Ngwavaira Dzomusikirwo—Mwari Ndiye Anosakisa Here?
“MWARI, chii chamaita kwatiri?”
Ikoko kwakanga kuri kuita kwakashumwa kwomupukunyuki uyo akanzvera ruparadziko rwakaunzwa nokuputika kweNevado del Ruiz yakafukidzwa nesinou muColombia pana November 13, 1985. Kuyerera kwamadhaka kwakavapo somuuyo kwakaviga guta rose reArmero ndokuuraya vanhu vanopfuura 20 000 muusiku humwe.
Kunonzwisisika kuti mupukunyuki wacho angaita nenzira iyoyo. Vasina betsero mukutarisana namasimba echisiko anotyisa, vanhu kuvambira munguva dzekaresa vakati zvinoitika zvine ngwavaira zvakadaro zvakaparirwa naMwari. Vanhu vakare vaiita zvipiriso, kunyange zvibairo zvavanhu, kuti vanyaradze vanamwari vavo vegungwa, denga, pasi, gomo, gomo rinoputika, uye mamwe manyuko engozi. Kunyange nhasi, vamwe vanongogamuchira zvavo muuyo wezvinoitika zvomusikirwo zvine ngozi sejambwa kana kuti chiito chaMwari.
Mwari anosakisa chaizvoizvo ngwavaira dzinounza kutambura kwakawanda kwazvo kwavanhu nokurasikirwa kupote nyika here? Iye ane mhosva here? Kuti tiwane mhinduro, tinofanira kusanonzvera chinobatanidzwa mungwavaira dzakadaro. Kutaura idi, tinofanira kunzverazve hwaro hwakarovedzeka.
Chii Chiri “Ngwavaira Yomusikirwo”?
Apo kudengenyeka kwapasi kwakarova Tangshan, China, uye mukuwirirana nemishumo yeChina yehurumende kwakauraya vanhu 242 000, uye apo Hurricane Andrew yakapinda muSouth Florida neLouisiana muUnited States ndokuparira mabhirioni amadhora mukuvadziko, ngwavaira dzomusikirwo dzakadaro dzakaita misoro mikuru yenhau yamarudzi ose. Bva, zvakadiniko kudai kudengenyeka kwapasi ikoko kwakanga kwarova muGobi Desert isingagarwi navanhu, makiromita 1 100 kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweTangshan, kana kuti zvakadini kudai Hurricane Andrew yakanga yatora nzira yakasiana uye yakanga yazvipedza imene mugungwa, ichipotsa nyika chose chose? Dzingadai dzisingatongoyeukwi zvino.
Nenzira yakajeka, ipapoka, apo tinotaura nezvengwavaira dzomusikirwo, hatisi kungotaura zvedu nezveratidzirwo dzinoshamisa dzamasimba omusikirwo. Gore riri rose kune zviuru zvokudengenyeka kwapasi, kukuru nokuduku, uye madutu mazhinji, kuputika kwamakomo, uye zvimwe zvinhu zvamasimba masimba izvo zvinongova hazvo zviverengero zvakanyorwa mubhuku rakati rechinyorwa. Zvisinei, apo zvinoitika zvakadaro zvinoparira ruparadziko rukuru rwoupenyu nezvinhu uye kuvhiringidzwa kwoupenyu hwenguva dzose, zvinova ngwavaira.
Kunofanira kucherechedzwa kuti kuvadziko nerasikirwo inovapo somuuyo nguva dzose hazviwirirani namasimba omusikirwo anobatanidzwa. Ngwavaira hurusa haisati ichingoparirwa zvayo neratidzirwo ine simba zvikurusa yamasimba omusikirwo. Somuenzaniso, muna 1971 kudengenyeka kwapasi kunoyera 6,6 pachikero cheRichter kwakarova San Fernando, California, United States, uye kwakauraya vanhu 65. Gore rimwe gare gare kudengenyeka kwe 6,2 muManagua, Nicaragua, kwakauraya vanhu 5 000!
Nokudaro, apo kunouya kukuparadza kunowedzera kwengwavaira dzomusikirwo, tinofanira kubvunza, kuti, Ko zvinhu zvomusikirwo zvava zvamasimba masimba zvikuru here? Kana kuti ko zvinhu zvavanhu zvakaparira chinetso chacho here?
Ndiani Anosakisa?
Bhaibheri rinozivisa Jehovha Mwari soMusiki Mukuru wezvinhu zvose, kubatanidza masimba omusikirwo apasi rino. (Genesi 1:1; Nehemia 9:6; VaHebheru 3:4; Zvakazarurwa 4:11) Ikoku hakurevi kuti iye anoparira kufamba kuri kwose kwemhepo kana kuti kunaya kwemvura kuri kwose. Panzvimbo pezvo, iye akaita kuti mitemo yakati ishande iyo inodzora pasi nemhoteredzo yaro. Somuenzaniso, pana Muparidzi 1:5-7, tinorava pamusoro pokutatu kwokushanda kukuru uko kunoita kuti upenyu pasi pano hubvire—kubuda kwezuva nezuva nokuvira kwezuva, mutoo usingachinji wemhepo, uye kutenderera kwemvura. Kana rudzi rwomunhu ruchiziva nezvako kana kuti kwete, kwezviuru zvamakore iyi miitiro yomusikirwo, uye mimwe yakafanana nayo, inobatanidza mugariro wokunze, kudzidza pamusoro papasi, uye kudzidza zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo yapasi yakashanda. Kutaura idi, munyori waMuparidzi akanga achidanira ngwariro kumusiano mukuru uri pakati penzira dzisingashinji nedzisingagumi dzechisiko norudzi rupfupi norwechinguvana rwoupenyu hwavanhu.
Jehovha haasati achingova bedzi Musiki wamasimba omusikirwo asi iye anewo simba rokuadzora. MuBhaibheri rose tinowana nhauro dzokudzora kwaJehovha kana kuti kushandisa masimba akadaro kuti aite donzo rake. Iwaya anobatanidza kuparadzaniswa kweGungwa Dzvuku muzuva raMosesi nokumiswa kwezuva nomwedzi munzira dzazvo mumatenga munguva yaJoshua. (Eksodho 14:21-28; Joshua 10:12, 13) Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari naMesia akapikirwa, akaratidzirawo simba rake pamasimba omusikirwo, somuenzaniso, saapo akanyaradza dutu paGungwa reGarirea. (Marko 4:37-39) Nhauro dzakafanana naidzodzi hadzisiyi panikiro yokuti Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vanogona kudzora zvizere zvose zvinotapura upenyu pano pasi pano.—2 Makoronike 20:6; Jeremia 32:17; Mateo 19:26.
Ikoko zvakwakadaro, tinogona here kuti Mwari anosakisa kuvadziko yakawedzerwa noruparadziko izvo zvakabva mungwavaira dzomusikirwo mumisi ichangobva kupfuura iyi? Kuti tipindure uyu mubvunzo, tinofanira kutanga kurangarira kana pane ufakazi hwokuti masimba echisiko akava misi ichangobva kupfuura iyi ane masimba masimba zvinoshamisa zvikuru, zvichida kunyange asingadzorwi.
Muna ikoku, cherechedza izvo bhuku rinonzi Natural Disasters—Acts of God or Acts of Man? rinotaura: “Hakuna ufakazi hwokuti kushanda kwomugariro wokunze kunobatanidzwa nokusanaya kwemvura, mafashamo namadutu kuri kuchinja. Uye hakuna nyanzvi yokudzidza mugariro wapamusoro papasi inotaura kuti kufamba kwapasi kunobatanidzwa nokudengenyeka kwapasi, makomo anoputika netsunami (kunzwika kwokudengenyeka kwapasi) zviri kuva zvamasimba masimba zvikuru.” Nenzira yakafanana, bhuku rinonzi Earthshock rinoti: “Mabwe enyika iri yose ane chinyorwa chezvinoitika zvikuru zvisingaverengeki nezviduku zvomugariro wapamusoro papasi, chiri chose chazvo chaizova ngwavaira ine ngozi kurudzi rwomunhu kana zvikaitika nhasi—uye ndokwechokwadi mune zvesaenzi kuti zvinoitika zvakadaro zvichaitika zvaitikazve munguva yemberi.” Namamwe mashoko, pasi namasimba aro makuru zvakadokuramba zviri zvimwe chetezvo mumazera ose. Nokudaro, kana zviverengero zvichiratidzira wedzero yezvimiro zvokushanda kwomugariro wapamusoro papasi kana kuti kumwe, pasi harina kuva namasimba masimba zvisingadzorwi munguva dzazvino.
Chii, ipapoka, chinotsanangura wedzero muuzhinji nokuparadza kwengwavaira dzomusikirwo dzatinorava pamusoro padzo? Kana masimba echisiko asina mhosva, chigunwe chemhaka chinoratidzika kuva chinonongedzera kuvanhu. Uye, zvamazvirokwazvo, zviremera zvakaziva kuti mibato yavanhu yakaita kuti mhoteredzo yedu ive zvose zviri zviviri isingatani kutapurwa nengwavaira dzomusikirwo uye inotapurwa nadzo. Mumarudzi ari kubudirira, kudikanwa kunokura kwezvokudya kunomanikidzira varimi kunyanyorima munda wavanavo kana kuti kuti kuita munda kupfurikidza nokubvisa sango rinokosha rinofukidza. Ikoku kunotungamirira kukukukurwa kwevhu kwakakomba. Chiverengero chavagari vemo chinokura chinokurumidzisawo kukura kwenzvimbo dzinogara vanhu vakawandisa nezvitangwena zvakavakwa pose pose munharaunda dzisina kuchengeteka. Kunyange mumarudzi akabudirira zvikuru, vanhu, kufanana namamirioni anogara muSan Andreas Fault muCalifornia, vakazviratidzira vamene kungozi pasinei zvapo nenyevero dzakajeka. Mumigariro yakadaro, apo chinoitika chechienzi—dutu, mafashamo, kana kuti kudengenyeka kwapasi—chinoitika, ko muuyo une ngwavaira unogona chaizvoizvo here kunzi “womusikirwo”?
Muenzaniso wakanaka kusanaya kwemvura muAfrican Sahel. Tinowanzofunga nezvokusanaya kwemvura sokushaikwa kwemvura, kuchitungamirira kunzara, kuziya nenzara, uye rufu. Asi nzara huru nokuziya nenzara zviri munharaunda iyoyo zvinongova chete nemhaka yokushaikwa kwemvura here? Rinoti bhuku rinonzi Nature on the Rampage: “Ufakazi hwakaunganidzwa namasangano esaenzi naanobetsera hunoratidzira kuti nzara yanhasi inopfuurira kwete zvikuru kwazvo ichibva mukusanaya kwemvura kurefu somukushatiswa kurefu kwenyika namanyuko emvura. . . . Kuitwa renje kunopfuurira kweSahel zvikurukuru chinhu chinosakiswa nomunhu.” Pepanhau reSouth Africa, The Natal Witness, rinoti: “Nzara haisati iri pamusoro pokushaikwa kwezvokudya; iri pamusoro pokusawana zvokudya. Namamwe mashoko, iri pamusoro pourombo.”
Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezverwakawanda zvikuru rworuparadziko runobva mudzimwe ngozi. Fundo dzakaratidza kuti marudzi ane urombo zvikuru anotambura mwero yakakwirira zvikuru kwazvo yorufu inobva mungwavaira dzomusikirwo kupfuura zvinoita marudzi akapfuma zvikuru enyika. Somuenzaniso, kuvambira muna 1960 kusvikira muna 1981, mukuwirirana neimwe fundo, Japan yakava nokudengenyeka kwapasi 43 nedzimwe ngwavaira nokurasikirwa noupenyu 2 700, kuchiita avhareji yenzufu 63 pangwavaira. Munhambo imwe cheteyo, Peru yakava nengwavaira 31 nenzufu 91 000, kana kuti 2 900 pangwavaira. Neiko pakava nomusiano? Masimba omusikirwo angave akagovera zvisakiso, asi mubato wavanhu—wenzanga, wezvemari, wezvamatongerwe enyika—unofanira kuva chisakiso chomusiano mukuru murasikirwo youpenyu noruparadziko rwezvinhu zvakavapo.
Chii Chiri Mhinduro?
Masaendisiti nenyanzvi vakaedza kwamakore akawanda kuita nzira dzokugonana nadzo nengwavaira dzomusikirwo. Ivo vanoongorora pasi mupasi kuti vatsvake kunzwisiswa kwokushanda kwokudengenyeka kwapasi nokuputika kwamakomo. Nezvitundu mutsere mutsere ivo vanocherechedza mitoo yomugariro wokunze kuti varonde nzira dzamadutu kana kuti kudeya kutaura mafashamo nokusanaya kwemvura. Nzvero yose iyoyi yakavapa mashoko ayo vanokarira kuti achavagonesa kuderedza simba raaya masimba omusikirwo.
Ko nhamburiko dzakadaro dzakabudirira here? Pamusoro porudzi urwu rwechiito runodhura, rwounyanzvi zvikuru, rimwe sangano rinonzvera rinoti: “Izvozvi zvine nzvimbo yazvo. Asi kana zvikapedza mwero usina kuenzana wemari nenhamburiko—kana zvikabatira sepembedzo yokufuratira ngozi dzakavakirwa muzvaunga zvavanyajambwa iyo inoita kuti ngwavaira dzive dzakaipa zvikuru—ipapo idzo dzinogona kukuvadza zvikuru.” Somuenzaniso, nepo kuchibetsera kuziva kuti delta iri mumhenderekedzo yegungwa yeBangladesh inotyisidzirwa nguva dzose namafashamo namasaisai, zivo iyoyo haisati ichidzivisa mamirioni avaBangladesh kumanikidzirwa kugara imomo. Muuyo wacho ingwavaira dzinodzokororwa nenzufu dzinopinda mumazana ezviuru.
Nenzira yakajeka, mashoko ounyanzvi anogona kuva anobetsera bedzi kusvikira papfundo rakati. Chimwe chinhu chinodikanwa mano okuderedza dzvinyiriro idzo dzinosiya vanhu vane chisarudzo chiduku kunze kwokugara munharaunda dzine ngozi zvikuru kana kuti kugara munzira dzinoparadza mhoteredzo. Namamwe mashoko, kuderedza kuvadziko inoitwa nezvinhu kungada kuumbwazve kwegadziriro yenzanga, yemari, uye yezvamatongerwe enyika matinogara. Ndianiko anogona kuita basa rakadaro? Uyo bedzi anogona kudzora kunyange masimba anotanga ngwavaira dzomusikirwo.
Mabasa aMwari Ari Mberi
Jehovha Mwari haasati achizobata chete nezviratidzo asi achasvika pachisakiso chikuru chenhamo yavanhu. Iye achagumisa masangano ane makaro naanodzvinyirira ezvamatongerwe enyika, ezvokutengeserana, uye orudzidziso ayo “akatonga munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Munhu upi noupi akarovedzana neBhaibheri haasati achizokundikana kucherechedza kuti mumapeji aro ose mune uporofita hwakawanda hunonongedzera kunguva apo Mwari achaita chiito chokubvisira pasi uipi nokutambura ndokudzorera paradhiso yapasi yorugare nokururama.—Pisarema 37:9-11, 29; Isaya 13:9; 65:17, 20-25; Jeremia 25:31-33; 2 Petro 3:7; Zvakazarurwa 11:18.
Izvozvo, chaizvoizvo, ndizvo izvo Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake vose kunyengeterera, ndiko kuti, “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, pasi panowo.” (Mateo 6:10, NW) Umambo hwaMesia huchabvisa ndokutsiva kutonga kwose kwomunhu asina kukwana, seizvo muporofita Dhanieri akadeya kutaura, kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Chii icho Umambo hwaMwari huchaita icho marudzi nhasi asingagoni? Bhaibheri rinogovera rumbonera runofadza rweizvo zvichauya. Panzvimbo pemigariro inoratidzirwa paaya mapeji, zvakadai senzara nourombo, “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo;” uye “miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo.” (Pisarema 72:16; Ezekieri 34:27) Pamusoro pemhoteredzo yomusikirwo, Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo; richatumbuka seruva. . . . Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura.” (Isaya 35:1, 6, 7) Uye hondo hadzisati dzichizovapozve.—Pisarema 46:9.
Kuti Jehovha Mwari achaita sei kwose ikoko, uye kuti achabata sei namasimba ose omusikirwo zvokuti haasati achizovazve chisakiso chekuvadziko ipi neipi, Bhaibheri haritauri. Chiri chechokwadi, zvisinei, ndechokuti vose vanogara muhurumende iyoyo yakarurama “havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.”—Isaya 65:23.
Mumapeji emagazini ino, pamwe chete nomuzvimwe zvinyorwa zveWatch Tower Society, Zvapupu zvaJehovha zvakaonesa zvaonesazve kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa mudenga mugore ra 1914. Munhungamiro yoUmambo ihwohwo, uchapupu hwenyika yose hwakapiwa kwaanodokusvika makore 80, uye nhasi tiri pedyo ne“matenga matsva nepasi idzva” zvakapikirwa. Rudzi rwomunhu ruchasunungurwa kwete bedzi mukuparadza kwengwavaira dzomusikirwo asiwo mumarwadzo ose nokutambura izvo zvave zvichitambudza dzinza romunhu kwezviuru zvitanhatu zvamakore zvapfuura. Nezvenguva iyoyo kunogona zvirokwazvo kunzi, “zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:4, NW.
Zvakadini, kunyanguvezvo, pamusoro pazvino? Mwari ave achiita nokuda kwaavo vari munhamo nemhaka yemigariro yomusikirwo kana kuti mimwe here? Zvamazvirokwazvo ave ari asi kwete hazvo munzira iyo vanhu vazhinjisa vangakarira.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Mibato yavanhu yakaita kuti mhoteredzo yedu ive inotapurwa zvikuru nengwavaira dzomusikirwo
[Kwazvakatorwa]
Laif/Sipa Press
Chamussy/Sipa Press
Wesley Bocxe/Sipa Press
Jose Nicolas/Sipa Press