Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Zvakadiniko Kana Mhuri Yedu Iri Yourombo?
TAUNDI remisasa reSouth Africa raakakurira mariri harinyanduri yeuko dzinofadza nokuda kwaGeorge. “Taigara muhugaro hwomukhukhu—usati uri chimwe chinhu kunze kwomusasa muduku wamarata une makamuri maviri,” anoyeuka kudaro. Aigara mune rimwe ramakamuri navanun’una vake nehanzvadzi vasere. Mukati memwedzi yokutonhora, iye aitsungirira mhepo inotonhora kuti atore mvura pane imwe tepu yemvura yaibatira nzanga yose. “Asi chandaivenga zvikurusa pamusoro pokukura ndiri murombo,” George anoti, “kwakanga kuri kuona baba vangu vachishanda zvakaoma kuti vaite kuti tirambe tichirarama. Ndaiitira pfunde-pfunde kuti kwairatidzika kuva pasina nzira yokubuda nayo.”
Chinetso chemari ndiwo mararamire munyika dzichiri kubudirira. Uye kunyange munyika dzoKumadokero dzakapfuma dzine zviverengero zvinokatyamadza zvavanhu varombo. Zvimwe iwe uri mumwe wavo. SaGeorge ungatonzwa wakabatwa muurombo. Nepo kunzwa kwakadaro kuchanzwisisika, kunogona kukukuchidzira kuita nenzira dzinotsamwisa, panzvimbo pokuderedza, zvinetso zvokuva murombo.
Musungo Wokupukunyuka
Zviverengero zvinokatyamadza zvepwere dziri varombo zvinoedza kupukunyuka marwadzo ourombo kupfurikidza nokugomadza pfungwa dzadzo nezvinwiwa zvinodhakisa kana kuti mirimo. Mukuwirirana nomunzveri Jill Swart, vana vomumugwagwa verimwe guta rokumaodzanyemba kweAfrica “havafembi guruu nomukanwa chose chose ‘nokuda kwemifaro’. Vanorishandisira . . . kupukunyuka kutonhora, ushoma uye nzara.”
Asi idzi pwere dzinonzwa sei apo dzinofungazve nomutoo une mufungo uye kunzwa kwakakwirira kunobatanidzwa nokushandisa mirimo kunenge kwapera? Jill Swart akasimbisa zviratidzo zvakadai so“kupera mwoyo kukuru,” “kudenha,” “kuchinja kwendangariro kwokukurumidza,” “kuona madzerere,” uye boka rezvimwe zvirwere zvokunyama zvisingatongogoni kurondedzerwa so“kupukunyuka” kwakanaka muurombo.
Mambo Soromoni akachenjera akati: “Chidhakwa . . . chichava murombo, uye rukope ruchapfekedza munhu mamvemvewo zvawo.” (Zvirevo 23:21) Kuedza kupukunyuka zvinhu chaizvo zvourombo kupfurikidza nokushandura mugariro wako wendangariro nezvinwiwa zvinodhaka, guruu, kana kuti mirimo hakusati kuchizoita kuti chinetso chitsakatike. (Enzanisa naZvirevo 31:7.) Sokutaura kwakaita Maria, musikana wezera ramakore 16 anobva mumhuri ino mubereki mumwe murombo muSouth Africa, kuti: “Kuedza kupukunyuka chinhu chaicho kunoparira zvinetso zvakawanda kupinda zvakunopedza.” Kunze kwezvo, mutengo mukuru wokuchengeta miitiro yakadaro inoparadza inopinza munhu muurombo hukuru. Apo bedzi pwere iri murombo inobvuma mugariro wayo inogona kubata nomugariro wacho.
Hasha Nokukangaidzika
Dzichiitira hasha kuva dzabatwa mumhoteredzo yourombo, pwere zhinji dzinobudisa hasha dzadzo kupfurikidza namasimba masimba, kushatsa zvinhu, kuba, uye zvimwe zvimiro zvousindimari hwepwere. The World Book Encyclopedia rinoti pwere dzakadaro dzinowana ikoku so“kupukunyuka bedzi mukufinhwa, urombo, nezvimwe zvinetso.” George, adudzwa pakutanga, anoyeuka kuti vamwe vezera rake vakava nehasha uye vakakangaidzika ndokukumbanira zvikwata zvaityisidzira vavakidzani. Anowedzera kuti “kazhinji kazhinji vairwa uye vaiba kuti vararame.” Bva dzimwe pwere dzinoedza kukurira urombo kupfurikidza nokubatwa mumibato inobudirira isiri yapamutemo, yakadai sokutengesa, kana kuti kuverevedza, mirimo.
Mukusiana nokuderedza urombo, kunyange zvakadaro, mufambiro wokusindimara unongoita bedzi kuti zvinhu zvishate. Simba ringadai rakashandiswa mumibato inobereka zvibereko—yakadai sokudzidzira unyanzvi hunoshanda kana kuti basa—rinopambadzwa. Panzvimbo pokuvandudza mugariro wake, pwere yakasindimara inongozviisa bedzi imene kune imwe kuvadziko yokunyama neyendangariro. Dzimwe pwere dzinoguma nokupedzera nguva mujere—kana kuti kurasikirwa noupenyu hwadzo kupfurikidza namasimba masimba. Sokunyevera kwakaita Mambo Soromoni, kuti: “Munhu unoregeredza kurairirwa anopinda muurombo nokuzvidzwa.”—Zvirevo 13:18.
Kusava Namaturo Nokusava Netariro
Zvimwe miuyo inokuvadza zvikurusa iyo urombo hungasiya papwere ndiko kunzwa kwokusava namaturo nokusakosha. Kuna vazhinji, mwero mukuru wourombo pamativi ose oupenyu wakabvisa tariro ipi neipi yokuvandudza nokusingaperi mupimo wavo wokurarama. The World Book Encyclopedia rinotsinhira kuti vanhu vaduku vanowanzo“svika pakuwana kunzwa kumwe chetekwo kwokusava namaturo nokusava netariro izvo vabereki vazvo vakakudziridza.” Pakupedzisira, “tsika dzavarombo” dzingatsiga, vanyajambwa vadzo vachizviisa vamene kunduramo yenhamo.
Asi kuumburuka mukunzwa kwokusava namaturo nokusava netariro kuchavandudza mugariro wako here? Nyangwe! Panzvimbo pakwo, kuita kudaro kunongopfuuridzira bedzi nhambo yakaipa yourombo. Sokureva kunoita chirevo chekare, kuti: “Iye unoona mhepo haangakushi mbeu; uye iye unotarira makore haangacheki.” (Muparidzi 11:4) Kana murimi akanangidzira ngwariro bedzi pabviro dzisina kunanga—mhepo ingagona kuvhuvhutira kure mbeu yake kana kuti mvura ingagona kuodza zvirimwa zvake—angakundikana kuita chiito chiri madikanwa. Nenzira yakafanana, kupfurikidza bedzi nokunangidzira ngwariro pakunzwa kusina kunanga, ungagona kugomadza nhamburiko dzose dzokuti uzvivandudze umene.
Nenzira iyeyo Mambo Soromoni akapazve iyi pangiro, inoti: “Kusha mbeu yako mumangwanani uye kutozosvikira madekwana usarega ruoko rwako ruchizorora; nokuti hauzivi apo iyoyi ichava norubudiriro.” (Muparidzi 11:6) Hungu, panzvimbo pokudziviswa norutyo rwekundikano kana kuti kunzwa kuti zvinhu hazvina tariro, ita chiito! Kune zvinhu zvaunogona kuita zvokukubetsera kutsiva pashoma napashoma kunzwa kusina kunanga nokuri kwakananga.
Kuvaka Kuzviremekedza
Rangarira James wezera ramakore 11. Anogara naamai vake nehanzvadzi mumusasa wamasikwata uri pedyo neJohannesburg, South Africa. Mune zvokunyama, havana chinhu. Kupera kwevhiki kumwe nokumwe James anozvipira kushanda kuyamura mukuvaka Horo yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Ikoku hakusati kuchingotora bedzi nguva iyo neimwe nzira yaizopfuura zvishoma nezvishoma asi kunomupawo pfungwa yokupedza chinhu. James anotaura achinyemwerera zvikuru, kuti: “Pashure pezuva rokuvaka horo, ndinova nouku kunzwa kukuru kwegutsikano mukati!” Pwere iyi zvairi murombo, ichiri ine zvinhu zvinokosha: nguva nesimba.
Mumwe mubato unobereka zvibereko ndiro basa redzidzo yeBhaibheri rapasuo nesuo. (Mateo 24:14) Zvapupu zviduku zvizhinji zvaJehovha zvinopinda mubasa irero pahwaro hwenguva dzose. Kupfurikidza nokuita kudaro hazvisati bedzi zvichingopa vamwe tariro youpenyu huri nani hwomunguva yemberi asi zvinowedzera kunzwa kwazvo kumene kwokuzviremekedza, kufanira, uye chiremera. Chokwadi, munhu haaiti mari nokuita basa rakadaro. Asi yeuka shoko rakapiwa naJesu kumaKristu omuungano yekare yeSmirna. Akanga ari varombo zvikuru mune zvokunyama, asi nemhaka youmudzimu hwawo hukuru, Jesu aigona kutaura kwaari, kuti: “Ini ndinoziva dambudziko rako nourombo—asi wakapfuma.” Pakupedzisira, nemhaka yokushandisa kwavo kutenda nomutoo wokushingaira muropa rakadeurwa raJesu, vaizova vanopfuma zvikurukuru, vachigamuchira korona youpenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 2:9, 10.
Kukurira muurombo hakusiri nyore. Zvisinei, hapana chikonzero chokunyadziswa, kusava namaturo, kana kuti kusava netariro pamusoro pomugariro wako. Urombo huripo nokuti “munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9) Ufakazi hunoratidza kuti Mwari nokukurumidza achatarisira zvinhu zvapasi ndokubvisa urombo nemiuyo yahwo inoparadzanya. (Pisarema 37:9-11) Mwanakomana wake, Kristu Jesu, achapinza mabhirioni orudzi rwomunhu muParadhiso yapasi, kungofanana nokupikira kwaakaita muiti wechakaipa asina nechinhu zvacho uyo akaratidzira kutenda maari sezvavakanga vachifa pamatanda rokuuraira. (Ruka 23:43) Kunyange zvakadaro, munguva ino kune zvakawanda zvaunogona kuita nenzira inoshanda kuti ugonane nourombo. Ikoku kuchakurukurwa muchinyorwa chomunguva yemberi.
[Bhokisi riri papeji 13]
“Ndakanzwa Ndabatwa Nourombo”
George akanga ari pwere yeChitema yaida mukupererwa nezano rose kugara muchikoro ndokupedza dzidzo yake yehwaro. Akarangarira kuti kupfurikidza nokuita kudaro aigona kuwana basa rinobhadhara zvakanaka raizomubudisa iye nemhuri yavo muurombo. Zvisinei, zvinhu hazvina kuitika nenzira iyeyo. Mhuri yake yakapinda mumigariro yemari yakashata zvikuru zvokuti pashure pamakore matanhatu bedzi okudzidza, George akanzwa achigombedzerwa kurega chikoro ndokutsvaka basa. Pakupedzisira akawana basa rokuronga mabhondoro mumakireti panzvimbo yamabhondoro, achitambira marandi 14 bedzi pavhiki ($25, Z.). Muhoro wake wose waienda kukuchengetwa kwemhuri yavo.
“Kunyange zvazvo ndakanzwa ndabatwa nourombo,” anodaro George, “ndakaziva kuti kukumbanira chikwata kana kuti kuba nokuda kwechokurarama nacho hakusati kwaizotongobetsera. Nhasi, vazhinji vaavo vanobva muboka rezera rangu vaiita zvinhu izvozvo varegi vasina tariro, varanda vokunwa nemirimo, kana kuti zvimwe vari mujere. Vamwe vakatourawa somuuyo wamararamire avo.”
Ipapo George akasangana neZvapupu zvaJehovha. “Chimwe chezvinhu zvandakacherekedza,” anodaro George, “chakanga chiri chokuti pamisangano yechiKristu, munhu ari wose aiuya ndokutaura neni noruremekedzo.” Anowedzera, kuti: “Pashoma napashoma ndakawana chivimbo nokuzviremekedza izvo ndakanga ndichishaiwa kare.” George akawanawo nyaradzo huru mumagwaro eBhaibheri akadai saPisarema 72:12, 13, iro rinoti: “Nokuti iye [Mambo wouMesia] achanunura murombo anodanidzira nokuda kwebetsero . . . Uchanzwira urombo anozvininipisa uye murombo, uye achaponesa mweya yavarombo.” Zvipikirwa zveBhaibheri zvakamuzadza nefariro yakavandudzwa netariro muupenyu.
Uchitarira pana George nhasi, haungatongofungidziri kuti iparapatiko yakadini yakwave kuri nokuda kwake kuti achinje kunzwa kwake kwokusava namaturo nokusava netariro kumurangariro wakananga. Munhu akaroora anofara, zvino anobatira somutariri anotungamirira muungano yeZvapupu zvaJehovha muSoweto, South Africa.
[Mifananidzo iri papeji 12]
Kushandisa nguva yako nesimba kuita chimwe chinhu chinokosha kuri nani zvikuru kupfuura kuzvipinza umene mukunzwa kwokusava netariro