RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 3/8 pp. 14-15
  • Nhamba Dzevanorwara neAIDS Dzinoshamisa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhamba Dzevanorwara neAIDS Dzinoshamisa!
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • “Denda Rinoparadza Zvisati Zvamboitika Muupenyu”
    Mukai!—2002
  • Mushonga weAIDS—Uri Kudiwa Nokukurumidza!
    Mukai!—2004
  • AIDS Inopararira muAfrica
    Mukai!—2002
  • Neiko Africa Iri Kutambura Zvikuru Kwazvo?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 3/8 pp. 14-15

Nhamba Dzevanorwara neAIDS Dzinoshamisa!

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

THEMBEKA musikana ane makore 12 anogara mune mumwe musha womumaruwa kumaodzanyemba kweAfrica. Vabereki vake vakafa neAIDS, uye akasiyiwa kuti atarisire vanun’una vake vaduku vatatu vane makore gumi, matanhatu, uye mana. “Vasikana vacho havana nzira yokuwana nayo mari uye vanotsamira zvachose pamutsa wevavakidzani . . . rofu rechingwa, mbatatisi shomanana,” akadaro mumwe mutori wenhau. Mufananidzo wevasikana vacho vana vari nherera wakaratidzwa papeji yepabutiro repepanhau romuSouth Africa rakashuma nezveInternational Aids Conference yechi13, yakaitwa muna July 2000 muDurban, kuSouth Africa.

Mamiriyoni enherera dzeAIDS anotarisana nemamiriro ezvinhu akafanana neaThembeka nevanun’una vake. Pamusangano wacho pakakurukurwa nzira dzokubata nadzo nechinetso cheAIDS chiri kuwedzera, dzakadai sedzidzo yezvokudzivirirwa kweAIDS nokushandiswa kwemakondomu; kushandiswa kwenzira dzisingadhuri dzokurapa AIDS, dzava kuwanikwa zvino; uye kuwedzera mari inoiswa muzvirongwa zvokutsvaka mishonga yokudzivirira AIDS. Kwakakurukurwawo kuti vakadzi, zvikurukuru vasikana vaduku, vari nyore kubatwa nayo.

Zvinosuruvarisa kuti nherera dzakawanda dzinovapo nemhaka yeAIDS dzinotsvakwa nevarume vanodavira kuti kurara nemhandara kunorapa zvirwere zvinopfuudzwa pabonde. Uyezve, varume vakawanda havaroori musikana kutoti akatanga abereka mwana. Naizvozvo kushandiswa kwemakondomu kunoonekwa sokunotadzisa zvose kuroorana uye kuva nevana.

Zvinonzwisa urombo kuti vasikana vakawanda havazivi nezvengozi yeAIDS. Pepanhau romuSouth Africa rinonzi Sowetan rakataura nezvomushumo wakabudiswa pamusangano wacho neUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) richiti: “Kuongorora kwakaitwa neUnicef kwakawana kuti 51 muzana yevasikana vane makore ari pakati pe15 kusvika pa19 muSouth Africa vakanga vasingazivi kuti mumwe munhu anotaridzika seakagwinya anogona kuva neHIV uye anokwanisa kuipfuudza kwavari.”

Chimwe chinokonzera kupararira kweAIDS kushinha nevakadzi. Ranjeni Munusamy, uyo akapindawo musangano wacho, akataura muSunday Times yomuJohannesburg, kuSouth Africa kuti: “Chisimba chinoshandisirwa vanhukadzi nevarume, chinovhiringidza zvikuru uye chinoramba chichitadzisa kudzivirirwa nokutarisirwa kweHIV. Nzira dzacho dzakasiyana-siyana—chibharo, makunakuna, kurova vakadzi uye kushinha nevakadzi—dzinoreva kuti zvepabonde zvinowanzomanikidzirwa, izvo pachazvo zviri chikonzero chine ngozi chokutapukirwa neHIV.”

Nhamba dzakabudiswa pamusangano wacho dzaityisa, sezvinoratidzwa nechati yabatanidzwa. Zvinofungidzirwa kuti zuva rimwe nerimwe vechiduku 7 000 nevacheche 1 000 vanotapukirwa neHIV. Mugore rimwe chete, ra1999, vana vanenge 860 000 munyika dzesub-Saharan Africa vakarasikirwa nevadzidzisi vavo nemhaka yeAIDS.

Maererano nokuongorora kwakabudiswa neMedical Research Council of South Africa, vanhu mamiriyoni 4,2 muSouth Africa vane HIV, zvichireva kuti munhu mumwe pagumi voga voga anayo. Mamiriro ezvinhu munyika dzakavakidzana nayo akatoipa zvikuru. The Natal Witness yakataura nezvokufungidzira kwakapiwa neU.S. Census Bureau kuti: “Nhamba yevanhu vanogara munyika dzomuAfrica dzakazara AIDS ichatanga kuderera nokukurumidza sezvo mamiriyoni anofa nehosha yacho, uye panopera makore gumi makore okurarama anotarisirwa achadzikira kusvika panenge pa30.”

Dambudziko reAIDS humwe uchapupu hwokuti vanhu vari kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzakafanotaurwa neBhaibheri kuti dzaizoitika “pamazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Vanoda Shoko raMwari, Bhaibheri, vanotarisira chinogadzirisa zvakazara uye zvachose chinetso cheAIDS nezvimwe zvinetso zviri kutambudza vanhu. Nokukurumidza, Umambo hwaMwari huchatora basa rokutarisira zvinhu zvepasi. Munyika itsva yakarurama, urombo nokudzvinyirirwa zvichange zvava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Pisarema 72:12-14; 2 Petro 3:13) Panzvimbo paizvozvo, vagari vepasi vachadzorerwa utano hwakakwana, uye hakuna mumwe wavo achazomboti: “Ndinorwara.”—Isaya 33:24.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Munyika yose mune nherera dzakakonzerwa neAIDS dzinosvika 13 000 000

[Chati/Mepu iri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NHAMBA YEVAKURU (MAKORE 15 kusvikira ku49) VANE HIV/AIDS, KUPERA KWA1999

North America 890 000

Caribbean 350 000

Latin America 1 200 000

Western Europe 520 000

Eastern neCentral Europe 410 000

North Africa neMiddle East 210 000

Sub-Saharan Africa 23 400 000

South neSoutheast Asia 5 400 000

East Asia nePacific 530 000

Australia neNew Zealand 15 000

[Kwazvakatorwa]

Kwakatorwa mashoko: UNAIDS

[Girafu/Mufananidzo uri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

CHIKAMU KUBVA MUZANA CHEVAKURU (MAKORE 15 kusvikira ku49) VANE HIV/AIDS MUNYIKA 16 DZOMUAFRICA, KUPERA KWA1999

1 Botswana 35.8%

2 Swaziland 25.2

3 Zimbabwe 25.0

4 Lesotho 23.5

5 Zambia 20.0

6 South Africa 20.0

7 Namibia 19.5

8 Malawi 16.0

9 Kenya 14.0

10 C.A.R. 14.0

11 Mozambique 13.2

12 Djibouti 11.7

13 Burundi 11.3

14 Rwanda 11.2

15 Côte d’Ivoire 10.7

16 Ethiopia 10.6

[Kwazvakatorwa]

Kwakatorwa mashoko: UNAIDS

[Mufananidzo]

Thembeka nevanun’una vake

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo: Brett Eloff

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe