Wedzero Yechatanuro
“CHATANURO CHISHONGO CHINOKOSHA.” Musoro iwowo wechienzi wakaoneka misi ichangobva kupfuura iyi mune imwe magazini yavakadzi yakakurumbira. Nyaya yacho yakakurudzira, kuti: “Roorano yako yaparadzika uye unonzwa uchipiswa. Kuregererei kubvisa yeuko idzodzo ndokunyungudusa chaizvoizvo zvishongo zvinokosha zvinokuyeuchidza nezveroorano.” Nokuda kwomubhandaro wakati kuti mupfuri wezvishongo zvinokosha womunzvimbo anorega vanhu vachitendeudzira mwoto wake wegasi pambatamumwe dzavo dzevimbisano nedzomuchato. Ipapo iye anoumba zvishongo zviduku zvavo kuva zvimiro zvisingavayeuchidzi nezveroorano dzavo dzakakundikana.
Mazuva ano, roorano, kufanana namapeni, ndiro, zvipukutiso, uye zvisvo, inoratidzika kuva chimwe chinhu chinoraswa. ‘Paunofinhwa nacho, ingoirasa bedzi’—chinodaro chimiro chendangariro chakatekeshera.
“Roorano seyakadaro haisati ichiripozve.” akadaro Lorenz Wachinger, munyori akakurumbira, wezvoruzivo rwendangariro, uye nyanzvi yezvokurapa muMunich, Germany. Kunyanyotaura here? Zvimwe; asi hakuna kuoma kuona chikonzero nei angarangarira nenzira iyeyo. Mukuwirirana nepepanhau Stuttgarter Zeitung, roorano dzine 130 000 dzinoputsika muGermany gore riri rose. Asi chatanuro haisati ichitongova yechienzi muGermany.
Chinoitika Chenyika Yose
Kombamiro yakafanana iri kubuda munyika mupasi rose. United States, somuenzaniso, ingasanonzi dzimbahwe rechatanuro renyika. Mwero wechatanuro wegore negore unopfuura 1 160 000, kana kuti inenge hafu yechiverengero chemichato. Ichecho chinoita avhareji yedzinopfuura chatanuro mbiri miniti iri yose yezuva riri rose!
Pakuenzanisirwa nenguva yakapfuura, izvi zviverengero zvinosvika pakuputsika kweroorano. Rinongova bedzi zana ramakore rakapfuura, kwaingova bedzi nechatanuro 1 nokuda kweroorano 18 dziri dzose muUnited States. Kunze kwefungu rakamwe kamwe pashure peHondo yeNyika II, mwero wakawedzera bedzi pashoma napashoma kutozosvikira muma 1960. Ipapo, mumakore 25 bedzi, wakawanziridza nekatatu!
Pakati pama 1980 (makore azvino uno zvikurusa ayo zviverengero zvinovimbika zvinowanwa nokuda kwawo), nyika dzakapoteredza pasi dzakaona zviverengero mumwero yechatanuro zvakadai seizvi: Soviet Union, 940 000 pagore; Japan, 178 000; United Kingdom, 159 000; France, 107 000; Canada, 61 000; Australia, 43 000. Kunyange munzvimbo umo rudzidziso nemitemo zvakachengeta mwero wechatanuro uri wakaderera, kombamiro yakananga pakuchinja. Somuenzaniso. muHong Kong muchine chatanuro 1 muroorano 17 dziri dzose; asi chiverengero chechatanuro ikoko chakawanziridza nakaviri pakati pa 1981 na 1987. Magazini yeIndia Today yakashuma kuti ruzvidzo rwakabatanidzwa nechatanuro ruri kupera pakati peboka rapakati reIndia. Matare matsva akaumbwa munyika dzeIndia dzakasiana-siana kuti agonane newedzero mumhaka dzechatanuro yedzinobvira pa 100 muzana kusvikira ku 328 muzana mumakore gumi bedzi.
Chokwadika, zviverengero hazvingagoni kuvamba kuchinja kuputsika mwoyo kunowanwa naava vanhu vari rutivi rweizvi zviverengero. Nomutoo unosuruvarisa, chatanuro inotapura anenge ari wose wedu nemhaka bedzi yokuti roorano iri kose kose. Sezvinobvira, takaroora kana kuti zvimwe tiri zvibereko zvavabereki vakaroorana, kana kuti tiri pedyo navanhu vakaroorana. Naizvozvo kunyange kana chatanuro ichigere kutikuvadza, tyisidziro yayo ingatinyevera.
Chii chiri chisakiso cheidzi chatanuro dzose? Chinjo dzezvamatongerwe enyika dzingava rutivi rwemhinduro. Munyika zhinji mipiringidzo yeHurumende yaidzivisa chatanuro—yaitsigirwa kwenguva refu namapoka orudzidziso ane pesvedzero—yakakoromoka mumakore achangobva kupfuura aya. Somuenzaniso, muma 1980, Argentina yakazivisa mukupesana mutemo waisabvumira chatanuro yapamutemo. Nenzira yakafanana Spain neItaly dzakaita chatanuro yapamutemo. Asi chinjo dzakadaro mumutemo nguva dzose hadzibatanidzwi newedzero yokukurumidza mumwero yechatanuro.
Naizvozvo chimwe chinhu chikuru zvikuru kupfuura mutemo chinofanira kuva chiri kushanda mukutsigira denda rechatanuro renyika yose. Munyori Joseph Epstein akanongedzera kwariri apo iye akanyora kudaro isati iri nguva refu yapfuura, kuti “kuva akachatanura kwakanga kuri kuve wakapupurira pamutemo, sokunge zvakadaro, kushaikwa kweperero mutsika.” Asi nhasi, iye anonyora, kuti, “pakati pamamwe mapoka avanhu, kuve asina kuita chatanuro kunoratidzika kuva kwechienzi zvikuru kupinda kuve akaita imwe; pano kurarama mazuva ako mukati meganhuriro dzeroorano imwe kungatova kunofungwa kuratidza kusakwana kwamano okufunga.”—Divorced in America.
Namamwe mashoko, zvimiro zvendangariro zvehwaro izvo vanhu vanorangarira kuroorano zvakachinja. Ruremekedzo norukudzo nokuda kwenheyo yairangarirwa kwenguva refu kuva tsvene zviri kuparadzika. Naizvozvo kupote nyika, chatanuro iri kuva inogamuchira zvikuru. Neiko? Chii chingaita kuti vanhu vagamuchire chimwe chinhu chaichimboshatirirwa zvakafara? Kungava here kuti chatanuro haina kushata zvikuru pashure pokurangarira zvose?