RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 3/8 pp. 30-31
  • Mwari Ndichakavanzika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ndichakavanzika Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tinogona Kuziva Chinhu Chiri Chose Pamusoro paMwari Here?
  • Akavanzika Kwazvo Kupfuura Zviri Madikanwa Here?
  • Zvakavanzika—Chihedheni nechiKristu
  • Kunamata Mwari Muzvokwadi
  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Rutivi 1—Jesu Navadzidzi Vake Vakadzidzisa Dzidziso yoUtatu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mwari Utatu Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ihwo Idzidziso Yakajeka yeBhaibheri Here?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 3/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Mwari Ndichakavanzika Here?

“Chii chiri chakavanzika? Kutaurawo hakwo, chakavanzika izvokwadi iyo nenzira yomuzvarirwo yakaoma kunzwisisa kana kuti kubvumikisa. . . . Chii chiri chakavanzika chorudzidziso? Ndeimwe yezvokwadi dzaMwari dzatinosungirwa kudavira, kunyange zvazvo tisingagoni kuinzwisisa kana kuti kuibvumikisa. Ndezvipi zviri zvimwe zvakavanzika zvikuru zvorudzidziso? Izvozvi ndizvakavanzika zvoUtatu Hutsvene zvikurusa, chimiro chaMwari somunhu, uye Rudzikinuro.”—Abrégé de l’exposition de la doctrine chrétienne, 1901 (Abridged Explanation of Christian Doctrine)

ZVIRI pamusoro apa ndizvo izvo rimwe bhuku rakanyorwa pamavambo ezana ramakore rechi 20 rakapeta murangariro weChechi yeRoma Katurike pamusoro pezvakavanzika. Kupfuurirazve, Guide des difficultés de la foi catholique (Guide to Difficulties of the Catholic Faith, 1989) richangobva kubudiswa rinoratidza kuti mapfundo akadaro edzidziso achiri efariro kupfurikidza nokuti: “Hakusati kuri bedzi nemhaka yorukwezvo rwomunhu oga nokuda kwezvomene isinganzwisisiki nyore kuti muKristu anobvuma kuvapo kwechiverengero chakati chezvakavanzika muChitendero chorudzidziso. Kana achidavira mazviri, kuri chaizvoizvo pahwaro hweShoko raMwari.” Asi “Shoko raMwari” rinotiiko? Mwari ndichakavanzika here?

Tinogona Kuziva Chinhu Chiri Chose Pamusoro paMwari Here?

Bhaibheri rinotipa udzame huzhinji pamusoro paMwari soMunhu, pamusoro pamavara ake uye pamusoro pokubata kwake norudzi rwavanhu. Asi rinotsanangurawo kuti uchenjeri hwake noungwaru hazvinzwisiswi navanhu. Nokudaro, muporofita Isaya anotaura kuti nzira dzaMwari nemifungo zvakakwirira zvikuru kwazvo kupfuura izvo zvomunhu.—Isaya 55:8, 9.

Kusava nebviro yokuziva chinhu chiri chose pamusoro paMwari hakufaniri kutishamisa. Somuenzaniso, kunyange zvazvo zivo yedu yechisiko chapose pose ichiwedzera nguva dzose, vezvesayenzi vanobvuma kuti zvichida havasati vachizotongosvika pakunzwisisa chose chose zvakavanzika zvezvinhu zviduku zvikuru kana kuti zvakakura zvikuru. Naizvozvo chisikwa chipi nechipi chingagona sei kuziva chose chose udzame hwouchenjeri hwaMwari, iye uyo ari Musiki? Jobho akabvuma kuna Jehovha, kuti: “Ndakanga ndisinganzwisisi zvinhu zvinoshamisa zvikuru kwandiri, izvo ndisingazivi.” (Jobho 42:3, NW; enzanisa naVaRoma 11:33.) Nokudaro, zivo yakazara yaMwari, munzira dzakati, inopfuura kunzwisisa kwedu kwakaganhurirwa. Zvisinei, dzidziso dzamachechi mazhinji dzinopfuura miganhu yeidzi cherekedzo dzakapfava.

Akavanzika Kwazvo Kupfuura Zviri Madikanwa Here?

Enisaikoropidhia yeKaturike ichangobva kubudiswa Théo inoti: “Mudzidziso dzechechi, shoko rokuti chakavanzika rinogonawo kushandiswa kuizvo Mwari anozvizivisa amene pamusoro pake, somuenzaniso, pamusoro pokuvapo kwake kwoutatu.” Somuna mamwe mabhuku mazhinji edzidzo yaMwari, pfungwa isingapanikiriki inokudziridzwa pano ndeyokuti ‘sezvo zivo yaMwari iri yakavanzika chose chose, hakufaniri kutishamisa kuti Mwari Utatu uye kuti Utatu ihwohwu ndichakavanzika.’ Kurangarira kwakadaro kwakasanosimbiswa here?

Kutanga, mabhuku mazhinji anobvuma, sezvinoita The New Encyclopædia Britannica, kuti “shoko rokuti Utatu, kana kuti dzidziso chaiyo yakafanana nayo, hazviwaniki muTestamende Itsva.” Uyezve, nhau yeiyi dzidziso inoratidza kuti yakabatanidza mifungo mizhinji yakatorwa muuzivi hwechihedheni iyo yakanga yapinzwa muzvitendero zvechechi makumi amakore anoverengeka pashure porufu rwavaapostora. Naizvozvo, hapana chibvumikiso chakasimba chokuti chakavanzika choUtatu chakavakirwa paBhaibheri.a

Funga nezveizvi: Sezvo kusingabviri kuziva chinhu chiri chose pamusoro paMwari, kwaizova nomufungo here kuti Jehovha avanze kuzivikanwa kwake amene? Aiwa, iye anoshuva kuti vanhu vose vamuzive. (Johane 17:3; enzanisa naVaHebheru 8:11.) Uye kwaizova nomufungo here kuti avo vanoda zvirokwazvo kumufadza vavanze kuzivikanwa kwake? Kuenzanisira: Kana banza bedzi iro munhu anaro rokuona nzvimbo yakaisvonaka yenyika riri kupfurikidza nefafitera, kwaizova kuchenjera here kuisa mhute pafafitera racho, uchiti: ‘Ringadzikatidzwawo nemhaka yokuti hatisiri hedu kuona udzame hupi nohupi?’ Chokwadika kwete! Bhaibheri nomufungo wakanaka zvinoratidza kuti kuziva kwedu Mwari hakusati hakwo kwakaganhurirwa. Asi iyi miganhu haitongoruramisi ichichinjira kuziva kwedu Mwari mudzidziso yakavanzika, yakadai soUtatu, iyo inobatira bedzi kuvhiringidza kumunzwisisa kwedu.

Zvakavanzika—Chihedheni nechiKristu

Uyezve, apo shoko rokuti “chakavanzika” rinooneka muMagwaro, harina revo ye“zivo yakavanzika,” sezvo kazhinji kazhinji richinzwisiswa. Sokutiyeuchidza nenzira yakarurama kunoita Théo: “Shoko rokuti chakavanzika harina pfungwa yakafanana pano. Nokuda kwamaKristu rinoreva chimwe chinhu icho kazhinji kazhinji chakavanzika kana kuti chisinganzvereki, asi kuti Mwari anoda kutaura kwaari . . . uye kuaita kuti awane ruzivo rwokuzviwanira.”

Shoko rechiGiriki rokuti my·steʹri·on (“chakavanzika,” kana kuti “chakavanzika chinoyera”) rakashandiswa kane 20 nomuapostora Pauro mumufungo wakati. Akarishandisa mukunongedzera kuchakavanzika chinoyera icho chakanga chakavanzwa kwenguva refu asi icho Mwari akazivisa apo Iye akatuma Jesu kupasi. Jesu Kristu, Muponesi worudzi rwomunhu, akanga ari rutivi rukuru rwe“mbeu” yakapikirwa iyo Mwari aizoshandisa kudzikinura rudzi rwomunhu, Uyo ‘kupfurikidza naye marudzi ose apasi aizokomborerwa naye amene’ uye aizova navadyi nhaka pamwe chete naye mumatenga. (Genesi 3:15; 22:18; VaRoma 8:17) Aya maidi akavanzwa, kana kuti akavanzika, akanga akavanzwa kuvabatiri vaMwari vapamberi pechiKristu asi akaziviswa naJehovha panguva yakafanira. (VaEfeso 1:9; VaKorose 1:26) Nenzira inofadza, iyi zivo haina kuchengetwa nokuda bedzi kwavashomanene vakasarudzwa—somuchinoitika chezvakavanzika zvorudzidziso mumarudzidziso akati—asi inofanira kuziviswa kuvanhu vazhinji zvikuru savangabvira pasina musiano.—VaEfeso 6:19, 20.

Kunamata Mwari Muzvokwadi

Bhaibheri rine mashoko akakwana okuti tinamate Mwari munzira inogamuchirika kwaari. Risingatongodzidzisi Utatu, rinozivisa zvakajeka ukuru hwaJehovha nenzvimbo yakaderera yaJesu. Somuenzaniso, Jesu akati: “Baba vakuru zvikuru kupfuura zvandiri.” (Johane 14:28, NW; 1 VaKorinte 15:28) Bhaibheri rinoratidzirawo kuti mudzimu mutsvene isimba rinobata basa raMwari, iro rinotungamirira vabatiri vake vakatendeka.—Mabasa 2:1-4.

Pakutaura nomukadzi weSamaria, Jesu akaratidza kuti kuti mumwe munhu afadze Mwari, iye anofanira kuMunamata “nomudzimu nezvokwadi.” Iye akawedzera kuti “Baba vanotsvaka vakadaro kuzovanamata.” (Johane 4:21-24, NW) Mutoro womumwe nomumwe wedu kutsvaka iyi zivo yakarurama iyo ichatiunzira zvikomborero kana tikatsamira paShoko raMwari panzvimbo pokugamuchira magamuchidzanwa akaitwa navanhu, akavanzika ayo anorifumura.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona bhurocha raUnofanira Kudavira Utatu Here?, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 1989.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

All rights reserved

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe