Kokorodzano Yokutanga Yamarudzi Ose yeZvapupu zvaJehovha yeRussia
ST. PETERSBURG, Russia, inozivikanwa zvakafara neicho vagari vemo imomo vanodana kuti “usiku huchena”—nhambo yaanenge mavhiki matatu muna June apo denga risingatongovi rakasviba chaizvoizvo. Asi June 26 kusvikira ku 28 wa 1992 akanga achikosha.
Pamazuva iwaya, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano yakarereudzira ngwariro, kwete kuchiedza chaichoicho chaivhenekera guta reSt. Petersburg muswere wose wezuva, asi kuchiedza chomudzimu icho maKristu echokwadi anoratidzira. Nokudaro musoro wekokorodzano waiti: “Vatakuri Vechiedza.”
Iyi yakanga iri kokorodzano yokutanga yamarudzi ose yeZvapupu muyaichimbova Soviet Union. Paiva nenhume dzakabva kudzinenge nyika 30 kupota nyika, kubatanidza Britain, Canada, Denmark, Finland, Germany, Italy, Japan, Netherlands, Norway, Sweden, Switzerland, uye United States.
Mukuwedzera, Zvapupu zvinenge 29 000 zvakabva kuyaichimbova Soviet Union zvaivapo. Vamwe vakabva Estonia, Georgia, Latvia, Lithuania, Moldova, uye Ukraine. Davidzo yacho yakanga ichishamisa mukurangarira kuti Russia yakanga ichiva negadziridzo dzakaoma dzezvemari. Kwakatanhamara kwakanga kuri kuvapo kwenhume dzeRussia dzakafamba makiromita 8 000 kubva kuVladivostok uye dzimwe nzvimbo kumuganhu wokumabvazuva kweRussia.
Boka gurusa renhume dzokumwe rakabva kuFinland iri pedyo, navamiriri vanopfuura 10 000. Nhandare yakakamurwa muzvikamu zviviri—chavanotaura chiRussia navanotaura chiFinnish, chimwe nechimwe chiine chikuva chacho chimene apo purogiramu yaipiwa.
Gadziriro
Nzvimbo yekokorodzano yakanga iri Kirov Stadium yagara kwamakore 42, iri pachitsuwa cheKrestovsky, makiromita mashomanene bedzi kubva pakati peSt. Petersburg. Ine zvigaro zvavanenge 60 000 uye ndiyo nhandare hurusa yechipiri muyaichimbova Soviet Union. Necheseri mvura dzeRwizi rwaNeva dzinogona kuonwa padzinodirira muGulf yeFinland.
Zvisinei, nhandare yakanga ichida kugadziridzwa. Pombi dzetsvina dzakacheneswa, uye nzvimbo dzezvimbudzi dzokuwedzera dzakavakwa. Makiromita 30 enzvimbo yezvigaro zvakaiswa mumutsetse yenhandare yaifanira kupendwa. Mukuwedzera, miti yakapoteredza nhandare yakachekererwa, uye uswa hwakachekwa. Kwakatora mavhiki akawanda kupedza iri basa.
Kufamba Nenzvimbo Dzokugara
Nenhume dzokumwe dzine 17 000 dzakakokwa, gadziriro dzokufamba nedzepokugara dzakabvumikisa kuva basa gurusa. Zviremera zveRussia zvaibatira pamwe zvikuru kwete bedzi pamahofisi avanyai akasiana-siana asiwo panzvimbo dzemiganhu uye panhandare huru yendege muSt. Petersburg.
Gadziriro dzakaitwa namahotera 32 dzokugarisa zhinjisa dzenhume dzokumwe 17 000. Nhume 29 000 dzakabva kumativi akasiana-siana eyaichimbova Soviet Union dzakagariswa muzvikoro 132 nomumakirechi. Nhume dzaidawo zvokufambisa zuva rimwe nerimwe kuenda kunhandare dzekokorodzano, uye mabhazi 390 akahaiwa nokuda kwaikoku.
Nhume dzokumwe dzakawanda dzaiwana zvokudya kumahotera avo. Zvisinei, mwedzi inoverengeka pamberi pekokorodzano, zviremera zvomuSt. Petersburg zvakaratidzira kuitira hanya pamusoro pechinetso chokudyisa zviuru zvenhume dzaibva kumativi akasiana-siana eyaichimbova Soviet Union. Ivo vakataura kuti kwaisazova nezvokudya zvakakwana muguta uye kuti Zvapupu zvaizofanira kuunza zvokudya kubva kune dzimwewo nzvimbo.
Uye izvozvo ndizvo chaizvo zvazvakaita. Mapazu anoverengeka eWatch Tower Society akapa migove mikuru yezvokudya. Bazu rokuFinland roga rakapira matani 200 ezvokudya nokuda kwekokorodzano! Mukuwedzera, vazhinjisa venhume dzokumwe vakaunza mapasuru maduku enyama yomumagaba, michero yakaomeswa nenzungu, chingwa, uye zvimwe zvokudya zvavose. Pazuva rokupedzisira rekokorodzano, maturaki akazara namabhokisi ezvokudya akaparadzirwa panhandare kunhume dzakabva kuyaichimbova Soviet Union kuti vagogona kuwana zvokudya nokuda kworwendo rwavo rwokuenda kumusha.
Nhimbe Yemwero Wakazara Yokuzivisa
St. Petersburg ndiro guta gurusa rechipiri muRussia, rine vagari vemo vane mamirioni mashanu. Kwenguva yokutanga kupfuura nakare kose, Zvapupu zvaJehovha muRussia zvakabvumirwa kuita nhimbe yakazara yokuzivisa.
Iyi nhimbe isingatongoenzaniswi yakavamba mavhiki anoverengeka pamberi pekokorodzano. Anenge mahendibhiri ane mirioni akatsikirirwa muchiRussia ndokuparadzirwa. Pokutanga pehendibhiri paiva nekokero kuhurukuro yavose paChitanhatu masikati. Kuseri, kwaiva nerondedzero yepurogiramu yeSvondo. Mukuwedzera, anenge makopi 750 000 eturakiti rinonzi Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei? akaparadzirwa kuvagari vomuSt. Petersburg. Ikoku kwakavarovedzanisa nedzidziso dzeZvapupu.
Vazhinjisa venhume vakasvika muSt. Petersburg pakati pezuva rimwe namana pamberi pekokorodzano. Mukati mamazuva iwayo, zviuru zvenhume zvaiva pamigwagwa zvichiparadzira mahendibhiri nokugovera maturakiti namamwe mabhuku muchiRussia. Mukuwedzera, zvikwangwani zvikuru zvinoverengeka zvakagadzirirwa ndokuiswa mumucheto memigwagwa yakabatikana zvikurusa yetaundi reSt. Petersburg. Zvaiva zvakareba anenge mamita matatu uye mita imwe nehafu kufara, nekokero ine ruvara rwakaisvonaka kuhurukuro yavose kwose kuri kuviri kumberi neseri. Zvimwe zvakaiswa panopindwa napo chaipo pazviteshi zvakabatikana zvikurusa zvenzira dzapasi pevhu.
Purogiramu
Pakupedzisira, zuva rokutanga rekokorodzano rakasvika, nechiverengero chavapindi chinopfuura 45 000! Purogiramu yakagadzirirwa nokuda kwokubetserwa kwenhume dzakawanda dzaisagona kutaura chiRussia kana kuti chiFinnish. Somuenzaniso, hurukuro dzinoverengeka dzakapiwa muchiNgezi ndokududzirwa muchiFinnish nechiRussia. Mitezo minomwe Yomutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha yakapa chiverengero cheidzi hurukuro.
Zuva riri rose rekokorodzano, kwaiva nemishumo nezvinoitika zvokune dzimwe nyika zvichisimbisa kuti Jehovha ari kukomborera sei basa rokuparidzira munyika idzodzo. Iyi mishumo, pamwe chete nezvinoitika zvakawanda, zvakapiwa nenzira yakafanana muchiNgezi ndokududzirwa muchiRussia nechiFinnish.
Hurukuro yavose nokuda kwechikamu chechiRussia yakabata nenhau yeitiro hanya huru kuvaRussia vakawanda nhasi. Musoro wayo waiti “Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?” Pashure pehurukuro nhume dzakafara kugamuchira bhurocha idzva rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? muchiRussia nechiFinnish.
Bhuku renziyo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pamisangano yazvo harisati rava kuwanika muchiRussia. Nokudaro, Watch Tower Society yakagadzira bhurocha chairo raiva namashoko enziyo dzose dzaifanira kuimbwa mukati mekokorodzano. Nhume dzokuRussia dzakawana makopi adzo omunhu oga sezvavaipinda munhandare. Kwaifadza sei kuteerera vanhu 46 000 vanobva kunyika 30 dzakasiana-siana vachiimbira Jehovha Mwari rumbidzo mumitauro yavo chaiyo, kubatanidza chiRussia!
Kwamakumi amakore nhauro yemhindumupindu yakadzidziswa mumativi akawanda enyika, kubatanidza munyika dzeyaichimbova Soviet Union. Zvapupu zvaJehovha mune idzi nyika zvino zvakashongedzerwa zviri nani kufumura nhema dzeiyi nhauro uye kuparadzira zvokwadi pamusoro poMusiki woupenyu. Nhume dzakafara sei pamugumo worusando rwamangwanani eSvondo apo mutezo woMutumbi Unodzora wakabudisa bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? mumutauro wechiRussia! Kopi yechipo yakaitwa kuti iwanikwe kuna vose.
Nhume dzokumwe dzakaudzwa pachine nguva mberi kuti vakawanda veZvapupu muRussia havana maBhaibheri. Naizvozvo zviuru zvamaBhaibheri muchiRussia zvakaunzwa sezvipo. MaBhaibheri akaunganidzwa panzvimbo huru yokutorera kuti aendeswe gare gare kuungano dzeZvapupu zvaJehovha ndokuparadzirwa kuna avo vanoda kopi.
Vakashamiswa!
PaChitanhatu, mumangwanani ose napakuvamba masikati, paiva nokupinda kunopfuurira kwavashanyi vasiri Zvapupu vaiuya munhandare. Vaiva nokuda kuziva uye vaida kuona namaziso avo vamene chakanga chichiitika. Vakawanda vakashamiswa. Vazhinjisa vavo vakanga vasina kutongonzwa pamusoro peZvapupu zvaJehovha pamberi pokugamuchira kokero yokuuya kuhurukuro yavose. Vamwe vakanzwa nezvekokorodzano yacho kupfurikidza nenhau dzeterevhizheni. Chiverengero chavapindi nokuda kwekokorodzano chaiva 46 214.
Mumwe mukadzi muduku worudzidziso rweOrthodox Church yeRussia akatsinhira, kuti: “Ndaororwa zvikuru neZvapupu. Izvo vanhu vane rugare, dzikamo, uye vanokudzwa.” Mumwe mushanyi akati: “Tinokarira kuti Zvapupu zvaJehovha zvive nedzimwe kokorodzano dzakawanda muno muSt. Petersburg.” Sajeni mukuru wamapurisa eRussia, kana kuti mauto, uyo akagoverwa kushanda kunzvimbo yekokorodzano akataura kuti kwakanga “kuchifadza kuva pano pakokorodzano.”
Mukuru mukuru womunzvimbomo akatsinhira kuti ‘Zvapupu zvaJehovha zvinorangarirwa navamwe sesekete rorudzi rwakavanzika rinogara murima uye rinobata zvisina kufanira vana naivo vamene. Asi ndinoona vanhu venguva dzose, vanonyemwerera, vanotova vari nani kupfuura vanhu vakawanda vandinoziva. Ivo vane rugare nokuterama, uye vanodanana zvikuru.’ Iye akawedzera kuti: “Handinzwisisi zvomenemene chikonzero nei vanhu vachitaura nhema dzakadaro pamusoro penyu.”
PaChitanhatu masikati vamwe vashori vakaedza kudzongonyedza kokorodzano. Vakatakura zvikwangwani zvikuru zvine pomero dzenhema pamusoro peZvapupu. Sezvo boka ravashori rakakura zvikuru uye richiva noruzha zvikuru, mapurisa akauya nokuda kwokuchengetedza nhume dzekokorodzano. Vashori havana kutongogona kupfuura masuo okumberi. Pakupera kwezuva, ivo vakangobva, vakangaidzika.
Imwe yenhume dzekokorodzano yakaona zvakaitika yakaororwa zvikuru nomudzimu webatira pamwe weuto ravasiri varwi. “Handigoni kudavira maziso angu apo ndinoona mauto avasirwi varwi achiita nhamburiko dzawo dzokutidzivirira. Makore mashomanene bedzi apfuura, Zvapupu zvaJehovha zvairangarirwa kuva vavengi veHurumende. Asi zvino uto ravasiri varwi riri kutidzivirira chaizvoizvo!” Mukuru mukuru weuto ravasiri varwi akataura zvakajeka kunzwa kwake apo akaudza chiverengero chakati chenhume, kuti: “Hatidi kuti imi mutitye. Tiri pano kukudzivirirai uye kuva nechokwadi chokuti chinhu chiri chose chiri kufamba zvakanaka.”
Chinhu chiri chose chakafamba zvakanaka. Kunyange mamiriro okunze akanga akaisvonaka. Zuva riri rose rekokorodzano, mamiriro okunze akanga akanaka, achidziya, uye akajeka zvikuru.
Zviuru Zvinobhapatidzwa
Nokuda kwavazhinji chinhu chikuru chekokorodzano chakanga chiri rubhapatidzo rwezviuru. Imwe ungano muSt. Petersburg, ine vaparidzi 254, yakashuma 108 vakabhapatidzwa! Kwakaoma kuisa mumashoko mirangariro inonyandura yakava nenhume apo dzakaona vanoda kubhapatidzwa 3 256 vachisimuka. Mukurukuri akabvunza mibvunzo miviri pamusoro petsauriro yavo kuna Jehovha, uye vakapindura na“da” (hungu) anotinhira.
Pashure pomunyengetero, vanoda kubhapatidzwa vechikadzi vakatungamirirwa kune rumwe rutivi runoenda kumakamuri avo okuchinjira, uye vanoda kubhapatidzwa vechirume kune rumwe rutivi runoenda kumakamuri avo okuchinjira. Sezvo mazana avo akasiya nhandare, ivo navateereri vakakwazisana kupfurikidza nokusimudzirana maoko.
Vakawanda muvateereri vakachema nomufaro. Vamwe vakaombera maoko panhambo nenhambo kwaanopfuura maminiti 45. Imwe nhume yokuFinland yaisagona kudzora mirangariro yayo uye yakavamba kuchema. Iye anotsanangura, kuti: “Muna 1943, ndakapinzwa muuto reFinland kuti ndirwisane navaRussia. Yakanga iri hondo inotyisa. Uye zvino, pakokorodzano ino, ndinoona zviuru zvavaRussia zvichitsaurira upenyu hwazvo kuna Jehovha! Apo ndakaona vamwe vavo vari mumawheelchair uye vamwe vachikamhina, ndakachema. Ndakazvibvunza ndimene, kuti: ‘Vakanga variwo magamba ekare ehondo here? Vakakuvadzwa navarwi vokuFinland here?’ Zvichida Jehovha anogona kundibetsera zvino kuva webetsero kuhama dzangu dzechiRussia.”
Hama dzinotaura chiRussia dzakaonga gadziriro yaJehovha youyu mutambo womudzimu wamazuva matatu wakavagadzirirwa, iyi kokorodzano huru yokutanga muSt. Petersburg here? Apo mukurukuri wokupedzisira akanga achiita tsinhiro dzake dzokupedzisira, akati: “Kupfuura zvose tinoonga Jehovha Mwari nokuda kweiyi kokorodzano inoshamisa.” Vateereri vakasimuka ndokuombera maoko nembavarira kwaanopfuura maminiti mashanu. Kwakanga kuri kuombera maoko kwakasimba nokuda kwaJehovha!
Jehovha Mwari, Manyuko echiedza, zvamazvirokwazvo ari kutsigira zviuru zvavatakuri vechiedza muidzi nyika dzaichimbova rutivi rweSoviet Union. Kwaanopfuura makore 70 eganhuriro nechitambudzo, zvino kunojeka kuti kwenguva refu Jehovha akanga achizadzika chipikirwa chake chaIsaya 60:22, apo anoti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.”
[Bhokisi riri papeji 31]
Dzimwe Kokorodzano
Dzose pamwe chete, kokorodzano nhanhatu dzakaitwa muchirimo chino chakapfuura muyaichimbova Soviet Union mose. Hwerengedzo ye 91 673 yakapinda, uye 8 562 vakabhapatidzwa. Ikoku kunoreva kuti 9,3 muzana yechiverengero muvapindi vakabhapatidzwa pane idzi kokorodzano. Chokwadika, ichi chiverengero chechikamu muzana chaizova chakatokwirira zvikuru kudai dzimwe nhume dzokumwe 17 000 dzakanga dziripo pakuungana kukuru muSt. Petersburg.
Visoki Zamoki, rakabudiswa muLviv (yaichimbova Lvov), rakataura, kuti: “Mutsa uye uchokwadi zvirokwazvo zvakadzora panhandare mukati mamazuva matatu ekokorodzano. Pasinei zvapo nechiverengero chavapindi chakakura kudaro, nhandare dzichakachena sezvadzakanga dzakaita pamberi pekokorodzano. Nhevedzano yomuenzaniso norugare zvaifanira kuwanika kunzvimbo iri yose.”
Zvino sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichifarikanya rusununguko rwokunamata Mwari pachena muyaichimbova Soviet Union, vakawanda ikoko vane banza rokutanga kuona izvo Zvapupu zviri chaizvoizvo. Krasnoyarskii Komsomolets, pepanhau reRussia, rakati: “Izvo vanhu vanokwezva, vane ushamwari zvikuru, uye vasiri vezvamatongerwe enyika chose chose; vanokurudzira kushanda nesimba, kwete kutsvaka ‘mari nenzira isina kutendeseka.’”
Kokorodzano Muyaichimbova Soviet Union
MUSI GUTA CHIVERENGERO CHAPA- RUBHA-
MUSORO CHAVAPINDI PATIDZO
June 26-28 St. Petersburg, Russia 46 214 3 256
July 10-12 Lviv, Ukraine 15 011 1 326
Alma-Ata, Kazakhstan 6 605 829
July 17-19 Kharkov, Ukraine 17 425 2 577
July 24-26 Irkutsk, Siberia 5 051 536
Tallinn, Estonia 1 367 38
HWERENGEDZO 91 673 8 562
[Mufananidzo uri papeji 28]
Zvikwangwani zvakazivisa kokorodzano
[Mifananidzo iri papeji 29]
Nhume yokuRussia inogamuchira kopi yayo imene yeBhaibheri
Mabhurocha chaiwo enziyo akashandiswa
[Mufananidzo uri papeji 30]
Vane 3 256 vanoorora vakabhapatidzwa