RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 2/8 pp. 17-18
  • Ngwavaira—Zvirango Zvinobva Kuna Mwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwavaira—Zvirango Zvinobva Kuna Mwari Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Wamasimba Ose Anotonga Nzanga Nhasi Here?
  • Pane Zvifundo Zvatinogona Kudzidza Here?
  • Pachazova Norutongeso Rwokupedzisira Rworudzi Rwomunhu Here?
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ngwavaira Dzomusikirwo—Mwari Ndiye Anosakisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga Kurangwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 2/8 pp. 17-18

Murangariro weBhaibheri

Ngwavaira—Zvirango Zvinobva Kuna Mwari Here?

MUPHILIPPINES, nyika inorovanywa yarovanywazve nengwavaira dzomusikirwo, vanhu vazhinji vakabvunza kuti, ‘Mwari anoedza munhu netsaona dzakadaro here?’ Muna 1991, pashure pokuputika kukurusa kwegomo muzana rino ramakore, musoro mukuru werimwe pepanhau rePhilippines wakabvunza kuti: “Kuputika: Chirango Chinobva Kuna Mwari Here?”

Nyanzvi yokunyora mitsetse yamapepanhau Nelly Favis-Villafuerte akaratidzira murangariro wakadaro apo iye akanyora, kuti: “Zvisinei kumaKristu anodavira Bhaibheri—kunongova bedzi netsananguro imwe: Kuputika kweMt. Pinatubo ingwavaira youmwari yokutiyeuchidzazve kuti kuna Mwari anotyisa uye changamire ane simba rinokurira muzvinhu nomumigumo yavanhu namarudzi.” Nemhaka youku kubvuma, tinobvunza, kuti:

Mwari Wamasimba Ose Anotonga Nzanga Nhasi Here?

Kuti Mwari akaita kudaro munguva yakapfuura hakungagoni kurambwa. Mienzaniso yakanyorwa muMagwaro aMafashamo muzuva raNoa, kuparadzwa kweSodhoma neGomora, uye panhambo mbiri kuparadzanywa kweJerusarema, guta rakabatana nezita rake guru, inoratidza kuti Mwari Wamasimba ose anogona kuunza rutongeso rwamaune pana avo vanokundikana vakundikanazve kutsigira mipimo yake.—Ona Genesi 7:11, 17-24; 19:24, 25; 2 Makoronike 36:17-21; Mateo 24:1, 2.

Asi zvakadiniko nhasi? Kuti kwaizova nenguva yengwavaira yenyika yose kwakadeya kuziviswa naKristu Jesu muna Mateo ganhuro 24, Marko ganhuro 13, uye Ruka ganhuro 21. Muna aya maganhuro, akapa nyevero youporofita yezvinoitika nemigariro zvaizova zvakabatana nemhedziso yetsika ino yezvinhu zvokuti vanhu vanorangarira vaigona kuziva kuti iye akanga achibata ushe asingaoneki mudenga. Izvi zviporofita zviri kuzadzika nhasi. Kunofanira kucherekedzwa, kunyange zvakadaro, kuti norumwe norumwe rwamarutongeso adudzwa pamusoro apa, Jehovha Mwari akapa nyevero dzakajeka, dzakadzokororwa pamberi pokuuya kworuparadziko. (Amosi 3:7) Zvisinei, muchinoitika chengwavaira dzomusikirwo dzinoitika munguva yedu, nyevero dzinowanzobva kuzviremera zvokunyika, dzakavakirwa pacherekedzo dzesayenzi.

Kupfuurirazve, mudzidzi Jakobho anotizivisa muganhuro rokutanga retsamba yake, Jak 1 ndima 13, kuti: “Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakashata uyewo iye amene haaedzi munhu upi noupi.” Nechiverengero chavagari vapasi chenyika yose chinowedzera, munhu azosvika pakugara pedyo nengozi zhinji dzinobvira. Kudikanwa kwenzvimbo yokugara uye yokurima zvokudya kunoparira kutemwa kwenharaunda dzaichimbova masango, padzimwe nguva kunyange kutsigira ukuru hwamamwe majambwa omusikirwo anoparirwa nokunyanyonaya kwemvura uye kukurumidza kupwa.

Naizvozvo, kwaizova kusina kururama kutaura kuti ngwavaira dzomusikirwo dzinotumwa nomutoo wakananga naMwari Wamasimba Ose sechirango pavanhu vanorarama munharaunda dzinotapurwa. Kutaura idi, kuri nyore kuona kuti vanhu vazhinji vasina mhaka, vakadai savana vaduku, vanotambura zvikuru munguva dzengwavaira. Zvisinei, kunyange zvazvo Mwari Wamasimba ose asingapariri tsaona dzakadaro, tingabvunzazve kuti:

Pane Zvifundo Zvatinogona Kudzidza Here?

Hungu. Kuna avo vanogara munharaunda dzinotapurwa, pane muedzo wokuti ukoshi hwakadini hwavanoisa papfuma yavo yokunyama kana ichienzaniswa noupenyu humene. Vanhu vakazvipinza mungozi dzisiri madikanwa, dzinotyisidzira upenyu panguva dzakadaro kuti vachengete bedzi zvinhu zvishomanene. Tinodikanirwa kuyeuka kuti Jesu akataura, kuti: “Kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahusati huchibva muzvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Zvinhu zvokunyama zvinogona kutsiviwa, asi hakuna munhu anogona kutsiva upenyu hwake.—Mateo 6:19, 20, 25-34.

Ngwavaira dzomusikirwo dzinoparirawo vanhu vamwe navamwe kufungisisa mararamire avanoita upenyu hwavo. Muapostora Pauro akakurudzira maKristu kuva anongwarira munzira yavanozvibata nayo vamene, achiti: “Naizvozvo ngwarirai zvikuru mafambire amunoita, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchiita napamunogona napo zvikurusa nezvenguva, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16, Byington) Muedzo mumwe nomumwe unonangana nomunhu muupenyu hwake chiyeuchidzo chokuti kunokosha sei kuva nokutenda kwakasimba.

Chifundo chechitatu chatinodzidza mutsaona dzomusikirwo ndechokuti tinodikanirwa kukudziridza kunzwira tsitsi, kana kuti kuzvipinza munzvimbo yavamwe, nokuda kwavamwe. Mukati menzvimbo yengwavaira, itiro hanya yorudo inoda kuratidzirwa nokuda kwavatamburi biyako panokutora chimiro chendangariro chokuti munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvitsigira amene. Zvikurukuru ikoku ndokwechokwadi nezvaavo vakaronzeswa mutoro wokutarisira vamwe. Muporofita Isaya akarondedzera avo vaakaidza kuti “machinda” savari “vakafanana nenzvimbo yohutiziro pamhepo nenzvimbo yohuvando pakunaya kukuru kwemvura, vakafanana nenzizi dzemvura munyika isina mvura, vakafanana nomumvuri wedombo guru munyika yakaoma.”—Isaya 32:1, 2.

Mukuratidza tsitsi mukati mengwavaira, kune nhambo zhinji dzokugovera izvo mumwe anazvo navamwe, mose muri muviri mushoko nomuchiito. Somuenzaniso, kuputika kweGomo rePinatubo uye ngwavaira dzakwo dzinotevera kwakapa mabanza asingaverengeki okugoverana mukubetsera avo vaitofanira kutiza ngwavaira. Vazhinji vakanga vasina mitoo yokuva kunyange nezvokudya zvavo zvezuva nezuva. Nokudaro, vanhu vamwe navamwe vaikwanisa kuratidza kusava noudyire kwavo kupfurikidza nokubetsera vamwe. Zvisinei, vazhinji vachiri kubvunza, kuti:

Pachazova Norutongeso Rwokupedzisira Rworudzi Rwomunhu Here?

Hungu, ruchavapo, sezvinoratidzwa zvakajeka muShoko raMwari. (Mateo 24:37-42; 2 Petro 3:5-7) Rutongeso irworwo rusati rwasvika, basa rokunyevera nyika yose rinofanira kuitwa, sezvo Jesu akapfuurirazve kuporofita, kuti: “Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga kuparidzwa mumarudzi ose.”—Marko 13:10.

Nokudaro, mumwe nomumwe wedu anodikanirwa kuzvibvunza amene kuti, ‘Chii chandichaita?’ Tinokukurudzira kuwana nguva yokunzvera icho Bhaibheri rinopangira mumwe nomumwe wedu kuti aite kuti tipukunyuke ngozi iyoyo yenyika yose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe