RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 5/8 pp. 11-12
  • Vaenzi—Unogona Sei Kuvabetsera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaenzi—Unogona Sei Kuvabetsera?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tirangarirei Sezvatiri
  • Yamuro Inoshanda
  • Mumwe Munhu Wokutsamira Paari
  • Vaenzi—Vanogona Sei Kugonana Nechinjo?
    Mukai!—1992
  • Vaenzi—Chinetso Chenyika Yose
    Mukai!—1992
  • Kubatsira Vana ‘Vevatorwa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Vaenzi—Neiko Vachitama?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 5/8 pp. 11-12

Vaenzi—Unogona Sei Kuvabetsera?

MUTAPI wenhau Günter Wallraff akazvipfekedza amene somushandi weTurkey ndokushanda munzvimbo inogadzirwa simbi yeGermany. Paakazivisa zvaakawana pamusoro pokubatwa kwavashandi vokumwe, kana kuti vaenzi, voruzhinji vakava zvose zviri zviviri vakakatyamadzwa navakatsamwiswa. Akatsigira nhau nenhau yorusaruro chairwoirwo nokufungira mano akaipa kwakashata kwainangidzirwa pavashandi vokumwe. Mune chimwe chinoitika, iye akapupurira vashandi veTurkey vachirairwa kushanda munharaunda ine ngozi pasinei hapo namabhero anoridzwa munguva yekurumidziro namagetsi matsvuku anoramba achipfuta achidzima. Apo mumwe murume akatyiswa uye akada kubva munharaunda yacho, akatyisidzirwa nokurasikirwa nebasa rake.

Chinoitika chaWallraff chinoratidzira zvakajeka mugariro wakaoma wavatami. Sezvo vagari vemo vanonzwira urombo vanosvika pakuziva zvikuru zvinetso izvo vokumwe vanotarisana nazvo, vazhinji vanoshaya chavanogona kuita kubetsera mutami nemhuri yake.

Tirangarirei Sezvatiri

Dzivisa kufungira mano akaipa. Hakuna chinokurumidza zvikuru kuumba rusvingo rwefungira mano nokusashivirira pakati pavagari vemo vomunzvimbomo nomuenzi kupfuura zvinoita bata kumeso yokufungira mano akaipa. “[Tsika] dzinomirira zvakashata murangariro wedu wokuti vamwe vanhu vanoita sei zvinhu, zvikurukuru apo nzira dzavo dzinosiana . . . nemipimo yedu inogamuchirika,” anodaro munyori Ben Levitas mubhuku rake rinonzi Tribal Life Today. Iye anotaura kuti iyi misiano “kazhinji kazhinji inotitungamirira kukuva vanotsoropodza nzira iyo vamwe vanoita nayo.” Helen, mumwe mutami weKorea ari muCanada, anoyeuka zvakajeka zuva iro mudzidzisi wake akamupopotera nehasha nokuda kwokukundikana kuita basa iro kirasi yakanga yakumbirwa kuita. “Haana kuziva kuti ndaisagona kumunzwisisa,” anodaro Helen, uyo akanzwa akuvadzwa zvikuru panguvayo.

Kusanzwisisana nemifungo yapachine nguva mberi pamusoro pamamwe marudzi kazhinji kazhinji zvakavakirwa pafungidziro panzvimbo peidi. Vanyori Mildred Sikkema naAgnes Niyekawa-Howard mubhuku ravo rinonzi Cross-Cultural Learning & Self-Growth, vanotaura nezvomumwe purofesa weAmerica uyo akaedza vadzidzi vake vatsva vokumwe kupfurikidza nokuvaudza jee. Ipapo aizotarira kuona kuita kwavo. Kana vakakundikana kuseka, vadzidzi vacho vaizoendeswa kamwe kamwe kumakirasi echiNgezi. “[Purofesa wacho] haana kuratidzika seaiziva,” vanodaro vanyori vacho, “kuti kunzwisisa jee reAmerica kunoda kurovedzana netsika yeAmerica pamwe chete nomutauro . . . Icho vanhu vanobva kune imwe tsika vangarangarira kuva chinosetsa chingava chinonzwisiswa na[vamwe] sechenhando.” Zviito zvakadaro zvamaune zvikuru zvavagari vemo zvinoratidzira kusava nouchenjeri mukubata navaenzi.

Kana ukagamuchira muenzi nenzira yaari bedzi, usina fungira mano akaipa, iye achakuonga nokuda kwako. Nzira yakadaro iri mutsinhirano nenheyo inotungamirira yakataurwa naJesu: “Unofanira kuda . . . muvakidzani wako sewe umene.” (Ruka 10:27, NW) Yasushi Higashisawa, gweta riri muTokyo, Japan, iro rine zvakawanda zvokuita navaenzi, rinorumbidza kuti “onano dzapedyo navanhu vedzimwe tsika mushonga wakanakisisa wefungira mano akaipa.” Urwu rudzi rweonano runogonesa mutami kubetserwa mudzimwe nzirawo zhinji.

Yamuro Inoshanda

Kune zvakawanda izvo wokumwe anoda kuziva pamusoro penyika yake itsva—mawanire aangaita imba, kudzidza mutauro, kuendesa vana kuchikoro, kushandisa mabasa outano neenzanga. Unogona kumuponesa pachinetso chisiri madikanwa zvikuru nenhamburiko kupfurikidza nokugoverana naye zvaunoziva.

Somuenzaniso, unogona kubetsera wokumwe kunongedzera vamiririri kana kuti masangano izvo zvichamubetsera kuchinjira kumutauro netsika here? Kana kuti unogona zvichida kuperekedza mukadzi wokumwe panzendo dzake shomanene dzokutanga dzokundotenga kumubetsera kuziva zvokudya nezvinhu zvomumba here? Zvakadiniko nokupa pangiro kumhuri yavatami iri kupinda kazhinji kazhinji nomukuchengeta mitemo kwakaoma pamusoro pomugariro wavo wapamutemo, kuwana basa, kuzadza mafomu emitero, uye zvakafanana?—Ona mashoko omuzasi ari mubhokisi.

Mumwe Munhu Wokutsamira Paari

Nguva dzose kunobetsera kuzvibvunza umene, kuti: ‘Kudai ndakanga ndiri mune imwe nyika, ndaizoda kubatwa sei?’ “Zvinhu zvose . . . izvo munoda kuti vanhu vakuitirei, imiwo munofanira kuita zvakafanana kwavari,” anodaro Jesu mukuti Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe kwakakurumbira. (Mateo 7:12, NW) Kuva neshamwari yokutsamira pairi kupfurikidza nechinoitika chinoedza chokugadziridza nokugamuchira ibetsero iyo vaenzi vazhinji vangaonga. Mutsa wakadaro wavagari vomunzvimbomo unounza betsero dzakafanana. Imwe nheyo yeBhaibheri inoti: “Mune mufaro mukuru mukupa kupfuura uri mukugamuchira.”—Mabasa 20:35, NW.

Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, chipo chikuru chaunogona kupa kumuenzi ikariro youhama hwakabatana. Uchadokuva zvamazvirokwazvo anokwanisa kuwana mamwe mashoko anovaka akatsikirirwa okugoverana naye mumutauro wake womuzvarirwo.

Chokwadika, mutoro wokutama kunobudirira zvikurukuru une muenzi. Asi nokudeya kufunga kuduku, pane zvakawanda zvaunogona kuita kumuita kuti anzwe akasununguka, nokudaro uchibvumira chinoitika chokutama kusava nhamo, kunyange chinogutsa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“Tinofunga kuti vanhu veimwe tsika . . . vanoona, vanonzwa, uye vanofunga sezvatinoita. . . . Kusanzwisisa kukuru kunoparirwa nokufungidzira kuti zviito zvedu timene ndezvavose.”—Cross-Cultural Learning & Self-Growth

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Akati mumwe mudzidzi pashure pokupedzera nguva ari pachitsuwa cheGuam: ‘Ndazova anoshivirira zvikuru nezvenzira itsva kana kuti dzakasiana dzokuita nadzo zvinhu.’—Cross-Cultural Learning & Self-Growth

[Bhokisi riri papeji 12]

Unogona kubetsera wokumwe . . .

▶ kugaramo kupfurikidza nokuva muvakidzani ane mutsa

▶ kubata navakuru vakuru achingunonyoresa pamutemo kuvamo kwakea

▶ kuzadza mafomu emiterob

▶ kuonana namasangano anodzidzisa tsika dzomunzvimbomo nomutauro

▶ kuwana pokugara

▶ kushandisa mabasa ezvokurapa neenzanga

▶ kuendesa vana kuchikoro

▶ kutenga zvinhu zvinodikanwa pamitengo yakarurama

▶ kuwana basa

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe nyika, dzakadai seGermany, dzine mitemo yorumano pamusoro pokuti ndiani anogona kupa zano panhau dzapamutemo, dzokutama, uye dzomutero. Iyoyi inofanira kunzverwa pamberi pokupa betsero ipi neipi kuvaenzi pamusoro pomugariro wavo wapamutemo.

b Dzimwe nyika, dzakadai seGermany, dzine mitemo yorumano pamusoro pokuti ndiani anogona kupa zano panhau dzapamutemo, dzokutama, uye dzomutero. Iyoyi inofanira kunzverwa pamberi pokupa betsero ipi neipi kuvaenzi pamusoro pomugariro wavo wapamutemo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe