Kutsvaka Kwangu Nyika Iri Nani
Yakataurwa naaichimbova munun weKaturike
NYIKA iri nani—iyoyo yakanga ichibvira here? Zvamazvirokwazvo nyika izere noruvengo, masimba masimba, udyire, ushati, kusaruramisira, uye kutambura yakanga isati iri nyika Mwari akaita donzo apo iye akaisika. Kunofanira kuva nenyika iri nani. Kana iyoyo yakanga ichibvira, ipapo ndakanga ndakatsunga kubetsera kuiparira.
Ndakaberekwa ndokukurira muruwa rweCorrientes, Argentina, nzvimbo yakakurumbira nokuda kwokunamata kwayo Mhandara yeItatí. Vanhu vacho vaKaturike, vorudzidziso vanonyanyisa, uye vanoita nzendo dzakawanda kunzvimbo dzinoyera gore rimwe nerimwe kundonamata mhandara iyoyo. Ndaiva pakati pavo. Kubva pauduku ndaiva nechishuvo chokuziva uyu Mwari uyo aitaurwa zvakawanda zvikuru nezvake, asi baba vangu vakandirambidza kupinda makirasi eketekezimo. Gare gare, mukati mokuyaruka kwangu, nemhaka yesonganiro dzavo dzakashata, baba vangu vakava chidhakwa. Tose zvedu takatambura asi zvikurukuru mai vangu, avo vaigamuchira dzvinyiriro huru yokutuka nokurova kwavo. Somuuyo, ndakasvika pakuvenga vemitezo yakasiana, ndichirangarira varume vose kuva vakaipa uye vakashata.
Nharidzano Yangu—Pfuti Yokuuraya
Chikoro, kunyanguvezvo, chakandiparira kukudziridza mavara akanaka. Ndakafunda nokushingaira nokubatisisa, ndichigamuchira madhipuroma muzvidzidzo zvokusona nezvokutengeserana uye gare gare kupedza kufunda namagiredhi apamusorosoro somudzidzisi. Zvino zvishuvo zvangu zvakasimba zvakanga zvava kuvamba kuzadzika: kuwanwa kwamazita ezviratidzo namadhipuroma zvaizondisunungura pajoko rohubereki. Panguva imwe cheteyo, ndakaita gadziriro dzokushanda zvakaoma kuti ndigogona kuita kuti mugariro wamai vangu uve uri nani uye ipapo—kutenga pfuti yokuuraya baba vangu!
Ikoku, chokwadika, kwakandiunzira kusafara, rugare rushoma zvikuru nomufarwa. Panzvimbo pezvo, ndakanzwa semhuka yapfigirwa mudanga. Ndaiva namakore 20 okukura uye ndakazviwana ndimene ndiri mudandemutande risina pokubuda napo.
Upenyu Hworudzidziso—Kariro Dzinorwisana Namaidi
Panenge panguva ino ndakavamba kusongana namanun uyewo namaKomonisiti. Mativi ose ari maviri akaedza kundimanikidzira mifungo yavo. Asi mufungo wokubatsira varombo vari munyika dziri kuresa dzakadai seAfrica neAsia wakandiita kuti ndisarudze kuda nzanga yamanun.
Kwamakore 14 ndakararama munzanga yamanun. Upenyu hwangu munzanga yamanun hwakanga hwakanaka, hwakanyarara, uye hune rugare. Kwakanga kusati kuri kutozosvikira ndavamba kushanda navaprista vane ruzivo rwakanangidzirwa panyika dziri kubudirira apo ndakangwadzwa pamusoro pomusiano uri pakati pomugariro uyo isu manun tinorarama mauri nomugariro worudzi rwose rwomunhu rwasara—mugariro iwoyo wamarwadzo nokusaruramisira umo vanhu vanotambura mujoko redzvinyiriro namadiro.
Munzvimbo yangu yorudzidziso, Theresian Carmelite Missionaries, zvakawanda zvakataurwa pamusoro peruramisiro, asi vakuru vakuru vangu vakaratidzika kuva vanokufuratira chose chose mukubata kwavo navamwe. Mitezo yavadzidzisi yakagamuchira mubhadharo wakaderera zvikuru kupinda muripo une mwero wakagadzwa nehurumende, isina mari yokuwedzera nokuda kwavo vamene nemhuri dzavo, uye vaigona kudzingwa pasina ziviso inotangira uye pasina kuripirwa. Betsero yapamusha yakatoipisisa; pashure pokushanda kubvira pamaawa 10 kusvikira ku 12 muchikoro, vaitofanira kutsvaka rimwe basa raparutivi kuti vatsigire nokudyisa mhuri dzavo. Ndaida kururamisa mugariro iwoyo usina kururama.
Apo ndakakududza kuna mai mukuru, ivo vakandiudza kuti zvandinongoda bedzi kuti ndive munyanyisi kutakura chigwagwagwa! Panguva iyeyo ndakafunga kuti kwaizova nani kuti ndive munyanyisi panzvimbo pokuva munhuwo zvake sezvavaiva. Nokudaro, ndakasarudza kukumbira kusunungurwa kubva pamhiko dzisingagumi dzorucheno, urombo, uye kuteerera izvo ndakanga ndatora. Ndaida kubetsera chechi pamwero mukuru zvikuru. Kusunungurwa kwakabvumirwa nomutoo uri nyore.
Mubato Wangu Wezvamatongerwe Enyika
Ipapo ndakavamba chaizvoizvo kuwana chakwakanga kuchireva kuva murombo. Nguva dzakawanda ndaizova nekachimedu kechingwa kudai kwakanga kusati kuri nokuda kwavanhu vane mwoyo yakanaka vakandikomba. Kwenguva yokutanga, ndakawana kuti vanhu venhando vairarama sei chaizvoizvo. Ndakashanda zvakaoma nechechi yomunzvimbomo mumativi ose—orudzidziso, enzanga, uye ezvamatongerwe enyika. Somudzidzisi wavakura, ndaiva namabanza akawanda okutaura navo pamusoro pemigariro yavo yechinyakare yaimanikidzirwa pavari nenzanga, zvisakiso zvayo, uye zvigadzikiso zvaibvira. Zvii zvaiva zvigadzikiso izvozvi? Kutanga, kushanda nemitoo yorugare nokurwisa; uye ipapo, kana kuri madikanwa, kushandisa masimba masimba kuti tisvike nharidzano iyoyo yaidiwa, ruramisiro.
Sangano rorudzidziso nerezvamatongerwe enyika randaisonganirana naro, rakarongwa navaprista veKaturike nokutsigirwa nemitezo yavanhuwo zvavo, rinonangidzira mibato yaro kunharaunda dzisina kubudirira dzeAfrica, Asia, uye Latin America. Rinotsigira chinjo yapakarepo huru, yezvimiro zvenzanga nezvemari kupfurikidza nomuitiro worupandukiro, nokurambwa chaikoiko kwamarudzi ose okudzorwa kwezvemari, kwezvamatongerwe enyika, uye kwetsika. Vavariro yaro ndeyokubudisa chisosharisiti cheLatin America icho chinosimudzira kusikwa kwehombre nuevo (munhu mutsva), asina zvisungo zvakaiswa namasangano okumwe ezvamatongerwe enyika.
Takazvipira timene kuramba tichipinda munzvimbo dzavarombo, tichizvibatanidza timene nomugariro wavo woupenyu. Neiyi mifungo mumurangariro, ndakaita nhamburiko huru kubetsera munhu ari wose—vaduku navakuru, vachiri kuyaruka navabva zera.
Upenyu Hwangu Hwomunhu Oga—Kuodzwa Mwoyo Kukurusa
Mukurwa kwangu nokuda kwokururamisa migariro yavarombo, ndakakanganwa kuti mwoyo unogona kuva unonyengera. Ndakadanana nomushandirwi wangu, muprista, uyo ndakagara naye kwamakore maviri. Mukufambira mberi kwenguva ndakava nenhumbu. Apo muprista akazviziva, akada kuti ndibvise nhumbu yacho, uko ndakaramba, sezvo ikoko kwaizova kuuraya. Kuti ndigova nomwana, ndaitofanira kurega basa rangu nomuprista uye kubva muguta nokuda kwokutya kuti zvaizozivikanwa kuti ndaiva hure rake.
Ndakabva muguta ndakuvadzika zvikuru mumurangariro uye ndakafunga zvokuzviuraya kupfurikidza nokuzvikandira muchitima, asi chimwe chinhu chakandidzora. Ndakatsungirira. Shamwari, mitezo yemhuri, uye vanhu vane mutsa noushamwari vomuguta rangu rokumusha vakandiratidzira rudo rwavo, tsitsi, uye nzwisiso—chimwe chinhu icho murume bedzi wandati ndamboda asina kutongoita. Apo mwanakomana wangu akaberekwa, ivava ndivo vanhu vakatitarisira. Ndaida kuti mwanakomana wangu akure ndokuva murume ane simba, akasimba, wapachokwadi kuzvitendero zvake uye anodisisa kufira mifungo yake. Sechiyeuchidzo chechishuvo ichochi, ndakamupa zita rapakati rokuti Ernesto ndichiyeuka Ernesto Che Guevara (murwi womusango aisanozivikanwa weArgentina), uyo ndaiyemura zvikuru.
Apo hurumende yeArgentina yakapidigurwa nehondo, mapoka akasara akavamba kutambudzwa. Dzakawanda dzeshamwari dzangu vakasungwa. Nguva dzinoverengeka musha wangu waipambwa neencapuchados (vanhu vane zvombo), avo vaitsvaka chinhu chiri chose ndokuba zvinenge zvinhu zvangu zvose. Kakawanda ndaidanwa pamberi pezviremera kuzivisa kwaiva neshamwari dzangu, asi ndakaramba ndakavimbika kushamwari dzangu, ndichida hangu rufu pane kuva mutengesi.
Nguva Yokuchinja
Ndichirarama mudzvinyiriro yakadaro, ndaida mumwe munhu wokutaura kwaari, mumwe munhu wandaigona kuvimba naye nokutsamira paari seshamwari yechokwadi. Pakanga pari ipapo apo zviviri zveZvapupu zvaJehovha zvakashanya pamba pangu. Ndakazvigamuchira nomufaro, ndichicherechedza pamusoro pavo rugare noushamwari zvakandiorora. Ndakada kuti vadzoke kuti vafunde Bhaibheri neni. Apo vakakuita, ndakatsanangura mugariro wakaoma wandakazviwana ndimene ndiri mauri uye ndakavaudza zvakajeka kuti ndaisada kuvabatanidza savagoverani mukuita zvakashata. Vakandivimbisa kuti ivo vaisava norutyo, sezvo zviremera zvaiziva kuti ivo vaiva vanaani.
Fundo yedu yeBhaibheri yaiva nemhinganidzo dzakawanda kubva pakuvamba. Sezvo ndakanga ndarasikirwa nokutenda uye chivimbo muna Mwari, kwaiva kwakaoma kwandiri kuti ndigamuchire mapfundo edzidziso ari muyamuro yefundo yeBhaibheri yaZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Ndakanga ndava kuda kurega fundo yacho, ndichirangarira kuti Bhaibheri raiva ngano uye kuti Marx akanga akarurama apo akataura kuti rudzidziso rwakanga rwuri “mushonga unokotsirisa wavanhu.” Apo ndakataura mifungo yangu kuZvapupu ndokuvaudza kusapedzazve nguva pandiri, ivo vakapindura kuti vaisakurangarira kuva kupedza nguva kubetsera vanhu vaida betsero.
Ndakawana kuororwa kwakasiana apo ndakakokwa kuenda kuHoro yoUmambo. Ndakafinhwa nemisangano uko kurukurirano, kuremekedzana, uye ushamwari zvaishaikwa zvikuru. Zvisinei, misangano yeZvapupu zvaJehovha yakanga yakasiana. Yakavakirwa paBhaibheri uye inosimbisa kutenda, uye inotisundira kukudanana uye kuda kunyange vavengi vedu.
Hunhu Hutsva hwechiKristu Hunotsiva Masimba Masimba
Pakupedzisira ndakawana nzira inoenda kunyika iri nani. Pana June 8, 1982, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha Mwari kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, uye ipapo sezvisakamboitika nakare kose chakava chishuvo changu kubvisa hunhu hwekare, hombre nuevo hwezvamatongerwe enyika, uye kupfeka hunhu hutsva, nezvibereko zvahwo zvakaisvonaka, zvinorondedzerwa pana VaGaratia 5:22, 23. Zvino ndiri kutora rutivi mune rumwe rudzi rwehondo, hondo yechiKristu, ndichiparidzira mashoko akanaka oUmambo uye kupa nguva nenhamburiko kukudzidzisa vamwe zvokwadi yoUmambo yenyika iri nani iri kuuya.
Chikomborero chakadini kukwanisa kudzidzisa mwanakomana wangu muduku kuti panzvimbo pokukura ndokutevedzera Ernesto Che Guevara, anogona kufamba mumakwara aKristu Jesu, Mutungamiri noMuenzaniso wedu! Ndinonyengetera kuti mwanakomana wangu neni, pamwe chete navadi vose vokururama, kubatanidza dzaichimbova shamwari dzangu uye hama dzangu, vagopinda munyika iyoyo isingaperi iri nani, paradhiso yapasi yakazadzwa nomufaro, rugare, mufarwa, uye ruramisiro. Masimba masimba haasati achibetsera upi noupi zvake; anosimudzira bedzi ruvengo, mapoka, vhiringidziko, uye nhamo idzo dzisingatongogumi. Ndinotaura kubva muruzivo rwokuzviwanira, nokuti ndakararama upenyu hwakadaro.—Yakanyorwa naEugenia María Monzón.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kuparidzira paimba neimba muArgentina