4 | Bhaibheri Rine Mazano Anobatsira
BHAIBHERI RINOTI: “Magwaro ese . . . anobatsira.”—2 TIMOTI 3:16.
Zvazvinoreva
Kunyange zvazvo risiri bhuku rezvekurapa, Bhaibheri rine mazano anoshanda uye anobatsira. Mazano aro anogona kubatsira munhu anenge achitambura nechirwere chepfungwa. Ona mienzaniso inotevera.
Kubatsira Kwazvinoita
“Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.”—MATEU 9:12.
Bhaibheri rinoratidza kuti dzimwe nguva tingatofanira kutsvaga rubatsiro kuna vanachiremba. Vanhu vakawanda vakabatsirwa nekudzidza zvakawanda nezvechirwere chepfungwa chavainacho uyewo nekuenda kuna vanachiremba.
“Kusimbisa muviri kunobatsira.”—1 TIMOTI 4:8.
Kuwana nguva yekuita zvinhu zvinochengetedza utano hwako kunogona kubatsirawo pfungwa dzako. Zvinhu izvozvo zvinosanganisira kugara uchisimbisa muviri wako, kudya zvine utano, uye kurara zvakakwana.
“Mwoyo unofara mushonga wakanaka, asi kusuruvara kunopedza simba remunhu.”—ZVIREVO 17:22.
Kuverenga mavhesi eBhaibheri anokurudzira uye kuva nezvinangwa zvaunogona kuzadzisa kunogona kukubatsira kuti ufare muupenyu. Kuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka uye kuva netariro yekuti zvinhu zvichanaka kunogona kukubatsira kuti urarame zvakanaka kunyange uine chirwere chepfungwa.
“Vane mwero ndivo vane uchenjeri.”—ZVIREVO 11:2.
Unogona kuona kuti une zvimwe zvinhu zvausingagoni kuita wega, saka bvuma kubatsirwa nevamwe. Hama neshamwari dzako dzinogona kunge dzichida kukubatsira, asi vangasaziva kuti vokubatsira sei. Ita kuti vazive zvaunoda kubatsirwa nazvo. Usatarisira zvinhu zvakawandisa uye gara uchivatenda nezvavanokuitira.
Kubatsirwa Kuri Kuitwa Vamwe Varwere Nemazano eBhaibheri
“Ndaizvinzwa kuti pane zvisina kumira zvakanaka pandiri, saka ndakaenda kunoona chiremba. Akabva abata chirwere changu. Izvi zvakandibatsira kunzwisisa dambudziko rangu uye kuziva nzira dzekurapwa nadzo dzandaigona kushandisa.”—Nicole,a ane chirwere chebipolar disorder.
“Ndakaona kuti kugara ndichiverenga Bhaibheri nemudzimai wangu kunondibatsira kutanga zuva rimwe nerimwe zvakanaka, ndichifunga zvinhu zvinobatsira. Uye mazuva azvinenge zvakandiomera, kazhinji ndinowana imwe vhesi inondibaya mwoyo.”—Peter, ane chirwere chedepression.
“Zvakanga zvakandiomera kuudza vamwe nezvedambudziko rangu nekuti ndainyara. Asi imwe shamwari yangu yainditeerera ichiedza kunyatsonzwisisa kuti ndainzwa sei. Akandibatsira kuti ndinzwe zviri nani uye kuti ndione kuti handisi ndega.”—Ji-yoo, ane dambudziko panyaya dzekudya.
“Bhaibheri rakandibatsira kuti ndisashanda zvakapfurikidza uye ndiwane nguva yakakwana yekuzorora. Uchenjeri hwaro hwakandibatsira kuti ndikwanise kurarama ndiine dambudziko rangu.”—Timothy, ane chirwere cheobsessive-compulsive disorder.
a Mamwe mazita akachinjwa.