RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp23 nha. 1 pp. 10-11
  • 3 | Dzidza Pane Vamwe Vanhu Vanotaurwa muBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 3 | Dzidza Pane Vamwe Vanhu Vanotaurwa muBhaibheri
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvazvinoreva
  • Kubatsira Kwazvinoita
  • Kurarama Nedambudziko Rezvinyamusi
    Mukai!—2004
  • Nzira Iyo Vamwe Vangabatsira Nayo
    Mukai!—2004
  • Tariro Yevanorwara
    Mukai!—2004
  • 2 | Kunyaradzwa neBhaibheri
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
wp23 nha. 1 pp. 10-11
Muprofita Mozisi ari kushushikana akatarisa kudenga achinyengetera.

3 | Dzidza Pane Vamwe Vanhu Vanotaurwa muBhaibheri

BHAIBHERI RINOTAURA . . . Nezvevarume nevakadzi vakatendeka ‘vaingovawo vanhu sesu.’—JAKOBHO 5:17.

Zvazvinoreva

Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vaiva nemanzwiro akasiyana-siyana. Patinenge tichiverenga nezvavo, tinogona kuwana mumwe aiva nemanzwiro akangoita seedu.

Kubatsira Kwazvinoita

Tese tinoda kuti vamwe vatinzwisise. Izvi zvinotonyanya kukosha kana tichitambura nechirwere chepfungwa. Patinoverenga zvakaitika kune vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri, tinogona kuona kuti mafungiro avo nemanzwiro avo ainge akangofanana needu. Izvi zvinoita kuti tione kuti vamwe vanhu vakasanganawo nematambudziko akafanana needu saka patinenge tichishungurudzika, hatizonzwi sekunge kuti zvatangira patiri.

  • MuBhaibheri, tinoverenga zvakataurwa nevanhu vaizviona sevasingabatsiri uye vainge vapererwa. Wakambonzwa here sekuti hauchazvikwanisi? Izvozvo zvakamboitikawo kuna Mozisi, Eriya naDhavhidhi.—Numeri 11:14; 1 Madzimambo 19:4; Pisarema 55:4.

  • Bhaibheri rinotiudza nezvemumwe mukadzi ainzi Hana uyo “aishungurudzika zvakanyanya” nekuti ainge asina vana uye aishorwa nemukadzinyina wake.—1 Samueri 1:6, 10.

  • Bhaibheri rinotiudza nezvemumwe murume ainzi Jobho uyo akasanganawo nezvimwe zvinhu zvatinosangana nazvo. Kunyange zvazvo aitenda muna Jehovha, akashungurudzika zvakanyanya zvekuti akamboti: “Ndinosema upenyu hwangu; handidi kuramba ndichirarama.”—Jobho 7:16.

Kudzidza kuti vanhu ava vanotaurwa muBhaibheri vakakurira sei pfungwa dzisina kunaka kunogona kutibatsirawo kuti tikunde zvinhu zvinotishungurudza.

Bhaibheri Riri Kubatsira Sei Kevin?

Chirwere Changu cheBipolar

Kevin achinwa kofi neshamwari dzake mbiri.

“Ndakabatwa chirwere chebipolar disorder ndava kuda kusvitsa makore 50. Dzimwe nguva ndinonzwa sekuti hapana chandisingakwanisi kuita muupenyu. Asi dzimwe nguva ndinombonzwa sekuti kufa kuri nani.”

Kubatsirwa Kwandiri Kuitwa neBhaibheri

“Mumwe munhu anotaurwa muBhaibheri wandinoona sekuti ainzwawo sezvandinoita ndiPetro. Ane zvimwe zvinhu zvaaikanganisa zvaiita kuti anzwe seasingabatsiri. Asi pane kuramba achingofunga kuti handibatsiri, Petro aigara ari pedyo neshamwari dzinomuda. Chirwere changu chebipolar disorder pachinenge chakakwidza, ndinoremerwa nezvinhu zvandinokanganisa zvekuti ndinonzwa sendisingabatsiri. Sezvaingoitwawo naPetro, ndakadzidza kugara ndiri pedyo neshamwari dzinoda kundibatsira kuti ndienderere mberi neupenyu hwangu.

“Mumwe munhu anotaurwa muBhaibheri anondinyaradza chaizvo ndiMambo Dhavhidhi. Kakawanda aishungurudzika nezvinhu zvaiitika muupenyu hwake uyewo nezvinhu zvaakambokanganisa. Ndizvowo zvinomboitika kwandiri nekuti dzimwe nguva ndinoita kana kutaura zvimwe zvinhu zvandinozodemba. Ndinonyaradzwa chaizvo nemashoko aDhavhidhi ari muPisarema rechi51. Pavhesi 3, Dhavhidhi akati: ‘Ndinonyatsoziva zvitadzo zvangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.’ Aya ndiwo chaiwo manzwiro andinoita pandinenge ndakaora mwoyo nekuti zvinenge zvichitondiomera kufunga kuti nditoriwo munhu ane chiyamuro. Asi ndinokurudzirwa nemashoko aDhavhidhi ari pavhesi 10 anoti: ‘Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari, muise mafungiro matsva mandiri, asingazununguki.’ Ndinoudzawo Mwari mashoko aya pandinonyengetera kwaari kuti andibatsire kuzvionawo semunhu pane vamwe. Uyewo vhesi 17 inondinyaradza. Inoti: ‘Haiwa Mwari, hamuzorambi mwoyo wakaputsika newakapwanyika.’ Vhesi iyi inoita kuti ndiyeuke kuti Mwari anondida.

“Pandinoramba ndichifunga nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri uye zvandiri kuitirwa naMwari iye zvino, tariro yangu yeramangwana inosimba. Ndinobva ndanyatsoona kuti zvatinovimbiswa naMwari muBhaibheri zvichaitika uye izvozvo zvinondibatsira kutsungirira.”

Kuti Unzwe Zvimwe Zvinobatsira:

Verenga nyaya yakanzi “Kurarama Nedambudziko Rezvinyamusi,” iri muMukai! yaJanuary 8, 2004, pawebsite yedu inonzi jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe