Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndichifanira Kuziva Vanasekuru Vangu?
“Ini naamai vangu pataitadza kunzwisisana, Ambuya vaitibatsira kugadzirisa zvinhu.”—Damaris
“KUBVIRA pasichigare, vanasekurua vave vachikosha mukubatana uye kupfuurira kwemhuri.” Anonyora kudaro Dr. Arthur Kornhaber mubhuku rake rinonzi Grandparent Power! Anowedzera kuti: “Sevadzidzisi, vabatsiri vevabereki, vazivi vezvakaitika kare, vareri, vapi vemazano, uye vavaraidzi, zvavaiita zvaikosha zvikuru mukudzora pfungwa, magariro, uye zvokunamata. Ndinoshamisika kuti nzanga yedu yakasvika sei pakusakoshesa basa iri ravanasekuru rine simba, rine zvakawanda zvarinoita.”
Pasichigare, vanasekuru vaiva musimboti woupenyu hwemhuri, zvikurukuru pakati pevanamati vaJehovha Mwari. Bhaibheri rairayira vaIsraeri kuremekedza uye kukoshesa vanhu vakura. (Revhitiko 19:32) Vanasekuru vaifanira kukudzwa zvikuru.—1 Timoti 5:4.
Zvinosuruvarisa kuti zvinhu zvachinja. Kugara kure nokure kunowanzoparadzanisa mhuri, uye pwere dzakawanda hadzinyanyi kuonana navanasekuru vadzo. Mafungiro achinjawo. Munzvimbo dzakawanda dzenyika, vanhu vakura—kusanganisira hama—havachambobatwi noruremekedzo rwakafanira. (2 Timoti 3:1-3) Kwaimbonzi kuti siyanei kwemafungiro ezvizvarwa zvakasiyana iye zvino kwazova musiyano mukuru. Pwere dzakawanda dzinofunga nezvavanasekuru vadzo sevakura uye vechinyakare. Hadzigoni kufungidzira kuti vanhu vakura ava vanganzwisisa dzvinyiriro nezvinetso izvo pwere dzinotarisana nazvo.
Kana iwayo ariwo mafungiro aunoita, gadzirira kufungazve nezvenyaya yacho! Nokuti zvinokosha zvikuru kusvika pakuziva vanasekuru vako—kunyanya kana vachitya Mwari. Uye kana usati wasvika pakuvaziva, ungadaro uri kurasikirwa. Zvinodaro sei?
Kunobva Uchenjeri Nemazano
Vechiduku vakawanda vakawana kuti vanasekuru vanogona kushanda sedziviriro mumakore anovhiringidza oupwere. Magazini inonzi Seventeen inoti: “Nemhaka yokuti vararama kwemakumi emakore, vanowanzobatsira zvikuru mukubata nezvinetso kupfuura zvinoita shamwari dzezera rako, dziri kutambura nezvinetso zvakafanana nezvaunazvo. Iwe nevezera rako muchiri munguva inotambudza yokuchinja muupenyu; vanasekuru vako vakakunda kuchinja kwakadaro kwakawanda. Kakawanda kacho vakachenjera uyewo vakangwara.” Zano iri rinodzokorora zvakataurwa neBhaibheri mazana emakore apfuura, zvokuti: “Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.”—Zvirevo 16:31.
Chokwadi, vanasekuru vako vangadaro vakakurira munyika yakati siyanei neyaunogara iye zvino. Asi unogona kuva nechokwadi chokuti pane imwe nguva, vakapfuurawo nomune zviri kukutambudza iye zvino. Ungasava nounyanzvi hwokubata nezvinhu izvi, nepo vanasekuru vako vane ruzivo rwakawanda. (Zvirevo 1:4) “Vatana ndivo vakangwara, vane mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa,” akadaro murume akarurama Jobho. (Jobho 12:12) Hungu, uye nokuda kwechikonzero ichocho vanasekuru vanogona kubatsira chaizvo apo pwere inoda mazano, kurudziro netsigiro zvakanaka.
Somuenzaniso, ambuya vaDamaris vaigara naDamaris naamai vake mufurati imwe chete yomuguta. “Apo ini naamai vangu taitadza kunzwisisana,” anoyeuka kudaro Damaris, “Ambuya vaitibatsira kugadzirisa zvinhu. Vaindiratidza imwe nzira yokutarisa nayo zvinhu.”
Ndizvowo zvakaitika kuna Alexandria apo mhuri yake yakatama uye aifanira kuchinja chikoro. “Mudzidzisi wangu mutsva akanga asina tsitsi uye dzimwe nguva aishatirwa,” akadaro Alexandria. Naizvozvo kuchinjira kuchikoro chake chitsva kwakanga kwakamuomera. Zvisinei, ambuya vake vakaratidza kuva shamwari. Vakabatsira Alexandria kuchinja nokumukurudzira kuva nemaonero akanaka emamiriro acho ezvinhu. “Iye zvino ndava kufarira chikoro zvose nomudzidzisi wangu,” anodaro Alexandria.
Murume muduku womuBrazil anonzi Rafael anoyeuka kubatsirwa kwaakaitwa navanasekuru vake paakaita dzidzo yokuwedzera pashure pokupedza chikoro chesekondari achiti: “Vakandipa zano pamusoro peshamwari uye nzira yokudzivisa nayo zvinetso zvezvinodhaka.” Rafael anoshanda somuevhangeri wenguva yakazara zvino.
Mubhuku rake rinonzi Grandparenting in a Changing World, Eda LeShan anorondedzera zvakaitika kwaari saambuya. Anonyora kuti: “Muzukuru wangu akandidana rimwe zuva ndokuti, ‘Ambuya, ndibatsireiwo kuti ndisaedze kungotevedzera vamwe vezera rangu.’ Vamwe vevaaidzidza navo vaiedza kumuita kuti afambidzane nevakomana, vamwe vacho vakanga vachimuridzira runhare.” Somugumisiro wechikumbiro chomuzukuru wavo chokubatsirwa, ambuya vakakwanisa kupa mazano akabatsira zvikuru. Saizvozvowo ungaona kuti nokukurukurirana kupfupi nasekuru kana ambuya vane rudo unogona kuwana tsigiro chaiyo mune zvetsika.
Kakawanda kacho vanasekuru vanobatsira zvikuru kunyanya munguva dzokutambura kwemhuri, dzakadai sokurwarirwa kana kufirwa. Pashure pokunge baba vaLacey muduku varwarisa ndokufa, ambuya vake vakamubatsira kupfuurira kurarama. “Takanyatsova pedyo nepedyo kutodarika kare,” anodaro Lacey.
Chisungo Chinokosha Chorudo
Ukama hwako navanasekuru vako hungasavawo nokumwe kusawirirana uko pwere dzinova nakwo nevabereki vadzo. Zvingadaro sei? Chimwe chikonzero ndechokuti vanasekuru vanowanzova noushamwari hwepedyo nevazukuru vavo. Bhaibheri rinoti: “Chinodada navanasekuru vazukuru vavo.”—Zvirevo 17:6, Bhaibheri Rinoyera.
Yeukawo kuti vabereki vako—kwete vanasekuru—vanofanira kutakura mutoro unorema wokukurera “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Nokuti basa ravo haridi zvakawanda, hazviwanzoitika kuti vanasekuru vako vakutsoropodze zvakanyanya kupfuura vabereki vako. Uyewo, kakawanda kacho vanasekuru havana kuremerwa nemabasa uye kuwandirwa nezvokutarisira mhuri zuva nezuva. Nokuti vanenge vasina nhamo dzose idzi, zvingavaitira nyore kukuitira zvaunoda kana kukuteerera. Tom ane makore gumi nemanomwe anoyeuka kufarirwa kwaakaitwa nasekuru naambuya vake. Vaimutumira “tuzvipo twokuti ainge aita zvakanaka kuchikoro”; vaitomubhadharira mari yezvidzidzo zvake zvepiyano.
Chokwadi, havasi vanasekuru vose vanokwanisa kupa zvipo zvakadaro, asi vanogona kungoratidza kukufarira kwavanoita, zvichida nokukurumbidza uye kukukurudzira kana nokukuteerera nguva nenguva. Izvi zvinogona kuumba zvisungo zvoushamwari zvakadzama pakati penyu. Nezvaambuya vake Damaris anoti: “Vanondiita kuti ndinzwe ndakagadzikana, uye ndinogona kuenda kwavari uye kutaura kwavari panguva ipi neipi nokuti nguva dzose vanoda kuteerera—kunyange pandinenge ndichitaura zvinhu zvinoita sezvisina musoro.” Saizvozvowo, imwe pwere inonzi Jônatas inotaura yakasununguka uye inowana mukana wokutaura pamusoro penhau dzinokosha navanasekuru vayo.
Kukurudzirana
Nepo vanasekuru vachigona kukupa uchenjeri norudo, vanogonawo kubatsirwa nesimba rako roupwere uye ushamwari. Zvingadaro sei? Zvimwe pane nzira dzinoverengeka dzaunogona kubatsira uye kutsigira nadzo vanasekuru vako. Kazhinji kacho, simba ravo riri kuderera. Kana kuti vangadaro vari kunetseka noutano husina kunaka. Pasina mubvunzo vachakurudzirwa kana ukavabatsira kutenga notumwe tumabasa twepamba.
Vanasekuru navanaambuya vakawanda ichirikadzi kana pfunda uye vanonzwa kusurukirwa dzimwe nguva. Nokuvafarira zvikuru, unogona kuita zvakawanda kuvabatsira kukunda kusurukirwa voramba vaine chido chokurarama. Kuita kudaro ndiyo imwe nzira yokutevera nayo murayiro weBhaibheri wokuramba u“chiripa muripo wakafanira kuvabereki va[k]o navanasekuru, nokuti izvi zvinofadza pamberi paMwari.”—1 Timoti 5:4.
Pasina mubvunzo, kuswedera pedyo navanasekuru vako kunogona kupfumisa upenyu hwako—nehwavowo! Zvimwe wave usiri pedyo navo kusvikira zvino. Zvimwe unoda kuchinja asi hauzivi kuti wotangira papi. Kungava kuti vanasekuru vako vanogara kure zvikuru kana kuti vabereki vako havasichiri pamwe chete uye izvi zvakaita kuti uve kure navanasekuru vako. Imwe nyaya ichabuda munguva inotevera ichapa mazano anoshanda pakuti ungabata sei nemamiriro ezvinhu akadaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Munyaya ino, shoko rokuti vanasekuru rinoreva sekuru naambuya.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Vanasekuru vanowanzova vateereri vakanaka uye vanopa mazano netsigiro
[Mufananidzo uri papeji 32]
Batsira vanasekuru vako