RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g89 7/8 pp. 13-15
  • Neiko Ndichifanira Kuita Mabasa Iwawo Ose?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndichifanira Kuita Mabasa Iwawo Ose?
  • Mukai!—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Betsero Yako Ichikosha
  • Kukudziridza Simba Revara
  • Kusvika Pamwero Mumwe Chetewo
  • Kufadza Mwari Nebasa Rako
  • Zvakanakira Kupa Vana Mabasa Epamba
    Mukai!—2017
  • Kushanda Nesimba
    Mukai!—2019
  • Ndingaita Sei Kuti Vabereki Vangu Vavimbe Neni?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kudzidzira Kurega Vachienda
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1989
g89 7/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Ndichifanira Kuita Mabasa Iwawo Ose?

“Kuchenesa kamuri rangu nhai? Neiko? Handingagoni kuva anonetswa. Zvisinei hazvo, kuchava kumweko zvakare mumazuva anoverengeka.”—Stéphanie, wezera ramakore 15.

“Apo mabasa amai vangu vanondipa anotora masikati ose, ndinonzwa kuti ndashanda nesimba zvikuru. Ipapo ndinomira ndokufunga. Amai vanoshanda vasingamiri muswere wose wezuva uye zuva riri rose. Ndinoziva kuti hakuzati kuri nyore nokuda kwavo.”—Steven, wezera ramakore 15.

KUNZWA kwavechiduku pamusoro pokuita mabasa apamba kunovambira pabatira pamwe yokudisa kusvikira kukuzengurira kuri pamhene. Ungatonzwa mwero wakati wepfunde-pfunde iwe umene paunokumbirwa kushandisa nguva yako yakasununguka nokuda kwechimwe chinhu chino“netsa” sokutsvaira nokusuka. Hunyanguvezvo, kunyange uchirangarira mabasa sevaraidzo inofadza kana kuti sevhiringidzo inoshatirisa, iwo anodikanwa kukushanda zvakanaka kwemba. Apo mitezo yemhuri inosabatira pamwe nokudisa munhau dzakadaro, zvinetso nokusagadzikana zvinovapo somuuyo.

Chikonzero Nei Betsero Yako Ichikosha

Ungakuwana kwakaoma kudavira kuti chimwe chinhu chinofinha sokundorasa marara sezvinobvira chingagona kureva zvakawanda izvezvo. Zvisinei, kunyange mabasa enguva dzose anokosha, nokuti anopira nokuda kwomusha unofadza uye kunobetsera kuita kuti zvinhu zvinokosha zvirambe zviri muchimiro chakanaka. Mubhuku rake Moi, ta mère (Ini, Amai Vako) munyori wechiFrench Christiane Collange akasimbisa iri pfundo nomufaro: “Kunonetesa kubvisa zvinhu ndokuzvitarisira. Asi kana ukazviregeredza, izvo zvine tsivo yazvo kupfurikidza nokuva zvinosviba, zvinoputsika, kana kuti zvinorashika.”

Batira pamwe yako yorudo inogona kusunungura dzvinyiriro pavabereki vako, avo vanowanzoshanda nguva izere kana kuti isina. Kupfurikidza nokuvabetsera pamba, ungatosvika pakunzwisisa vabereki vako zviri nani zvikuru. Kunodaro seiko? Dominic wezera ramakore ane gumi namatanhatu, uyo anogara pedyo neParis, akatsanangura, kuti: “Ndiapo iwe unobetsera vabereki vako paunotanga kunzwisisa chikonzero nei ivo vakaneta. Paunenge wave uri pabasa kwamaawa anoverengeka, unogona kuzviisa iwe umene munzvimbo mavo ndokuziva kuti ivo vaneta zvechokwadi.” Simbisirwawo, kuti vabereki vanoonga tsigiro yako!

Kukudziridza Simba Revara

Mabasa apamba anogonawo kurangarirwa sechifundo muupenyu, shandiswo yezuva nezuva mukushanda kwesimba. Chokwadi, betsero hadzizati dzichigarova pakarepo. Asika yeuka, nhamburiko dzako dzokuita mutoro dzichavigira tuso gare gare muupenyu. Sokureva kunoita Bhaibheri kuti: “Kwakanaka kuti mumwe munhu atakure joko kubvira pazera rouduku.”—Mariro 3:27, The New Jerusalem Bible.

Hungu, unodikanirwa kukudziridza simba revara, kukwanisa kwako umene kudzivirira dzvinyiriro dzomuupenyu hwomukuru. Naizvozvo unofanira kutanga nokukurumidza kupfurikidza nokusakurira miitiro yebasa rakanaka iyo iwe uchakwanisa kuzvimirira iwe umene—kunyange kana kukareva kuderedza nguva inopedzerwa mukusasana.

Stéphanie akabvuma, kuti: “Ndaisadisa kuita basa rapamba. Ndaizoti kwandiri ndimene: ‘Kana usingadi, rega kukuita.’ Asi murangariro wangu wakachinja. Zvino ndoziva kuti kubetsera pamba kuchandidzidzisa kuva munhu ane mutoro, uye ikoko kuchandiisa panzvimbo yakanaka gare gare.”

Kana iwe uri mukomana, rega kushatirwa kana vabereki vako vakakukumbira kuita mabasa aye anowanzoitwa navasikana, kana kuti kana iwe uri musikana, mabasa anoitwa navakomana. Vabereki vako vangafunga kuti huchenjera kukudziridza rovedzo yako. Gare gare, paunenge wava woga zvako somukuru, ungava anofara kuve akagona mhatsa younyanzvi hwapamba. Kunze kwezvo, hakuzati kuri kudukupiswa kumukomana kuziva masonerwe ekonobho kana kuti kumusikana kuziva marovererwe echipikiri pachidziro! Nomutoo unofadza, nhauro yeBhaibheri iri pana Johane 21:9-12 inoratidzira kuti Jesu Kristu akabika zvokudya nokuda kwavadzidzi vake, basa raiwanzochengeterwa vakadzi munguva dzekare.—Enzanisira naZvirevo 31:15.

Kusvika Pamwero Mumwe Chetewo

“Ndinoedza sezvandingakwanisa, vabereki vangu havatongogutsikani,” vanogurukuta kudaro vamwe vechiduku vakakangaidzwa. Kunyange zvazvo zvakadaro, chinetso chingava chokuti vabereki navana havazati vachitongotaura mutauro mumwe chetewo. Mubhuku rake rinonzi L’autorité des parents dans la famille (Simba Ravabereki!), John Rosemond akaita iyi tsinhiro inotevera yakakodzera: “Ko ‘kuchenesa’ kamuri kunorevei? Vabereki vanofunga kuti vana vavo vanoziva, asika pfungwa yomwana yo‘kuchena’ haitongovi yakafanana seyavabereki . . . Kana mamwe mabasa achitofanira kuitwa zuva nezuva, rudungwe rwezvinoda kuitwa rungadzivisa kakavadzano zhinji dzisingabetseri. Murairo wakasanorondedzerwa unogarova uri nyore zvikuru kuteerera.”

Betsero inodiwa navabereki vako inowanzova inokamuranisirwa mumativi maviri: (1) mabasa emhuri yose zvayo, somuenzaniso kuwaridza kana kuti kupukuta tafura, kusuka ndiro, kutsvaira pamba, kubika, kutenga, kurasa marara ebhini, kurima bindu; (2) mabasa omunhu oga, akadai sokuwaridza huvato, gadziriro yekamuri rako, kurongedza zvipfeko zvako, uye kupukuta shangu dzako. Kana usina chokwadi chokuti vabereki vako vanokarirei kwauri apo vanokukumbira kuita chipi nechipi chezviri pamusoro apa, kumbira mirairidzo chaiyoiyo, kunyange rudungwe kana rwuri madikanwa. Yeuka kuti kazhinji kazhinji nguva yakawanda inopedzerwa mukuitirana nharo pamusoro pamabasa kupfuura ingapedzerwa mukuaiita chaizvoizvo! Sokukutaura kunoita pwere mbiri dzechiFrench, Côme naDominic, kuti: “Kana pane basa shoma, hatidi kuriita, uye tinoita manyemwe zvikuru pamusoro pokuriita.” Naizvozvo kana uchiita mabasa ako nokukurumidza zvikuru, munhu ari wose anogona kuva anofara zvikuru.

Asika chii chinogona kuitwa kana iwe uchifunga kuti vabereki vako vanoraira chisingabviri kwauri uye zvishomenene kuhama dzako nehanzvadzi? Iwe une pfungwa inofunga zvikuru yeruramisiro uye unotsamwiswa. Naizvozvo huregererei kusarudza nguva yakakodzera yokuva nekurukurirano yapamwoyo navabereki vako? Ungawana kuti hama dzako nehanzvadzi dzako vane nguva shomanene kupfuura iwe, nokuda kwebasa rinoitirwa kumba namaawa akawanda zvikuru echikoro, kana kuti iwe ndiwe une utano hwakangwinya uye akasimba zvikuru pakati pavana. Ichocho chimwe chinhu chokusafara pamusoro pacho here?

Zvakadiniko kana uchifunga kuti mabasa emhuri ari kutora yakanyanyowandisa yenguva yako? Ipapo verenga maawa aunopedzera mukuona terevhizheni, kuteerera nziyo dzako dzaunoda, kana kuti kurava! Zvimwe zvaunoda kuita ndezvekuziva nzira yaunopedza nayo nguva yako.

“Kwose kwakatanga,” anodaro Steven, “apo vabereki vangu vakandikumbira kutarisira kamuri rangu nokusuka ndiro.” Steven akawana ikoku kuchiremedza. Asi iye akadzidza kuti kupfurikidza nokurongwa kwakafanira kwenguva yake, iye aigona kuita kuti mabasa ake aitwe nyore nyore zvikuru.

Kufadza Mwari Nebasa Rako

Kupfurikidza nokubetsera pamba, iwe uri kukudza vabereki vako sezvakaita vana vechiduku vechiIsraeri vomunguva dzeBhaibheri. Mwanasikana waRabhani Rakeri, airinda makwai ababa vake. Nomutoo wakafanana, vanasikana vaReueri, kana kuti Jetero, vakanga vane mutoro wokucherera mvura makwai—basa rinonetesa, resimba. (Genesi 29:9; Eksodho 2:16) Vakomanawo vaiwana rovedzo inobetsera, Jesu pasina panikiro akadzidza basa rokuveza kuna baba vake vokurera, Josefa.—Mateo 13:55; Marko 6:3.

Somunguva dzekare, zvikomborero zvinogona kubva mukupa nokutsigira vabereki vako. Rangarira nhau yeBhaibheri yaRebheka. Apo muranda waAbrahama akakumbira mvura yokumwa, Rebheka pakarepo akadavidza. Haana kungomupa bedzi mvura yokunwa asi iye akazvipawo nokudisisa kucherera mvura makamera ake. Bhaibheri rinoshuma kuti “iye akamhanyira amhanyirazve kutsime kundochera mvura, akaramba achicherera mvura makamera ake ose.” (Genesi 24:15-21, NW) Boka racho raiumbwa namakamera gumi. Apo munhu anorangarira kuti kamera inogona kunwa marita 19-26 emvura pazuva, kuri pachena kuti Rebheka anofanira kuve akachera makumi amarita emvura kuti agomwisa makamera dzose. Disiso yake yokushanda, zvisinei, yakavigira zvikomborero kwaari. Iye akasarudzwa kuva mudzimai waIsaka ndokugoverana mukushanda kwedonzo raJehovha rokubereka Mbeu yaizokomborera vanhu!—Genesi 22:18.

Iva nechokwadi chokuti apo iwe unogoverana mumabasa apamba, Mwari nenzira imwe cheteyo anosanofadzwa nenhamburiko dzako dzokushingaira dzo‘kukudza vabereki vako.’—VaEfeso 6:1, 2.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kazhinji kazhinji, nguva yakawanda inopedzerwa mukuitirana nharo pamusoro pamabasa ingapfuura ingashandiswa mukuaita!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe