Zvakadiniko Nenguva Yemberi?
Neiko rugare pakati pomunhu nemhuka ruchifadza zvikuru kwazvo? Imhaka yokuti vanhu pakuvamba vakasikwa kuti vave norugare nemhuka, kunyange dziya dzinorongwa muboka sedzinorura.
Apo Mwari akaita murume nomukadzi vokutanga, akavaisa munharaunda yeparadhiso yapasi kuti vafarikanye upenyu. Rakanga riri donzo rake kuti ivo vave navana ndokufutunura miganhu yeParadhiso irero rapakuvamba kutozosvikira ramonzvera pasi rose. Munzvimbo iyeyo yose, rudzi rwomunhu rwaizodzora mhuka murugare.
Nhauro yaGenesi inoti: “Ngavadzore hove dzomugungwa nezvisikwa zvinobhururuka zvomumatenga uye mhuka dzinopfuyiwa nepasi rose uye mhuka iri yose inofamba papasi. . . . Pashure paikoko Mwari akaona chinhu chiri chose chaakanga aita uye, tarira! chakanga chakanaka zvikuru.”—Genesi 1:26-31; 2:9, NW.
Uku kudzorwa kwemhuka kwakanga kusati kuchizoitwa noutsinye. Vanhu nemhuka vakaitirwa kugara pamwe chete murugare. Ikoku kunogona kuonwa muidi rokuti apo mhuka dzaipfuura pamberi pomunhu aidzitumidza mazita, akanga asina kushongedzera zvombo. Uye kwakanga kusina kududzwa kworutyo rwairatidzirwa nomunhu kana kuti zvimwe nemhuka.—Genesi 2:19, 20.
Donzo Rapakuvamba Richazadzika
Nomufaro, donzo riye rapakuvamba raMwari richaitwa nokukurumidza, apo hurumende dzose dzakaitwa nomunhu dzinenge dzatsiviwa noUmambo hwaMwari, uhwo hunobata ushe huri kudenga. (Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10) Ubati ushe hwaMwari zvahunenge hwagadzikiswazve chose chose pamusoro papasi rose, donzo rapakuvamba raMwari nokuda kwapasi navagari varo vohunhu uye mhuka richapfuurira kuzadzika.
Miuyo inochinja youbati ushe hwaMwari inosanorondedzerwa muuporofita huzhinji hweBhaibheri. Somuenzaniso, cherekedza izvo Isaya akanyora mufuridzirwo, zvinoti: “Bere richagara zvamazvirokwazvo kwechinguvana negwaianarume, uye ingwe iyo imene ichavata pasi pamwe chete nembudzana, uye mhuru neshumba duku yava nezenze nemhuka inosanodyiswa pamwe chete; uye kakomanawo zvako kachava mutungamiriri pazviri. Uye mombe nebere izvo zvimene zvichadya; zvichavata pasi pamwe chete nemhuru. Uye kunyange shumba ichadya uswa kungofanana nemukono. Hazvisati zvichizoita kuvadziko ipi neipi kana kuti kuparira ruparadziko rupi norupi mugomo rangu rose dzvene; nokuti pasi zvirokwazvo richazara nezivo yaJehovha sokufukidza kunoita mvura gungwa rimene.”—Isaya 11:6, 7, 9, NW.
Humwe uporofita hunoratidzawo rugare rukurusa ruchavamo munyika itsva yaMwari. Muna ikoku Mika akadeya kuzivisa, kuti: “Ivo vachatofanira kupfura minondo yavo kuva miromo yamapadza namapfumo avo kuva zvisanzauriso. Ivo havasati vachizosimudzirana munondo, rudzi ruchimukirana norudzi, uyewo ivo havasati vachizodzidzirazve hondo. Uye ivo vachagara zvomenemene, munhu mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, uye hakusati kuchizova nomunhu anovadederesa.”—Mika 4:3, 4, NW.
Hakuna neimwe yezvikara panguva iyeyo zvichakangaidza rugare rworudzi rwomunhu, nokuti shoko rouporofita raMwari rinoti: “Ndichaita navo sungano yorugare, uye zvirokwazvo ndichasakisa kuti mhuka inokuvadza ipere panyika, uye zvomenemene vachagara murenje muchengeteko ndokurara mumasango. . . . Uye vachabvumikisa zvomenemene kuva paivhu ravo muchengeteko.”—Ezekieri 34:25, 27, NW.
Naizvozvo rugare netsinhirano muParadhiso iyeyo yose yakadzorerwa zvichava zvakakwana. Ndicho chikonzero nei migariro imomo ingagona kurondedzerwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri neiyi nzira, kuti: “‘[Mwari] achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, uye kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.’ Uye Uyo agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarirai! Ini ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, iye anoti: ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’”—Zvakazarurwa 21:4, 5, NW.
Hungu, akatendeka uye ndeechokwadi. Ikoku kunoreva kuti tinogona kuvimba nezvipikirwa zvaMwari, nokuti mukusafanana navanhu vasina kukwana, iye ane simba, uchenjeri, noutsungi hwokuita madonzo ake. Sokutaura kwakaita mumwe wavabatiri vakatendeka vaMwari munguva dzekare: “Hakuna nerimwe ramashoko ose akanaka ayo Jehovha Mwari wako akataura kwauri rakakundikana. Iwo ose akazadzika kwauri. Hakuna shoko rimwe rawo rakakundikana.”—Joshua 23:14, NW; onawo Isaya 55:11.
Tinogona kuva nechivimbo chimwe chetecho chokuti nokukurumidza, munyika itsva yaMwari, donzo rake rapakuvamba nokuda kwepasi rino, nokuda kwavanhu, uye nokuda kwemhuka richazadzika. Rugare runopiwa naMwari ruchava chinhu chaichoicho mupasi rose. Uye rugare rwakadaro harusati ruchizobata ushe bedzi pakati pavanhu asi ruchavawo runoratidzirwa munzvimbo yemhuka.