Zvirevo zveZulu—Zvinopa Nzwisiso Pamusoro peAfrica
RUDZI rweZulu, runogara mumabvazuva ari pedyo nenyika dzinopisa zvikuru dzeSouth Africa, rwakagara nhaka yezvirevo zvinofadza zvinomirira zvifundo zvoupenyu munzira yechiAfrica. Sezvo mombe dzinodiwa dzamaZulu dzichiita rutivi runokosha muupenyu hwavo, hakusati kuchishamisa kuti ikoku kunoratidzirwa mukutaura kwavo kuzhinji.
Rangarira, somuenzaniso, kuti muZulu angarondedzera sei muuyo apo vanatenzi vaviri vangaedza kutarisira imba imwe. Ikoko kwaizova kune ngozi so‘kupinza mikono miviri mudanga rimwe.’ (Akukho zinkunzi zahlala ndawonye.)
Uye kutaura nezvemombe, kunhuwa kwakakasharara kwokutsva kwenyanga mumwoto womumaruwa hakufadzi zvikuru kwazvo kuna vose vari munzvimbo iri pedyopo. Naizvozvo, kureva nezvemukakavari nomupopoti, mumwe munhu angati: “Maiwe-e, hoyo wopisazve nyanga.” (Ushis’ uphondo.)
Kutakura mutoro wako umene muupenyu kunorangarirwa kuva vara rinoshuviwa navanhu vazhinjisa. MaZulu haasiiwi. Naizvozvo, mutana akachenjera angati: “Unofanira kunangana nemitoro yako zvakaenzanirana, nokuti ‘hakuna nzou inoremerwa zvikurusa nomusinga wayo.’” (Akundlovu yasindwa umboko wayo.)—Enzanisa naVaGaratia 6:5.
Kana munhu akasangana nechipembere china masimba masimba munharaunda yerenje, muti wokukwira ungava chinoisvobetsera. Nokudaro, chirevo chinoti: “Usataure nezvechipembere kana pasina muti uri pedyopo!” (Ungakhulumi ngobhejane kungekho sihlahla eduze.) Nyevero yechirevo iri pachena.
Nomufungo wakafanana, kuedza kutarisira zvinhu zvakanyanyowandisa panguva imwe chete kunogona kurwisana nokuita zvibereko. “Haungagoni kutandanisa ngwarati mbiri panguva imwe chete,” anodaro maZulu. (Ungexoshe mpalambili.) Munhu upi noupi akaedza kuita ikoku achaziva kuti sezvaunorereudzira masimba ako pangwarati imwe, imwe yacho iri kubatikana nokutiza. Chii chiri chifundo? Tarisira chinhu chimwe panguva yakati.
Usindimari husina mufungo hunowanzorundumwarirwa navanhu vazhinjisa. MaZulu ane nzira yakarovedzeka yokupeta nayo munhu akadaro akaoma musoro pavanoti: “Achingunoveri anobikwa, dombo rakanga richibikwawo, uye ibwe rakatanga kuibva.” (Kwaphekwa yena kwaphekw’ itshe, kwavuthw’ itshe kuqala.)
Kunyange zvazvo zvisina kufuridzirwa nomutoo woumwari sezvirevo zvinowanwa muBhaibheri, zvizhinji zveizvi zvirevo zvinoratidzira mipimo yakanaka inobetsera kuti tibudirire muupenyu.—Zvirevo 1:5, 6.
[Mufananidzo uri papeji 32]
MUTI 10 KM