Vaverengi Vanobvunza Kuti
Njodzi Dzinongoitika Dzoga Kurangwa naMwari Here?
Mwari haarangi vanhu achishandisa njodzi dzinongoitika dzoga. Haasati ambozviita, uye haazombozviiti. Nemhaka yei? Nokuti “Mwari rudo,” rinodaro Bhaibheri pana 1 Johani 4:8.
Zvinhu zvose zvinoitwa naMwari zvinobva parudo. Rudo harurwadzisi vasina mhosva, nokuti Bhaibheri rinoti “rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa.” (VaRoma 13:10) Pana Jobho 34:12, Bhaibheri rinoti: “Chokwadi, Mwari haaiti zvakaipa.”
Chokwadi, Bhaibheri rakafanotaura kuti njodzi dzakadai so“kudengenyeka kwenyika kukuru” dzaizoitika muzuva redu. (Ruka 21:11) Jehovha haana mhosva yokuparadza kunenge kwakonzerwa nenjodzi idzi, sezvakangoitawo munhu anozivisa nezvemamiriro okunze, uyo asina mhosva yokuparadza kunoitwa nedutu raanenge afanoona. Saka kana Mwari asiriye anokonzera kutambura kwevanhu kunoparirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga, kunokonzerwa nei?
Bhaibheri rinozivisa kuti, “Nyika yose iri musimba reakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Ave ari muurayi kubvira paakapanduka mushure mokusikwa kwevanhu kusvikira nhasi. (Johani 8:44) Satani anoona upenyu hwevanhu sechinhu chisingakoshi uye chenhando. Anoita zvoudyire saka hazvishamisi kuti akatanga nyika yakazara noudyire. Munyika yanhasi vanhu vanodzvinyirira vakamanikidza vaya vasina masimba kuti vagare munzvimbo dzine ngozi, munogona kuitika njodzi dzinongoerekana dzatanga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu. (VaEfeso 2:2; 1 Johani 2:16) Saka vanhu vanokara ndivo vanokonzera mamwe matambudziko anosangana nevanhu. (Muparidzi 8:9) Zvinodaro sei?
Kazhinji njodzi dzakawanda zvatisingafungiri dzimwe nguva dzinokonzerwa nevanhu. Chimbofunga nezvenhamo yakawira vanhu vaigara muguta reNew Orleans, kuU.S.A. apo guta ravo rakafukidzwa nemafashamo, kana kuti dzimba dzakaparadzwa nematope aiyerera achibva mumakomo okuVenezuela. Muzviitiko izvozvo nezvimwe, zvinhu zvakadai semhepo nemvura zvakazokonzera njodzi zvikurukuru nemhaka yokusachengetedza zvakapoteredza, kuvaka zvemasiyandaita, kutadza kunyatsoronga, kusateerera nyevero uye kutadza kutungamirira kwevakuru vakuru.
Chimbofunga nezvenjodzi yakaitika munguva yomuBhaibheri. Muzuva raJesu, imwe shongwe yakangoerekana yaondomoka ndokuuraya vanhu 18. (Ruka 13:4) Njodzi iyi inogona kunge yakakonzerwa nokukanganisa kwevanhu, “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi,” kana kuti zvose zviri zviviri, asi chokwadi ndechokuti wakanga usiri mutongo waMwari.—Muparidzi 9:11.
Pane njodzi dzakambokonzerwa naMwari here? Hungu, asi kusiyana nedzinongoitika dzoga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu, njodzi dzaMwari dzakanga dzisingaparadzi munhu wose wose, asi dzaiva nechinangwa uye dzaingoitika apo neapo. Pane mienzaniso miviri, Mafashamo akaitika mumazuva omusoro wemhuri Noa uye kuparadzwa kwakaitwa maguta eSodhoma neGomora mumazuva aRoti. (Genesisi 6:7-9, 13; 18:20-32; 19:24) Mitongo yaMwari yakaitwa ipapo yakatsvaira vanhu vakaipa vakanga vasingapfidzi asi vakanga vakarurama mukuona kwaMwari vakaponeswa.
Kutaura chokwadi, Jehovha Mwari anokwanisa, anoda uye ane simba rokugumisa kutambura kwose uye kununura vanhu pazvose zvinokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzoga. Pisarema 72:12 rakafanotaura nezvaMambo akagadzwa naMwari, Jesu Kristu, kuti: “Iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri.”