RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 3/8 pp. 24-26
  • Ndinofanira Kushanda Apo Ndinenge Ndichiri Pachikoro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kushanda Apo Ndinenge Ndichiri Pachikoro Here?
  • Mukai!—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Dzichishanda
  • Kurangarira Ndyiko
  • Kuchengeta Dzikamo Yako
  • Ndinofanira Kuwana Basa Rapashure Pechikoro Here?
    Mukai!—1991
  • Basa Rapashure Pechikoro Richandibetsera Kukura Here?
    Mukai!—1991
  • Neiko Ndichifanira Kufunda Zvakasimba Muchikoro?
    Mukai!—1992
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 3/8 pp. 24-26

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kushanda Apo Ndinenge Ndichiri Pachikoro Here?

MAZUVA echikoro akabatikana kupwere zhinjisa. Muraidzo womukirasi unotora chikamu chikuru chezuva rimwe nerimwe revhiki. Basa rokuchikoro rinoitirwa kumba nokufunda zvinotora nguva yamadekwana. Uye pakati penguva iyeyo pane mabasa mazhinji apamba anoda ngwariro.a

Munyika dzoKumadokero pwere dzichiri kufunda nguva dzose dzinogona kutarira mberi kukupera kwevhiki senguva yokuzvifadza nokuzorora. Asi mumativi mazhinji enyika, kupera kwevhiki hakuzorodzi. Somuenzaniso, mumaruwa eAfrica, pwere dzinowanzopedza nguva yadzo yokupera kwevhiki dzichibetsera vabereki vadzo mumunda, dzichitsiva imwe yenguva yakarashika mukati mevhiki radzo rokuenda kundofunda. Uye pakati peZvapupu zvaJehovha, pwere dzine mutoro wakawedzerwa wokutora rutivi mubasa rokuparidzira rapasuo nesuo uye kuenda kumisangano yechiKristu.—VaHebheru 10:23-25.

Naizvozvo kungaratidzika kuva kusingabviri kuti pwere dzeAfrica dzingada kutora mutoro womuraudzo webasa rokunyika. Asi pwere zhinji dzakadaro dziri kushanda uye munzira dzakasiana-siana: kusakura minda yadzo dzimene uye kutengesa zvibereko, dzichiruka zvipfeko nomuchina wamaoko, kana kuti kuruka tswanda dzokutengesa pamusika. Zvisinei dzimwe dzinoredza, dzinotengesa mapepanhau, uye kutanha kana kuti kutengesa michero.

Neiko, kunyange zvakadaro, pwere idzi dzichishanda basa rokunyika? Kunoreva hako here kuti iwe unofanira kuita zvimwe chetezvo?

Chikonzero Nei Dzichishanda

Dzimwe pwere dzinogombedzerwa chaizvo kushanda nemhaka yemigariro yadzisingagoni kudzora, yakadai sokufa kwomubereki. (Ikoku kunogona kusiya pwere isina munhu wokuripira kufunda kwayo.) Kune rumwe rutivi, dzimwe pwere dzinoshanda kuti dziwane mwero wokuzvimirira kunze kwavabereki vadzo.

Rangarira Kofi, jaya romuGhana. Achingunoveri pachikoro chokudzidzira basa, akashanda somubetseri wapapurazi maawa maviri zuva rimwe nerimwe pashure pechikoro.b Kofi anotsanangura, kuti: “Vabereki vangu vakanga vagovera zvinodikanwa zvangu kusvikira ndapedza chikoro chavachiri kutanga. Asi handina kuda kuramba ndichitsamira pavari nokuda kwechinodikanwa changu chiri chose. Nokudaro ndakatanga kushanda basa rokunyika. Ndakanzwa ndichifara zvikuru kwazvo kuva ndinokwanisa kutenga mabhuku angu ndimene uye kubhadhara zvokufambisa kuenda kuchikoro.”

Moses mukoma waKofi nenzira imwe cheteyo aiva nebasa. Achingunoveri muchikoro chesekondari, Moses aifundisa muchivande vana vaduku vanopinda chikoro. Asi nepo muripo waKofi wairipira nomutoo wakakodzera zvinodikanwa zvake amene, imwe yemari yaMoses yaishandiswa kuriritira mhuri yavo. Neiko? Achibva mumhuri yavana vasere, akarangarira, kuti: “Kushanda kwangu basa renguva isina kukwana kwakapa vabereki vangu mwero woruyamuro mukutarisira zvinodikanwa zvavamwe vanun’una nehanzvadzi dzangu.” Iye anobvumawo pfungwa yegutsikano mukuva anokwanisa kuzvitengera amene zvinhu.

Kubetsera vabereki vako mune zvemari apo pane dikano chaiyo kungava nzira yokuvapa rukudzo rwakavafanira. (VaEfeso 6:1, 2) Panguva imwe cheteyo, kunyange zvakadaro, hapana hapo chinhu chisina kururama pakushanda kuti uve nemari yako umene yokushandisa.

Kuva nebasa kungaitawo zvakawanda kuroverera pfungwa yomutoro mupwere. Kunogona kubetsera pwere kuti idzidze unyanzvi uhwo gare gare hunogona kushandiswa mukutsigira mhuri. Somuenzaniso, Jesu Kristu amene, sezvinooneka akadzidzira basa rokuveza achiri pwere kupfurikidza nokushanda nababa vake vokurera. (Mateo 13:55; Marko 6:3) Kunyanguvezvo, “nguva yasara yatapudzika” nokuda kwenyika ino, uye pwere yakachenjera inova nechokwadi chokuti nguva yayo iri kushandiswa nomutoo une mhindu. (1 VaKorinte 7:29, NW; VaEfeso 5:16) Naizvozvo usati watanga basa, unofanira kunzvera zvinhu zvose zvinobatanidzwa—kubatanidza vavariro dzako umene.

Kurangarira Ndyiko

Mimwe mibvunzo yaungarangarira ndeiyi: Vabereki vangu vanoshaiwa zvomenemene kana kuti vanotoda betsero yangu yemari here? Kana kuti vanokwanisa kurarama nezvishoma kuti ini ndigone kuzvishandisa ndimene kubasa rangu rokuchikoro nefambiro mberi mumudzimu here? Ndinoshaiwa zvomenemene mari yomuraudzo, kana kuti ndiri kudavidza ku“ruchiva rwenyama nechishuvo chameso uye ratidzirwo yokunyanyisa yamararamire omunhu” here?—1 Johane 2:16, NW.

Murume akachenjera Soromoni akati: “Ini ndakaziva chikonzero nei vanhu vachishanda nesimba zvikuru kuti vabudirire: imhaka yokuti vanogodora zvinhu zvina vavakidzani vavo. Asi hakuna maturo. Kwakafanana nokudzingana nemhepo. . . . Kuri nani zvikuru kuva nezvishoma bedzi, norugare rwendangariro, kupinda kuva akabatikana nguva yose namaoko ose ari maviri, kuedza kubata mhepo.”—Muparidzi 4:4-6, Today’s English Version.

Chimwe chinhu chokurangarira chingava muuyo ungava nokushanda pakufunda kwako. Kofi, adudzwa pakuvamba, anoyeuka, kuti: “Mukati megore rangu rokutanga muchikoro chokudzidzira basa apo ndakanga ndisiri kushanda basa rokunyika, basa rangu rokuchikoro rakanga rakatanhamara zvikuru. Ipapo gore rechipiri rakasvika apo ini ndakatanga kushanda basa rokunyika, uye mamakisi angu akavamba kuderera. Kunyange zvakadaro ndakakwanisa kuva pamusoro pomwero wokupasa, asi kwakanga kuchinetesa zvikuru kwazvo.” Nomutoo unofadza, kumwe kufunda kwokunzvera kwakaitwa muUnited States kwakawana kuti “kushanda kunoparira kuderera mubasa rokuchikoro uye kunoderedza kubatanidzwa kwowechiduku muchikoro.”

Unoyeuka Moses mukoma waKofi, uyo akanga ane basa rokudzidzisa here? Anobvuma, kuti: “Kana munhu asingangwariri zvikuru, iye angavamba kutora vadzidzi vakawanda vanopfuura vanogona kudzidziswa munguva yakaganhurirwa yaanayo.” Mawuli, mumwe murume weAfrica, aishanda basa renguva isina kuzara somuredzi. Anoti: “Pakanga pane muedzo mukuru kana kune hove zhinji dzinobatwa pagungwa. Mufungo wakanga uri wokusiya mabhuku kuti uende ndokuita mari yakawanda. Vakomana vakawanda vomumusha vakaita kudaro ndokurega kufunda.”

Chikoro nebasa zvinogonawo kusveta simba repwere kusvikira kumwero wokuitapura zvakashata mumudzimu. Kungava kunoiomera kupinda misangano yechiKristu kana kuti kufungisisa kana iripo. Fundo yomunhu oga yeBhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvingaregwa.

Kuchengeta Dzikamo Yako

Kunyanguvezvo, pashure pokunzvera zvinhu zvose, iwe navabereki vako mungasarudza kuti kushanda kwako pabasa rakati kungava kune betsero. Unogona sei kushandisa zvakanakisisa mugariro wacho?

Kuzviranga kuri madikanwa. Muapostora Pauro akataura nezvenhamburiko dzake amene, achiti: “Ndinorova muviri wangu ndokuutungamirira somuranda.” (1 VaKorinte 9:27, NW) Kuchada kuzviranga kwauri kuti uchengete—kwete kupambadza—mari yaunotambira. Kuchadawo kuzviranga kuti ushandise nguva yako yasara nomutoo wakafanira. Chokwadi, kufaranuka nezororo rakakwana zvine nzvimbo yazvo uye zvinogona kukudziridza basa rako rinobereka zvibereko. Asi ngwarira kuti mabasa okuzvifadza nawo nenhandaro hazvitsvikinyidziri kunze basa rokuchikoro rinoitirwa kumba uye kunyange zvinhu zvomudzimu.

Naizvozvo uchada kuita rudungwe chairwo rwenhambo dzokufunda—ndokuomerera kwarwuri. Somuenzaniso, kungava kwakanakisisa kutanga basa rako rokuchikoro rinoitirwa kumba nokukurumidza pakunobvira napo paunodzokera kumba uchibva kubasa, usingamiriri kutozosvikira pashure pechirairo apo unganzwa une hope zvikuru. Vamwe vanosarudza kukurumidza kundorara uye kutarisira zvidzidzo zvavo kuchiva chinhu chokutanga mumangwanani. Chipi kana chipi chaungada, ita kuti nhambo dzako dzokufunda dzive dzinobereka zvikuru sezvinobvira. Dzivisa kuridza nziyo kana kuti kubatikana mune dzimwe dzongonyedzo. Basa rako rokuchikoro rinoitirwa kumba ringafambawo zvakanaka zvikuru kana ukangwarira mutoo waunoteerera nawo mukirasi, uchinyora mapfundo makuru namashoko oudzame anotsigira.—Enzanisa naRuka 8:18.

Kunyange zvakadaro, zvinoisvokosha zvikuru kupinda zvose ndizvo zvinodikanwa zvako zvomudzimu. (Mateo 5:3) Kuti izvozvi zvisvitswe, unofanirawo kutsaura nguva yefundo yomunhu oga yeBhaibheri, nokuda kwemisangano yechiKristu, uye nokuda kwokugoverana muushumiri hwapachena. Chokwadi, kushanda uye kuenda kuchikoro kunoda nhamburiko. Asi kana uchifanira kuita zvose zviri zviviri, ipa zvinhu zvomudzimu nzvimbo yokutanga. Ramba uchinyengetera kuna Jehovha Mwari kuti akubetsere kuchengeta dzikamo yako yomudzimu. Kana basa, mukuwedzera kukuenda kuchikoro, richisarudzwa kuitwa, iye anogona kukusimbisa kuti ukurire dzvinyiriro dzomugariro wacho.—Isaya 40:29-31.

[Mashoko Omuzasi]

a Iyi nyaya inobata zvikurukuru nomugariro unonangana nepwere munyika dzichiri kubudirira. Kunyanguvezvo, zvikarakadzo zvakarongwa muno zvakavakirwa panheyo dzeBhaibheri uye nenzira iyeyo zvichabvumikisa kuva zvinobetsera kupwere munyika yose.

b Mune dzimwe nyika, pashure pechikoro chavachiri kutanga pwere inogona kusarudza kuenda kuchikoro chesekondari, kana kuti zvimwe chapamusoro, (chinodzidzisa zvidzidzo zvakawanda) kana kuti chikoro chokudzidzira basa.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Dzimwe pwere dzeAfrica dzinoshanda mumabasa apashure pechikoro. Asi chii chiri betsero nekuvadziko dzokuita kudaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe