RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 7/8 pp. 21-23
  • Neiko Vanasekuru Vedu Vakauya Kuzogara Nesu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Vanasekuru Vedu Vakauya Kuzogara Nesu?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musengwa wechiKristu
  • ‘Ndaisafunga Kuti Kwaizova Kwakaoma Kwazvo’
  • Nhamo Iri Pavabereki Vako
  • Mugariro Wavanasekuru
  • Ndingava Sei Noukama Hwepedyo Navanasekuru Vangu?
    Mukai!—2001
  • Ndinogona Sei Kugadziridza Sezvo Vanasekuru Vangu Vari Kugara Nesu?
    Mukai!—1992
  • Nei Ndichifanira Kuziva Vanasekuru Vangu?
    Mukai!—2001
  • Vanambuya Navanasekuru Pavanova Vabereki
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 7/8 pp. 21-23

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Vanasekuru Vedu Vakauya Kuzogara Nesu?

WAISIFARIKANYA kuvandika kwekamuri rako umene. Zvino unorigoverana nomunun’una. Waisikwanisa kukoka shamwari kuti dzishanye. Zvino haugoni nemhaka yokuti dzino‘ita ruzha rukuru zvikuru.’ Waisiva nenguva yokufara nokusununguka. Zvino yakawanda yenguva iyoyo inotorwa namabasa emhuri. Vabereki vako vaisiva vakasununguka navari nyore kutaura kwavari. Zvino vanogumbuka nyore nyore, vasingashiviriri. Hungu, vanasekuru vako vakauya kuzogara nemi, uye zvinhu hazvisiri chaizvo sezvazvaisiva.

Hakusati kuri kuti haudi vanasekuru vako. Asi kuwirirana navo hakungavi nyore nguva dzose. Unozviwana umene uchirasikirwa neshiviriro yako, uchiva anotsamwira zvinhu zviduku zvikuru. Imwe pwere inonzi Victoria yakakutaura neiyi nzira: “Vanhu vakuru vane imwe tsika. Mbuya vangu vachandikumbira kuunza chitsiko chetsoka dzavo, kunyange zvazvo wheelchair yavo ine chimwe chakagadzirirwa mairi. Kana kuti ndichauya kumba ndaneta, ndichida kurara kwechinguvana, uye vachada kutaura kwandiri panzvimbo pezvo. Mbuya vangu vachataura apo tinenge tiri kuedza kutarira terevhizheni. Kana vakatarira, vanowana udzame zvisina kururama kwazvo, uye tinofanira kuhutsanangura kwavari.”

Kana mumwe kana kuti vose vari vaviri sekuru vako nambuya vakauya kuzogara nemi, kungabvira kuti uri kutambura dzvinyiriro kana kuti kuvhiringidzika iwe umene. Sununguka, kunyanguvezvo—mhuri yenyu haisati iri kuwa. Iri kungochinjirawo zvayo kumugariro wakaoma. Uye unogona kuita zvakawanda kuva nechokwadi chomufarwa wako umene norugare rwendangariro kupfurikidza (1) nokunzwisisa nokugamuchira misengwa yako yemhuri uye (2) kukudziridza “tsitsi” chaidzoidzo nokuda kwavabereki vako navanasekuru.—1 Petro 3:8.

Musengwa wechiKristu

Yenyu haisati iri mhuri bedzi yakanangana nouyu mugariro. MuUnited States, somuenzaniso, vanhu vakwegura vazhinjisa vanogamuchira mwero wakati webetsero netsigiro kubva kuvana vavo vakura; vanhu vakwegura vashomanene zvikuru vanoiswa mumasangano akadai semisha inochengeterwa vanhu vakaremara.a The Intimate Environment, rakanyorwa naArlene S. Skolnick, rinoti: “Voruzhinji zvikuru vavanhu vakwegura vari muonano yenguva dzose navana vavo, vanovaona kazhinji kazhinji, uye vanotendeukira kwavari munguva dzechinetso.”

Nepo kuri kwomuzvarirwo bedzi kuva nepfungwa yomusengwa kuvabereki vako, maKristu ane pfungwa inotova huru zvikuru yomusengwa kuna Mwari. Muapostora Pauro akati: “Asi kana chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:4, 8; enzanisa naMarko 7:10-13.) Cherekedzai kuti vana navazukuru vanorairwa kugoverana mukutarisira ‘vavo vamene.’

Jesu Kristu amene akagadza muenzaniso muna ikoku. Kunyange zvazvo aifa rufu runorwadza padanda rokutambudzira, Jesu akafuratira itiro hanya dzake amene ndokuita gadziriro yokutarisirwa kwaamai vake vakwegura, achigovera hama yake yokunyama Johane kuti avatarisire. Kunyange zvazvo Johane akanga ane misengwa inokosha somuapostora, iye akaendesa amai vaJesu kumusha wake amene “kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi.”—Johane 19:26, 27, NW.

Naizvozvo kukudza vabereki vako mutoro wechiKristu neropafadzo. (VaEfeso 6:2) Mubereki haaraswi nemhaka yokuti iye achembera kana kuti anoda tarisiro chaiyo. (Zvirevo 23:22) Bhaibheri rinotiudzazve kuti tibate vakwegura noruremekedzo nemhaka youchenjeri hwavo noruzivo rwokuzviwanira. (Revhitiko 19:32; Zvirevo 16:31) Chokwadi, Jehovha amene anobata nenzira yomutsa navanhu vakwegura uye anopfuurira kuvashandisa mubasa rake!—Enzanisa naJoere 2:28; Mabasa 2:17.

‘Ndaisafunga Kuti Kwaizova Kwakaoma Kwazvo’

Nemhaka yaikoku kwose, unganzwisisa zviri nani chikonzero nei vabereki vako vakakoka vanasekuru vako kuti vagare nemi. Pakutanga pasina panikiro wakaedza kuva ane tariro, kana kuti toti hedu ane ndangariro yakazaruka, pamusoro pechinhu chiri chose. Waiziva kuti waizofanira kuita chinjo dzakati—kunyange kurega zvimwe zvinhu. Asi wakanga wanguve uchisanowirirana navanasekuru vako, uye wakafunga kuti ukama ihwohwu hwakanaka hwaizopfuurira. Zvino zvavauya kuzogara nemi, kunyanguvezvo, uri kuwana mugariro wacho kuva wakaoma zvikuru kupfuura zvawati wambofungidzira.

Ikoku ndokwemuzvarirwo chaizvo. Munyika dzakawanda zvizvarwa zvitatu—vanasekuru, vabereki, uye vana—mukuwirirana netsika vanogara panzvimbo imwe cheteyo yokugara. Kutarisira vabereki vanorwara kana kuti vakaremara rutivi rwetsika yavo uye haisati ichirangarirwa senhamo yakakomba. Asi munyika dzokuMadokero, uko mhuri dzarovedzana zvikurukuru nokugara mumisha yadzo dzimene yakaparadzana, kuita kuti vanhu vakwegura vauye kuzogara nadzo kunowanzorangarirwa sevhiringidziko huru. Iva nechokwadi, kunyanguvezvo, chokuti hausati uri woga bedzi ane upenyu hwakashandurwa. Zvamazvirokwazvo, kungasanova zvikuru kuti mugariro wacho wakaomera vabereki vako navanasekuru zvikuru kupfuura zvauri kwauri.

Nhamo Iri Pavabereki Vako

Tanga kurangarira vabereki vako. Unofunga kuti unganzwa sei kudai waifanira kuvaona vachichembera ndokuderera mumuviri, mundangariro, uye mumirangariro? Kungakutapura sei kudai vanhu wavaitsamira pavari nguva dzose vakava vasingakwanisi zvishoma nezvishoma kuzvitarisira vamene? Ichocho chaisazova chinoitika chinorwadza, chinosuruvarisa here? Ipapo unogona kusanofungidzira kuti vabereki vako vanonzwa sei pakuona ikoku kuchiitika kuvabereki vavo. Nenzira inonzwisisika, padzimwe nguva vangaratidzika kuva vakasuruvara kana kuti vasingashiviriri.

Vabereki vako vangavewo vachiwana kuti hakusati kuri nyore nguva dzose kuwirirana navanasekuru vako. Vanhu vakwegura kazhinji kazhinji vanotendeukira kukubata vana vavo vabva zera kufanana navana vaduku. (Namamwe mashoko, ungasava uri woga bedzi mumba anorairwa kuti ‘usaita ruzha!’) Vamwe vanhu vakwegura vanokombamira kunyunyuta pamusoro pokutarisirwa kwavo—padzimwe nguva vachipa vana vanoteerera zvikuru mhaka yokuregeredza. Vamwe vanoitawo tsika yokutaura mifungo yavo pamusoro pokurera mwana, vachipa vana vavo vakura mhaka yokuva vakaneta zvikuru kana kuti vane rumano zvikuru. Vabereki vako vangasanoziva kuti vanasekuru vako havasati vari kuedza kuva vakaipa kana kuti vane utsinye. Asi vachiva vakatorega zvimwe zvinhu zvakawanda nokuda kwavo, vabereki vako vangatsamwira zvikuru kutsoropodza kupi nokupi kunobva kwavari. Uye apo vanoita chiito kupfurikidza nokubata navasekuru vako nenzira isiri yorudo zvikuru kana kuti yokushivirira, vanganzwa vane mhaka uye vachizvitsamwira vamene.

Vabereki vako vangavawo vasingafari pamusoro pechinjo mumararamire dzavakafanira kuita. Pangava nemari inodokuva isingakwani yokusvitsa zvinodikanwa zvemhuri. Kana vabereki vose vari vaviri vachishanda, kuraira kwakawedzerwa kwokupa tarisiro kungavasiya vaneta, vapera simba. Vangagombedzerwawo kugara vasina yaichimbova mitoo yokufaranuka nokuzorora. Uye ipapo kune dzvinyiriro yeroorano iyo inogona kubva muna ikoku kwose, zvikurukuru kana mumwe mubereki achirangarira kuti iye ari kuita goverano isina kunaka yomutwaro wavo wokupa tarisiro.

Mugariro Wavanasekuru

Mugariro wacho haungavi unodzvinyirira zvishomanene nokuda kwavanasekuru vako. Bhaibheri rinodana kuchembera kuti “mazuva akaipa.” (Muparidzi 12:1-7) Kwakaipa, zvamazvirokwazvo, kutarira utano hwako huchiderera. Wedzera kuna ikoko nhamo yokuva anokandirwa kamwe kamwe mumhoteredzo itsva. Vanhu vakwegura vazhinjisa vanoda havo kuva voga uye kuzvimirira. Zvamazvirokwazvo, bhuku rinonzi The Intimate Environment rinonokora mashoko nyanzvi mbiri sedzinoti: “Vanhu vakuru vazhinjisa vanoda rudo nengwariro zvinobva kuvana vavo, asi kwete hazvo betsero yavo nemari, imba, kana kuti zvimwe zviito zvorudo. Zvamazvirokwazvo, vamwe vanoda kuitira vana vavo navazukuru zvinhu, panzvimbo pokuva kurutivi runogamuchira rwezvinhu.”

Kwakaoma, ipapoka, kuti vanasekuru vako vatambure kurasikirwa nokuzvimirira kwavo—kugombedzerwa kuva vanotsamira pane avo vaichimbova vanotsamira pavari. Naizvozvo usashamisika kana vari vakati omei kubata navo padzimwe nguva. Uye vachiva vakafarikanya musha wavo vamene—uye rugare norunyararo—kwamakore akawanda, vangakuwana kwakaoma kuva pakati pevechiduku vanofara. Marimba ane ruzha nekurukurirano zvingavatsamwisa.

Chimwe chinhu chakajeka: Kuchinjira kumugariro idenho yomunhu ari wose. Zvisinei, dzimwe mhuri dzechiKristu dziri kunangana nezvinetso zvakafanana uye dziri kubata nazvo nenzira inobudirira. (Enzanisa na 1 Petro 5:9.) Chinokosha ndechokuti utamburire kuratidzira “chibereko chomudzimu” uye “hunhu hutsva” kusvikira kumwero wakakura! (VaGaratia 5:22, 23; VaEfeso 4:24; VaKorose 3:13, 14) Panzvimbo pokukamukana, batirai pamwe semhuri. Chinyorwa chedu chinotevera chichakurukura dzimwe nzira idzo ikoku kunogona kuitwa nadzo.

[Mashoko Omuzasi]

a Padzimwe nguva tarisiro yakarongwa iri madikanwa. Kunyange zvakadaro, vana vanofanira kushanyira vabereki vavo nguva dzose ndokuvatsigira zvikuru sezvinobvira. Ona Nharireyomurindi yaJune 1, 1987.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuuya kuzogara nemi kwavanasekuru vako kungareva kurasikirwa nokuva uri woga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe