RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 10/8 p. 22
  • Handi Matsvina Enhando!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Handi Matsvina Enhando!
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Oiri—Tinoiwana Sei?
    Mukai!—2003
  • Oiri—Ine Zvayakanakira Nezvayakaipira Here?
    Mukai!—2003
  • Oiri—Kukubatsira Kwainoita
    Mukai!—2003
Mukai!—1992
g92 10/8 p. 22

Handi Matsvina Enhando!

PACHISHANU, March 24, 1989, ngarava inotakura mafuta inonzi Exxon Valdez yakarovera pabwe muPrince William Sound yeAlaska. Somuuyo, marita ana mamirioni 42 amafuta asati anatswa akatubukira mumvura. Chinoitikacho chakatyisidzira zvokurarama nazvo zvavaredzi vomunzvimbomo, chakashatsa makiromita ana mazana amahombekombe, uye chakaparadza shiri dzine zviuru nemhuka huru dzomugungwa.

Chinoitika cheExxon Valdez chinopfuurira kunyandura mirangariro yavanhu vanoitira hanya mumhoteredzo. Zvisinei, “kuteuka kwamafuta” kwamanomano zvikuru kunoitika zuva nezuva. Uye sezvinobvira ikoku kuri kuitika munharaunda yenyu mumene!

Mukuwirirana neConsumer Reports, vanhu vanochinja mafuta einjini yemotokari yavo vanorasa ari pakati pamarita ana mamirioni 750 namarita ana mabhirioni 1,5 amatsvina amafuta gore riri rose. Sezvinoshumwa, “10 kusvikira ku 14 muzana bedzi yamafuta iwayo inoraswa nomutoo wakakodzera.” Iyi pesendeji yamatsvina amafuta inoshandiswazve, sezvo zvimwe zviitwa zvinobetsera zvichigona kuitwa nayo. Asi chii chinoitika kune yasara? Sezvinobvira, varidzi vemotokari vanongoirasa havo bedzi samatsvina enhando.

Gore riri rose mamirioni amarita amatsvina amafuta anogumira muvhu, munzizi, kana kuti mumapombi amatsvina. Zvichida kungada kunenge kuteura kune 25 kweExxon Valdez kuti kuite uwandu hwakadaro hwamafuta! Asi mafuta akashandiswa, pamwe chete namamwe matsvina emotokari, akadai samafuta anoderedza kutonhora, amabhureki, uye mafuta anoyamura mukuchinjwa kwamagiya, haasati ari matsvina enhando. Akaipisisa.

Consumer Reports inocherekedza kuti kana mafuta akapinda “mumvura inonwiwa, panogona kuva nemiuyo yakakomba: [Marita] mashanu amafuta akashandiswa anogona kuita [marita] ane mirioni emvura yakanaka isinganwiki, uye [rita rine 0,5] ramafutawo zvaro rinogona kuita chivanzarikwa chinofukidza [hekita ine 0,4] yemvura.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe