RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 10/8 pp. 25-27
  • Guta romuAfrica Rinosangana vokuMabvazuva nevokuMadokero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Guta romuAfrica Rinosangana vokuMabvazuva nevokuMadokero
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Mazano Anotibatsira Kuti Tifare Muupenyu
    Mukai!—2021
  • Zvirevo zveZulu—Zvinopa Nzwisiso Pamusoro peAfrica
    Mukai!—1992
  • Dambudziko Remvura—Chii Chiri Kuitwa Kurigadzirisa?
    Mukai!—2009
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 10/8 pp. 25-27

Guta romuAfrica Rinosangana vokuMabvazuva nevokuMadokero

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

KUFAMBA mumugwagwa womuDurban kunoita kuti uone zvinhu zvinonakidza! Uchaona kuti vakawanda vanopfeka mbatya dzevanhu vokuMadokero, kunyanya vechiduku. Asiwo, cherechedza vakadzi vechiZulu vati kurei vakapfeka marokwe avo marefu, ane mwero uye misoro yavo yakashongedzwa nemadhuku akaisvonaka. Kunewo vakadzi vokuIndia vakapfeka masari avo kana kuti rokwe nomudhebhe zvokuPunjab. Sezvaunosvika kumahombekombe, zvichida uchawana varume vechiZulu vakapfeka zvipfeko zvakaoma kunzwisisa vachidhonza zvingoro. Chokwadi, Durban iguta romuAfrica rakasiyana nemamwe iro vokuMabvazuva vanosangana nevokuMadokero. Nhoroondo yeguta iri rine zvinonakidza yakamira sei?

Guta romuSouth Africa reDurban rave richigarwa kwemakore asingasviki mazana maviri. Vanhu 40 vakabva kuEurope vakagara imomo muna 1824. Panguva iyoyo umambo hwaive nesimba hwevaZulu hwaitungamirirwa naShaka, mambo wavo aiva murwi, hwakanga huri nechokumusoro kweDurban. Makore makumi maviri gare gare, Durban nedzimwe nzvimbo dzomukati zvakapambwa neBritain. Hondo dzakawanda pakati pevabvakure ava nevaZulu dzakarwiwa muzana remakore rechi19.

Panguva iyoyo, vaRungu ava vanobva kure vakaona kuti nzimbe dzaikura zvakanaka munzvimbo dziri mumhenderekedzo dzegungwa. Kuti minda yavo yenzimbe irambe ichirimwa, vakaronga kuti vashandi vabve kuIndia, imwe nyika yakanga yakapambwa nevanhu vokuBritain panguva iyoyo. Pakati pa1860 na1911, vanhu vokuIndia vanopfuura 150 000 vakauya kuDurban. Somugumisiro, nhasi nzvimbo dzakapoteredza Durban dzinogara vanhu vanopfuura mamiriyoni matatu vanoumbwa nevanhu vanobva kumativi matatu akasiyana epasi—vaZulu vemo, vokuAsia vakabva kuIndia, uye vanhu vokuBritain uye vokumadokero kweEurope.

Guta racho rine zvimwe zvinonakidza. Sezvinogona kuonekwa mumufananidzo uri munyaya ino, rine chiteshi chengarava chakadzivirirwa kuIndian Ocean nomudhadhadha wechikomo. Ichi chikomo chinokwezva chakareba mamita 90 uye chakafukidzwa nezvinomera. Zuva roga roga ngarava huru dzinopinda muchiteshi ichi chine dziviriro. Bhuku rinonzi Discovery Guide to Southern Africa rinotsanangura kuti Durban ine “chiteshi chengarava chikuru zvikuru uye chakabatikana zvikuru kupfuura zvimwe muAfrica, chichiiswa pechipfumbamwe pasi pose.” Vashanyi vanokwezverwa kumhenderekedzo dzeDurban dzakaisvonaka uye vanonakidzwa nemvura yemo inodziya. Kune nzvimbo dzakanaka dzokutambira mumafungu emvura, uye vanoshambira vanogona kunzwa kuchengeteka vari mumaneti akagadzirwa zvakanaka okudzivisa shark kusvika kune vanhu.

Vanoda Bhaibheri vane chikonzero chokuwedzera chokufarira guta racho. Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha, vakavhura hofisi yebazi imomo muna 1910. Zvadaro, muna April 1914 kokorodzano yokutanga muAfrica yeVadzidzi veBhaibheri yakaitwa muDurban. Vanhu 50 vakapinda, kusanganisira vanhu vakabva kumativi ari kure eSouth Africa. Pakokorodzano iyoyo yakaita mbiri, vanamati vatsva 16 vakabhabhatidzwa. Vakawanda vakapinda vakanga vari vaKristu vakazodzwa vakaramba vakatendeka kusvikira pakufa, kusanganisira William W. Johnston, akanga ari wokutanga kutungamirira hofisi yeBazi muAfrica.

Zvapupu zvaJehovha zvakaronga dzimwe kokorodzano muDurban kubvira muna 1914. Muna December 2000, vanokwana 14 848 vakapinda kokorodzano mbiri dze“Vaiti veShoko raMwari” dzakaitirwa muguta racho, uye vatsva 278 vakabhabhatidzwa. Funga nezveimwe mhuri pakati pedzakawanda dzechiIndia dzakapinda. Makore gumi adarika baba vacho, Alan, vakatanga kunzwa chokwadi cheBhaibheri kubva kumwanasikana wavo, Somashini. Alan akanga achiri kunaya pakurega kwaakanga aita udhakwa uye akanga achitsvaka chinangwa muupenyu. Somashini, akanga achingova nemakore matatu bedzi, akaunzira baba vake bhuku raakawana muimba yomuvakidzani wake. Musoro waro unoti, Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?, wakakurumidza kufarirwa naAlan. Akanakidzwa nezvaakaverenga uye akatanga kusonganira neZvapupu zvaJehovha. Nechikonzero chezvaakadzidza muBhaibheri, Alan akachata. Pasina nguva refu, mudzimai wake Rani akatanga kufarira uye kupindawo misangano yeZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo vaviri ava vaigara nevabereki vaRani, vanopinda imwe chechi yechiKristudhomu. Vabereki vacho vakatanga kurambidza vainge vachangochata ava kuti vasiye chitendero chavo chitsva ndokuvati: “Siyanai neZvapupu kana kuti budai mumba medu!”

Alan naRani vakasarudza kubva, kunyange zvazvo pokugara pakanga pakaoma kuwana. Shamwari dziri Zvapupu zvaJehovha dzakavabatsira kuwana nzvimbo yakanaka yokugara. Muna 1992, Alan naRani vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Vakaramba vachifambira mberi, uye nhasi Alan anoshanda somukuru muungano yechiKristu.

Pane ungano dzinopfuura 50 dzeZvapupu zvaJehovha munzvimbo dzakapoteredza guta reDurban. Dzakawanda dzacho dzinoumbwa nevanhu vechiZulu. Zvisinei, dzimwe ungano, zvikurukuru dziri pedyo nepakati peguta, dzinoumbwa nevanhu vechiZulu, vanhu vokuIndia, uye vanhu vakabva kuEurope. Kana ukashanyira mumwe wemisangano iyi, uchaona zvinodarika kuona vanhu vokuMabvazuva vachisangana nevokuMadokero. Zvichida Chapupu chomuAfrica chakapfeka zvemandorokwati chinenge chichitungamirira kana kuti chorudzi rwechiIndia kana kuti chakabva kuEurope. Asi chokwadi chiripo ndechokuti: Muvateereri uchaona uchapupu hwechokwadi hwokuti Bhaibheri rine simba rokubatanidza vanhu vemarudzi ose muushamwari hune rudo uye hunogara kwenguva refu.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Misangano yeUngano inounganidza vanhu vemarudzi ose pamwe chete

[Mufananidzo uri papeji 26]

Alan, Rani, nevana vavo

[Mufananidzo uri papeji 26]

Horo yomuguta reDurban

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Mifananidzo: Courtesy Gonsul Pillay

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe