Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kugadziridza Sezvo Vanasekuru Vangu Vari Kugara Nesu?
NGUVA dzose waiwirirana zvakanaka navanasekuru vako. Nguva yawaipedza unavo yaifadza, yaikosha. Asi zvino vava kugara nemhuri yenyu.
Apo vanasekuru vanouya kuzogara nemi, kungareva kuita gadziridzo nokuda kwomunhu ari wose anobatanidzwa.a Vose vanofanira kuchinjira kunzira dzomumwe nomumwe. Asi mugariro wacho hausati uri usina tariro chose chose. Kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri, unogona kubetsera mhuri yenyu kubatana pamwe chete, kwete kuparadzana.
Simba Rorudo
Imwe nzira yokudzora nayo kusawirirana kwemhuri ndeyokushandisa nheyo iri pana 1 VaKorinte 16:14, inoti: “Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.” Rudo rwechiKristu “runofukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8, NW) Uye sokuratidza kwakaita imwe nzvero iri mumagazini inonzi Family Relations, rudo rwechokwadi nechidakadaka nokuda kwavabereki vako vakwegura zvine ukoshi hunoshanda; zvinoderedza marwadzo nekuvadziko zvokupa tarisiro.
Zvisinei, hadzisi pwere dzose dzinonzwa chidakadaka chakadaro nokuda kwavanasekuru vadzo. Dzimwe dzinovarangarira nokuzvidza, savakwegura uye venhando. Asi pwere dzechiKristu hadzirangariri vanhu vakwegura neiyi nzira. Dzinorangarira mashoko aZvirevo 20:29, anoti: “Ukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena.” Hungu, vanasekuru vako vakura uye vane ruzivo rwokuzviwanira. Vangava manyuko akaisvonaka ezano nenhungamiro, zvikurukuru kana vari maKristu. Uye kufanana navanasekuru vazhinjisa, zvimwe vanokutarisira zvikuru kwazvo kupfuura zvaunoziva.—Zvirevo 17:6.
Kana ukama hwako hwave husati huri hwapedyo zvikurusa kusvikira zvino, kuregererei kuedza kuchinja zvinhu? Mumwe musikana achiri kuyaruka nokudaro akasarudza kuita chiito choushamwari. Iye anoyeuka, kuti: “Ndakatengera mbuya vangu masokisi ane muvhenganiswa wamavara andaiziva kuti vaizoda. Vakaratidza masokisi iwayo kumunhu ari wose akashanya!” Nenzira imwe cheteyo, ungaedza kuva namaminiti mashomanene zuva riri rose okukurukurirana. Kana kuti ungagona kutumwa navo. Kuita kudaro kungaita zvakawanda kukuswededza pedyo navo.
Sezvinobvumwa, migariro ingaisa rudo rwomunhu ari wose pamuedzo. Kunogona kuva kwakaomera vanhu vakwegura kuchinjira kumhoteredzo itsva. Vangarwara uye kusava mumigariro yakanaka nguva dzose. Uye nepo ungafanira kuita gadziridzo dzakati mumararamiro ako—zvichida kunyange kurega zvimwe zvinhu nokuda kwezvimwe—ziva kuti hakusi nyore nokuda kwavanasekuru vakowo. Zvamazvirokwazvo, iwaya angava “mazuva akaipa” nokuda kwavo. (Muparidzi 12:1) Onga kuti ivava vakatarisira vabereki vako pavakanga vari vaduku. Mwari anorangarira tarisiro yaunopa vanasekuru vako se“zvakafanira” uye seratidzirwo yokuzvipira kwako kwaari.—1 Timotio 5:4; Jakobho 1:27.
Uchenjeri Hwokubvumirana
Zvinetso zvinogona kudziviswa kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, kana ukaratidza itiro hanya isina udyire nokuda kwavanasekuru vako. (VaFiripi 2:4) Somuenzaniso, unogona kurangarira kuti vanhu vakwegura kazhinji kazhinji havadi ruzha; nziyo dzinonyaudza dzingavashatirisa. (Muparidzi 12:4) Vangashatiriswawo kana ukaita ruzha panguva iri yose yaunova neshamwari. Nhau dzakadaro dzinogona nyore nyore kuva manyuko okupopotedzana. Asi Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti “uchenjeri hunobva kumusoro . . . hune rugare, hune mufungo.”—Jakobho 3:17, NW.
Munhu ane rugare anosimudzira rugare. Iye anodisa kuita nhamburiko chaiyo—kunyange pakurasikirwa nenakirwo yomunhu oga—kuti achengete ukama hwakanaka navamwe. Nenzira yakafanana, munhu ane mufungo haasati achiomerera panzira yake amene nguva dzose asi anodisa kutera kumurangariro womumwe munhu. Uchirangarira mifungo iyoyo, edza kusvika vanasekuru vako nenzira yakaterama. Panzvimbo pokuraira “maruramiro” ako, edza kubvumirana.
Zvichida shamwari dzako dzinogona kushanya pamazuva apo vanasekuru vako vanoenda kundotenga. Kana kuti zvimwe vangava vanoshivirira zvikuru ruzha pakutanga kana shamwari dzako dzakangoshanya bedzi paawa yokukurumidza. Chokwadika, bvumirano haisati ichibvira nguva dzose, uye kungava kwakanakisisa kungotera kuzvisarudzo zvavo. Zvichida unogona kuona shamwari dzako pane imwe nzvimbo kana kuti kupfeka maheadphone apo unenge uchida kuteerera nziyo. Hakuna kukodzera here? Hapana panikiro. Asi kupfurikidza nokuita kudaro unobetsera kuchengeta rugare.
Uchenjeri hwokubvumirana hunoshandawo kana vanasekuru vako vane miitiro inokudzongonyedza. Somuenzaniso, vangaratidzika kuva vasingaremekedzi zvakavanzika zvako. Zvichida vangada kutamba apo unenge wakabatikana kuita basa rako rinoitirwa kumba. Panzvimbo pokushatirwa, ziva kuti zvimwe ivo vari kuva noushoma hwakati uye vanongoda bedzi kuva newe. Kuzviparadzanisa umene kana kuti kuvadzinga kungangoipisa bedzi mugariro wacho uye kunoratidza kushaikwa kworuremekedzo nokuda kwavo. (Zvirevo 18:1) Chris ane makore gumi namapfumbamwe okukura akaita bvumirano. Iye anoti: “Ndinotanga kutaura nambuya vangu panguva dzakakodzera tose tiri vaviri.”
Chengeta Dzikamo Yako
Zvakadiniko kana vanasekuru vako vachida ngwariro yakati yomunhu oga neitiro hanya? Kuda vanasekuru vako hakusati kuchireva kuti unofanira kuita uyu mutoro uri woga. Zvamazvirokwazvo, Bhaibheri rinoratidzira kuti mabasa akadaro anofanira kugoveranwa pakati pa‘vana navazukuru’ vechiKristu. (1 Timotio 5:4) Vabereki vako naizvozvo vane mutoro mukuru muna ikoku uye vanogona kusarudza chingava goverano yakarurama yebasa. Kunze kwezvo, 1 Petro 1:13 (NW), inokurudzira maKristu ku“chengeta pfungwa [dzavo] zvakakwana,” kana kuti sokushandura kunoita mashoko omuzasi endima ino, “rambai makadzikama.” Kuva negoverano yakanyanyisa yebasa kungakunetesa uye, pakupedzisira, kunoparira kusafara.
Dzikamo yechiKristu ichakubetserawo kugonana neganhuriro dzako umene pamwe chete neidzo dzemitezo yemhuri yenyu. Chokwadi, vose vanofanira kuita nhamburiko chaidzo kuratidzira ‘chibereko chomudzimu waMwari.’ (VaGaratia 5:22, 23) Asi pasinei zvapo nevavariro dzakanakisisa, mitezo yemhuri ingakombamira kukurasikirwa nokushivirira kwayo. Panzvimbo pokuva anotsamwiswa, gamuchira idi rokuti “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu akakwana, unogona kudzora muviri wosewo.” (Jakobho 3:2) Kubonderana kwapanhambo nenhambo kwemhuri hakusi chisakiso chetyisidziro yakakomba.
Kurukurirano Yapachivande
Zvakanaka zvakawanda zvinogona kuitwa kana ukangokurukura bedzi navabereki vako. “Pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Somuenzaniso, unonzwa uchidzvinyirirwa uye uchitsamwiswa nenzira iri nyore nemhaka yokuti hausati uchine kamuri rako umene here? Unoitira hanya nemhaka yokuti unofunga kuti uri kuita goverano isina kukwana yomutoro wokutarisira vanasekuru vako here? Panzvimbo pokuzvinetsa kana kuti kuora mwoyo, ita kuti vabereki vako vazive manzwire aunoita.
Chokwadika, vabereki vako vangava mudzvinyiriro ivo vamene uye vangava nesimba shoma rokuchinja zvinhu. Naizvozvo wana nguva yakarurama yokutaura kwavari nenzwi rakaterama, kwete rinoraira, uchisvika chinetso sechaunonangana nacho nguva dzose. (Zvirevo 15:23) Iva wechokwadi naakajeka mukuzivisa chiri kukunetsa. (VaEfeso 4:25) Kana zvinhu zvangojekeswa bedzi, vangakuteerera nenzira yetsitsi. Uye kungatova kunobvira kuwana zvigadzikiso zvinoshanda.
Zvichida imwe nzvimbo mumba ingatsaurwa nokuda kwokushandisa kwako apo unoda nzvimbo iri yoga kuti urave kana kuti kufunda. Kana kuti zvimwe mabasa anorema akawanda anogona kugoveranwa kana une vakoma navanun’una. Mune imwe mhuri kwakasarudzwa kuti mwanakomana achiri kuyaruka aizoravira mbuya vake—chimwe chinhu chavakafarikanya vose vari vaviri nokutarisira mberi kwachiri. Hanzvadzi dzake mbiri dzakagoverwa kubetsera kuvapfekedza nokuvagezesa.
Chinoitika Chinotusa
Hapana panikiro pamusoro pako, kuva navanasekuru pamusha kungava chinoitika chitsva muupenyu—nokuda kwavo uye nokuda kwako. Asi kana vose vakaratidza shiviriro, rudo, uye kudisa kutera, kunogona kubvumikisa kuva chinoitika chinotusa zvikuru. Ungava nebanza rokukudziridza chisungo choushamwari, chorudo navanhu vaviri vakachenjera uye vane ruzivo rwokuzviwanira vanokuitira hanya zvirokwazvo. Ushamwari hwakadaro hungabvumikisa kuva hunogutsa zvikuru kupfuura ukama hwenguva pfupi nomuenzani. Uye kungakubetsera kukura somunhu. Mumwe mukadzi muduku anonzi Beverly anoti: “Ndinorangarira kubetsera mbuya vangu sebanza rokudzidza mavara okuzvibaira ayo andichada gare gare muupenyu.”
Imwe pwere inonzi Aaron yakaita nzvero yakafanana. Iye anoti: “Kupedza nguva ndina mbuya vangu kwakandidzidzisa kutaura navanhu vakura muungano yangu. Ndaingowanzoti kwaziwai bedzi kwavari. Zvino ndinova namaminiti mashomanene okutaura nomumwe nomumwe. Ndinokufarikanya! Uye ndasvika pakurangarira ava vanhu vakura seshamwari dzangu.”
Naizvozvo ita zvinopfuura kungoshivirira bedzi mugariro wacho; uite chinoitika chinobetsera! Pashure penguva yakati ungafarira zuva iro vanasekuru vako vakauya kuzogara nemi.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Neiko Vanasekuru Vedu Vakauya Kuzogara Nesu?” iri muchinyorwa chedu chaJuly 8, 1992.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Ushamwari hwaunofarikanya navanasekuru vako hungabvumikisa kuva hunogutsa zvikurusa