavanofanira kuita kuti vavezve neushamwari hwepedyo naJehovha. Pashure pekunge adzorerwa, Antoine akati, “Ndainzwa sekuti ndainge ndakanganwa zvese zvandakadzidza uye zvandaimboita seChapupu.” Manzwiro akadaro anogona kuita kuti vamwe vasaita zvese zvavanogona pakushumira Jehovha.

Semuenzaniso, kana mumwe munhu achinge aparadzirwa imba yake nedutu, anogona kupera simba paanofunga nezvenguva yakawanda inodiwa uye basa raanofanira kuita kuti aivakezve. Saizvozvowo kana ushamwari hwako naJehovha hwakakanganiswa nechivi chakakura chawakaita, unogona kunzwa sekuti zvichada kuti ushande nesimba kuti uhugadzirise. Asi unogona kuwana rubatsiro.

Jehovha anotiudza kuti: “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu.” (Isa. 1:18) Wakatoshanda nesimba kuti ‘ururamise zvinhu.’ Zvawakaita izvozvo zvinoita kuti Jehovha akude. Pafunge: Jehovha anogona kushandisa kudzoka kwawakaita kwaari kuti aratidze kuti Satani murevi wenhema.—Zvir. 27:11.

Kudzoka kwawakaita kuna Jehovha, kwakaita kuti uswedere pedyo naye, uye anovimbisa kuti achaswederawo pedyo newe. (Jak. 4:8) Vamwe vakafara nazvo pavakaona kuti wakadzoka muungano, asi pane zvimwewo zvaunofanira kuita. Unofanira kuramba uchisimbisa kuda kwaunoita Baba vako uye Shamwari yako, Jehovha. Ungazviita sei izvozvo?

IVA NEZVINANGWA ZVAUNOGONA KUZADZISA

Edza kuva nezvinangwa zvaunogona kuzadzisa. Zvimwe uchiri kuyeuka zvinhu zvawakadzidza nezvaJehovha uye vimbiso yake yeParadhiso. Asi unofanira kugadzirisa mararamiro ako echiKristu, ayo anosanganisira kuparidza mashoko akanaka uye kugara uchiwadzana nehama nehanzvadzi dzako. Funga nezvezvinangwa zvinotevera.

Gara uchitaura naJehovha. Baba vako vanonzwisisa kuti kuramba uchizvipa mhosva kunogona kuita kuti zvikuomere kunyengetera kwavari. (VaR. 8:26) Asi ‘ramba uchinyengetera,’ uchiudza Jehovha kuti unoda chaizvo kuva shamwari yake. (VaR. 12:12) Andrej anoti: “Ndaizvipa mhosva zvakanyanya uye ndainyara. Asi pese pandainyengetera, ndainzwa zviri nani. Ndaibva ndagadzikana.” Kana usingazivi kuti wonyengetera nezvei, ona minyengetero yaMambo Dhavhidhi yekupfidza zvivi zvake iyo iri muna Pisarema 51 ne65.

Gara uchidzidza Bhaibheri. Izvi zvichaita kuti usimbe pakunamata uye kuda kwaunoita Jehovha kuchawedzera. (Pis. 19:7-11) Imwe hama inonzi Felipe yakati: “Kusava nepurogiramu yekudzidza ndiko kwakaita kuti ndisvike pakuneta uye ndirwadzise Jehovha. Ndaisada kudzokorora zvandakakanganisa, saka ndakava nechokwadi chekuti ndinogara ndichidzidza ndiri ndega.” Unogona kuitawo izvozvo. Kana uchida kuziva nyaya dzinokubatsira paunodzidza wega, unogona kukumbira muKristu akasimba pakunamata kuti akubatsire.

Shanda nesimba kuti uvezve neushamwari hwakasimba nehama nehanzvadzi dzako. Vamwe vanenge vadzorerwa muungano vanotyira kuti vamwe vachavatsamwira. Larissa anoti: “Ndainyara chaizvo. Ndainzwa kuti ndakanga ndarwadzisa uye ndaodza mwoyo hama nehanzvadzi dzangu. Ndakaramba ndiine manzwiro aya kwenguva yakareba.” Ziva kuti vakuru nevamwe vaKristu vakasimba pakunamata vanoda kukubatsira paunenge uchigadzirisa ushamwari hwako naJehovha. (Ona bhokisi rakanzi “Vakuru Vangaitei?”) Vanofara kuti wakadzoka, uye vanoda kuti ufare.—Zvir. 17:17.

Chii chingakuswededza pedyo neungano? Pinda misangano yese nehama nehanzvadzi dzako uye gara uchibuda nadzo muushumiri. Izvi zvichakubatsira sei? Felix anoti: “Ungano yaitarisira kuti ndidzoke. Ndakaona kuti ndinodiwa. Vese vakandibatsira kuona kuti ndinodiwa muungano, kuti ndakaregererwa, uye kuti ndirambe ndichishumira Jehovha.”—Ona bhokisi rakanzi “Zvii Zvaungaita?”

Zvii Zvaungaita?

Tangazve kugara uchinyengetera, kudzidza Bhaibheri uye kuwadzana nevamwe vaKristu

Mukuru ari kunyengetera nehama yakadzoka kuna Jehovha.

TAURA NAJEHOVHA KAKAWANDA

Udza Jehovha kuti unoda zvakadii kuti ave shamwari yako. Vakuru vachakunyengeterera uye vachanyengetera newe

Mukuru wacho ari kushandisa bhuku rinonzi “Swedera Pedyo naJehovha” pakudzidza nehama yacho.

GARA UCHIDZIDZA BHAIBHERI

Idya zvekudya zvekunamata uye izvi zvichakubatsira kuti uwedzere kuda Jehovha

Hama yacho iri kukurukura nevamwe vemuungano pavari kutandara.

GADZIRISA USHAMWARI HWAKO NEVAMWE

Pinda misangano yese nehama nehanzvadzi dzako uye ita ushumiri nadzo

USAKANDA MAPFUMO PASI!

Satani acharamba achikukandira matambudziko kuti akunetese sezvaunoramba uchigadzirisa ushamwari hwako naJehovha. (Ruka 4:13) Gara wakagadzirira kuburikidza nekusimbisa ushamwari hwako naJehovha iye zvino.

Achitaura nezvemakwai ake, Jehovha anovimbisa kuti: “Ndichatsvaga rakarasika, ndichadzosa rakabva pane mamwe, ndichamonera jira pane rakakuvara, uye ndichasimbisa risina simba.” (Ezek. 34:16) Jehovha akabatsira vakawanda kuti vagadzirise ushamwari hwavo naye. Ziva kuti anoda kukubatsira kuti urambe uchisimbisa ushamwari hwako naye.

Vakuru Vangaitei?

Mukuru wacho ari kubatsira hama iya kuvakazve imba yayo.

Vakuru vane basa rakakosha rekubatsira vaparidzi vakadzorerwa kuti vagadzirise ushamwari hwavo naJehovha. Onai kuti vanogona kubatsira sei vakadzorerwa.

Vakurudzirei. Muapostora Pauro aiziva kuti mutadzi anenge apfidza anogona kukurirwa “nekunyanya kusuruvara.” (2 VaK. 2:7) Anogona kunyara kana kuora mwoyo. Pauro akaudza ungano yacho kuti: ‘Munofanira kumunzwira tsitsi momuregerera uye momunyaradza.’ Vaya vakadzorerwa vanoda kubatsirwa kuti vave nechokwadi chekuti Jehovha uye vavanonamata navo vanovada chaizvo. Kana vakuru vakagara vachivarumbidza uye vachivabatsira, zvinogona kuita kuti vasaora mwoyo.

Nyengeterai navo. “Kuteterera kwemunhu akarurama kune simba.” (Jak. 5:16) Larissa ambotaurwa nezvake anoti: “Ndakaudza vakuru zvandaityira uye vakandinyengeterera. Ndakabva ndanzwisisa kuti vakuru vakanga vasina kundigumbukira. Vaida kundibatsira kuti ndivezve neushamwari naJehovha.” Theo anoti: “Minyengetero yevakuru yakandibatsira kuona kuti Jehovha anondida uye anoona zvakanaka zvandinoita kwete zvandinongokanganisa chete.”

Shamwaridzanai navo. Vanhu vanenge vadzorerwa vanoda shamwari dzemuungano. Mumwe mukuru anonzi Justin anoti: “Budai navo muushumiri pese pazvinoita uye chinonyanya kukosha ndechekuti muvashanyire kudzimba dzavo. Zvinokosha chaizvo kuti tishamwaridzane navo.” Mumwewo mukuru anonzi Henry anoti, “Kana vamwe vari muungano vakaona vakuru vachishamwaridzana nevanhu vakadzorerwa, vanobva vatangawo kushamwaridzana navo.”

Vabatsirei kuti vadzidze. Shamwari yakasimba pakunamata inogona kubatsira munhu akadzorerwa kuti ave nepurogiramu yakanaka yekudzidza. Mumwe mukuru anoti: “Ndinofarira kuudza vamwe pfungwa dzinokosha dzandinenge ndawana pandinodzidza Bhaibheri ndega uye kuvaratidza kuti ndinonakidzwa chaizvo nekudzidza Bhaibheri. Ndinorongawo kudzidza navo imwe nyanya inovakurudzira.” Mumwezve mukuru anonzi Clayton anoti: “Ndinovakurudzira kuti vatsvage nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvevanhu vakasangana nezvinhu zvakada kufanana nezvavakasangana nazvo.”

Vafudzei. Vanhu vakadzorerwa muungano vakaona vakuru vachishanda sevatongi. Iye zvino vava kufanira kunyanya kuvaona sevafudzi. (Jer. 23:4) Kurumidzai kuteerera uye gadzirirai kuvarumbidza. Garai muchitaura navo. Onai zvinoitwa nemukuru anonzi Marcus paanoenda kunofudza. Anoti: “Tinokurukura navo pfungwa yemuBhaibheri, tinovarumbidza uye tinoita kuti vazive kuti tinofara nekushanda nesimba kwavakaita kuti vadzoke uye kuti Jehovha anofarawo. Pese patinenge taonana tinobva taronga kuti tichazoonanazve riini.”

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe