Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kuwana Basa Rapashure Pechikoro Here?
“Mukai!”: Chii chakakuita kuti uwane basa rapashure pechikoro?
Eric: Ndakanga ndichigara pamusha, uye ndakanga ndichida kubetsera vabereki vangu mune zvemari.
Olga: Kuzvimirira. Ndakanga ndichida mari yangu ndimene.
Michelé: Ndakanga ndichitowana hangu mvumiro, asi ndakanga ndichida ruzivo rwokuzviwanira rwebasa.
Duane: Handina kushandira mari. Ndakashanda kuti ndibetsere sekuru vangu vakanga vane bhizimisi vachipenda, kuveza matombo, uye zvichingodaro.
Anthony: Ndakashanda nemhaka yokuti ndakanga ndichida kukwanisa kutenga zvipfeko.
“Mukai!”: Amai vako vakanga vasiri kukutengera zvipfeko here?
Anthony: Kwete rudzi rwezvipfeko rwandaida.
URI kufunga nezvokuwana basa rapashure pechikoro here? Zvimwe ungangoda bedzi kuva nemari yakatiwandei yomuhomwe, uye basa rinoratidzika kuva nzira inokurumidza zvikurusa yokuiwana.
Basa rinogona kuva nebetsero dzaro.a Ringadzidzisa pwere kuva ine mutoro. Ringapa ruzivo rwokuzviwanira runokosha nounyanzvi hunobetsera. Kunyanguvezvo, handi mativi ose okushanda ane betsero, uye usati watora basa, unofanira kuverenga nokungwarira ndyiko yacho.—Enzanisa naRuka 14:28; 1 VaKorinte 10:23.
Ndichaiteiko Nemari Yacho?
Pwere zhinji dzinoshanda kuti dzigovere vabereki vadzo betsero inodikanwa yemari. Mudzidzisi wapachikoro chapamusoro David L. Manning anotaura, zvisinei, kuti “vavariro yokutanga nokuda kwebasa renguva isina kuzara inoratidzika kuva fariro yokuzvigutsa kwoudyire.” Zvamazvirokwazvo, zhinji yeiyo vechiduku vanotambira inopirwa, kwete kukuchengetwa mubhangi kana kuti ndyiko dzemhuri, asi kuzvinhu zvoumbozha, kuridza marekondi anomutinhimira pamastereo namatiketi ekonzati kusvikira kushangu dzinotofokera. Pakupedzisira, mari inotambirwa inowanzova mari inopambadzwa.
“Ndakaiteiko nemari yangu?” akapindura kudaro Michelé muduku apo mutorinhau waMukai! akabvunza boka repwere zvadzakaita nemari yadzakatambira pamabasa adzo. “Handizivi,” akabvuma kudaro. “Handina kuchengeta ipi neipi. Ndinofungidzira kuti ndakaipedzera mumitambo. Mabhaisikopo—ndinoenda pakupera kwevhiki kuri kose. Uye shangu. Ndinoda shangu. Ndakaripira kusvikira ku $600 papeya.” Muduku Olga akapindura nenzira imwe cheteyo, kuti: “Ndinofunga kuti ndakapedza mari yangu yose. Kana uchiwana mari yakawanda zvikuru, unopedza yakawanda. Asi handitongofungi kwayakaenda.”
“Ko munhu anova nemhindu yei mubasa rake rose resimba raanoshanda pariri nesimba pasi pezuva?” akabvunza kudaro Soromoni. (Muparidzi 1:3, NW) Uye pasina chikonzero chakajeka chokushanda, pasina rongedzero chaiyoiyo pamusoro pokuti uchashandisa sei—kana kuti uchachengeta sei—mari yaunotambira, basa rako resimba nomutoo mumwe chetewo ringabvumikisa kuva risina mhindu, risina maturo.b ‘Asika chii chiri kuvadziko mukungoipedzera bedzi pane zvinhu zvandinoda?’ ungabvunza kudaro.
Ndichimwe chinhu kushanda nokuda kwezvinodikanwa zvine mufungo. Asi kushanda nguva refu uye nesimba nokuda kwezvinodiwa zvisina maturo musungo. Kunogona kumutsa chishuvo chisina kunaka chezvinhu zvokunyama. (Enzanisa na 1 Timotio 6:8, 9.) Kunogona kukudziridza mudzimu woudyire, wokuti ini pakutanga uyo unorwisana nomudzimu wechiKristu wokupa. (Mabasa 20:35) Naizvozvo usati wawana basa, hakusati kwaizova kwakanakisisa here kutema kana pane chinodikanwa chine mufungo nokuda kwaro?
Chikoro Nebasa
Chimwe chinhu chokurangarira ndiwo muuyo unogona kuva nokushanda pakufunda kwako. “Hakuna munhu anogona kubatira vatenzi vaviri,” akadaro Jesu. (Mateo 6:24, NW) Iyi nheyo inoshanda kuvadzidzi vakawanda vanozviwana vamene vabatwa murwisano pakati pechikoro nebasa.
Nzvero dzinoratidzira kuti vechiduku vanoshanda sezvinobvira zvikuru vanorovha kuchikoro kupinda vasingashandi. Uye pavanenge variko, vanowanzova vasingapi ngwariro. “Ndaibuda muchikoro pamasikati uye ndaiita basa roumabharani kubvira 1 kusvikira 5,” anotsanangura kudaro muduku Olga. Chii chakava muuyo wacho? “Ndakanga ndaneta. Chikoro nebasa zvinokunetesa.” Hakusati kuchishamisa, ipapoka, kuti mamakisi avadzidzi vazhinji anoderera pashure pokunge vavamba kushanda. Vamwe vanotofoira.
“Ndaitofanira kuenda kuchikoro chamadziya,” anoyeuka kudaro Anthony, akafoira apo akanga achishanda pabasa rapafekitari pashure pechikoro. Zvisinei, Anthony akaramba achipfuurira kushanda madziya ose. Chii chakava muuyo wacho? “Ndakafoirawo chikoro chamadziya uye ndaitofanira kudzokorora giredi rakati.” Chokwadi, vamwe vadzidzi vanogona vanokwanisa kuchengeta mamakisi akanaka. Anoyeuka kudaro Michelé: “Ndaingofanira hangu kuteerera mudzidzisi wangu, kunzwisisa zvaaitaura, ndokupasa. Handisati ndaitongofanira kufunda.” Kune nyika dzakasiana, zvisinei, pakati pokungopfuurira bedzi muchikoro nokuva anonyura mukudzidza chaikoiko.—Enzanisa na 1 Timotio 4:15.
Naizvozvo kana uri kurangarira basa, zvibvunze umene, kuti: ‘Ndichakwanisa kupa ngwariro ine mufungo here kubasa rangu rinoitirwa kumba? Ndichakwanisa kuwana zororo rakaringanira nokurara here?’ (Muparidzi 4:6) Zvakawanda zvinotsamira parudzi rwebasa norudungwe. Asi kana basa richipinganidza kudzidza kwako, rakakukodzera zvomenemene here?
Basa Nemhuri Yako
Chokuitirawo hanya ndiwo muuyo ungava nokushanda paukama hwako nemitezo yemhuri. “Fundo dzedu dzinoratidzira . . . kuti vayaruki vanoshanda vanopedza nguva shoma chaizvo mumibato yemhuri kupinda vezera ravo vasingashandi,” vanodaro vanzveri vanaLaurence Steinberg naEllen Greenberger. Somuenzaniso, “vechiduku vazhinji vanoshanda vanoshuma kuti vanodya zvokudya nemhuri yokwavo kasati kari kazhinji-zhinji (nokudaro vachirashikirwa neimwe yenguva shomanene yezuva umo vabereki navana vanogona ku‘kurukurirana’ pamusoro pemibato yomumwe nomumwe).”
Nguva dzezvokudya dzakanga dziri rutivi runokosha rwoupenyu hwemhuri munguva dzeBhaibheri uye dzinopfuurira kuva dzakadaro pakati pavanhu vaMwari nhasi. (Enzanisa naZvirevo 15:17.) Pakati peZvapupu zvaJehovha, mhuri zhinji dzinoshandisa zvokudya zvamangwanani kana kuti zvamadekwana senhambo yokukurukura nhau dzomudzimu. Ko basa rapashure pechikoro richakudzivisa kutora rutivi here?
Vechiduku vanoshanda vangavambawo kunzwa vasati vari pasi pechiremera chavabereki vavo. Vamwe vanotorangarira kuti zvavanotova nemari yavo vamene, havachisiri pasi poudzori hwavabereki vavo. Zvisinei, cheki yomuripo haisati ichikusunungura pamusengwa wapaMagwaro wo‘kuteerera chirango chababa’ kana kuti kuteerera ‘mutemo waamai vako.’ (Zvirevo 1:8) Vabereki vako vanamaruramiro ari ose, somuenzaniso, okusarudza kuti imarii yemari yako inofanira kuenda kundyiko dzemhuri. Kunze kwezvose, inenge yose yemari yavo inodaro.
Kana ukasarudza kushanda, kuregererei kuratidza ukuru hwako nefariro yako mugarikano yemhuri kupfurikidza nokubvunza vabereki vako kuti imarii yaunogona kupira kumari yemhuri?
Basa Rako Noumudzimu Hwako
Kurangarirwa kunoisvokosha zvikuru kwezvose ndokwomuuyo ungava nokushanda paumudzimu hwako. Steinberg naGreenberger vanoshuma kuti kuzviratidzira kunzvimbo yebasa kunowanzoparira zvimiro zvo‘kuzvibata kwokutsauka’ kwepwere, zvakadai sokuba pabasa kana kuti kunyengera muchikoro. Dzimwe pwere dzinototera kudzvinyiriro yavezera radzo ndokupa deredzerwo isingabvumirwi—kana kuti kunyange kubira—shamwari. Dzvinyiriro dzebasa (uye kuva nemari inotovapo) kunosundira pwere dzakawanda mukushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhakisa nemirimo.
Chokwadi, une nheyo dzechiKristu, haungatongofungi hako nezvokuita zvinhu zvakadai. Zvisinei, kuva nebasa kunogona kuisa pwere ku“songaniro dzakashata” kusvikira kumwero mukurusa. (1 VaKorinte 15:33, NW) Wakagadzirira kugonana nedzvinyiriro yakadaro here? Uchingunoveri muchikoro, wati ‘wafamba muuchenjeri kuna avo vari kunze’ kupfurikidza nokudzivisa songaniro isina kunaka here? (VaKorose 4:5) Kana wakaratidzira kuneta kwakati kuti muna ikoku, wakatogadzirira zvomenemene kunangana nedzvinyiriro huru zvikuru dzokunzvimbo yebasa here?
Rudungwe rwebasa runoda nhamburiko hurusa rungakuitawo kuti kuve kunokuomera kutevera muitiro wechiKristu wemisangano, fundo yomunhu oga yeBhaibheri, uye kutora rutivi mumisangano yechiKristu. “Ndakapotsa misangano nokuti ndakanga ndaneta pashure pezuva rechikoro nebasa,” anodaro Michelé.
Chisarudzo chokuwana basa rapashure pechikoro nokudaro ndichiye chakakomba. Kusanofunga kunofanira kupiwa zvikonzero zvose zvinobatanidzwa. Taura nhau dzacho navabereki vako kana kuti nomuKristu akakura mumudzimu. Kana basa richirangarirwa kuva riri madikanwa, edza nesimba kuchengeta dzikamo yako. Ronga rudungwe runokubvumira kupa ngwariro yakaringanira kukufunda kwako neenderero mberi mumudzimu. Kana ikoko kusingabviri, rangarira dzimwe nzira dzokuwana nadzo mari. Zvimwe pane mabasa makuru eimba vabereki vako vangadisa kukuripira kuita. Dzimwe pwere dzinotanga mabhizimisi maduku, akadai sokucheka uswa kana kuti kurera vana, anodzibvumira kuwana mari panguva yadzo dzimene yadzinoda.
Asika zvakadiniko nepwere dziri munyika dzine urombo zvikuru dzisitongorina chisarudzo kunze kwokushanda? Nyaya inotevera ichakurukura uyu mugariro.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Basa Rapashure Pechikoro Richandibetsera Kukura Here?” iri muchinyorwa chedu chakapfuura.
b Ona Mukai! No. 3, 1989 nokuda kwezvikarakadzo pamusoro pokutarisira mari.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
“Vavariro yokutanga nokuda kwebasa renguva isina kuzara inoratidzika kuva fariro yokuzvigutsa kwoudyire”
[Mufananidzo uri papeji 22]
Uri kushandira kuripira ndyiko dzakafanira here kana kugutsa rudo rwezvinhu zvokunyama?