Mhinganidzo Dzorugare Pakati Pomunhu Nemhuka
Mifananidzo yakadai somumwe uri pabutiro ramagazini ino inofadza vana. Vakurawo vanowanzokwezvwa nechiono chakadaro.
Neiko vanhu vachiita nenzira iyoyi? Rugare chairwoirwo pakati pomunhu uye kunyange nezvikara zvinoisvotyisa zvikuru runongova harwo fungidziro youhwana here? Kana kuti ruchava runovapo chaizvoizvo here?
Munhu Imhinganidzo
Mhinganidzo huru yorugare rwakadaro ndiye munhu amene. Chirevo chekare chinoti: “Munhu adzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Uye nhau yomunhu yokuita kuvadziko kurudzi rwake amene inoratidzirwa mukubata kwake mhuka.
Somuenzaniso, zvikara zvisingaverengeki zvakabatwa uye zvakaitwa kuti zvirwisane munhandare dzeRoma yekare. Muna 106 N.V., mambo weRoma Trajan sezvinoshumwa akaita mitambo umo varwisani nemhuka vane 10 000 uye mhuka dzine 11 000 vakaurawa kugutsa vane nyota yeropa vavaoni vane utsinye.
Chokwadi, rudzi irworwo chairwoirwo rwevaraidzo harusati ruchadiwa nhasi. Asi rudungwe runowedzera rwamarudzi emhuka ari kupera uye ari kupinzwa mungozi runosimbisa kuti chimwe chinhu hachina kunaka pakubata kwomunhu zvisikwa zvomusango. Chiverengero chavanhu vanogara papasi zvachiri kuwedzera, mafuro emhuka ari kuderera. Uye nokuda kwoudyire hwavanhu, kune dikanwo yamakanda emhuka okune dzimwe nyika, nyanga, uye runyanga. Dzimwe nyanzvi dzinotya kuti marudzi bedzi emhuka huru zvikuru pakupedzisira achaganhurirwa munzvimbo dzinochengeterwa mhuka.
Vadyi Vavanhu
Imwe mhinganidzo yorugare ingaratidzika kuva zvikara izvo zvimene. MuAfrica neAsia, hakusi kwechienzi kurava mishumo yezvikara zvakadenha ndokuuraya vanhu. The Guinness Book of Animal Facts and Feats rinoti marudzi emhuri yekatsi “zvimwe anoparira dzinenge nzufu dzine 1000 pagore negore.” MuIndia moga bedzi, madindingwe anouraya vanopfuura vanhu 50 gore rimwe nerimwe. Ingwe munyika iyeyo dzakavawo dzinodya vanhu.
Mubhuku rake rinonzi Dangerous to Man, Roger Caras anotsanangura kuti ingwe padzimwe nguva dzinotendeukira kukudya vanhu pashure pokudya zvitunha zvavanhu zvomurakatira wehosha. Mirakatira yakadaro, iye anotsanangura, yave ichi“wanzoteverwa nemwedzi yetyisidziro sezvo ingwe dzakapinda mukuravidza kwadzo kutsva nyama yavanhu ndokutanga kuuraya.”
Bva Caras anoti mirakatira yehosha haisati ichiparirwa nedenho dzeingwe. Chimwe chisakiso ndechokunyanduka kwemhuka, zvikurukuru painenge iri pedyo navana.
Mukati mamakore a 1918-26, ingwe imwe muIndia yakauraya vanhu vane 125, sezvakashumwa naColonel J. Corbett mubhuku rake rinonzi The Man-Eating Leopard of Rudraprayag. Makumi amakore gare gare, ingwe dzinodya vanhu dzakauraya vanhu vanenge 82 muruwa rweBhagalpur.
Mumwe murindi wemhuka muTanganyika (zvino iri rutivi rweTanzania) akatsanangura mapedzere aakaita mwedzi mishanu muna 1950 achiedza pasina rubudiriro kupfura ingwe inodya vanhu yaityisidzira vanhu mumusha weRuponda. Pakupedzisira, pashure pokuuraya vana 18, yakabatwa nomusungo nomugari womumusha womuAfrica. Imwe ingwe yakauraya vakadzi navana vane 26 mumusha weMasaguru.
Tevere kune shumba yeAfrica. Painotendeukira kukudya vanhu, vanyakudyiwa vanowanzova varume vakura. “Mumakore angu ana makumi maviri namatatu muBato Remhuka,” anonyora kudaro C. Ionides mubhuku rake rinonzi Mambas and Man-Eaters, “ndakapfura shumba dzinopfuura makumi mana, zhinjisa dzadzo dzaiva dzinodya vanhu, nepo dzasara dzacho dzakanga dzichizova dzinodya vanhu kana kuti zvimwe dzaizodenha zvipfuyo.” Mukuwirirana naIonides, shumba dzinova dzinotyisidzira kuna vanhu apo munhu anoderedza chose chose mhuka dzadzo dzadzinodya dzenguva dzose.
Rugare Rwepasi Rose Rwakadeya Kuziviswa
Pasinei hapo nemhinganidzo dzakadaro dzorugare pakati pomunhu nemhuka, Bhaibheri rinoti: “Marudzi ari ose emhuka . . . achapingudzwa uye akapingudzwa norudzi rwomunhu.”—Jakobho 3:7, NW.
Bhaibheri rinodeya kuzivisa pana Ezekieri 34:25 (NW), kuti: “Ini [Mwari] ndichaita navo sungano yorugare, uye zvirokwazvo ndichasakisa kuti mhuka inokuvadza ipere panyika, uye zvomenemene vachagara murenje muchengeteko ndokurara mumasango.”
Ko uporofita hweBhaibheri hwakadaro hunongova hahwo fungidziro isina chokwadi here? Usati waramba kariro yorugare rwapasi rose pakati pomunhu nemhuka, rangarira dzimwe ratidziro dzinoratidzira huchokwadi hweizvo Bhaibheri rinoreva. Mimwe mienzaniso inoshamisa yetsinhirano pakati pavanhu vanoitira hanya nemhuka zvine bviro yengozi zvakanyorwa.