Chimwe Chinhu Chiri Nani Zvikuru Kupfuura Chimwe Chinhu Chapachena
VANENGE vabhejeri vose vanoguma nokuva varombo zvikuru kupinda pavakanga vasati vatanga kubhejera. Kazhinji kazhinji, kunyange vashomanene vanowina zvitsama zvikuru vanowana kuti kuwina kwavo hakusati kuri kwokuwana nakwo mufarwa.
Tsvimborume yezera ramakore 36 muJapan yakawina $225 000 murotari. Akarangarira kutenga imba nemari yokuwina kwake, asi akava nyaya yegodo guru kwazvo nokureviwa makuhwa zvokuti akasarudza kuti yakanga isina kukufanira. Kukutyamadzwa kwavashandi biyake, iye akapisa tiketi rake vakamutarira.
Mapurisa muFlorida akasunga mukadzi uyo, pasinei hapo nokuve akawina mamirioni $25 000 murotari, akaita bangano rokuuraya muroora wake. Mwanakomana wake akataura kuti akanga ave kupengereka nemhaka yemari yakashata uye kupambadza kwokunyanyisa kwakanga kwapedza mari yake.
Murasikirwi Akava Muwini
Domingo akanga ari mubhejeri akapindwa muropa uye baba wavana vashanu. Anotsanangura kuti: “Kana ndawina, kwakanga kwakaipisisa. Ndaifunga kuti ndakanga ndichinge ndiri munhu wesimba namano zvechienzi, uye ndaisagona kumirira kudzokera kumatafura okubhejera kuti ndibvumikise kuti kwakanga kusati kuri bviro yenguva imwe chete.
“Apo uku kudzora kwakandibata, kwakanga kwakaita sokunge kuti ndaizvuzvurudzwa. Ndakanga ndakagadzirira kusiya mudzimai wangu navana kuti ndipfuurire bedzi kubhejera. Kunyange zvazvo ndaipika ndapikazve kumudzimai wangu kuti handichazofizve ndabhejera, ndaiziva hangu mumwoyo mangu kuti izvi zvipikirwa zvakanga zvisina maturo. Paimwe nguva ndinoyeuka ndichisimbisira mudzimai wangu kuti ndakanga ndarega kubhejera nokusingaperi, apo panguva iyeyo imene, ndakanga ndichiruka mazano okuti ndingawana sei mari yokubhejera.
“Ndakadyiwa mari yangu yose, mari yomudzimai wangu, uye bhizimisi rangu, uye ndakapinda zvikuru muchikwereti. Hapana zuva rakapfuura pasina kubhejera kworudzi rwakati, kutozosvikira chimwe chinhu chaitika chakandigombedzera kuzvirangarira ndimene. Ndakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakaororwa nezvandakadzidza, asi handina kurega kubhejera pakarepo. Ndinoonga kuti Chapupu chakafunda neni chakanga chichishivirira zvikuru.
“Asi shoko reBhaibheri nokukurumidza rakatanga kunditapura. Rakandibetsera kusiya fungidziro dzangu uye kuzviona ndimene sokundiona kunoita Mwari. Yakanga iri katyamadzo. Ndakanyara zvikuru, saavo muapostora Pauro akanyorera muzana rokutanga ramakore, kuti: ‘Chii, ipapoka, chakanga chiri chibereko chamaisiva nacho panguva iyeyo? Zvinhu izvo muri kunyara pamusoro pazvo zvino. Nokuti mugumo wezvinhu izvozvo rufu.’—VaRoma 6:21.
“Kusvika pakuziva Mwari, zita rake, hunhu hwake, uye zvikurukuru tsitsi dzake kwakandisunda kuda kuchinja nzira dzangu, kufunga nezvavamwe panzvimbo pangu ndimene. Pakupedzisira ndakasununguka pamuitiro yokubhejera chose chose, uye mudzimai wangu neni takabhapatidzwa.
“Jesu akataura kuti zvokwadi yaizotisunungura. (Johane 8:32) Ikoko kwakaitika chaizvo kwandiri. Yakanga iri zvokwadi yeShoko raMwari yakandipa chimwe chinhu chinokosha chokuraramira, yakandidzorera kuzviremekedza kwangu ndimene, uye yakandiunzira gutsikano huru. Ndakanga ndichitokwanisa kubetsera mumwe wedzaichimbova shamwari dzangu dzokubhejera kugadziridzazve upenyu hwake sezvandakanga ndaita. Apo iye nomudzimai wake vakabhapatidzwa, kwakandipa mufaro mukuru zvikuru kupinda kuwina kwokubhejera kupi nokupi kwati kwamboitwa.
“Mumakore 20 akapfuura, handina kubhejera chinhu chipi nechipi, kwete kunyange chitsama chemari shomanene. Handigoni kutaura kuti kwave kuri nyore, asi kwave kusati kuri kwakaomawo kudaro. Uye icho Mwari akandipa chine zvakawanda zvinopfuura zvinodikanwa izvozvo zvandaitsvaka kuti ndigutse kupfurikidza nokubhejera.”a
Murangariro wapaMagwaro ndowoukoshi hukuru kuna avo vanoshuva kuita kuda kwaMwari. Uye avo vanotevera zano raMwari havangodzivisi bedzi nhamo iyo kubhejera kunogona kuunza asi vanowana kuti iye anovagovera chimwe chinhu chinopfuura zvikurusa kuwina kupi nokupi kwokubhejera.
Pfuma Youkoshi Hukuru Zvikurusa
Pauro, achinyorera Timotio muzana rokutanga ramakore, akati: “Rairidza [ivo] kusaisa tariro dzavo pachinhu chisina chokwadi zvikuru semari, asi pana Mwari, uyo anotipa zvikuru zvinhu zvose zvokufarikanya. Vaudze kuti vaite zvakanaka . . . , kuti vave vakagadzirira kupa uye kugoverana, nokudaro ndokuwana pfuma ichaumba nheyo yakanaka nokuda kwenguva yemberi. Nokudaro ivo vachabatisisa upenyu huri upenyu zvamazvirokwazvo.”—1 Timotio 6:17-19, The New English Bible.
Pfuma imwe inofanira kubatisiswa ndiro zita rakanaka naMwari. Irori rinotungamirira ku“upenyu huri upenyu zvamazvirokwazvo”—upenyu husingaperi, mubairo mukurusa wati wambopiwa. Jesu akataura mumunyengetero kuna Mwari, kuti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, neyomumwe wamakatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3, NW.
Mukusafanana nemibairo yemari isina chokwadi, mubairo uyo Mwari anogovera unogona kuwinwa nomunhu upi noupi uye munhu ari wose anoita kuda kwaMwari. Kupfuurirazve, kuita kuda kwaMwari kunogovera vose mufaro munhu upi noupi angashuvira, uye kunopa munhu kuzviremekedza uye upenyu hune revo. Munguva ino, nokuda kwomubairo wakakasharara wokubhejera, yeuka pangiro yechirevo chekare chechiNgezi, inoti: “Kukandirwa kwakanakisisa kwedhaisi ndiko kuarasha.”
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera vabhejeri vakapindwa muropa vazhinji kukurira kupindwa muropa kwavo. Vamwe vakayamurwa kupfurikidza namapoka okuzvibetsera akadai saVabhejeri Vasingadudzwi Mazita.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Upenyu husingaperi paparadhiso yapasi mubairo mukuru zvikurusa kupfuura upi noupi unowanwa kupfurikidza nokubhejera