RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 2 pp. 10-11
  • Kushanda Nesimba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanda Nesimba
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUSHANDA NESIMBA KUNOSANGANISIREI?
  • NEI KUSHANDA NESIMBA KUCHIKOSHA?
  • MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU
  • Zvakanakira Kupa Vana Mabasa Epamba
    Mukai!—2017
  • Kudzidzira Kurega Vachienda
    Mukai!—1998
  • Neiko Ndichifanira Kuita Mabasa Iwawo Ose?
    Mukai!—1989
  • 8 Zvamunoita
    Mukai!—2018
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 2 pp. 10-11
Baba vari kubatsira mwana wavo kudiridza muti

CHIDZIDZO 4

Kushanda Nesimba

KUSHANDA NESIMBA KUNOSANGANISIREI?

Vanhu vanoshanda nesimba vanovimbwa navo. Pavanopiwa basa, vanoriita uye vanoripedza nenguva.

Kunyange vachiri vadiki, vana vanogona kutodzidza kushanda nesimba. “Mwana paanenge ava nemwedzi 15 anenge ava kukwanisa kuita zvaanonzi aite nemubereki. Paanenge ava nemwedzi 18 anenge ava kuda kuita chero zvinenge zvichiitwa nevabereki vake,” rinodaro bhuku rinonzi Parenting Without Borders. “Munyika dzakawanda vana pavanenge vari pakati pemakore 5 ne7, vabereki vanotanga kuvadzidzisa mabasa epamba. Zvisinei nekuti vachiri vadiki, vanotokwanisa kuita mabasa acho.”

NEI KUSHANDA NESIMBA KUCHIKOSHA?

Mune dzimwe nzvimbo, vechidiki vati kurei vanobva pamba vachinogara vega, asi vanoomerwa nazvo vobva vadzokera kuvabereki. Chinonyanya kuita kuti zvidaro ndechekuti vana vacho vanenge vasina kudzidziswa kushandisa mari zvakanaka, kuita mabasa epamba, kana kuzvitsvagira zvekurarama nazvo.

Saka zvakanaka kugara madzidzisa vana venyu kushanda nesimba kuitira pavanozokura. “Hamufaniri kungoramba muchivaitira zvese, mobva mazongovati vachizviraramira vega pavanosvitsa makore 18,” rinodaro bhuku rinonzi How to Raise an Adult.

MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU

Vapei mabasa ekuita pamba.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.”​—Zvirevo 14:23.

Vana vanoda kushanda nevabereki vavo. Saka shandisai mukana iwoyo kuti muvape mabasa ekuita pamba.

Vamwe vabereki vanozeza kupa vana mabasa epamba. Vanenge vachiti vana vavo vachiri kuenda kuchikoro vane homuweki yakawanda, saka havadi kuvaremedza nebasa repamba.

Asi vana vanoita mabasa pamba vanowanzogona kuchikoro, nekuti mabasa iwayo anovadzidzisa kuita basa ravanenge vanzi vaite nevadzidzisi. Bhuku rambotaurwa rinonzi Parenting Without Borders rinoti, “kana tikasabvuma kubatsirwa nevana vedu vachiri vadiki, vanogona kufunga kuti kubatsira vamwe hakukoshi . . . Vanenge vava kutotarisira kuti vachaitirwa zvese nevamwe.”

Saka kuita mabasa epamba kunobatsira vana kuti vadzidze kubatsira vamwe pane kungofunga zvakavanakira. Mabasa epamba anoita kuti vana vaone kuti vanokosha mumhuri, uye vanoona mabasa acho sezvinhu zvavanofanira kuita.

Batsirai vana venyu kubvuma kana vakakanganisa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Teerera zano uye bvuma kurayirwa, kuti uve akachenjera mune ramangwana.”​—Zvirevo 19:20.

Ngatitii mwana wenyu apwanya chinhu chemumwe munhu netsaona. Hamufaniri kuvanza zvaitika. Anofanira kutobvuma mhosva yake uye dzimwe nguva kutotenga chinhu chacho.

Kana mwana achiziva kuti anokanganisa achadzidza

  • kutaura chokwadi uye kubvuma kana akanganisa

  • kusapa vamwe mhosva

  • kusapa tuzvikonzero

  • kukumbira ruregerero

Baba vari kubatsira mwana wavo kudiridza muti

TANGAI IYE ZVINO KUMUDZIDZISA

Vana vanodzidziswa kushanda nesimba, havazonyanyi kunetseka muupenyu pavanenge vakura

Itai Zvamunovadzidzisa

  • Ndiri munhu anoshanda nesimba, akarongeka, uye anobata nguva here?

  • Vana vangu vanondiona ndichiita mabasa epamba here?

  • Pandinokanganisa ndinobvuma here, kana kutokumbira ruregerero?

Zvatakaita . . .

“Kubvira vachiri vadiki, vana vangu vaindibatsira kubika, kupeta hembe dzinenge dzawachwa nekutsvaira mumba. Vakatanga kunakidzwa nekuita basa, uye vainakidzwa nekushanda neni. Zvaitovadzidzisa kuita mabasa.”​—Laura.

“Rimwe zuva ndakaudza mwanakomana wangu kuti afonere imwe shamwari yedu achikumbira ruregerero pane zvaakanga aita. Kubvira ipapo haaregi kukumbira ruregerero paanotaura mashoko anorwadzisa vamwe. Zvakatomudzidzisa kukumbira ruregerero pese paanokanganisa.”​—Debra.

KUDZIDZA KUBVA PAZVIKANGANISO

“Vana pavanokanganisa, zvakakosha kuti vabereki vayeuke kuti vana vane zvavanodzidza pazvikanganiso zvavo,” anodaro mumwe mudzidzisi anonzi Jessica Lahey, mune imwe magazini inonzi Atlantic. Anowedzera kuti: “Pavana vandinodzidzisa gore negore, vana vanonyanya kufara uye kubudirira kupfuura vamwe ndevaya vane vabereki vanovarega vachidzidza kubva pane zvavanokanganisa. Pane kuvadzivirira, vanovabatsira kuti vangagadzirisa sei zvavanokanganisa. Vana vanoitirwa izvi, vanofara uye vanobudirira muupenyu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe