RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 4/8 pp. 12-14
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chakavanzika Chokuyaruka
  • Chinjo Dzinowanwa Navasikana
  • Chinjo Dzinowana Vakomana
  • Kukura Kunoisvokosha
  • Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • ‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’
    Mukai!—2004
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 4/8 pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?

CHINJO dzinoshamisa dzavamba kuitika mumuviri wangu.

Kunyange zvazvo zvakadaro, zvino chaiye hadzingaratidziki kuva chinhu chipi nechipi kunze kwokuva dzinoshamisa. Unganzwa wavhiringidzika, wakangaidzika, kana kuti watyisidzirwa nezviri kuitika kwauri. “Ndakanga ndisati ndagadzirira chaizvo,” akadaro mumwe musikana. “Ndakafunga kuti, Oh, aiwa, ndichigere kuda kuti ikoku kutange kuitika kwandiri.” Mumwe mukomana akati: “Handizati ndichiziva kana ndiri asati ari womuzvarirwo kana kuti womuzvarirwo. Ndine makore 13 uye chinjo dziri kuitika mumuviri wangu . . . Ndinonzwa ndakasiana zvomenemene uye ndine ushoma padzimwe nguva uye ndinotya zvomenemene kuti mumwe munhu achandiitira musere.”

Kunonzwisisika kuti unganzwa nomutoo wakafanana. Uri kuva neicho mumwe musikana wechiduku akarondedzera senguva apo “muviri [wake] wakatanga kupenga.” Asika chingaratidzika kuva “kupenga” panguvayo zvomenemene ndichinoitika chenhevedzano chiri kukuchinja kubva muhuhwana kuenda muukuru. Chinonzi kuyaruka. Uye pasinei hapo nokuti zita rako rinonzwika kuva rinotyisa, kuyaruka hakuzati kuri hosha, uye hauzati uriwe wokutanga kupfuura nomakuri. Baba vako naamai vako vakakuita. Vadzidzi biyako vokuchikoro nedzimwe shamwari dzezera rako zvino vari kuva nakwowo. Uye iva nechokwadi, uchakurira.

Asika chii chaizvoizvo chiri iyi chinjo iri kukudziridzika inokurira muviri wako?

Chakavanzika Chokuyaruka

Bhaibheri rinoti paimwe nguva pashure pokunge iye ava namakore 12 okukura, “Jesu akaenderera mberi . . . mukukura kwomuviri.” (Ruka 2:52) Hungu, kunyange Jesu Kristu akayaruka. Mukati mokuyaruka, uchawana nhambo dzokukura kwomuviri nokukudziridzika. Kuti chii chaizvoizvo chinoparira kuti uku kukura kuitike, kunyange zvazvo zvakadaro, ndichakavanzika chaichoicho, nenji! Tinoyeuchidzwa nezvomufananidzo waJesu umo iye akataura nezvomurume akadyara mbeu. Jesu akati: “Mbeu inomera ndokukura kuva refu, iye haazati achiziva kuti kunoitika sei chaizvoizvo.” (Marko 4:27) Nomutoo wakafanana, vanachiremba vanogona kutipa rondedzero isino kutsarukana yechinoitika mukati mokuyaruka.

Paimwe nhambo pakati pamazera amakore eanenge 9 ne 16, unopinzwa mukuyaruka. (Zera rinosiana pamunhu nomunhu, uye vasikana vanowanzova negore kana kuti maviri mberi kwokutanga.) Uropi hwako hunovamba kuita kunokatyamadza kune nhevedzano kupfurikidza nokuvhura tsvurwe dukusa iri pamusoro pomusoro pomukanwa mako inonzi shwanu yetsvurwe inobudisa rute. Tsvurwe inobudisa rute kunoshanda kupfurikidza nokuita nhume dzemvura dzinonzi mahormone. Idzodzi dzinofamba nomuropa rako ndokuratidzira mitezo yako yokubereka kuvamba kuita mamwezve mahormone. Tsukwe dzomukomana pakuvamba dzinobudisa mahormone omunhurume, akadai setestosterone; zvizvaro zvomusikana, mahormone omunhukadzi, akadai seestrogen.

Ayawo mahormone, anoratidzira dzimwe tsvurwe dzemitezo yokubereka nayo kuvamba kuchinja maonekere aunoita.

Chinjo Dzinowanwa Navasikana

Kana uri musikana, chinhu chokutanga chaunocherekedza kukura kwapashoma napashoma kwamazamu ako. Mahormone ako anyandura tsvurwe dzako dzoumai kuvamba kukura. (Idzi tsvurwe dzinobudisa mukaka dzinopa amai mano okuyamwisa vacheche vavo.) Mahormone ako anonyandurawo kuitwa kwamafuta, ayo anoumba mazamu ako. Mafuta achaiswawo muhudyu dzako, zvidya, namagaro. Uchawedzera uremu uye ungawana wedzero yokukura kunokurumidza.

Kunyange vasikana vazhinjisa vachigamuchira idzi chinjo dzomuviri, handi vasikana vose vanodzigamuchira dzose. Somuenzaniso, vhudzi romumaoko ako, makumbo, uye hapwa ringava gobvu uye rakasviba. Zvino, mune dzimwe nyika, vhudzi rakadaro romuviri ringava rinorangarirwa kuva risiroukadzi kana kuti risi rechitayera. Pasinei hapo nefashoni, chiratidziro chakanaka chokuti uri kupinda muukadzi.

Imwe chinjo isingagamuchirwi ingava mubato unowedzera wetsvurwe dzako dzedikita—uchadikitira zvikuru. Gwema rinova pamwe chete nako ringakukangaidza. Asi kana uchigeza kazhinji kazhinji uye uchipfeka zvipeko zvakachena, kazhinji zvinetso zvegwema rakashata hazviwanzovapo. Dzimwe pwere dzinosarudzawo kushandisa zvizoro zvinonhuwira sechimwe chitaviridziro chegwema.

Kumwe kukura kumene kwomunhu kunobatanidza kumera vhudzi pamitezo yako yokubereka nayo. Irori rinonzi vhudzi rapachinena. Kana usati waziviswa pachine nguva mberi pamusoro paro, ungariwana kuva riya rinoti tyisei. Asi nderomuzvarirwo nomutoo wakarurama uye hapana chinhu chokukangaidzika pamusoro pacho.

Kuyaruka kunganyandurawo icho The New Teenage Body Book rakaidza kuti “itiro hanya yokutanga [chitarisiko] pakati pavechiduku”—zvinetso zvorukanda. Chinjo dzokushanda kwomuviri wako dzinowanzoparira rukanda ruzerwe namafuta zvikuru. Mburwa kana kuti miromo mitema zvinobuda. (Mukuwirirana neimwe nzvero, zvinetso zvemburwa zvinoonesa nhamo inenge 90 muzana yavechiduku vakaverengwa!) Sezvineiwo, chinetso chacho chinogona kuwanzova chinodzorwa netarisiro yakanaka yorukanda.—Ona nyaya inoti “Can’t I Do Something About My Acne?” yakabuda muna Mukai! wechiNgezi, chinyorwa chaFebruary 22, 1987.

Chinjo Dzinowana Vakomana

Kana uri mukomana, tapuro dzokutanga dzokuyaruka hadzizati dzichizooneka sedzomusikana. Gadziriro yadzo yokubereka zvainovamba kushanda, mitezo yako yokubereka nayo pashoma napashoma inokudziridzika. Vhudzi rinovamba kumera pamitezo yako yokubereka nayo. Zvakare, ikoku ndokwomuzvarirwo nomutoo wakakwana.

Panguva imwe cheteyo, ungawana kurumidzo mukukura. Mafuta netsandanyama zvinowedzera kumuviri wako. Unova akagwinya naakasimba, mapfudzi ako anopamhama. Chimiro chomuviri wako pashoma napashoma chinoderera pakuva chakafanana nechomwana uye chinova chakafanana zvikuru nechomurume muchitarisiko.

Imwe chinjo inofadza inobatanidza kumera kwevhudzi mumakumbo ako, chipfuva, chiso, nomuhapwa dzako. Ikoku kunonyandurwawo netestosterone. Bhuku rinonzi Changing Bodies, Changing Lives, rakanyorwa naRuth Bell, rinonokora mashoko imwe pwere ichiti: “Apo ini ndakanga ndava namakore gumi namana ndakafamba-famba kwamavhiki maviri neiyi tsvina pamuromo wangu wapamusoro. Ndakaramba ndichiedza kuigeza asi haizati yaizogezeka. Ipapo ndakaitarira chaizvoizvo ndokuona kuti yakanga iri usopo.”

Gara zviya, kuti ivhudzi rakadini romuviri raunoguma wava naro hakuna chokuita nokuti uri murume akasimba zvakadini; inongova bedzi nhau yokugara nhaka. Namamwe mashoko, kana baba vako vaiva nechipfuva chine vhudzi, bviro dzakasimba ndedzokuti iwe uchavawo naro. Kumwe cheteko kunodarowo nevhudzi rechiso. Kunyange zvazvo zvakadaro, rinowanzosamera kutozosvikira kukupera kwamakore ako owechiduku kana kuti mukuvamba mamakore 20, kuti iwe ugogaroveura ndebvu.

Uchava nenhambo dzako dzokukangaidzika, zvechokwadi. Vanakomana vanowanawo kuti tsvurwe dzavo dzedikita dzinosimudzira mubato wadzo. Zvikurukuru ungatove anoda kuve anoitira hanya shambidziko yako umene kuti ugodzivisa zvinetso zvegwema. Iwewo ungawana chirwere chemburwa nokuda kworukanda ruzerwe namafuta.

Mukati mamakore ako apakati owechiduku, doriro rako rinokudziridzika; ngoyi dzako dzokutaura dzichakobvumara ndokureba. Somuuyo, inzwi rako richakobvumara. Vamwe vakomana vanowana chinjo inoshamisa yokukurumidza kubva painzwi rakakwirira kuenda kuinzwi rakati kobvumarei. Asi kana vari vamwe, inzwi rinochinja pashoma napashoma kwenhambo refu inotambudza yamavhiki kana kuti mwedzi. Zvimiro zvenzwi zvamazembera, zvakakobvumara zvinogurwa nokujwiririka kunodukupisa nokukwanguka. Faranuka, kunyange zvazvo zvikadaro. Inzwi rako richaserera munguva yakafanira. Kuri zvino, kana ukagona kuzviseka iwe umene, unobetserwa kudukupisa kangaidziko.

Kukura Kunoisvokosha

Kukura kunoshamisa uye kunofadza! Kunogonawo kuva kunokangaidza nokunotyisa. Chimwe chinhu ndechechokwadi: Haungagoni kukurumidzisa kana kuti kunonozetsa kuitika kwokukura. Naizvozvo panzvimbo pokugamuchira chinjo dzinoparirwa nokuyaruka noutsinye nokutya, shamisika nadzo, dzigamuchire nomutsa—uye nepfungwa yokufara. Ziva kuti kuyaruka hakuzati kuri muuyo womugumo asi kunongova bedzi rutivi. Apo chinetso chokuyaruka chinenge chapera, uchabuda somurume akura zvizere kana kuti mukadzi!

Usatongokanganwa, kunyange zvakadaro, kuti kukura kwako kunoisvokosha kunobatanidza, kusati kuri urefu hwako, chimiro, kana kuti mativi echiso, asi kukura kwako somunhu—mundangariro, mupfungwa, uye mumudzimu. Muapostora Pauro akati: “Apo ini ndakanga ndiri mucheche, ndaisiwanzotaura somucheche, kufunga somucheche, kurangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro yomucheche.” (1 VaKorinte 13:11) Hakuzati kwakaringana kuratidzika somukuru. Unofanira kudzidza pashoma napashoma kuita, kutaura, uye kufunga somukuru. Rega kuva anoitira hanya zvikuru chiri kuitika kumuviri wako zvokuti unokanganwa kutarisira “munhu womukati.”—2 VaKorinte 4:16, The Jerusalem Bible.

Zvakare, mamwe mativi okuyaruka angava anotambudza zvikurukuru. Mabatire auchaita nawo achava nyaya yomuzvinyorwa zvinotevera.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kurumidzo dzokukura dzinoita kuti maoko amabhachi anyanyopfupika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe