RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 2 pp. 8-9
  • Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka
  • Mukai!—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO RACHO
  • ZVAMUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAMUNOGONA KUITA
  • Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • ‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’
    Mukai!—2004
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mukai!—1990
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 2 pp. 8-9
Baba vari kutaura nemwana wavo

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka

Baba nemwana wavo vachitarisa chikwangwani chinoratidza kuti munhu anotanga ari mwana, ozoyaruka, ozova munhu mukuru

DAMBUDZIKO RACHO

Zvinoita sekuti ndinezuro chaiye pamainge makabata kacheche kenyu mumaoko. Iye zvino ati kurei, asi achiri mwana, uye anofanira kutanga apfuura nepanguva yekuyaruka paanenge achichinja kuti asvike pakuva munhu mukuru.

Ungabatsira sei mwanakomana kana kuti mwanasikana wako pakuchinja uku sezvo zvichigona kumuvhiringidza kana kutomuvhundutsa?

ZVAMUNOFANIRA KUZIVA

Nguva yekuyaruka inosiyana-siyana. Vamwe vanogona kutanga vaine makore 8, uye vaya vanenge vati nonokei vanozotanga kumakore ekuma15. “Nguva yekuti munhu atange kuyaruka inosiyana-siyana,” rinodaro bhuku rinonzi Letting Go With Love and Confidence.

Kuyaruka kunogona kuita kuti munhu asagadzikane. Vana vari kuyaruka vanowanzonetseka kuti vamwe vari kuvaona sei. “Ndakatanga kunetseka pamusoro pechitarisiko changu uye maitiro angu,” anoyeuka kudaro mumwe mukomana anonzi Jared.a “Pandaiva pane vamwe, ndaingofunga kuti zvimwe vari kuona chimwe chinhu chisina kumira zvakanaka pandiri.” Munhu ari kuyaruka anogona kutonyanya kunetseka kana akaita mapundu kumeso. Kellie uyo ane makore 17 akati, “Ndainge ndava kuona sekuti kumeso kwangu hakuchaita! Ndinoyeuka kuti ndakambochema ndichiti kumeso kwangu kwashata.”

Vana vanokurumidza kuyaruka vanosangana nematambudziko akasiyana neevamwe. Izvi zvinowanzoitika kuvasikana, avo vanogona kusekwa nenyaya yekuti vanenge vava kumera mazamu uye kuumbika muviri. “Vanenge vari pangozi yekukwezva vakomana vati kurei avo vanogona kunge vava kutoziva zvepabonde,” rinodaro bhuku rinonzi A Parent’s Guide to the Teen Years.

Kuyaruka hakurevi kuti mwana ava kukwanisa kuzvimiririra. “Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,” inodaro Zvirevo 22:15; Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi. Kuyaruka hakubvise upenzi ihwohwo. Mwana angaratidzika seakura, asi izvozvo “hazvirevi kuti ava neunhu, kana kuti ava kukwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka, kuzvidzora, kana kuita zvimwewo zvinoratidza kuti akura,” rinodaro bhuku rinonzi You and Your Adolescent.

ZVAMUNOGONA KUITA

Taura nemwana nezvekuyaruka zvisati zvatanga. Ita kuti mwana wako azive kuti zvichafamba sei; kana ari musikana muudze nezvekuenda kumwedzi uye kana ari mukomana muudze nezvekuzvirotera. Kusiyana nezvimwe zvinochinja zvishoma nezvishoma pakuyaruka, zvatataura izvi zvinongoerekana zvatanga uye zvinogona kuvhiringidza kana kutovhundutsa mwana. Pamunenge muchikurukura, taura zvakanakira kuyaruka, kuti ndiko kutanga kwaanoita kuchinja kuti ave munhu mukuru.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Pisarema 139:14.

Taurai zvese. “Vabereki vangu pavaindiudza nezvenyaya iyi, vaitenderera,” anodaro mumwe mukomana anonzi John. “Ndinofunga kuti zvaiva nani kudai vakandiudza vasingapotereri.” Alana ane makore 17 anofungawo saizvozvo. Anoti: “Amai vangu vakandibatsira kunzwisisa zvaiitika pandiri, asi havana kunditsanangurira kuti ndingaita sei kuti ndigadzikane mupfungwa.” Tinodzidzei pane izvi? Kunyange zvazvo muchigona kunzwa musina kusununguka kutaura nyaya iyi nemwana wenyu, muudzei zvese zvinoitika pakuyaruka.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mabasa 20:20.

Vabvunzei mibvunzo inoita kuti mukurukure. Kuti vanzwe vakasununguka, tangai nekutaura zviri kuitika kune vamwe vari kuyaruka. Somuenzaniso, munogona kubvunza mwanasikana wenyu kuti, “Mukirasi menyu mune vasikana vakatotanga kutaura kuti vava kutevera here?” “Kune here vamwe vana vanoseka vasikana vanokurumidza kuyaruka?” Munogona kubvunza mwanakomana wenyu kuti, “Kune here vana vanoseka vamwe vanenge vachinonoka kuyaruka?” Vaya vari kuyaruka pavanotanga kutaura nezvekuti vamwe vavo vari kuchinja sei, zvinogona kuvarerukira kuti ivowo vataure kuti zviri kuvafambira sei. Pavanenge vachitaura, itai zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti: “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura.”—Jakobho 1:19.

Batsira mwana wako ari kuyaruka kuti ave ‘neuchenjeri hunobatsira nemano okufunga.’ (Zvirevo 3:21) Kuyaruka hakungorevi kuchinja kunoita muviri nemanzwiro anoita munhu. Iyi inguvawo yekuti mwana anotanga kudzidza kuva munhu anonzwisisa izvo zvinozomubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka paanenge akura. Shandisai mukana iwoyu kudzidzisa mwana wenyu tsika dzakanaka.— Zvinotaurwa neBhaibheri: VaHebheru 5:14.

Usaneta. Vechiduku vakawanda vanoita sevasingadi kutaura nevabereki vavo nyaya yekuyaruka, asi hakusi kuti vanenge vasingade kuinzwa. “Mwana ari kuyaruka, uya anenge achiita sekuti haafariri nyaya iyi, ichiita seinomubhohwa, inomusemesa, uye achiita sekuti haasi kutomboteerera, anogona kunge achibata shoko rega rega ramunenge muchitaura,” rinodaro bhuku rinonzi You and Your Adolescent.

a Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

MAGWARO EKUYEUKA

  • “Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.”—Pisarema 139:14.

  • “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai.”—Mabasa 20:20.

  • ‘Vanhu vakuru vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’—VaHebheru 5:14.

“Vabereki vangu vakandibatsira chaizvo panguva yandaiyaruka, kunyanya mhamha vangu. Vakanyatsotora nguva yavo vachinditsanangurira zvose. Ndakanga ndava kunyatsoziva zvaizoitika, saka handina kumboshamisika nguva yacho payakazosvika. Uye mhamha vangu vakaita kuti ndinyatsosununguka kutaura navo chero nguva. Vabereki vangu vakaita kuti ndisanyanye kunyara kutaura navo nezvenyaya iyi.”—Marie, ane makore 16.

“Vabereki vangu vakandibatsira. Somuenzaniso, vaiedza chaizvo kusabvunzisisa nekuti vaiziva kuti zvose zvaiitika kwandiri zvaiita kuti ndinyare. Chimwewo chakandifadza ndechokuti vaisaudza vamwe vanhu nezvazvo. Uye vakandiudza zvaizoitika kwandiri zvisati zvatanga kuitika.”—Joan, ane makore 18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe