Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Zvakadiniko kana Vabereki Vangu Vasinganditsigiri Mukutenda Kwangu?
PWERE dzakawanda dzina vabereki vasiri vatendi. “Ndini bedzi ndinofunda Bhaibheri mumhuri yangu,” anodaro mumwe musikana wezera ramakore 12. “Uye amai vangu vanoda kuti ndirege kurifunda.” Vamwe vana vabereki vanokundikana kutungamirira mumudzimu. Migariro iyi inogona kuva muedzo chaiwo nokuda kwepwere yakatendeseka inoda kubatira Mwari.
Kuedza kuva muKristu wechokwadi kana pasina betsero nekurudziro zvavabereki vako kwakaoma. Asi unogona kubudirira! Mienzaniso mizhinji, mose muri muviri munguva yakapfuura nenguva ino, inobvumikisa ikoko.
Pwere Dzakatendeka Munguva dzeBhaibheri
Rangarira Abheri, mwanakomana wavaviri vokutanga vohunhu, Adhama naEvha. Adhama naEvha vaifanira kuve vakapa vana vavo tsigiro yomudzimu yakakwana. Asi ivo vakapanduka ndokurinza makotsi avo kuna Jehovha, vachisiira vana vavo kuti vazvitarisire vamene mune zvorudzidziso. Panzvimbo pokuzvinzwira urombo amene kana kuti kubvumira kushaiwa umudzimu kwavabereki vake kuchidzivisa kuonga kwake zvinhu zvinoyera, Abheri sezviri pachena akadzidza zvaaigona pamusoro poMusiki. Jehovha akakurukurirana navanakomana vaAdhama, Kaini naAbheri, uye Abheri akakudziridza ukama naMwari uye akakura kuva murume wokutenda. “Kupfurikidza nokutenda Abheri akapa Mwari chibairo choukoshi hukuru zvikuru kupinda Kaini, kutenda uko iye akapupurirwa nako kuti akanga akarurama.”—VaHebheru 11:4; Genesi 4:2-15.
Josia ndimumwe muenzaniso wepwere iyo yaitofanira kuita isina tsigiro yorudzidziso yavabereki. Baba vake, Mambo Amoni waJudha, akapondwa apo Josia akanga angova bedzi namakore masere okukura. Achingunoveri mupenyu, Mambo Amoni akanga “apfuurira kuita zvakashata mumeso aJehovha, kungofanana nezvakanga zvaita Manase baba vake; uye Amoni akaita zvibairo kumifananidzo yose yakavezwa iyo baba vake Manase vakanga vabaira, uye akapfuurira kuibatira. . . . Amoni akanga ari mumwe akaita kuti kuva nemhaka kuwedzere.” (2 Makoronike 33:22, 23) Naizvozvo, fungidzira mugariro unonetesa mumudzimu uyo mwanakomana waAmoni Josia aizodai akakurira mauri.
Bva, Josia “akapfuurira kuita zvakanga zvakarurama mumeso aJehovha uye akafamba munzira dzaDhavhidhi sekuru vake. . . . Iye akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi sekuru vake; uye mugore regumi namaviri [panenge pazera ramakore 20] akavamba kuchenura Judha neJerusarema panzvimbo dzakakwirira namapango anoera nemifananidzo yakavezwa nemifananidzo yakaumbwa.”—2 Makoronike 34:2-4.
Josia akakudziridza sei simba rakadaro asina betsero yababa? Akawana tsigiro kuna vamwe vanhu vomudzimu, vakadai somuprista mukuru Hirkia nomunyori wake Shafani. Pesvedzero yavo yomudzimu yapachokwadi pana Josia muduku yakamubetsera ku“ita mashoko omutemo.” (2 Madzimambo 23:24; 2 Makoronike 34:14-19) Mutemo iwoyo waida kuti madzimambo aite kopi yomunhu oga yawo uye kuufunda masikati nousiku. (Dheuteronomio 17:18; Joshua 1:8) Pasina panikiro kuita kudaro kwakabetsera zvikuru ukuru mumudzimu hwaJosia.
Kuwana Tsigiro Nhasi
Iwewo unogona kukura mumudzimu, kunyange kana usiri kuwana tsigiro yaungada kuwana kuna vabereki vako. Tsigiro inogona kuwanwa kazhinji kazhinji kuhama nehanzvadzi dzomudzimu navanamai navanababa mukati meungano dzeZvapupu zvaJehovha. (Marko 10:30) Muungano mungave mune pwere dzine ndangariro yomudzimu, dzaunogona kutsigira. Kana kuti mungava neZvapupu zvakura zvichakufarira. Somuenzaniso, mumwe wechiduku asina baba anonzi Jerry akakokwa nomukuru weungano kuti amuperekedze kufundo yeBhaibheri yapamusha. Pashure pefundo, vaiwanzova nechimwe chinhu chokudya mukahotera kanotengesa zvokudya uye vaitaura. “Iye akava sababa kwandiri,” Jerry anoyeuka kudaro. Nhasi Jerry akaroora uye anobatira somubatiri anoshumira. Anoramba achionga nokuda kwetsigiro iyo mukuru akamupa.
Ko vakuru vapi navapi vati vambokarakadzira kukuyamura munzira yakati here? Ipapo kukonerei kugamuchira nomutoo wakananga? Uye kana pasina munhu akaita chikarakadzo chakadaro, tanga kukudziridza hushamwari hwakanaka. Ungatoedza kusvika mumwe wavatariri veungano yomunzvimbomo. Zvimwe unoda mumwe munhu wokukuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha kana kuti kukubetsera mukugadzirira migove nokuda kweChikoro Choubati Ushe hwaMwaria. Kana kuti ungangova hako bedzi anoshaiwa songaniro yakanaka yemhuri. Nomutoo unonzwisisika, ungava anotya pamusoro pokuita kuti zvinodikanwa zvako zvizivikanwe neiyi nzira. Asi yeuka, vakuru veungano vakagadzwa kuti vatarisire zvinodikanwa zvomudzimu zvomunhu ari wose ari muungano—kubatanidza nepwere. (1 Petro 5:2) Vanogona kuva vanobetsera chaizvoizvo.
Kukudziridza Tsigiro Pamusha
Ko ikoku kunoreva here, ipapoka, kuti hapana chinhu chaunogona kuita kuvandudza mugariro wacho pamusha? Nyangwe. Somuenzaniso, rangarira Joe muduku. Anorondedzera ukuru hwetsigiro yomudzimu yakapiwa navabereki vake vasingatendi se“yakaganhurirwa.” Bva, Joe anobvuma kuti angave akabetsera chaizvoizvo kushaya kwavo tsigiro. Kunodaro neiko? Eya, kunoratidzika kuti apo Joe akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akaita zvishoma kushandisa zvaakadzidza kuupenyu hwake hwomunhu oga. Naizvozvo akapfuurira kusateerera vabereki vake. Nomutoo womuzvarirwo, vakaona pasina chikonzero chokuti vafunde Bhaibheri vamene, uye pasitorina chikonzero chokukurudzira kufunda kwake kwakawanda Bhaibheri.
Zvakadiniko newe? Kana vabereki vako vasiri vatendi, ko miitiro yako inovapa chikonzero chokudavira kuti uri wapachokwadi pamusoro pokuda kubatira Mwari here? Vadzimai vechiKristu vanoudzwa kuti vawane varume vavo vasingatendi kupfurikidza nomufambiro wavo wakaisvonaka. Vabereki vako nenzira yakafanana vanga“wanwa pasina shoko” here kudai waivateerera zvikuru uye waivaremekedza? (1 Petro 3:1; VaEfeso 6:1-3) Kana zvakadaro, sezvinobvira havangavi vanokutsigira zvikuru here?
Kunyange zvakadaro, zvakadiniko kana vabereki vako vari maKristu asi vasati vari kuita zvose zvavanofanira kuti vakubetsere uye vakukurudzire? Pasinei hapo nechingava chikonzero chavo, unogona kuita zvakawanda kusimudzira mugariro womudzimu wakanaka mumusha menyu kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakanaka. (1 Timotio 4:12) Apo inova nguva yokupinda misangano yechiKristu, pfeka uye gadzirira kuenda. Zvipire kuita mamwe amabasa omuraudzo emhuri kuti vabereki vako vagone nenzira imwe cheteyo kuva vakagadzirira nenguva. Ndianiko anoziva? Zvimwe mbavarira yako nokuda kwemisangano ichavapesvedzera munzira yakanaka.
Vabereki vako vari kukuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha yevhiki nevhiki here? Kana vasati, kuregererei kuvakumbira kuita kudaro nenzira yomutsa, usingavanetsi kana kuti kunyunyuta. Apo fundo inoitiswa, usavaite kuti vashande zvakaoma kuwana tsinhiro kwauri; iva anogadzirira kwazvo kutora rutivi. Ita rutivi rwako kuiita kuti ive nguva inofarikanyika. Vaonge nokuda kwokuva nefundo. Ikoku kungasanopa vabereki vako kurudziro inodikanwa kuitisa fundo yacho nguva dzose.
Zvakadiniko kana pane davidzo shoma kunhamburiko dzako? Usanete. (VaGaratia 6:9) Ratidzira pachena rudo rwako nokuda kwaMwari uye zvokwadi yeBhaibheri. Usarasikirwa neshingairo yako kana kuti pfungwa yekurumidziro mukubetsera vamwe kudzidza pamusoro paMwari. Pfuurira ‘kuzvivaka umene pakutenda kwako kutsvene tsvene, uye kunyengetera nomudzimu mutsvene.’ (Judhasi 20) Imwe pwere inonzi Laverne iri kuita izvozvo chaizvo. “Ini ndakasarudza kusarega baba vangu vachindidzivisa kudzidza zvokwadi,” iye anodaro. “Naizvozvo ndinofunda Nharireyomurindi ndiri ndoga panzvimbo pokuona TV.b Ndinoravawo rugwaro rweBhaibheri mangwanani ari ose. Ndinokwanisa kupinda mubasa rokuparidzira kupfurikidza nokubuda nedzimwe hama nehanzvadzi dzechiKristu.”
Ratidzira ushingi hwakafanana. Usarege kushaikwa kwetsigiro pamusha kuchikuodza mwoyo. Ramba wakasimba mukupwiswa kwako. Kana kuchibvira, swedera pedyo kune vezera rako vane ndangariro yomudzimu navakuru vari muungano. Asi uine tsigiro kana kuti usina, iva akashinga kuchengeta ushamwari hwako naMwari. Unogona kuvimba naye nokuda kwetsigiro.—Enzanisa nePisarema 119:116.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko pamusoro peChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, ona nyaya inoti “Misangano yechiKristu Inogona Sei Kundibetsera?” muna Mukai! No. 3, 1991.
b Nharireyomurindi magazini biyayo yaMukai! Inogona kuwanwa kupfurikidza nokunyorera vabudisi vamagazini ino.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Mitezo yakakura mumudzimu yeungano inogona kubetsera kupfurikidza nokukufarira