RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp22 nha. 1 pp. 6-7
  • 1 | Usasarura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 | Usasarura
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodzidziswa neBhaibheri:
  • Zvazvinoreva:
  • Zvaungaita:
  • Tito—“Anoshanda Pamwe Neni Nokuda Kwezvinhu Zvine Chokuita Nemi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 56—Tito
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • 3 | Bvisa Pfungwa Dzeruvengo
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
wp22 nha. 1 pp. 6-7
Munhu mutema akabata pikicha yemurungu ari kunyemwerera uye murungu akabata pikicha yemunhu mutema ari kunyemwerera. Nechekumashure kune mapikicha evanhu vakatsamwa.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

1 | Usasarura

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu [vese] vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—MABASA 10:34, 35.

Zvazvinoreva:

Jehovhaa Mwari haanei nekuti tiri verudzi rupi, ruvara rwedu rweganda rwakaita sei, kana kuti tinobvepi. Asi anotarisa zvatinofunga uye zviri mumwoyo medu. Bhaibheri rinotiwo “munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Zvaungaita:

Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuona zviri mumwoyo mevanhu, tinogona kutevedzera Mwari torega kuva nerusarura. Edza kuona munhu mumwe nemumwe sezvaari. Kana ukaona kuti une vanhu vausingafariri, nyengetera kuna Mwari uchimukumbira kuti akubatsire kubvisa mafungiro akadaro. (Pisarema 139:23, 24) Kana ukakumbira Jehovha nemwoyo wese kuti akubatsire kuti usava nerusarura, achanzwa munyengetero wako uye achakubatsira.—1 Petro 3:12.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

“Zvaiita kunge kurota chaiko, kugara pedyo nemurungu . . . Iye zvino ndakanga ndava mumhuri yevashumiri vaMwari vanowanika pasi rese vanoratidzana rudo rwechokwadi.”—TITUS

Zvakaitika Kune Vamwe​—TITUS

Akakurira Ruvengo Rwaaiva Narwo

Titus.

Mumwe murume anonzi Titus airwadziwa nemitemo yerusarura yaivapo, saka akabatana nechimwe chikwata chevamwe varume vaifarira zvekurwa vakanga vachirwadziwawo nemitemo iyi yerusarura. Anoti: “Taienda kunzvimbo dzakanga dzisingadiwi vanhu vatema, dzakadai semahotera nemabhawa tichiitira kungodenha chete.” Titus anoti ruvengo ndirwo rwaiita kuti aite izvi uye anowedzera kuti: ‘Pandainetsana nevanhu, ndini ndaitotanga kuvarova.’

Titus akatanga kuchinja paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kuverenga Bhaibheri kwakamubatsira kuti achinje mafungiro ake. Vimbiso iri muBhaibheri yakanyanya kumubaya mwoyo ndeyekuti: “Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Pakutanga, Titus aiomerwa nekubvisa ruvengo rwaiva mumwoyo make. Akati: “Zvakanga zvakandiomera chaizvo kuchinja mafungiro nemaitiro angu.” Asi akabatsirwa naMabasa 10:34, 35, inoti Mwari haasaruri.

Zvakaguma nei? Titus anoti: “Ndakanyatsozvionera ndega kuti Zvapupu zvaJehovha ndicho chitendero chechokwadi nekudanana kwavaiita pasinei nekusiyana kwerudzi kana kuti ruvara rweganda. Kunyange pandakanga ndisati ndabhabhatidzwa kuti ndive Chapupu, mumwe murungu wemuungano mandaipinda akandikoka kuti ndiuye kumba kwake kuti tizodya. Zvaiita kunge kurota chaiko, kugara pedyo nemurungu tichitodya tese mumba make. Iye zvino ndakanga ndava mumhuri yevashumiri vaMwari vanowanika pasi rese vanoratidzana rudo rwechokwadi.”

Kuti unzwe zvakawanda nezvenyaya yaTitus, verenga Nharireyomurindi yaAugust 1, 2009, peji 28-29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe