RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 1/8 pp. 26-28
  • Basa Rapashure Pechikoro Richandibetsera Kukura Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Rapashure Pechikoro Richandibetsera Kukura Here?
  • Mukai!—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushanda—Betsero
  • Ko Munhu Anodzidza Chaizvoizvo Zvakawanda Zvakadini?
  • “Pfuma Yapanguva Isina Kukwana”
  • Ndinofanira Kuwana Basa Rapashure Pechikoro Here?
    Mukai!—1991
  • Ndinofanira Kushanda Apo Ndinenge Ndichiri Pachikoro Here?
    Mukai!—1991
  • Ndingawana Sei Mari?
    Mukai!—1998
  • Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 1/8 pp. 26-28

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Basa Rapashure Pechikoro Richandibetsera Kukura Here?

VAVIRI muvatatu—ndiwo mashandire ari kuita vechiduku vazhinji vomuUnited States pamisi ino. Uye vari kutema matanda omudondo kubvira pamaawa 16 kusvikira ku 20 pavhiki vachiita kudaro!a

Neiko pwere dziri muzviverengero zvechinyorwa dzichidirana kumabasa? Anotsanangura kudaro Brian wezera ramakore 16: “Muchinoitika changu ndinotofanira ku[shanda]. Baba vangu namai vangu vakachatanurana, uye ndinotofanira kubetsera amai vangu munzira ipi neipi yandingagona nayo.” Mhuri zhinji nomutoo wakafanana dzinoshaiwa betsero yemari. Uye kunyange apo pwere inosabetsera nomutoo wakananga kundyiko dzemhuri, kana akangoripira bedzi nokuda kwezvipfeko zvake amene kana kuti zvimwe zvinhu zvomunhu oga, ikoku nomutoo unobudirira kunosunungura vabereki vake pane imwe dzvinyiriro yemari.

Chokwadi, pwere zhinji dzinoshanda kuti dzipinde muchishuvo chadzo chezvipfeko zvinodya mari yakawanda, shangu, kana kuti zvimwe zvokudya zvadzisingabiki. Asi nokuda kwedzimwe pwere, basa zvikurukuru rinoreva nhano huru yokuenda kuukuru. Akanyora kudaro Suzanne wezera ramakore 19 mumagazini yeSeventeen: “Ndinoshanda nokuti ndinofarikanya kuva anogutsikana. Handitombofaniri kutsamira pavabereki vangu kuti varipire zvandinoda. . . . Vabereki vanogona kupa mari vana vavo, asi havagoni kuvapa kunzwa kwokugutsikana kunobva mukutambira chimwe chinhu.” Uye zvimwe iwe unonzwa nenzira imwe cheteyo—kuti kuva nebasa kungava chinoitika chakanaka, kuti kungakubetsera kukura nokukurumidza zvikuru kwazvo. Asika kungaita kudaro zvomenemene here?

Kushanda—Betsero

Bhaibheri rinoshora usimbe. “Simbe iri kuzviratidzira iyo imene kuti inoshuva, asi mweya wayo haune chinhu,” inodaro Zvirevo 13:4. (NW) “Zvisinei, mweya umene wavanoshingaira uchikodzwa.” Naizvozvo kana uchida chaizvoizvo chimwe chinhu chinodya mari yakawanda inopfuura iyo vabereki vako vanodisa, kana kuti vanokwanisa kupa, kuripira, pfungwa yokushanda nomutoo wokushingaira kuti ugone kuzvitengera umene ingava netuso.

Vamwe vanotaurazve kuti kushanda kunogona kubetsera kudzidzisa pwere pamusoro poupenyu munyika chaiyo. Ellen Greenberger naLaurence Steinberg vakaita kunzvera kwakati kuti kukuru uye kwakaziviswa zvikurukuru panyaya yepwere dzinoshanda. Vakawana kuti pwere dzakadaro “dzinodzidza mishando yebhizimisi, kutarisirwa kwemari, kunyora nhamba dzezvokutengeserana.” Basa rinogonawo kutayayidza pwere kwete bedzi kuchinoitika chokushanda rutivi norutivi navakura asiwo kudzvinyiriro yavakura nemitoro. Angatofanira kudzidza kushanda pasi paforomani ari “akaoma kufadza” kana kuti anoshatirwa, kana kuti mutoo wokubata nawo nomutsa navatengi vanotsamwiswa—uye vashandi biyako. (1 Petro 2:18) “Ndini ndakanga ndiri mukomana muduku pabasapo,” anoyeuka kudaro Anthony, “uye munhu ari wose aindivenga. Asi ndakadzidza kubata navanhu.”

Kushanda kunogonawo kudzidzisa pwere unyanzvi nemitoo yebasa, zvakadai sokusvika nenguva, uko kunogona kubvumikisa kuva kunobetsera gare gare muupenyu. (Enzanisa naZvirevo 22:29.) “Ndakadzidza kuva nomutoro,” rinodaro jaya rinonzi Eric. “Kushanda nababamunini vangu kwakandidzidzisa kuita basa rakanaka,” anowedzera kudaro Duane. “Vaisimbisa rutsvindo, uye kana chinhu chiri chose chisina kubuda zvakakwana, taichiitazve.” Anowedzera kudaro Olga, uyo akadzidzira basa roumabharani achiri muchikoro: “Ndakawana ruzivo rwokuzviwanira rwakanaka rwebasa. Uye zvandaifanira kutaura kakawanda parunhare kwakandidzidzisa kushandisa mutauro wakanaka.”

Kushanda kunogona kukudzidzisa rudado rwokupedza zvinhu. Akataura kudaro Mambo Soromoni: “Kumunhu hakuna chinhu chiri nani zvikuru pano kuti iye anofanira kudya uye kunwa zvamazvirokwazvo ndokusakisa mweya wake kuti uone zvakanaka nokuda kwebasa rake rakaoma. Ini ndakaonawo izvi, kunyange ini, kuti izvi zvinobva paruoko rwaMwari wechokwadi.”—Muparidzi 2:24, NW.

Ko Munhu Anodzidza Chaizvoizvo Zvakawanda Zvakadini?

Hunyanguvezvo, vazhinji vanodavira kuti mabasa anhasi anoita zvishoma kubetsera pwere kukura. Munguva dzakapfuura, pwere dzinoshanda dzakadzidza basa kana kuti zvimwe unyanzvi hwakati kuti hunobetsera. Zvisinei, nhasi pwere zhinji (dziri muUnited States zvikurukuru) dzinoshanda mutumahotera twunotengesa zvokudya zvausingabiki kana kuti mimwe mibato yebasa uko basa rinoumbwa namabasa akadai sokuronga mahambega mumabhokisi kana kuti patire. Vamwe vanopanikira ukoshi hwenhambo refu yebasa rakadaro. Greenberger naSteinberg vanogurukuta, vachiti: “Pwerewo zvayo inopedza iri pasi pe 10 muzana yenguva yayo iri pabasa—anenge maminiti mashanu eawa riri rose—mumibato yakadai sokurava, kunyora, uye masvomu. . . . Mabasa mazhinjisa anoratidzirwa nemhatsa shoma yamabasa, mubato womuitiro wakakwirira, uye kudzokororwa kwenguva dzose kwamabasa anenge asingafadzi.”

Imwe nyaya iri muThe Wall Street Journal inoti: ‘Vazhinjisa vavechiduku vanoshanda vanhasi havaziri kudzidza chinhu chipi nechipi chinobetsera zvikuru kwazvo panokungouya kubasa bedzi. Ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwakavapinza pedyo nemichina inozvishandira. Michina yokunzvera namatire asingaitiki anobudisa mabhiri uye kuwana chenji nokuda kwavo. Pazvihotera zvokudya zvausingabiki, michina inozvishandira yakarongwa nguva inobvisa bviro yokupedzisira iyo wechiduku angagona kuwana ruzivo rudukusa rwounyanzvi hwokubika.’ Mabasa akadaro nomutoo wokusapanikira anogovera mabasa anodikanwa naanokosha. Zvisinei, angaita zvidukusa kushongedzera pwere nokuda kwenyika yamabasa avakuru.

Asika zvakadiniko noruzivo rwokuzviwanira rwokushanda navakuru? Greenberger naSteinberg vanoti: “Nzvimbo yebasa umo vechiduku vanopinzwa basa yakava inosarura zera zvikurukuru. Panzvimbo pokushanda rutivi norutivi navakura, . . . vechiduku vanhasi havawanzoda kushanda rutivi norutivi navamwe vayaruki.” The Wall Street Journal rinoidza nzvimbo dzamabasa dzakadaro kuti “nzvimbo dzakashata dzavayaruki.”

“Pfuma Yapanguva Isina Kukwana”

Pwere zhinji muUnited States dzinotambira inopfuura $200 pamwedzi pamabasa adzo. Ko kutarisira iyi mari hakungavi ruzivo rwokuzviwanira runokosha here? Rangarira kunzverwa kwavadzidzi vapachikoro vakapinzwa basa vachibva muzvikoro zvinopfuura chiuru zvakasiana. Kwakawanwa kuti zvikamu zvitatu zvamana zvazvo zvaisapira chinhu kumari dzemhuri! Inenge 60 muzana yavo yaisachengeta chinhu chebhuku rebhangi! Yaisatongova nomutoro wokuripira rendi, inishuwarenzi, uye zvokudya, voruzhinjisa vaishandisa mihoro yavo semari yomuhomwe—kupambadza sezvavanoda havo.

Jerald G. Bachman weSangano Rokunzvera Magariro Avanhu anotaura kuti apo “vechiduku vanova nemari zhinjisa zvikuru yokushandisa pakuda kwavo,” i“pfuma yapanguva isina kukwana,” kana kuti upfumi. Neiko kuchidaro? Anotsanangura Bachman: “Vadzidzi vazhinji vapazvikoro zvapamusoro vane mari dzakarongwa dzokushandisa nokuda kwezvinhu zvoumbozha izvo vangasakwanisa kutenga makore mashanu gare gare, apo mihoro yavo ichave ichifanira kufukidza zvinhu zvisiri zvoumbozha zvakadai sezvokudya nerendi.” Hungu, panokudzidzisa pwere mitoro yemari, kuva nemari yakanyanyowandisa kunogona kudzidzisa musiano chaiwo. Kungaparira kuda kusina uchokwadi nokuda kwoumbozha ndokuita chinjo yokupinda munyika chaiyoiyo yavakura inotova inokuvadza zvikuru.

Bhaibheri rinopfuurirazve kuratidzira kuti kubishairira pfuma kuronda kusina maturo. Rinoti: “Usabishairira kuwana pfuma. . . . Wakaparira meso ako kuiringa here, apo iyo isiri chinhu? Nokuti pasina kundikano inozviitira iyo imene mapapiro akafanana naawo egondo ndokubhururuka yakananga kumatenga.”—Zvirevo 23:4, 5, NW.

Kunyange basa richibvumikisa kuva kudzidza ruzivo rwokuzviwanira runokosha kuchatsamira parudzi rwebasa rinobatanidzwa, rudzi rwavanhu vaunoshanda navo kana kuti vaunoshandira, uye kuti unozvishandisa sei umene pabasaro. Vavariro yako nokuda kwokushanda uye mutoo waunotarisira nawo mari yaunotambira kuchaitawo musiano mukuru kana kushanda kuchikubetsera kana kuti kuchikukuvadza.

Asi kana kukura kurikwo kwauri zvomenemene kufarira, cherekedza izvo Greenberger naSteinberg vanotaura: ‘Kune mibato inokosha ingava inobetsera zvikuru kupinda kushanda. Iyi mibato inobatanidza kurava nokufunda kunze kwechikoro uye kutora mitoro yebasa risingaripirwi rokuzvidira kana kuti basa renzanga.’ Somuenzaniso, Nina anoita basa rinoisvokosha romunzanga pashure pechikoro somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Iye anoti: “Ndakarironga nomupi zano wangu wenhungamiro kuti ndive nezuva pfupi rechikoro kuti ndibude muchikoro pedyo nokumasikati. Muvhuro kusvikira paChitatu ndinoenda kubasa rokuparidzira pamhene. Ndinoda kuriita. Ndinongorida bedzi!” Ko rudungwe rwako nemigariro yomunhu oga zvinokubvumidza kuita nenzira imwe cheteyo here? Kukudziridza “kuzvipira kwoumwari” neiyi nzira pasina panikiro kungabvumikisa kuva kunobetsera zvikurukuru kupinda kushanda pabasa rakati kuti!—1 Timotio 4:8.

Asi dzimwe pwere dzingada, kana kuti dzinoshaiwa, kushandira zvikonzero zvemari. Nyaya dzomunguva yemberi dzicharangarira zvikonzero zvacho nezvinopokanidza zvacho zvokuita kudaro.

[Mashoko Omuzasi]

a Chiverengero chinowedzera chavadzidzi vanoshanda chakanzi “chinoitika cheAmerica chakasiana.” (When Teenagers Work, rakanyorwa naEllen Greenberger naLaurence Steinberg) Mitoro yedzidzo yapamusoro inoiswa papwere mune dzimwe nyika, uye mabasa kazhinji kazhinji haaoneki. Hunyanguvezvo, iyi nyaya pasina panikiro ichafarirwa nepwere zhinji munyika umo mamwe mabanza amabasa arimo. Nyaya yomunguva yemberi ichabata nomugariro munyika dzichiri kubudirira.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Basa rinogona kudzidzisa pwere mutoo wokushanda nawo navabatirwi navashandi biyayo nomutoo woukuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe