AIDS—Ichaguma Sei?
“NDINOPWISWA zvakakwana kuti zvamazvirokwazvo tichava nomushonga mukati mamakore ano ane gumi.”—Jorg Eichberg, mukuru wokunzverwa kwehosha paWyeth-Ayerst Research Center, Philadelphia, U.S.A.
Fungidzira kudai mushonga, kana kuti kunyange mushonga wokudzivirira, ukawanwa nokuda kweAIDS. Ikoko kungava kunoshamisa sei! Nokuda kwenyanzvi dzeAIDS 9 000 dzakaungana muFlorence, Italy, gore rakapera pasi pomusoro unoti “Sayenzi Inodenha AIDS,” chikumbiro chomushonga wakadaro pasina panikiro chakanga chiri chinhu chikuru mundangariro dzavo.
Sezvo tapuro itsva 9 mu 10 zvino dziri kuitika munyika iri kubudirira, dzvinyiriro yokuwana chigadzikiso chinoshanda iri kuenderera mberi. Bva, mukuwirirana nemagazini inonzi New Scientist, vazhinji vaiva pamusangano weFlorence vakaratidzika kuva “vakarasa pfungwa yavo yekurumidziro.” “Zvimwe,” inokarakadza kudaro magazini yacho, ngwavaira yacho yakakura zvikuru zvokuti vakawanda “vakanga vangosia zvavo chinetso chacho.”
Chinhu chaichoicho chakaoma ndechokuti masayendisiti ari kuva nemibvunzo yakawanda kupfuura mhinduro. New Scientist inotsanangura kuti “makore 10 tapinda mumurakatira, zvinetso zvinonangana nenyanzvi dzoutachiona nenyanzvi dzokudzivirira utachiona zvinoratidzika sezvakakura kupfuura nakare kose.” Murapi weAIDS weBritain Ian Weller akanyevera, kuti: “Kurapa Kunobudirira kunorwisana noutachiona hakusati kuchizoitika nokukurumidza.”
Asi kana mushonga unorwisa AIDS ukavapo, ungawanwa sei? Dr. Dennis Sifris, chiremba ane ruzivo rukuru rwokuzviwanira rwomugariro chaiwo wokushanda muAfrica, anotsanangura, kuti: “Tine mushonga unoshanda zvikuru weTB [hosha yorurindi] naizvozvo mukutaura TB yaifanira kuve yakabviswa [sezvakwakaita ne]gwirikwiti noKuzvimba Kwechiropa [Hepatitis] B. Bva hosha nhatu idzodzo . . . ndidzo vaurayi vakuru muAfrica nhasi. Naizvozvo kunyange kana mushonga ukavapo kuwanikwa kwawo navanhu chinetso chikuru.”
Netariro duku yomushonga, chisarudzo bedzi cheAfrica chave chiri kunyengerera vanhu kuchinja tsika dzavo dzevatano. Asi mubvunzo ndowokuti—sei?
Mhinduro Huru
Mhinduro huru yokupedza AIDS muAfrica ndeyokupa makondomu, makondomu, uye makondomu mazhinji. Vachairi vamarori vanoawana pachena pamiganhu yenyika. Mapepanhau anoagovera mumahamvuropu. Zvipatara navashandi vezvoutano vanoachengeta mumamirioni.
Nepo nhano dzakadaro dzingava nesundo pakuparadzirwa kweAIDS, hadzisiri dzisina zvinetso zvadzo—zvikurukuru muAfrica. Mushandi wezvoutano Stefan van der Borght weMedecins Sans Frontieres muAngola akatsanangura kuti kana ukapa mamirioni matatu amakondomu, kunoratidzika kuva kwakanaka. Asi ikoko kunoreva kuti varume vane mirioni imwe nehafu vanogona kuva nevatano kaviri bedzi migove isati yapera.
Zvisinei, kunze kwezvinetso zvokugoverwa, itapuroi iyo kuparadzira kunosarura kwamakondomu kunayo pavatano yokusasarura—hwaro chaihwo hweAIDS muAfrica? Ratidziro dzose ndedzokuti nhano dzakadaro dzinonyandura panzvimbo pokuderedza vatano. Kunyange zviremera zvehurumende zviri kutanga kubvuma iri idi. Imwe nyika yomuAfrica yakatorairidza nhepfenyuro yayo inoshandiswa neHurumende kubvisa ziviso dzamakondomu, sezvo dzichikurudzira vatano yokusasarura. Munyori Keith Edelston anokupfuudzirazve mubhuku rake rinonzi AIDS—Countdown to Doomsday, kuti: “Nemhaka yengozi dzacho . . . dzinovapo mukushandiswa kwamakondomu, kwakajeka zvikuru kuti kuva nomudzimai mumwe chete kworumano ndiyo nzira bedzi yokuva anobetserekana nayo zvakakwana.”
Asi kudzokera kutsika yokuva nomudzimai mumwe chete muroorano chisarudzo chaichoicho here?
Mugumo weAIDS
“Kana vanhu vakarega kuzvibata nenzira yokusasarura mangwana,” anotaura kudaro Purofesa Reuben Sher, nyanzvi yeAIDS muAfrica, “utachiona hwacho hwaizofa. Vanhu vanahwo vaizofa uye ikoko kwaizova kuguma kwahwo.” Nenzira yakafanana, mashoko akapepetwa muThe Star, pepanhau rinobudiswa muJohannesburg, South Africa, rinotaura kuti “nokuda kwomumwe munhu anozvibata kana kuti asingashandisi jekiseni romumwe munhu kana kuti kuisirwa ropa, [HIV] utachiona hwakaoma zvikuru kuhuwana.”
Pari zvino, Zvapupu zvinopfuura 450 000 zvaJehovha muAfrica zviri kudzivisa zvinhu izvozvo zvimene. Zvinodavira zvakasimba kuti tsika dzakavakirwa paBhaibheri dzakakufanirwa. Rangarira kufunga kwazvo: Sezvo Musiki, Jehovha Mwari, akaita vanhu, ipapo mutemo wake womutoo wokuzvibata nawo nokuda kwavanhu wakafanirwa nokurangarirwa. Nheyo yakanyorwa pana VaHebheru 13:4 muenzaniso wakanaka: “Kuwanana ngakukudzwe navanhu vose, nenhovo ngairege kuva nemhosva.” Panzvimbo pokunzwa vatorerwa mufarwa, avo vakashandisa magwaro akadaro vakazvidzivisira vamene kuvadziko dzakawanda dzomuviri nedzendangariro.—Enzanisa Mabasa 15:29; 2 VaKorinte 7:1; VaEfeso 5:3-5.
Nenzira inofadza, manyuko amashoko akarumbidza kazhinji kazhinji tsika dzeZvapupu zvaJehovha muAfrica: “[Izvo] zvakazviratidzira zvimene . . . kuva vagari vemo vakadzikama, vane nhevedzano vanorarama mukuwirirana nomupimo wakakwirira womutemo,” yakadaro Daily Telegraph yeLondon, England. Yakawedzera, kuti: “Muitiro wevatano yokusasarura nokuva navakadzi vakawanda wenzanga yeAfrica haugamuchiriki zvawo pakati peZvapupu.” Nenzira yakafanana, munyori webhuku rinonzi Contemporary Transformations of Religion, Bryan Wilson, anotsinhira kuti “munzanga yeAfrica, Zvapupu . . . zvinova vanhu vakasiana” uye kuti “muuyo . . . womutemo [wazvo] wetsika unooneka pakati pazvo.”
Ikoku hakusati kuri kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakabviswa chose chose patapuro yeAIDS. Vamwe vakatapurwa navakwanyina vasingaomereri kunheyo dzechiKristu dzimwe chetedzo dzavanotevera, uye vamwe vakawana hosha yacho vasati vava Zvapupu. Uyewo, vashomanene vakasarudza kudzokera shure munzira dzetsika dzokusazvibata dzenyika yanhasi, uye chiverengero chiduku chaivava chakawana AIDS sorutivi rwechibereko chenzira dzavo. (VaGaratia 6:7) Zvisinei, avo vanoronda noune mararamiro outere vakarasikirwawo neropafadzo yavo yokuramba vari muungano yechiKristu. (1 VaKorinte 5:13; 6:9, 10) Asi voruzhinji zvikurusa vavanopfuura mamirioni mana veZvapupu zvaJehovha kupota nyika vanofarikanya garikano yomumuviri, yendangariro, uye yomudzimu inobva mumuuyo wokuomerera kunheyo dzoMusiki pamusoro petsika.
Nenzira inofadza, Bhaibheri rinoratidzira kuti chigadzikiso chinogarisa kuzvirwere zvakafanana neAIDS chinooneka. (Zvakazarurwa 21:1-4) Jehovha Mwari anopikira nyika itsva umo zvisakiso zvose zvoutere zvehosha dzakafanana neAIDS dzichabviswa chose chose. Hakusati kuchizova nechinhu chakadai somutamburi asina mhaka, sezvo munhu ari wose acharonda mararamire akarurama, akanaka anosimudzira mufarwa wechokwadi.—Isaya 11:9; 2 Petro 3:13.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
“Hatifaniri kupedza mabhirioni pakunzvera uye budiriro . . . Tinoda kudzokera kutsika.”—Dr. Mark Hendricks, nyanzvi yezvokudzivirira utachiona yomuSouth Africa
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kuva nomudzimai mumwe kworumano inzira inokosha yokudzivisa nayo denda reAIDS
[Mufananidzo uri papeji 10]
Mwari anopikira nyika itsva isina chose chose hosha dzakafanana neAIDS