RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 1/8 pp. 3-4
  • Kupa—Manyuko Omufaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupa—Manyuko Omufaro
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakadiniko Nokupa kwapaKrisimisi?
  • Kupa kwapaKrisimisi Kune Mufungo Here?
    Mukai!—1993
  • Krisimisi Inorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Rudo Nemufaro Zvinowanikwa Here Panguva yeKrisimasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Krisimasi—Nei Iripo Kunyange kuMabvazuva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 1/8 pp. 3-4

Kupa—Manyuko Omufaro

Yakanyorwa nomunyori waMukai! muGermany

NDIANI asingafarikanyi kugamuchira chipo chakaisvonaka? Kunofadza sei kuziva kuti mumwe munhu anoitira hanya! Unofadza nenzira yakafanana, zvisinei, ndiwo mufaro wokupa. Kutaura idi, mukuwirirana naJesu, muvambi wechiKristu, “kune mufaro mukuru mukupa kupfuura uri mukugamuchira.”—Mabasa 20:35, NW.

Bhaibheri rinoshuma pamusoro pezvinoitika zvakawanda zvokupa, pane dzimwe nguva kupa kwokupambadza pana ikoko. Apo mambokadzi weShebha akanzwa kokutanga nezvouchenjeri hwaMambo Soromoni, “akapa mambo matarenda zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha.” (1 Madzimambo 10:10) Ndarama iyo imene yaizova inokosha madhora ane mamirioni 46 muukoshi hwazvino uno! Uye Farao weEgipita akambopa mumwe wavanasikana vake chipo cheguta rose!—1 Madzimambo 9:16.

Asi zvipo hazvifaniri kuva zvokunyanyisa kuti zvive manyuko omufaro. Ungayeuka muSamaria ane mutsa womumuenzanisiro waJesu, uyo akabetsera nokudisa munhu biyake aishaiwa. (Ruka 10:30-37) Kana kuti ungano yechiKristu yomuKorinte iyo yakatumira hama dzayo dzinoshaiwa muJerusarema “chipo chomutsa.”—1 VaKorinte 16:3, NW.

Zvichida muenzaniso unosanozivikanwa zvikurusa wokupa unodudzwa muBhaibheri, zvisinei, ndouya wavazivi venyeredzi—vaiwanzozivikanwa savarume vakachenjera—avo vakaunza zvipo kumwana Jesu. Vanhu vakawanda vanovakira tsika yavo yokupa zvipo panguva yeKrisimisi pane ichi chinoitika.—Mateo 2:2-11.

Zvakadiniko Nokupa kwapaKrisimisi?

Nenzira isingarambiki, vakawanda vanofarikanya zvapachokwadi kubatanidzwa mune chavanoti mudzimu weKrisimisi—mudzimu wokupa. Vamwe vavo vanosanoronga pachine nguva mberi, vachidada nokuwana zvipo zvisiri zvenguva dzose uye kutsvaka makadhi akakodzera. Apashure, zvisinei, akaoneka kwenguva yokutanga mukati mama 1840 muEngland, kunyange zvazvo uyo akaatanga chaizvoizvo asingazivikanwi. Asi chingave chiri chipo kana kuti kadhi, vakawanda vanowana mufaro chaiwo mukuwana chimwe chinhu ichocho chinokosha nokuda kwomumwe munhu iyeyo chaiye.

Pane rumwe rutivi, hakugoni kurambwa kuti vapi vakawanda vapaKrisimisi havasati vari vorudzi irworwu. Mumwe muridzi wechitoro muGermany akacherekedza pamusoro pavatengi vapaKrisimisi: “Patinoswedera pedyo zvikuru neZuva rapamberi peKrisimisi, vanhu vanonyanyofarisa zvikuru. Pakupedzisira, vanozongotora chinhu chipi nechipi chavanogona kuwana.”

Kumanikidzira kupinda muchitoro chikuru chakatsikinyidzanwa mukutsvaka kunopedza nguva zvipo zvakakodzera kunoparira vamwe vatengi kunyunyuta pamusoro pokumanikidzana, kumhanyamhanya, uye dzvinyiriro. Mukuwirirana nepepanhau reAustria, mutengi wechitatu ari wose anonyunyuta pamusoro “pechimbichimbi,” achitaura kuti achasununguka “kana kutenga kwechimbichimbi kwose kwapera bedzi.” Uye vachiri kuyaruka veGermany, apo vakabvunzwa kuti vanonzwa sei pamusoro peKrisimisi, vakapindura netsinhiro dzakadai sokuti, “Inonditsamwisa,” “Hautongozivi chokupa,” uye, “Zvose zvinodhura kwazvo.”

Sezvinooneka haasati ari munhu ari wose ari kuwana “mufaro [mukuru zvikuru] mukupa” uyo Jesu akataura nezvawo. Pasina panikiro ikoku kuri zvikurukuru nemhaka yokuti Krisimisi yakaitwa yezvokutengeserana zvikuru kwazvo, chisakiso chokugumburwa nokuda kwavakawanda. Mukuwirirana neThe World Book Encyclopedia, “zvakawanda sezvine chikamu chechina zvokutengesa kwegore negore kwezvitoro zvakawanda zvinouya panguva yeKrisimisi.” Sezviri pachena “maJingle Bell” ayo nyika yezvokutengeserana inoda kunzwa zvikurusa anoridzwa nemichina yayo yebhizimisi apo inonyora mari yokutengesa.

Nenzira yakajeka, kupa kwapaKrisimisi kazhinji kazhinji kunokundikana kuparira mufaro uyo kupa kunofanira kuunza. “Ndinotya Krisimisi,” akataura kudaro mumwe mukadzi wechiKaturike.

Hakushamisi kuti kukodzera kwokupa kwapaKrisimisi kuri kupanikirwa. Kune mufungo chaizvoizvo here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe