Zvapupu zvaJehovha muMabvazuva eEurope
APO Rusvingo rweBerlin rwakawa muna November 1989, Asiaweek yakashuma kuti “mamirioni 2 avaGermany vokuMabvazuva akadirana kupinda muhafu yokumadokero yenyika yavo yakakamukana mumazuva maviri pashure pokunge Mabvazuva eBerlin azarura muganhu.” Nderipi rakanga riri basa ravo?
Nokuda kwavazhinji-zhinji zvikuru, rakanga riri kutenga kwokuzvigutsa. Nokuda kwavamwe, zvikurukuru kuzoona zvinhu mumafafitera uye kuravidza rusununguko rwavo rwuchangobva kuwanwa. Vazhinji vakawana Zvapupu zvaJehovha pamigwagwa yeBerlin nomuna mamwe maguta nokudaro vakagamuchira zvinyorwa kwazviri. Chifocho, vamwe vakanyorera kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muSelters, pedyo neFrankfurt am Main, vachiratidzira davidzo inokatyamadza.
Imwe tsamba yakati: “Pandakashanyira Madokero eBerlin kwenguva yokutanga muupenyu hwangu, ndakagamuchira Nharireyomurindi sechipo kuZvapupu zvaJehovha pamugwagwa. Chifocho, ndakatanga kunzverazve Bhaibheri, uye kunyange zvazvo ndine zvinetso, zvizhinji-zhinji, zvakare kuno mumwe munhu anondipa tariro nomufaro mukurarama. Ndingafara zvikuru kana ndikarava bhuku rinonzi Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri. Ndingadawo kuonana neZvapupu zvaJehovha.”
Mumwe mushanyi akanyora, kuti: “Zvandakapfuura nomumukoto unoenda kuchiteshi chikuru muNuremberg, vamwe amai vakandipa makopi maviri aMukai! neNharireyomurindi. Ndakafara zvikuru pandakaarava. Kwamazuva akati kuti ndave ndichishandisazve Bhaibheri zuva rimwe nerimwe.”
Kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha dzakaitirwa mumaguta makuru muMabvazuva ose eEurope mukati mamadziya a 1990. Olympia Stadium mune yaiva Madokero eBerlin panguva iyeyo yakanga iri nzvimbo yekokorodzano imwe yakapindwa neZvapupu zvinobva mumarudzi mazhinji, kubatanidza namabvazuva eGermany. Kunorangarirwa kuti chiverengero chavane 44 532 vakapinda, vane 30 000 vaibva mabvazuva eGermany. Pepanhau rinonzi Berliner Morgenpost rakashuma kuti Zvapupu zvitsva zvine 1 017 zvakabhapatidzwa mudwinho reOlympic, kuchishandiswa kuombeka chose chose mumvura, mutoo uyo “vatori rutivi vakasanoomerera nawo kumutoo wamaKristu ekare.”
Ko zvinhu zvakachinja sei mumabvazuva eGermany? Muna March 1990 mapepanhau aMabvazuva eGermany akazivisa kunyoreswa pamutemo kweZvapupu zvaJehovha. Pasi pomusoro unoti “Zvapupu zvaJehovha Zvavazve Zvapamutemo,” pepanhau raMabvazuva eGermany Mitteldeutsche Zeitung rakati: “March 14 akareva mugumo wokurambidzwa kwakanga kwagara kwamakore ana makumi mana. Pazuva rino vamiriri veGermany veZvapupu zvaJehovha vakakwanisa kubva muchivako cheG[erman] D[emocratic] R[epublic] State Secretariat for Church Affairs vane rugwaro rwapamutemo muhomwe yavo zvakare runobvumidza nzanga yazvo yokutenda kushandiswa kwakasununguka kworudzidziso mukati moruwa rweGDR.”
Tsamba yakagamuchirwa muchirimo chapfuura ichibva kune chimwe Chapupu chiri muLeipzig inozivisa nhau, inoti: “Vhiki rimwe rakapfuura takanga tichiri kuodhesa muchivande zvokudya zvomudzimu muzvitsama zviduku. Zvino [March 14, 1990] takazivikanwa pamutemo! Nokukurumidza tichave tichiburutsa mitoro murori rina matani mana amabhuku!” Chokwadika, rori rokutanga kupinda Mabvazuva eGermany rakanga rakatakura matani 25 ezvinyorwa zveBhaibheri, uye mukati memwedzi miviri yakatevera, mamwe matani 250 akatumirwa. Yakadaroyo yakanga iri nzara yomudzimu yeZvapupu izvozvo zvakanga zvanyimwa rusununguko kwamakore 40!
Apo tinoyeuka kuti zvose zviri zviviri chiNazi (1933-45) nechiKomonizimu zvakaedza kudzura basa reZvapupu muGermany, nhamba dzazvino uno chipupuriro chakaisvonaka kuperero nokutsiga nokuchikomborero chaMwari pazviri.
Zvapupu zvaJehovha Zviri muSoviet Union
Muna December 1989, Mikhail Gorbachev akasangana naPapa John Paul II muVatican. Pepanhau reSoviet Pravda rakashuma Gorbachev achiti pamusoro paaya mashoko: “Takava nehurukuro hurusa uye ine revo. . . . Takataura pamusoro porudzidziso nemiitiro yakakodzera iri kushanda muEurope, nyika, neSoviet Union.” L’Osservatore Romano, pepanhau rapamutemo reVatican, rakashuma kuti VaGorbachev vati muhurukuro yavo kuna papa: “Vanhu vezvitendero zvizhinji, kubatanidza maKristu, vaMuslim, vaJudha, vaBuddha navamwe, vanogara muSoviet Union. Vose vanamaruramiro okugutsa zvinodikanwa zvavo zvomudzimu. Nokukurumidza, Mutemo pamusoro poRusununguko rweHana uchagamuchirwa munyika yedu.”
Mukuwirirana neshoko irero, muna September 1990 kurongwa kwomutemo kwakatendera mutemo unobvumira rusununguko rwehana. Chikamu 3 chouku kurongwa kusina kukwana chinoti: “Mukuwirirana namaruramiro orusununguko rwehana, mugari ari wose anozvisarudzira amene wirirano yake norudzidziso, ana maruramiro okushandisa rudzidziso rupi norupi somunhu oga kana kuti pamwe chete navamwe kana kuti kusashandisa rumwe, kuratidzira uye kuparadzira pwiswo dzinowirirana newirirano yake norudzidziso.”
MuSoviet Union mune zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvinokarira kushandisa rusununguko rworudzidziso. Nokuda kweKokorodzano dzo“Mutauro Wakachena” dza 1990, nhume dzinopfuura 17 000 dzinobva Soviet Union dzakapinda marusando echiRussia muWarsaw mukumirirwa kweZvapupu zvose zvakapararira muSoviet Union. Zvinokarira zuva apo kuchava kunobvira kuita kokorodzano muSoviet Union.
Rubudiriro muPoland
Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa pamutemo muPoland muna May 1989. Chifocho hofisi yebazu yakatangwa, uye nzvimbo dzakakudziridzwa dziri kuvakwa pedyo neWarsaw. Kare, mazana eZvapupu pwere aipfigirwa mutorongo nokuda kwenhau yokusatora rutivi kwechiKristu. Zvino dzakahesvurwa pabasa rehondo uye chirango kana vakaunza rugwaro rwakakodzera.
Kokorodzano dzakaitirwa muPoland muna 1989 nomuna 1990 dzave dziri chimwe chikuchidziro chikuru kuZvapupu ikoko. Mumwe mushumo unoti chiverengero cheZvapupu zvinoshingaira muPoland chakakwira mwedzi uri wose mukati megore rakapera, nechiverengero chitsva chapamusoro chezvinopfuura 97 000. Pasina panikiro nokukurumidza Poland ichava rudzi rwechi 12 rune Zvapupu zvinopfuura 100 000.a Chiverengero chavakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu muna April chaiva vanhu vane 188 861.
Rusununguko Rworudzidziso muRomania
Zvapupu muRomania zvakafara kunzwa kuti sangano razvo rakazivikanwa pamutemo muna April 1990 (Ona bhokisi, peji 13.) Nokukurumidza magungano edunhu akanga achirongwa murudzirwo, uye mune imwe nhevedzano vanopfuura 44 000 vaivapo, bva maingova bedzi neZvapupu zvinenge 19 000 munyikayo panguva iyeyo. Zvamazvirokwazvo vaRomania vazhinji vanokarira zuva apo pasi richachenurwa uye risina shatiso yorudzi rupi norupi, uye vari kudavidza kushoko roUmambo.—Zvakazarurwa 11:18.
Kokorodzano dzoruwa dzine musoro wenyika yose wa 1990 wo“Mutauro Wakachena” dzakaitwa muguta reBrasov neCluj-Napoca. Purogiramu yacho yakataurwa muchiRomania nechiHungary. Vanopfuura 36 000 vaivapo, uye vane 1 445 vakabhapatidzwa.
Kutanga naJanuary 1, 1991, chinyorwa cheNharireyomurindi, muchiRomania yakavamba kubudiswa pamwe chete nechiNgezi uye iri muruvara ruzere.
MuBulgaria iri pedyopo, umo rudzidziso rweEastern Orthodox runodzora, Zvapupu zvichigere kuva nokuzivikanwa kwapamutemo asi zviri kurenda makamuri nokuda kwemisangano yazvo yeungano. Vanopfuura mazana maviri vakafamba rwendo vachidzika kuSalonika, Greece, nokuda kwo“Mutauro Wakachena” Kokorodzano yakaitwa muchiBulgaria nechiGiriki.
Mashoko Akanaka Nokuda kweHungary
June 27, 1989, rakanga riri zuva renhau nokuda kweZvapupu zvomuHungary. Pepanhau rinonzi Magyar Nemzet rakazivisa, kuti: “State Office for Church Affairs yakazivisa sangano rorudzidziso reZvapupu zvaJehovha muHungary, mukuwirirana nomutemo unobvumirana norusununguko rworudzidziso, sechitendero chorudzidziso chinozivikanwa pamutemo.” Nhau yakaziviswa katatu panhepfenyuro uye kamwe chete paTV. VaHungary vakaziva kuti Jehova Tanúi (Zvapupu zvaJehovha) pakupedzisira zvava nokuzivikanwa kwapamutemo kwebasa razvo.
Kufukidza nzvimbo huru dzenyikayo, “Mutauro Wakachena” Kokorodzano dzakaitirwa muPecs, Miskolc, Debrecen, uye Budapest. Vane 2 000 vaitaura chiHungary vakabva Czechoslovakia neSoviet Union. Kusimbisa chinzwano chamarudzi ose cheZvapupu zvaJehovha, boka renhume dzinoshanyira 700 rakapinda richibva Finland. Chiverengero chose chavakapinda muHungary chaiva 21 568, kubatanidza nedzinopfuura nhume dzine 2 000 dzechiRomania.
Kubvira muna January 1990, Zvapupu zvomuHungary zvave zvichigamuchira magazini azvo ane ruvara ruzere nguva dzose, anoshandurwa pamwe chete neokutanga omutauro wechiNgezi.
Enderero Mberi muCzechoslovakia
Mune iyi nyika yakanaka ine shongwe dzamakomo namapani ane ndimo, Zvapupu zvaJehovha zviri kubetsera vavakidzani vazvo kudzidza zvakawanda pamusoro peBhaibheri. Mushumo pamusoro pomubato wazvo unoti: “Basa riri kuitwa pamhene, uye misangano mikuru iri kuitwa.”
Pashure pechinjo dzinokatyamadza muMabvazuva eEurope dzakavamba mukupera kwa 1989, Zvapupu zvomuCzechoslovakia zvakaita chiito nokukurumidza uye zvakaronga nhevedzano yamagungano amatunhu mukati momwedzi waApril kusvikira kuna June 1990. Somuuyo, kwenguva yokutanga, kwakanga kune mishumo yakananga yepepanhau pamusoro peZvapupu. Kuri zvino, kune Zvapupu zvinopfuura 21 000 muCzechoslovakia, uye muna 1990 kwaiva ne 40 295 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Inopfuura hafu yeungano yakatorenda nzvimbo uko vanogona kuitira misangano, uye ungano 12 dzinotova neHoro dzoUmambo dzadzo.
Imwe kokorodzano yakaitirwa muPrague muna August 1990, nechiverengero chino mwero mukuru chavapindi vane 23 876, uye vane 1 824 vakabhapatidzwa. Kuita kuti nhandare iratidzike kuva inofadza nokuda kwekokorodzano, Zvapupu zvinopfuura 9 500 nokuzvipira zvakapedza anopfuura maawa 58 000 mukuchenesa nokupenda. Mumiriri weTV yeCzechoslovakia akatsinhira, kuti: “Takashanyira zvinoitika zvizhinji zvavose, asi tinoyemura kurongeka kwenyu chaikwoikwo muno munhandare. Hatitongogoni kudavira kuti muri kuronga kuungana kwakadai nokuda kwenguva yokutanga.” Mumwe mushanyi akati: “Ini ndinoyemura mugariro womudzimu, ukama hwomwoyo wose, uye rudo pakati pehama dzenyu. Ndauya seshamwari; ndinoenda sendinotova huru zvikuru.”
Magazini eNharireyomurindi naMukai! ari kubudiswa muruvara ruzere mumutauro wechiCzech nowechiSlovak, uye Nharireyomurindi iri kubudiswa pamwe chete neyechiNgezi mundimi dzose dziri mbiri. Patinoyeuka mugariro unorambidza werinopfuura bedzi gore rimwe, kune chinjo dzakatanhamara.
Kariro Dzomunguva Yemberi
Ndedzipi dziri kariro dzeZvapupu zvinoparidzira munyika umo zvizvarwa zvitsva zvikuru zvave zvichirererwa pakusadavira kuvapo kwaMwari? Mushumo unoti: “Kune rima guru pakureva nezveBhaibheri naMwari. Zvisinei hazvo, rutivi rwakananga nderwokuti vanhu havaziri kunyonganiswa nedzidziso dzorudzidziso dzenhema dzinofanira kubviswa. Kunoratidzika kuti gohwo iguru.”
Naizvozvo, chii chiri shoko iro Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kugovera vanhu vokuMabvazuva eEurope rinobva muBhaibheri? Nyaya inotevera ichapindura.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe 11 iBrazil, Britain, Canada, France, Germany, Italy, Japan, Mexico, Nigeria, Philippines, uye United States.
[Bhokisi riri papeji 8, 9]
Rusununguko Rworudzidziso Pakupedzisira!
Dzinotevera itsinhiro dzakaitwa neZvapupu zvinobva Mabvazuva eGermany zvakapinda “Mutauro Wakachena” Kokorodzano muBerlin, July 1990.
“Zita rangu rinonzi Lydia. Ndine zera ramakore masere, uye ndinobva muGDR. Ndinofara zvikuru kupinda kokorodzano ino yoruwa nokuti gore rakapfuura miganhu yakanga isina kuvhurwa. Taitofanira kuchengeta Chirangaridzo muchivande. Nguva ino takasununguka! Apo munhu ari wose anotanga kuimba, misodzi inobuda. Ndina manyemwe zvikuru zvokuti ndichatofanira bedzi kutaura pamusoro pakwo kuchikoro!”
“Takazadzwa nokuonga nokutenda nokuda kwokuva vaenzi vaJehovha muno muBerlin pakati poukama hwamarudzi ose.”—Bernd.
“Kuti hama dzeGDR dza[Mabvazuva eGermany] dzaivawo papurogiramu kunoratidzira rutivi chairwo: Jehovha anorovedza uye anokwanirisa vanhu vake kunyange apo vari mukurambidzwa.”—Gottfried.
“Kuuchira nokuimba kwakaratidzira kuti munhu ari wose akanga achifara. Wakanga uri mubvumo unotinhira uwo nechomukati wakafadza. Haiwa anofanira kuve akafara sei Jehovha!”—Egon.
“Pashure porubhapatidzo rwangu dzimwe dzehama dzakabvunza kana mvura yave ichitonhora zvikuru. Ndaigona bedzi kupindura kuti handina kuziva. Chikomborero chaJehovha chakanga chichikuchidzira zvikuru zvokuti handina kutongocherekedza mugariro wemvura.”—Heidrun.
“Mugariro munzvimbo dzokurara dzamakamuri wakanga usingarondedzereki! Unobva Denmark, Mozambique, England, California, maodzanyemba eGermany, Spain, GDR—isu tose takaimba pamwe chete, isu tose takanga tichitaura ‘mutauro mumwe.’”—Jutta.
“Nguva dzose tinorondedzerera vana vedu yeuko dzekokorodzano dzeBerlin dza 1958 na 1960, nguva yokupedzisira yatakakwanisa kupinda. Asi zvatiri kuwana zvino zvakapfuura yeuko dzedu dzose nekariro.”—Wolfgang.
“Chakatiorora zvikuru chakanga chiri apo vane zviuru vakamira kuti vaimbe nokurumbidza Jehovha, zvikurukuru mukati morwiyo rwokupfiga nomunyengetero. Hatati taigonazve kudzivisa misodzi yedu.”—Monika naReinhard.
[Bhokisi riri papeji 13]
“Kusaruramisira Kwakaruramiswa”
Pasi pamusoro iwowo musoro wenhau wakashumwa mupepanhau reRomania rinonzi Tineretul liber (Sunungurai Pwere) raAugust 11, 1990. Rakati: “Hungu, kusaruramisira kwakaruramiswa. Sangano rorudzidziso raizvidzwa zvikurusa ‘Zvapupu zvaJehovha,’ izvo zvakachengeta kuperera kwazvo savateveri vaKristu kwaanopfuura makore 40, ranyoreswa, richiwana chata yorugwaro rwapamutemo. Iri sangano rinoita mubato waro mukutarisira nokubvumira kwoMutumbi Unodzora, sesangano renyika yose, iro rinoshanda munyika 210 nomumaruwa ezvitsuwa.” Musorowo wakagumisa nokuzivisa kokorodzano dzaAugust muBrasov neCluj-Napoca.
[Mifananidzo iri papeji 9]
Mibato yekokorodzano: (kubvira kuruboshwe, kuenda kurudyi) kugovera bhurocha idzva muWarsaw; chikuva cheHungary neRomania, Budapest; kunyora zvinonyorwa, Berlin; kunatsiridza nhandare kwapamberi pekokorodzano, Prague
[Mifananidzo iri papeji 10]
Mibato yekokorodzano: (kubvira kuruboshwe, kuenda kurudyi) rubhapatidzo, Romania; nhandare, Prague; mhuri ine bhuku ra“Mankind’s Search for God” muBerlin; mukurukuri muBudapest; kunzvera Bhaibheri muPoland