RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 chits. 6 pp. 58-66
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoitika Kuvasikana
  • Zvinoitika Kuvakomana
  • Kurarama Nemanzwiro Matsva
  • Kukura Kunokosha Kupfuura Kwose
  • Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mukai!—1990
  • ‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’
    Mukai!—2004
  • Kubatsira Mwana Wako Paanenge Achiyaruka
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 chits. 6 pp. 58-66

CHITSAUKO 6

Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?

“Ndakatanga kureba nokukurumidza. Zvaindirwadza. Kunyange zvazvo zvaifadza kuti ndiri kukura, ndairwadziwa netsandanyama dzomumakumbo nomutsoka. Ndaizvivenga!”—Paul.

“Unoziva kuti muviri wako uri kuchinja, uye kuti unofunga kuti hapana ari kuzviona. Asi mumwe munhu ane vavariro dzakanaka anobva akuudza kuti ‘hudyu dzako dzava kuumbika’—uye unonzwa uchishayiwa pokupinda nokunyara!”—Chanelle.

IWE nemhuri yenyu makambotamira kune imwe nzvimbo itsva here? Kuchinja kwacho kwakanga kwakaoma, handizvo here? Chokwadi, wakasiya zvinhu zvose zvawakanga wajaira—imba yenyu, chikoro chako, uye shamwari dzako. Zvingangove zvakakutorera nguva kuti ujairane nezvinhu zvitsva zvakanga zvakakupoteredza.

Pakutanga kuyaruka—nguva youpenyu yaunotanga kukura mumuviri—unova munguva yokumwe kuchinja kukuru muupenyu. Neimwe nzira, unenge uri kutamira “kunzvimbo” itsva. Kunonakidza here? Chaizvo! Asi kuchinja kuva munhu mukuru kunogona kuita kuti ufare uye usuruvare panguva imwe chete, uye zvingasava nyore kuti uzvijaire. Chii chinoitika panguva iyi youpenyu hwako inofadza asi ichivhiringidza?

Zvinoitika Kuvasikana

Kuyaruka inguva yokuchinja kukuru. Kumwe kuchinja kunoitika kwauri kunenge kuchitooneka. Somuenzaniso, mahomoni anoita kuti bvudzi ritange kubuda munzvimbo dzako dzakavandika. Uyewo, unoona mazamu ako, hudyu, zvidya uye magaro zvichikura. Hausisina muviri womwana asi wava kutanga kuva nomuviri wakaumbika wechikadzi. Izvi hazvifaniri kukuvhundutsa—ndizvo chaizvo zvinofanira kuitika. Uye zviri pachena kuti muviri wako uri kugadzirira nguva yauchakwanisa kuva amai!

Imwe nguva pashure pokunge watanga kuyaruka, unotanga kuenda kumwedzi. Kana usina kunyatsogadzirira, uku kuchinja kukuru kunoitika muupenyu hwako kungakutyisa. Samantha anoyeuka kuti, “Ndakanga ndisina kugadzirira zvachose pandakatanga kuenda kumwedzi. Ndainzwa ndisina kuchena. Ndaizvikwesha chaizvo pandaigeza ndichifunga kuti ‘ndinosemesa zvikuru.’ Pfungwa yokuenda kumwedzi mwedzi woga woga kwemakore yakandivhundutsa!”

Zvisinei, yeuka kuti kuenda kumwedzi kunoratidza kuti masimba ako okubereka ari kukura. Kunyange zvazvo pachizova nemakore akawanda usati wagadzirira kuva mubereki, apa unenge wava pedyo nokusvika pachidanho chokuva mukadzi. Kunyange zvakadaro, kutanga kuenda kumwedzi kunogona kuita kuti usagadzikane. Kelli anoti, “Chinhu chakanyanya kuipa chaiva chokuti ndaifanira kurarama nezvinyamusi. Zvaindishungurudza kwazvo kuti ndaigona kuswera ndichifara asi usiku ndorara ndichisvimha misodzi.”

Kana ari iwo manzwiro auri kuita parizvino, shivirira. Nokufamba kwenguva uchasvika pakuzvijaira. Annette ane makore 20 anoti: “Ndinoyeuka pandakasvika pakugamuchira kuti izvi ndizvo zvaizoita kuti ndive mukadzi uye kuti Jehovha akandipa chipo chokuzvara. Izvi zvinotora nguva kuzvigamuchira, uye izvi zvakaomera vamwe vasikana zvikuru; asi nokufamba kwenguva unodzidza kuzvigamuchira.”

Zvimwe zvataurwa pamusoro apa zvakatotanga kuitika kwauri here? Pamitsetse inotevera, nyora chero mibvunzo ipi yauinayo nezvokuchinja kuri kuitika pauri.

․․․․․

Zvinoitika Kuvakomana

Kana uri mukomana, kuyaruka kuchaita kuti chitarisiko chako chichinje zvikuru. Somuenzaniso, ganda rako ringagara richisinina mafuta, zvichizoita kuti uve nemapundu kumeso.a Matt ane makore 18 anoti, “Zvinoshungurudza zvikuru kumera mapundu ose aya. Ihondo chaiyo—unofanira kuarwisa. Hauzivi kuti achazombopera, achasiya madzvanga kana kuti achazoita kuti vanhu vakutarisire pasi nokuti unawo here.”

Zvisinei, kune rimwe divi, ungacherechedza kuti uri kukura uye kusimba uye kuti mapendekete ako ari kutanga kupamhamha. Uyewo pakuyaruka, bvudzi ringamera mumakumbo ako, muchipfuva, nokumeso uyewo muhapwa. Asi kuwanda kwebvudzi romuviri wako hakunei chokuita nokuti uri murume zvakadini asi inongova nyaya yedzinza.

Panguva iyi, ungangotanga kudonhedza zvinhu zvaunobata sezvo nhengo dzose dzomuviri wako dzisingakuri pamwero mumwe chete. Unganzwa sokuti hauna mapfupa. Mumwe mukomana anonzi Dwayne akati zvaiita sokuti pfungwa dzake dzaimuudza chimwe chinhu, uye maoko ake achiita zvakasiyana.

Paunenge wava kumakore 15 kana kuti 16 inzwi rako rinokora, asi zvichiitika zvishoma nezvishoma. Kwenguva yakati, ungave uchitaura nebhesi, asi apo neapo inzwi rako rinozhezhera zvinonyadzisa. Zvisinei, usanetseka. Pakupedzisira, inzwi rako richanaka. Panguva iyi, kudzidza kuseka nezvazvo kuchakubatsira kuti usanyanya kunyara.

Sezvaunokura, nhengo dzako dzokubereka nadzo dzinokura uye bvudzi rinomera. Dzinotangawo kugadzira urume. Urume uhwu hune mamiriyoni embeu dzisingaoneki, dzinobudiswa pakuita zvepabonde. Mbeu imwe chete inokwanisa kuberekesa zai rimwe chete romukadzi pova nomwana.

Urume hunoungana mumuviri mako. Humwe hunoshandiswa nomuviri, asi apo neapo, humwe hungabudiswa usiku wakarara. Vakawanda vanokuti kuzvirotera. Izvi zvinoitika muupenyu. Kunyange Bhaibheri rinotaura nezvazvo. (Revhitiko 15:16, 17) Zvinoratidza kuti nhengo dzako dzokubereka nadzo dziri kushanda uye kuti uri kukura kuva murume.

Zvimwe zvataurwa pamusoro apa zvakatotanga kuitika kwauri here? Pamitsetse inotevera, nyora chero mibvunzo ipi yauinayo nezvokuchinja kuri kuitika pauri.

․․․․․

Kurarama Nemanzwiro Matsva

Sezvo nhengo dzokubereka nadzo dzinokura, vose vakomana nevasikana vanotanga kuonana nerimwe ziso. Matt anoti, “Pandakayaruka, ndakatanga kuona kuti kune vasikana vakanaka chaizvo. Izvozvo zvainyatsondikododzvora nokuti ndakazivawo kuti hapana zvandaigona kuita kusvikira ndati kurei.” Chitsauko 29 chebhuku rino chichakurukura zvakadzama nezvokukura uku. Zvisinei, iye zvino, unofanira kuziva kuti zvinokosha kuti udzidze kudzora zvishuwo zvako zvokuita zvepabonde. (VaKorose 3:5) Kunyange hazvo zvingaita sezvakaoma, unogona kusarudza kusazviteerera!

Pane mamwe manzwiro aungafanira kutsungirira pakuyaruka. Somuenzaniso, zviri nyore kuti ungonzwa usingazviremekedzi. Vechiduku vakawanda vanosurukirwa, uye dzimwe nguva vanomboora mwoyo. Panguva dzakadaro, zvakanaka kuti utaure nomubereki wako kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye. Nyora zita romunhu mukuru waunogona kutaurira manzwiro ako.

․․․․․

Kukura Kunokosha Kupfuura Kwose

Kukura kwako kunokosha kupfuura kwose hakusanganisiri kureba, chimiro, kana kuti kuchinja kunoita chiso chako, asi kukura kwaunoita somunhu, mupfungwa, mumanzwiro uye kupfuura zvose, mune zvokunamata. Muapostora Pauro akati: “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche, ndaifunga somucheche, ndairangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.” (1 VaKorinde 13:11) Chidzidzo chacho chakajeka. Hazvina kukwana kuti uratidzike somunhu mukuru. Unofanira kudzidza kuita zvinhu, kutaura, uye kufunga somunhu mukuru. Usanyanya kufunga zvinenge zvichiitika pamuviri wako zvokuti unoregeredza kuvandudza munhu womukati!

Yeukawo kuti Mwari “anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Bhaibheri rinotaura kuti Mambo Sauro aiva murefu uye akanaka, asi akatadza kuva mambo uye murume akanaka. (1 Samueri 9:2) Kusiyana naye, Zakeyo akanga ari “mupfupi,” asi aiva nesimba romukati rokuchinja mararamiro ake ndokuva mudzidzi waJesu. (Ruka 19:2-10) Zviri pachena kuti zviri mukati ndizvo zvinonyanya kukosha.

Chokwadi ndechokuti: Hapana nzira yakanaka yokukurumidzisa kana kuti yokunonotsa kukura kunoita muviri womunhu. Saka pane kusafarira uye kutya kuchinja kunenge kuchiitika, edza kuzvigamuchira usingaori mwoyo—uchizvitora sezvinhu zvokuseka nezvazvo. Kuchinja kunoitika pakuyaruka hachisi chirwere, uye hausi iwe wokutanga kusangana nazvo. Uye iva nechokwadi chokuti hazvikuurayi. Kana matambudziko okuyaruka apfuura, uchange wava munhu mukuru!

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Zvakadini kana usingafariri zvaunoona paunozvitarira mugirazi? Ungava sei pakati nepakati mumaonero aunoita chitarisiko chako?

[Mashoko Omuzasi]

a Vasikana vanoaitawo. Dambudziko racho rinogona kuderedzwa nokuchengetedza ganda zvakanaka.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

“Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa.”—Pisarema 139:14.

ZANO

Muviri wako paunotanga kukura, ngwarira kuti usapfeke zvipfeko zvinomutsa zvishuwo zvokuita zvepabonde. Nguva dzose pfeka zvinoratidza “mwero nepfungwa dzakanaka.”—1 Timoti 2:9.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Munhu anogona kutanga kuyaruka aine makore 8 kana kuti ava nemakore 14 kana kudarika. Hapana makore chaiwo anganzi ndiwo anofanira kutanga kuyaruka munhu.

ZVANDINORONGA KUITA!

Sezvandinokura kuva munhu mukuru, unhu hwandinofa- nira kunyanya kushandira pahuri ndouhwu ․․․․․

Kuti ndifambire mberi mune zvokunamata, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei kuchinja kunoitika mumuviri uye mupfungwa pakuyaruka kwakaoma kwazvo kunzwisisa?

● Chii chaunoona chakanyanya kuoma pakuchinja uku?

● Nei kuda kwaunoita Mwari kungadzikira paunenge uchiyaruka, asi ungaitei kuti izvozvo zvisaitika?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 61]

“Pane zvinhu zvakawanda zvinokudya mwoyo zvinoitika pakuyaruka, uye haumbonyatsovi nechokwadi chokuti muviri wako uchazochinja zvakadini. Asi sezvaunokura, unodzidza kugamuchira kuchinja kwacho uye wotokufarira.’’—Annette

[Bhokisi riri papeji 63, 64]

Ndingataura Sei Nababa Kana Naamai Nezvepabonde?

“Pandaiva nomubvunzo une chokuita nezvepabonde, ndaisabvunza vabereki vangu.”—Beth.

“Ndakanga ndisina ushingi hwokuzvitaura.”—Dennis.

Kana wakaita saBeth kana kuti Dennis, uri parumananzombe. Unoda kuziva nezvepabonde, asi vanhu vane mhinduro dzacho vangava vaya vaungasada kubvunza—vabereki vako! Unonetseka nezvinhu zvakawanda:

Vachafungei nezvangu?

“Handidi kuti vandifungire nokuti ndinenge ndabvunza.”—Jessica.

“Vanoda kuti urambe uri muduku asina chaanopomerwa, uye zuva raunotanga kutaura navo nezvepabonde, havazokuoni somunhu akadaro.”—Beth.

Vachazvitambira sei?

“Ndinotya kuti vabereki vangu vangamhanyirira kundifungira ini ndisati ndapedza kutaura votanga kunditaurira twakawanda-wanda.”—Gloria.

“Vabereki vangu havatani kubudisa manzwiro avo, saka ndinotya kuona kusafara kunenge kuri pazviso zvavo. Chokwadi, pandinenge ndichitaura baba vangu vangangodaro vachifunga twakawanda-wanda twokuzondiudza.”—Pam.

Vachatadza kunzwisisa chikonzero chandabvunzira here?

“Vangaiita nyaya hombe votanga kundibvunza mibvunzo yakadai seiyi, ‘Wakaedzwa kuti uite zvepabonde here?’ kana kuti ‘Vezera rako vari kukukurudzira here?’ Asi zvichida unongoda kuziva.”—Lisa.

“Baba vangu vanogara vachiratidza kunetseka pose pandinotaura nezvomukomana. Vanobva vatanga kutaura neni zvine chokuita nebonde. Mupfungwa dzangu ndinenge ndichiti, ‘Baba, ini ndangoti mukomana wacho akanaka. Handina zvandataura nezvokuroorana kana kuti zvepabonde!’”—Stacey.

Zvingakunyaradza kuziva kuti vabereki vako vanganzwa vachinyara kutaura newe zvepabonde sokunyara kwaungaitawo kutaura navo nezvazvo! Zvichida izvozvo ndizvo zvinoratidzwa pane zvakabuda pakuongorora kwakaitwa apo 65 muzana yevabereki vakati vanotaura nevana vavo nezvepabonde, asi 41 muzana chete yevana vacho ndivo vanoyeuka vachikurukura nevabereki vavo nezvazvo.

Chokwadi ndechokuti vabereki vako vangazeza kutaura nezvepabonde. Kazhinji kacho vabereki vavowo havana kumbotaura navo nezvazvo! Chero chingava chikonzero, edza kuvashivirira. Zvichida—kana ukashinga kutaura navo nezvazvo—zvichabatsira iwe nevabereki vako. Sei?

Matangiro Aungaita Nyaya Yacho

Vabereki vako vane uchenjeri hwakawanda nemazano ane chokuita nezvepabonde. Asi unongoda kuziva kuti ungatanga sei. Edza zvinotevera:

1 Ita kuti vazive kuti kunyange zvakakuomera, unoda kutaura navo nezvazvo. “Ndinozeza kuzvitaura nokuti ndinotya kuti mungazofunga kuti . . . ”

2 Zvadaro udza baba kana amai kuti nei wauya kwavari. “Asi ndine mubvunzo, uye ndingada kuti imi mundipindure kwete mumwe munhu.”

3 Ibva wabvunza mubvunzo wacho. “Mubvunzo wangu ndewokuti . . . ”

4 Pamunopedza kukurukura, iva nechokwadi chokuti panosara mukana wokuti muzokurukurazve munguva yemberi. “Kana ndikava nomumwe mubvunzo, ndingazokubvunzai zvekare here?”

Kunyange zvazvo uchiziva kuti mhinduro yacho ndihungu, kunzwa vabereki vako vachiitaura kuchaita kuti parambe paine mukana zvichiita kuti unzwe wakasununguka paunoda kuzotaura navo nguva inotevera. Saka zviedze! Ungangoguma wabvumirana naTrina. Iye zvino ane makore 24, anoti: “Panguva yandaitaura naamai vangu, ndinoyeuka ndichishuva kuti dai takanga tisiri kuzvikurukura. Asi iye zvino ndinofara kuti amai vangu vaibuda pachena. Zvave zvichindidzivirira zvikuru!”

[Mufananidzo uri papeji 59]

Kuonekana nouduku kungafanana nokutama pamba—asi unogona kusvika pakujaira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe